Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndosiyira chikoro panzira here?

Ndosiyira chikoro panzira here?

CHITSAUKO 19

Ndosiyira chikoro panzira here?

Unofunga kuti unofanira kurega chikoro wava mugwaro ripi? ․․․․․

Vabereki vako vanoda kuti urege wava mugwaro ripi? ․․․․․

MHINDURO mbiri dziri pamusoro apa dzakafanana here? Kunyange dzakafanana uye uchiri kuenda kuchikoro, pangava nemazuva aunganzwa uchida kusiya chikoro. Wakambofunga zvakafanana nezvinotaurwa pasi apa here?

“Dzimwe nguva ndaishushikana zvokuti ndaisada kubuda mumagumbezi. Ndaifunga kuti, ‘Ndinoenderei kuchikoro kunodzidza zvinhu zvandisingazombofi ndakashandisa?’”—Rachel.

“Kakawanda ndainzwa ndakaneta nechikoro zvokuti ndaingoda kuchisiya ndotsvaka basa. Ndainzwa sokuti hapana zvandaidzidza kuchikoro uye kuti zvaiva nani kuti ndiende kubasa kwandaizowana mari.”—John.

“Ndaidzidza pachikoro chesekondari chaiva pakati peguta uye zvakanga zvakaoma kuti ndiwane shamwari. Ndakanga ndisinganetseki nechikoro, asi hapana aimboda kushamwaridzana neni uye ndaipedza nguva yakawanda ndiri ndoga. Kunyange vamwe vakanga vasinawo shamwari vakanga vasingambotauri neni! Muedzo wokuti ndisiye chikoro wakanga wakakura zvikuru.”—Ryan.

“Manheru oga oga ndaipedza maawa mana ndichiita homuweki! Ndainzwa ndadhamba nebasa rechikoro, mapurojekiti uye bvunzo zvairamba zvichingouya zvokuti ndakanzwa sokuti ndakanga ndisingachazvigoni uye ndava kuda kusiya chikoro.”—Cindy.

“Takanzi taizobhombwa, vanhu vatatu vakaedza kuzviuraya, mumwe chete akatozviuraya uye paiva nechikwata chaiita zvemhirizhonga. Dzimwe nguva zvaibva zvanyanyisa zvokuti ndaida kurega chikoro!”—Rose.

Wakambosangana nematambudziko akada kufanana neaya here? Kana zvakadaro, chii chakakuita kuti ude kusiya chikoro?

․․․․․

Zvimwe iye zvino wava kufunga zvakadzama nezvokusiya chikoro. Zvisinei, ungaziva sei kuti wava kurega pamusana pokuti yava nguva yokuti udaro kana kuti wava kufinhwa nechikoro zvokuti wava kuda kuchisiya? Kuti tipindure mubvunzo uyu, tinofanira kutanga tatsanangura zvinorehwa nokusiya chikoro.

Kupedza Here Kana Kuti Kusiyira Panzira?

Ungatsanangura sei kusiyana kwakaita kupedza chikoro nokuchisiyira panzira?

․․․․․.

Waizviziva here kuti mune dzimwe nyika zvakajairika kuti vechiduku vapedze chikoro pashure pokudzidza kwemakore mashanu kana kuti masere? Mune dzimwewo, vadzidzi vanotarisirwa kuti vadzidze kwemakore gumi zvichikwira. Saka pasi pose hapana makore chaiwo anonzi ndiwo okudzidza uye hapana gwaro chairo rinonzi ndiro raunofanira kugumira.

Uyewo, dzimwe nyika dzingabvumira mudzidzi kuti aitire zvimwe zvidzidzo kumba kana kuti zvose, asingaendi kuchikoro nguva dzose. Vadzidzi vanobvumirwa nevabereki vavo kuti vadzidze vari kumba vanenge vasiri kusiyira chikoro panzira.

Zvisinei, kana uri kufunga nezvokurega chikoro iwe usati wachipedza, ungava uchiita zvokuenda kuchikoro kana kuti uchidzidzira kumba, unofanira kufunga mibvunzo inotevera:

Mutemo unoti chii? Sezvambotaurwa, mitemo inotaura kuti mudzidzi anofanira kudzidza kusvika papi inosiyana nyika nenyika. Kwaunogara, mutemo unoti unogona kurega chikoro wasvika papi? Wati wasvika ipapo here? Kana ukasateerera zano reBhaibheri ‘rokuzviisa pasi pevanhu vane masimba makuru’ worega chikoro usati wasvika panodiwa nomutemo, unenge uri kusiyira chikoro panzira.—VaRoma 13:1.

