Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvakaipa Here Kuita Kuti Zvimwe Zvaunoita Zvisazivikanwe?

Zvakaipa Here Kuita Kuti Zvimwe Zvaunoita Zvisazivikanwe?

CHITSAUKO 15

Zvakaipa Here Kuita Kuti Zvimwe Zvaunoita Zvisazivikanwe?

Isa ✔ padivi pezvaungangoita muchiitiko chimwe nechimwe pane zvinotevera:

1. Uri mubhedhuru mako uye dhoo rakavharwa, uye mumwe mwana womumba menyu anongoerekana apinda asina kugogodza.

□ ‘Hazvina basa. Dzimwe nguva ndinombozviitawo kwaari.’

□ ‘Uku kushaya unhu chaiko! Ko dai ndanga ndichipfeka?’

2. Uchangosvika pamba, uye vabereki vako vanotanga kukunaya nemibvunzo. “Wanga waenda kupi? Wanga uchiitei? Waenda naani?”

□ ‘Hazvina basa. Ingawani ndinogara ndichivaudza zvose.’

□ ‘Zvinondisvota! Vabereki vangu havambovimbi neni!’

PAWAIVE muduku, zvimwe yaisava nyaya hombe kuti zvimwe zvinhu zvawaiita zvizivikanwe. Munin’ina wako paaingoerekana apinda mubhedhuru mako, waizvifarira. Vabereki vako pavaikubvunza mubvunzo, waisambozesa kuvapindura. Kare ikako, waida kuti vamwe vazive zvaiitika muupenyu hwako. Asi iko zvino hauchadi. Corey ane makore 14 anoti, “Ndinofara chaizvo pandinongozviitira zvinhu zvangu ndoga.” Ngationei nzira mbiri apo zvakaoma kumboedza kuita zvinhu pasina anoziva zvose zvauri kuita.

Paunoda Kumbova Woga

Pane zvikonzero zvakawanda zvine musoro zvinoita kuti unzwe uchida kumbova woga. Zvimwe uri kungoda zvako “kuzorora.” (Mako 6:31) Kana kuti paunenge uchida kunyengetera ungaita sezvakarayira Jesu vadzidzi vake kuti, “pinda muimba yako uye, kana wavhara suo rako, nyengetera kuna Baba vako.” (Mateu 6:6; Mako 1:35) Dambudziko nderokuti paunovhara dhoo rako (kana uine bhedhuru rako) kuti unyengetere, vabereki vako vangasafunga kuti uri kunyengetera! Uye vana vomumba menyu vangasazvinzwisisa paunenge uchingoda zvako kuva woga.

Zvaungaita. Pane kuti mupopotedzane nenyaya yokuda kuti usazivikanwe zvose zvauri kuita, ita zvinotevera:

● Kana vari vana vomumba menyu, edzai kuisa mitemo yamunobvumirana kuitira kuti uve nenguva yaunova woga. Kana zvichiita, onai kuti vabereki venyu vangakubatsirai sei panyaya iyi. *

● Kana vari vabereki vako, edza kunzwisisa maonero avo. Rebekah ane makore 16 anoti, “Dzimwe nguva vabereki vangu vanoda kuona kuti ndinenge ndichiitei. Asi kutaura chokwadi, ndaizoda kuonawo kuti wechiduku wangu ari kuitei kudai ndaiva mubereki, kunyanya ndichiziva nezvemiedzo yose inosangana nevechiduku mazuva ano!” Kufanana naRebekah, ungagona here kuziva zviri kuita kuti vabereki vako vanetseke?—Zvirevo 19:11.

● Zvibvunze nomwoyo wose kuti: ‘Pane here zvandinoita zvinoita kuti vabereki vangu vazondifungira kuti ndine zvakashata zvandinenge ndichiita kana dhoo rangu rakavharwa? Ndinobva ndanyanya kuvanza zvinhu zvine chokuita neupenyu hwangu here zvokuti vabereki vangu vanotofanira kutsvaga dzimwe nzira dzokuziva kuti chii chiri kuitika?’ Kana mhinduro yako kumibvunzo iyi iri kwete, uye vabereki vako vachingoramba vachiita sevasiri kukuvimba, vataurire manzwiro ako wakadzikama uye zvine ruremekedzo. Nyatsoteerera pavanenge vachitaura zvavanotyira uye iva nechokwadi chokuti hauna chauri kuita chiri kusakisa dambudziko racho.—Jakobho 1:19.

