Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndoitei Kana Ndichitemeswa Musoro Kuchikoro?

Ndoitei Kana Ndichitemeswa Musoro Kuchikoro?

CHITSAUKO 18

Ndoitei Kana Ndichitemeswa Musoro Kuchikoro?

“Pandaiva kuchikoro dzimwe nguva ndainzwa kunetseka zvikuru zvokuti kakawanda ndaiita sendichachema kana kutoridza mhere chaiko.”—Sharon.

“Kutemeswa musoro kwaunoita kuchikoro hakudereri paunenge wati kurei asi zvinokonzera ndizvo zvinongochinja chete.”—James.

UNONZWA sokuti vabereki vako havanzwisisi kuti unotemeswa musoro zvakadini kuchikoro here? Vangakuudza kuti hauna chikwereti cheimba chokubhadhara, mhuri yekutengera chikafu, kana munhu waunoshandira anoda kufadzwa. Zvimwe ungangonzwa sokuti kushushikana kwauri kuita kuchikoro ndiko kuri kuitawo vabereki vako kana kuti kwako kunopfuura kwavo.

Kuenda nokudzoka kuchikoro kungatemesa musoro zvikuru. “Vanhu vaigara vachirwa mubhazi rechikoro,” anodaro Tara anogara kuUnited States. “Dhiraivha aimira, uye munhu wose aifanira kudzika. Tose tainonoka nehafu yeawa kana kupfuura.”

Kutemeswa musoro kwacho kunopera here paunongosvika kuchikoro? Kashoma! Zvimwe ungasangana nezvinotevera:

Kutemeswa musoro nevadzidzisi.

“Vadzidzisi vangu vanoda kuti ndibudirire uye kuti ndipase zvikuru sezvandingagona, uye ndinonzwa ndichida kuita zvinovafadza.”Sandra.

“Vadzidzisi vanomanikidza vadzidzi kuti vabudirire muzvidzidzo zvavo, zvikurukuru kana mudzidzi wacho aine zvaanogona.”April.

“Kunyange kana uine zvinangwa zvine musoro, vamwe vadzidzisi vanoita kuti unzwe sokuti haubatsiri kana ukasava nezvinangwa zvine chokuita nedzidzo yekuchikoro zvavanofunga kuti unofanira kunge uinazvo.” *Naomi.

Kutemeswa musoro nevadzidzisi kunokukanganisa sei?

․․․․․

Kutemeswa musoro nevezera rako.

“Vana vokusekondari vane norusununguko rwakakura uye vanonyanya kupandukira. Kana ukasaitawo zvavanoita, havatambi newe.”Kevin.

“Zuva nezuva, ndinotarisana nemuedzo wokunwa doro uye kuita zvepabonde. Dzimwe nguva zvakaoma kudzivisa chishuwo chokuzviitawo.”Aaron.

“Iye zvino zvandava nemakore 12, chinonyanya kunditemesa musoro kumanikidzwa kuita zvevakomana. Munhu wose kuchikoro anoti, ‘Uchagara usina mukomana kusvika rini?’”—Alexandria.

“Ndakamanikidzwa kudanana nemumwe mukomana. Pandakaramba, ndakanzi ndiri ngochani. Ipapo ndaingova nemakore gumi chete!”Christa.

Kutemeswa musoro nevezera rako kunokukanganisa sei?

․․․․․

Zvimwe zvinotemesa musoro. Isa ✔ pane chinonyanya kukukanganisa—kana kuti nyora kuti chii.

□ Bvunzo yamuchanyora

□ Homuweki

□ Zvinotarisirwa nevabereki zviri pamusorosoro

□ Kuita maererano nezvaunotarisira zvepamusorosoro

□ Kudheererwa kana kunetswa mune zvepabonde

□ Zvimwe ․․․․․

Matanho Mana Okuderedza Kutemeswa Musoro

Kutaura zvazviri, haungatarisiri kupedza chikoro usina kusangana nechimwe chinhu chinokutemesa musoro. Ichokwadi kuti kunyanya kutemeswa musoro kunogona kutambudza munhu. Mambo Soromoni akachenjera akanyora kuti: “Kudzvinyirira kungaita kuti munhu akachenjera aite sebenzi.” (Muparidzi 7:7) Asi haufaniri hako kurega izvozvo zvichiitika kwauri. Chinokosha kudzidza kuti ungaderedza sei kutemeswa musoro zvinobudirira.

Zvaungaita kana uchitemeswa musoro zvakafanana nokusimudza masimbi. Kuti abudirire, munhu anosimudza masimbi anofanira kufanogadzirira zvakakodzera. Haarongeri masimbi anopfuura aanokwanisa kusimudza, uye anosimudza masimbi acho zvakarurama. Kana akatora matanho akadaro, anoita mamhasuru akasimba pasina kukuvadza muviri wake. Ukuwo, kana akasatora matanho aya angakuvara mhasuru kana kutotyoka pfupa.

Saizvozvowo, unogona kuderedza kutemeswa musoro kwaunosangana nako uye wobudirira kupedza basa raunofanira kuita usingazvikuvadzi. Sei? Tora matanho anotevera:

1. Ziva kuti zvii chaizvo zvakonzera. “Paunoona dambudziko richiuya, usaita upenzi hwokupinda mariri—ngwara uvande,” chinodaro chirevo chakachenjera. (Zvirevo 22:3, Contemporary English Version) Asi haugoni kuvanda kutemeswa musoro kwakanyanya kunze kwokuti watanga kuziva kuti chii chingangove chiri kuzvikonzera. Saka tarisa pawamboisa ✔ pakutanga. Chii chiri kutonyanya kukutemesa musoro iye zvino?

