Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Ndichitya Kutaura Zvandinotenda Kuchikoro?

Nei Ndichitya Kutaura Zvandinotenda Kuchikoro?

CHITSAUKO 17

Nei Ndichitya Kutaura Zvandinotenda Kuchikoro?

“Ndakava nemikana yakakura yekutaura zvandinotenda kuchikoro. Asi ndakairega ichipfuura.”—Kaleb.

“Mudzidzisi wedu akabvunza kirasi yedu zvataifunga nezvedzidziso yokushanduka-shanduka. Ndakaona kuti uyu waiva mukana wakazonaka wokuudza vamwe zvandinotenda. Asi ndakapererwa ndokushaya neromuromo. Pashure paizvozvo ndakanetseka chaizvo.”—Jasmine.

KANA uri muKristu wechiduku, zvimwe wakambonzwa sezvakaita Kaleb naJasmine. Kungofanana navo, ungave uchida chokwadi cheBhaibheri chawakadzidza. Ungatodawo kuchiudza vamwe. Kunyange zvakadaro, ungatotya kutaura nezvacho. Asi unogona kudzidza kuva noushingi. Sei? Tora matanho anotevera:

1. Ziva kuti zvii zvaunotya. Paunofunga nezvekuudza vamwe zvaunotenda, zviri nyore kufungidzira zvinhu zvakaipisisa zvingaguma zvaitika! Kunyange zvakadaro, dzimwe nguva unogona kuderedza kutya kwaunoita kana ukaedza kuzvitsanangurira mumwe munhu kana kuti kuzvinyora pasi.

Pedzisa mutsetse unotevera:

● Kudai ndaizotaura zvandinotenda kuchikoro, izvi ndizvo zvandinotyira kuti zvingangoitika: ․․․․․

Zvingakunyaradza kuziva kuti zvaunotya zvakangofanana nezvinotyiwa nevamwe vaKristu vechiduku. Somuenzaniso, Christopher ane makore 14 anobvuma achiti, “Ndinotya kuti vechiduku vachandiseka uye vachaudza munhu wose kuti hameno zvandingori.” Uye Kaleb ambotaurwa patangira nyaya ino anoti, “Ndaitya kuti mumwe munhu angabvunza mubvunzo ndoshayiwa mhinduro yacho.”

2. Bvuma kudenhwa kwacho. Zvaunotya zvinhu zvisipo here? Aiwa zviripo, sezvinoyeukwa naAshley ane makore 20. Anoti, “Vamwe vechiduku vainyepera kufarira zvandinotenda. Asi pave paya vakazomonyorora mashoko angu kuti vanditsoropodze uye vandinyadzise pamberi pevamwe.” Nicole ane makore 17, akataurawo zvakaitika kwaari achiti: “Mumwe mukomana akaenzanisa ndima yaiva muBhaibheri rake nendima yakafanana mune rangu uye mashoko akashandiswa ainge akasiyana. Akabva ati Bhaibheri rangu rainge rakachinjwa. Ndakashaya neromuromo!” *

Mamiriro ezvinhu akadai angaita seanotyisa zvikuru! Asi pane kutiza, ona kudenhwa kwacho sezvakuri—chinhu chinongoitika muupenyu hwemuKristu. (2 Timoti 3:12) “Jesu akati vateveri vake vaizotambudzwa,” anodaro Matthew ane makore 13, “saka hatingatarisiri kuti munhu wose atifarire pamusana pezvatinotenda.”—Johani 15:20.

3. Funga kubatsira kwazvinoita. Pane chakanaka chingabva pachiitiko chinoita sechakaipa here? Amber, ane makore 21 anofunga kudaro. Anoti, “Zvakaoma kutsanangura zvaunotenda kune vanhu vasingaremekedzi Bhaibheri, asi zvinokubatsira kuti unyatsoziva zviri nani paumire.”—VaRoma 12:2.

Tarisazve chiitiko chawarondedzera muDanho 1. Funga zvinhu zviviri zvakanaka zvingabuda mumamiriro ezvinhu iwayo, uye zvinyore pasi apa.

1 ․․․․․

2 ․․․․․

Kuruma nzeve: Kuita kuti zvaunotenda zvizivikanwe kungaita sei kuti vezera rako vasanyanye kukunetsa? Kutaura nezvazvo kungawedzera sei kuti uve nechivimbo? Kunoita kuti unzwe sei nezvaJehovha Mwari? Kunoita kuti anzwe sei nezvako?—Zvirevo 23:15.