Ndakadzidza kusvika pandinoda here? Unoda kuti dzidzo yako ikubatsire kuitei? Hauna chokwadi here? Unofanira kuziva! Kana usingazivi, unenge wakafanana nomunhu ari muchitima asingazivi kwaari kuda kuenda. Saka gara pasi nevabereki vako wozadza pepa rakanzi “Zvandinoda Kuita Nedzidzo Yangu,” riri papeji 139. Kuita izvozvo kuchakubatsira kurambira pazvinangwa zvako uye kuchakubatsira iwe nevabereki vako kuronga kuti uchatora nguva yakareba sei uri kuchikoro.—Zvirevo 21:5.

Vadzidzisi vako uye vamwe vanhu vachatokupa mazano okuti unofanira kudzidza kusvika papi. Kunyange zvakadaro, vabereki vako ndivo vane simba rokuita chisarudzo chokupedzisira. (Zvirevo 1:8; VaKorose 3:20) Kana ukarega chikoro usati wasvika pamunenge makabvumirana nevabereki vako kuti ugumire, unenge uri kusiyira chikoro panzira.

Nei ndiri kuda kusiyira chikoro panzira? Ngwarira kuzvifurira. (Jeremiya 17:9) Vanhu vanowanzopa zvavanoti ndizvo zvikonzero zvakanaka pakuita zvinhu zvokungozvifunga pachavo.—Jakobho 1:22.

Nyora pano zvikonzero zvakanaka zvaungava nazvo zvokuti usiyire chikoro panzira.

․․․․․

Nyora pano zvikonzero zvokungozvifunga zvokuti usiyire chikoro panzira.

․․․․․

Zvikonzero zvipi zvakanaka zvawanyora? Ungarega chikoro nokuti unenge uchida kubatsira pakutsigira mhuri yenyu nemari kana kuti kuita basa rokubatsira vamwe kuti vadzidze nezvaMwari. Zvikonzero zvokungozvifunga zvingava zvokusada kunyora bvunzo kana kuti kusada kuita homuweki. Dambudziko racho nderokuziva kuti chii chinonyanya kuita kuti udaro, uye kuti chikonzero chacho chakanaka here kana kuti ndechokungozvifunga.

Tarisazve zvawanyora pamusoro apa, uye yera nokutendeseka zvikonzero nei uchida kusiyira chikoro panzira uchishandisa manhamba anobva pa1 kusvika pa5 (1 ichiratidza chisinganyanyi kukosha, uye 5 chinonyanya kukosha). Kana uri kusiya chikoro kuti unzvenge matambudziko, ungangozoona kuti unenge wazvinyengera.

Kusiyira Chikoro Panzira Kwakaipirei?

Kusiyira chikoro panzira kwakafanana nokusvetuka kubva muchitima usati wasvika kwaunoenda. Muchitima macho mungadaro musiri kunakidza uye vanhu varimo vasina ushamwari. Asi kana ukasvetuka kubvamo, zviri pachena kuti hauzosviki kwaunenge uchienda uye ungangokuvara zvakaipa. Saizvozvowo, ukasiyira chikoro panzira, hauzozadzisi zvinangwa zvako zvokudzidza uye uchakurumidza kuva nematambudziko, mamwe acho acharamba aripo kwenguva refu seanotevera:

Matambudziko achakurumidza kuvapo: Zvinganyanya kukuomera kuti uwane basa. Uye kana ukariwana, unenge uchiwana mari shoma pane yawaizowana kudai wakapedza chikoro. Kuti uwane zvose zvinokosha pakurarama, ungatofanira kushanda kwemaawa akawanda mumamiriro ezvinhu angatova akaipa pane auri kuona kuchikoro iye zvino.

Matambudziko anoramba aripo kwenguva refu: Zvakatsvakurudzwa zvinoratidza kuti vaya vanosiyira chikoro panzira vangangova neutano husina kunaka, kuguma vava mumajeri uye vanozopona nekubatsirwa nezvirongwa zvinoyamura vanoshayiwa.

Kupedza chikoro hakurevi hako kuti hauzosangani nematambudziko iwayo. Asi nei ungazviomesera zvakadaro nokusiyira chikoro panzira?

Zvakanakira Kusasiyira Chikoro Panzira

Kana munguva ichangopfuura wakafoira bvunzo kana kuti zvinhu zvisina kukufambira zvakanaka kuchikoro, ungada kuchisiya, uchiona sokuti chero dambudziko raungasangana naro mune ramangwana ringaita sepasina kana zvichienzaniswa nenhamo yauinayo iye zvino. Asi usati watora nzira yaunoti iri nyore, funga kuti vadzidzi vambotaurwa kwatangira chitsauko chino vanoti chii nezvokubatsirwa kwavakaitwa pamusana pokuti havana kusiyira chikoro panzira.