2. Tsvakurudza. Somuenzaniso, kana homuweki yakawandisa ichikutemesa musoro, tsvakurudza mazano anowanika muChitsauko 13 cheBhuku 2. Kana uchinzwa sokuti uri kumanikidzwa kuita unzenza nemumwe waunodzidza naye, uchawanawo mazano anobatsira muZvitsauko 25, ne15 zvebhuku iroro.

3. Usaverengera. Panongova nematambudziko mashoma anongopera ega kana ukasaagadzirisa. Ukasaagadzirisa anotonyanya kuipa, achitowedzera kukutemesa musoro. Kana wangosarudza kuti uchaitei nokutemeswa musoro kwauri kuita, usaverengera. Ibva wangozviita pakarepo. Somuenzaniso, kana uri mumwe weZvapupu zvaJehovha uye uchiedza kurarama maererano nezvinotaurwa neBhaibheri nezvetsika, ita kuti uzivikanwe saizvozvo nokukurumidza sezvaungagona. Kuita izvozvo kunogona kuderedza kutemeswa musoro kwaunoita. Marchet, ane makore 20 anoti: “Panotanga gore rimwe nerimwe rechikoro, ndinotanga kukurukura nyaya yandinoziva kuti inondipa mukana wokutsanangura tsika dzangu dzinobva muBhaibheri. Ndakaona kuti pandaitora nguva yakareba ndisati ndaita kuti ndizivikanwe seChapupu, zvaibva zvazonyanya kundiomera kuti ndizviite. Zvakandibatsira chaizvo pandakaita kuti vanhu vazive zvandinotenda ndokubva ndararama maererano nazvo kwegore rose.”

4. Kumbira kubatsirwa. Kunyange munhu akasimba anosimudza masimbi kupfuura vose ane paanogumira. Iwewo une paunogumira. Asi haufaniri kutakura mutoro wacho uri wega. (VaGaratiya 6:2) Wadii kutaura nevabereki vako kana mumwe muKristu akakura mune zvokunamata? Varatidze mhinduro dzawambonyora muchitsauko chino. Vakumbire mazano.

Pane Chakanaka Pakutemeswa Musoro Here?

Ungazviona zvakaoma kubvuma, asi kumbonzwa uchitemeswa musoro chinhu chakanaka. Sei? Zvinoratidza kuti unoshingaira uye kuti hana yako ichiri kushanda. Cherechedza kuti Bhaibheri rinotsanangura sei munhu anoita seasina kana chinomutemesa musoro: “Ucharamba wakarara ipapo usina zvauri kuita kusvika riniko? Uchamuka rini worega kurara? Rara zvishoma. Tsimwaira zvishoma. Peta maoko pasina zvauri kuita. Zvinhu zvose zvichaerekana zvaenda, sokunge kuti zvatorwa nembavha yakapakata zvombo.”—Zvirevo 6:9-11, Contemporary English Version.

Heidi, ane makore 16, anopfupikisa nyaya yacho zvakanaka. Anoti: “Chikoro chinoita senzvimbo yakaipa zvikuru, asi matambudziko aunotarisana nawo ikoko akangofanana neauchasangana nawo kana wawana basa.” Ichokwadi kuti kurarama nedambudziko rokutemeswa musoro hakusi nyore. Asi kana ukaziva zvokuita, harikukuvadzi. Kutaura zvazviri, ringatoita kuti uve munhu akasimba.

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Kusiyira chikoro panzira kunogadzirisa matambudziko ako here?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Kuti uwane mamwe mashoko, ona Chitsauko 20 chebhuku rino.

RUGWARO RUNOKOSHA

‘Kanda kuzvidya mwoyo kwako kwose pana Mwari, nokuti iye ane hanya newe.’—1 Petro 5:7.

ZANO

Ronga matambudziko anokutemesa musoro mumapoka maviri—aya aunogona kuita chimwe chinhu paari uye aya ausina zvaunogona kuita paari. Kutanga, gadzirisa matambudziko aunogona kuita chimwe chinhu paari. Zvadaro, panenge papera matambudziko iwayo—kana achizopera—uchasara nenguva yakawanda yokufunga nezvematambudziko ausingagoni kugadzirisa.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Kurara zvakakwana usiku hwoga hwoga—kwemaawa anosvika masere—hakungokubatsiri chete pakurarama nedambudziko rokutemeswa musoro asi kunokubatsira pakuyeuka.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kuti ndigadzirise kutemeswa musoro kwandinoitwa, ndasarudza kuti pose pazvinoita ndicharara nenguva dza- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Nei kuda kuita zvinhu usingakanganisi kuchingowedzera kukutemesa musoro?

● Ndiani waungataura naye kana wanyanya kutemeswa musoro?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 132]

Mazuva ose baba vainyengetera neni vasati vandisiya kuchikoro. Zvaiwanzoita kuti ndinzwe ndakachengeteka.’’—Liz

[Mufananidzo uri papeji 131]

Kusimudza masimbi zvakarurama zvakunoita kuti muviri wako uwedzere kugwinya, kugadzirisa zvakarurama dambudziko rokutemeswa musoro kungaita kuti uwedzere kusimba mupfungwa