4. Gara wakagadzirira. “Mwoyo womunhu akarurama unofungisisa kuti upindure,” inodaro Zvirevo 15:28. Pane kuti ungofungisisa kuti uchataurei, edza kufunga mibvunzo ingabvunzwa nevamwe. Tsvakurudza nyaya dzacho, uye ronga mhinduro dzaunonzwa wakasununguka kuzopa.—Ona chati yakanzi “ Funga Zvauchapindura,” iri papeji 127.

5. Ibva wangotanga. Paunenge wagadzirira kutaura nezvezvaunotenda, unofanira kutanga sei? Pane zvakawanda zvaunogona kusarudza. Nemamwe mashoko, kuudza vamwe zvaunotenda kwakada kufanana nekushambira: Vamwe vanhu vanopinda mumvura zvishoma nezvishoma; vamwe vanoita zvokusvetukiramo. Saizvozvowo, unogona kutanga kukurukura nokutaura nyaya isinei nezvechitendero uye zvishoma nezvishoma woona kuti munhu wacho ari kuti kudii nazvo. Asi ukaona uchinyanya kutya kuti zvichafamba sei, zvakanakisisa zvaungasarudza kuita ‘kubva wangopinda’ munyaya yacho pakarepo. (Ruka 12:11, 12) Andrew ane makore 17 anoti, “Kufunga nezvokuudza vamwe zvandinotenda kwainge kwakaoma kupfuura kuzviita. Pataingotanga kukurukura, zvaibva zvaita nyore zvikuru kupfuura zvandaifunga!” *

6. Iva munhu akangwara. Soromoni akanyora kuti, “Nguva dzose vanhu vakangwara vanofunga vasati vaita chimwe chinhu.” (Zvirevo 13:16, Today’s English Version) Sezvo usingasvetukiri mumvura isina kudzika, ngwarira kuti usabva wangopinda munharo dzisina zvadzinobatsira. Yeuka kuti pane nguva yokutaura nenguva yokunyarara. (Muparidzi 3:1, 7) Kunyange Jesu aimboramba kupindura mibvunzo.—Mateu 26:62, 63.

Kana ukasarudza kupindura, ungazviita muchidimbu uye wakangwarira. Somuenzaniso, kana waunodzidza naye akakudenha achiti, ‘Seiko usingasvuti fodya?’ unogona kungoti, ‘Nokuti handidi kusvibisa muviri wangu!’ Zvichienderana nezvaanenge ataura, ungasarudza kuenderera mberi uchitsanangura zvaunotenda kana kurega.

Matanho matanhatu ataurwa muchitsauko chino angakubatsira ‘kugara wakagadzirira kudzivirira’ kutenda kwako. (1 Petro 3:15) Kugara wakagadzirira hakurevi hako kuti haumbofi wakanzwa kakutya. Asi Alana, ane makore 18, anoti: “Paunotsanangura zvaunotenda pasinei nokuti unotya, zvinoita kuti unzwe sokuti waita chimwe chinhu—wakurira kutya kunyange zvazvo wanga uchifunga kuti zvingasafamba zvakanaka. Uye kana zvikafamba zvakanaka, uchatonzwa zviri nani! Uchafara kuti waita ushingi hwokutaura zvaunotenda.”

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Kuchikoro kuri kukutemesa musoro here? Ona kuti zvii zvaungaita.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Shanduro dzeBhaibheri dzinoshandisa mashoko akasiyana. Kunyange zvakadaro, dzimwe shanduro dzinoshandura zvakarurama mitauro yakatanga kushandiswa pakunyora Bhaibheri.

^ ndima 18 Ona bhokisi rakanzi “ Zvaungaita Kuti Mutange Kukurukura,” riri papeji yapfuura.

RUGWARO RUNOKOSHA

‘Gara wakagadzirira kuzvidzivirira kune munhu wose anokubvunza chikonzero chetariro iri mauri, asi uchiita izvozvo nounyoro noruremekedzo rukuru.’—1 Petro 3:15.