Paunosarudza Shamwari

Paunenge uchiyaruka, zvakajairika kuti ushamwaridzane nevanhu vasiri vomumhuri menyu. Zvinoitikawo kuti vabereki vako vade kuziva kuti shamwari dzako ndivanaani uye kuti unenge uchiitei paunenge uinadzo. Asi dzimwe nguva unganzwa sokuti vabereki vako vari kubva vanyanya kunetseka. Amy ane makore 16 anoti, “Ndinongoda kushandisa serura yangu uye kuverenga mae-mail angu vabereki vangu vasingandibvunzi pose pose kuti ndiani wandinenge ndichitaura naye.”

Zvaungaita. Panzvimbo pokuti utadze kuwirirana nevabereki vako pamusana peshamwari dzako, edza kuita zvinotevera:

● Usavanza shamwari dzako, uye iva nechokwadi chokuti vabereki vako vazivana nadzo. Uyewo ungasada kuti vabereki vako vaite semapurisa epachivande, asi vangaitawo sei kana vasingazivi shamwari dzako? Yeuka kuti vabereki vako pavanoziva zvakawanda nezvevanhu vaunopedza nguva navo vangawedzerawo kuvimba newe pakusarudza kwaunoita shamwari.

● Iva akatendeseka kwauri pachako: Dambudziko nderekuti haudi kuti vabereki vako vazive zvose zvauri kuita here kana kuti pane zvimwe zvinhu zvauri kuvavanzira? Brittany ane makore 22 anoti: “Kana uri kugara pamba nevabereki vako uye vabereki vako vaine zvavari kunetsekana nazvo unofanira kufunga kuti, ‘Zvandiri kuita hazvina kuipa, saka ndingada kuzvivanzirei?’ Ukuwo, kana uchiona kuti unofanira kuzvivanza, panenge paine chiri kuitika.”

Zvaungaita Panyaya Yokuti Zvimwe Zvaunoita Zvisazivikanwe

Iko zvino unogona kufunga nezvezvaungaita kana uine zvinokunetsa panyaya yokuda kuti vamwe vasaziva zvose zvaunenge uchiita. Pamitsetse iri pasi apa, nyora mapinduriro aungaita mibvunzo yakanyorwa pamberi pematanho anotevera:

Danho 1: Ziva pane nyaya. Ndepapi paunonzwa sokuti unoda kuti vamwe vasaziva zvose zvaunenge uchiita?

․․․․․

Danho 2: Funga kuti vabereki vako vanozviona sei. Unofunga kuti chii chavangave vari kunyanya kunetseka nezvacho?

․․․․․

Danho 3: Ona kuti ungazvigadzirisa sei. Zvii zvaungave uchiita zviri kuitisa kuti dambudziko racho rikure? Uchifunga nezvemhinduro yako iri pamusoro apa, zvii zvaungachinja. Unoda kuti vabereki vako vaitei nezvedambudziko rako?

․․․․․

Danho 4: Taura nezvazvo. Tsanangura kuti ungatanga sei kukurukura nevabereki vako nezvekusada kuzivikanwa zvose zvaunoita.

․․․․․

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Mumwe wevabereki vako akafa here? Kana zviri izvo, ndokupi kwaungawana nyaradzo?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 14 Kuti uwane mamwe mashoko, ona Chitsauko 6 chebhuku rino.

RUGWARO RUNOKOSHA

“Ita zvose zvaunogona kuti uzvipe kuna Mwari uchitenderwa, somushandi asina chokunyara nacho.”—2 Timoti 2:15.

ZANO

Paunenge uchitaura nevabereki vako nezvenyaya yokuti vamwe vasada kuziva zvose zvaunenge uchiita, usanyunyuta. Taura zviri kukunetsa. Zvakasiyana papi? Kana uchinyunyuta, unenge uchingotaura zvaunofunga kuti ndizvo zviri kukanganiswa nevabereki vako. Kutaura zviri kukunetsa kunobatsira kuti mose muone kuti mungagadzirisa sei dambudziko racho.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Paunobudira vabereki vako pachena, havazonyanyi kukunyumwira.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kuti vabereki vangu vavimbe neni (kana kuti vatangezve kundivimba) ndicha- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Sei vabereki vako vaine kodzero yokuda kuziva zviri kuitika muupenyu hwako?

● Zvaungaita kuti unatsiridze kukurukura kwaunoita nevabereki vako zvinozokubatsira sei kuti ukwanise kukurukura nevamwe vanhu vakuru pave paya?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 108]

Vabereki havadi kuti chimwe chinhu chakaipa chiitike kwauri, uye dzimwe nguva vangaita sevanoda kuziva zvose zvauri kuita. Zvinoita sezvisina kunaka. Asi kutaura chokwadi, dai ndaivawo mubereki, zvimwe ndaizongoitawo zvavanoita.’’—Alana

[Mufananidzo uri papeji 109]

Kuvimbwa kwakafanana nemari yaunobhadharwa kana waita basa