ZANO

Pane kuudza vaunodzidza navo zvavanofanira kutenda kana kuti zvavasingafaniri kutenda, taura nechivimbo zvaunotenda uye kuti nei uchifunga kuti zvine musoro.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Vamwe vaunodzidza navo vangakuyemura pamusana pokuti unotevedzera tsika dziri muBhaibheri, asi vangave vachinyara zvikuru kukubvunza zvaunotenda.

ZVANDINORONGA KUITA!

Munhu womukirasi mangu wandingakurukura naye zvandino- tenda ndi- [nyora zita remunhu mumwe chete kana kupfuura] ․․․․․

Nyaya yandinofunga kuti ichanyanya kufadza munhu wacho ndeye- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Chii chingava chikonzero chinoita kuti vekuchikoro kwenyu vashore zvaunotenda?

● Kana ukasarudza kutaura pamusoro pezvaunotenda, nei zvichikosha kuti utaure nechivimbo?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 126]

Pandaiva muduku, ndaisada kuva akasiyana nevamwe vana. Asi ndakazotanga kuona kuti kutenda kwangu kunoita kuti upenyu hwangu huve nani. Kuziva izvozvo kwakawedzera chivimbo changu—kwakaita kuti ndidade nezvandinotenda.’’—Jason

[Bhokisi riri papeji 124]

 Zvaungaita Kuti Mutange Kukurukura

“Uri kuronga kuitei chirimo chino?” [Pashure pokunge apindura, taura zvawakaronga kuita mune zvokunamata, zvakadai sekupinda gungano reruwa kana kuwedzera ushumiri hwako.]

● Taura zviri munhau, wobva wabvunza kuti: “Wakanzwa nezvazvo here? Unofungei nazvo?”

“Unofunga kuti mamiriro ezvemari munyika yose [kana kuti rimwe dambudziko] angangovandudzika here? [Rega apindure.] Nei uchifunga kudaro?”

“Une chitendero chaunopinda here?”

“Unozviona uri papi panozopera makore mashanu?” [Kana apindura, muudze zvauri kuvavarira kuita mune zvokunamata.]

[Chari iri papeji 127]

 (Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Pepa Rokuongorora

Funga Zvauchapindura

Kopa izvi!

Zvaungaita: Kurukurai chati ino nevabereki vako uye nevamwe vaKristu vechiduku. Zadza chati. Edza kufungidzira mimwe mibvunzo ingangobvunzwa nevaunodzidza navo uye ronga mhinduro dzawakasununguka kuzotaura.

Kusava Nekwatinotsigira

Mubvunzo

Nei usingasaruti mureza? Haudi nyika yako here?

Mhinduro

Ndinoremekedza nyika asi handiinamati

Mubvunzo Unotevera

Saka haurwiri nyika yako here?

Mhinduro

Ehe,uye mamiriyoni eZvapupu zvaJehovha mune dzimwe nyika haazorwisiwo nyika ino

Ropa

Nei musingabvumi kuwedzerwa ropa?

Ndinobvuma kuwedzerwa zvinhu zvisina ngozi dzakadai seAIDS

kana hepatitis. Asi Bhaibheri rinoti tirege ropa, saka kunyange zvazvo ndichibvuma kuwedzerwa zvimwe zvinhu handiwedzerwi ropa.

Mubvunzo Unotevera

Ko kana uchizofa kutoti wawedzerwa ropa? Mwari haazokukanganwiri here?

Mhinduro

․․․․․

Zvisarudzo

Mubvunzo

Nhingi ndewekuchechi kwenyu uye iye akaita zvokuti nezvokuti. Sei iwe usingazviitiwo?

Mhinduro

Tinodzidziswa zvinodiwa naMwari, asi hatimanikidzwi kuita zvatisingadi. Tose zvedutinofanira kusarudza zvatinoda.

Mubvunzo Unotevera

Ikoko hakusi kuti munhu anoita zvaanenge ada here?

Mhinduro

․․․․․

Kusika

Sei usingadaviri yekushanduka- shanduka?

Mubvunzo

Mhinduro

Sei ndichifanira kuidavira? Masayendisiti haatombobvumirani nayo, uye ndiwo anofanira kunge ari nyanzvi!

Mubvunzo Unotevera

․․․․․

Mhinduro

․․․․․

[Mufananidzo uri papeji 125]

Kuudza vamwe zvaunotenda kwakafanana nokushambira. Unogona kusarudza kutanga zvishoma nezvishoma—kana kusvetukira mukati!