“Ndakadzidza kutsungirira uye kuva munhu anofunga. Ndakadzidzawo kuti kana uchida kunakidzwa nokuita chimwe chinhu, unofanira kuita kuti zvidaro. Kuramba ndichienda kuchikoro kwakaita kuti ndidzidze zvinhu zvandaizoshandisa ndapedza chikoro.”—Rachel.

“Iye zvino ndava kuziva kuti kana ndikashanda nesimba, ndinogona kuzadzisa zvinangwa zvangu. Kuchikoro chesekondari ndiri kuita kosi yokudzidzira kugadzira zvinhu ichazondibatsira kuti ndikwanise kuita basa randinoda rokugadzira michina yokudhinda.”—John.

“Nemhaka yokuti ndakaramba ndichienderera mberi nechikoro, ndava kunyatsogona kuverenga nokunyora. Chikoro chakandidzidzisa kuti ndingabatsirwa sei nokutsoropodzwa uye kuudza vamwe zvandiri ndisingavanzi, izvo zviri unyanzvi hunoshanda muushumiri hwechiKristu.”—Ryan.

“Chikoro chakandidzidzisa kuti ndingagadzirisa sei matambudziko angu, mungava mukirasi kana kuti kumwewo. Kuona kuti ndingaita sei pandinenge ndiine matambudziko okuchikoro, okugarisana nevamwe, uye eutano kwakanyatsondibatsira kuti ndiite zvinhu somunhu mukuru.”—Cindy.

“Chikoro chakandibatsira kugadzirira matambudziko andaizosangana nawo kubasa. Ndakasanganawo nezvakawanda zvakaita kuti ndide kuongorora zvikonzero zvezvandinotenda, saka kuva kuchikoro kwakasimbisa zvandinotenda.”—Rose.

Mambo Soromoni akachenjera akanyora kuti: “Kuguma kwenyaya kuri nani kupfuura kutanga kwayo. Anoshivirira ari nani kupfuura anozvikudza.” (Muparidzi 7:8) Saka pane kusiyira chikoro panzira, gadzirisa matambudziko aunosangana nawo kuchikoro uchishivirira. Kana ukadaro, uchaona kuti zvichazoitika zvichange zvakakunakira.

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Ko kana chimwe chikonzero chinoita kuti uvenge chikoro chiri chokuti hauwirirani nomudzidzisi wako?

RUGWARO RUNOKOSHA]

“Munhu wose anokurumidzira zvinhu achashayiwa njere.”—Zvirevo 21:5.

ZANO

Kana uri kutamburira kuti ujairane nezvaunosangana nazvo kuchikoro, ona kana ungaita mapurogiramu anotora nguva pfupi achaita kuti ukurumidze kupedza kudzidza.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Vechiduku vanopota vachinzvenga zvimwe zvidzidzo vangangogumisira vasiyira chikoro panzira.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kana ndiri kuomerwa nechimwe chidzidzo, pane kusiyira chikoro panzira, ndicha- ․․․․․

Kana kuneta kuchiita kuti ndinzwe kuda kusiyira chikoro pa- nzira, ndichakwanisa kukurira dambudziko racho kana ndika- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Nei zvichikosha kuti udzidze kuverenga, kunyora uye kushandisa maths zvakanaka?

● Kuva nezvinangwa zvokudzidza zvenguva pfupi kungakubatsira sei kushandisa nguva yako zvakanaka kuchikoro?

● Nei zvichikosha kuti uve noruzivo rwebasa raungada kuzoita kana wapedza chikoro?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 140]

Haugoni kutiza matambudziko ako ose. Kuva kuchikoro kunokubatsira kudzidza kuita zvinhu zvako wega, unyanzvi huchakubatsira paunenge wava kubasa uye kumwewo.’’—Ramona

[Bhokisi riri papeji 139]

Pepa Rokuongorora

Zvandinoda Kuita Nedzidzo Yangu

Chinangwa chinokosha zvikuru pakudzidza ndechokugadzirira kuwana basa richakubatsira kuzviriritira uye kuriritira chero mhuri yaungazova nayo. (2 VaTesaronika 3:10, 12) Wati wasarudza here kuti ibasa ripi raunoda uye kuti nguva yako yokuchikoro ingakubatsira sei kuti ugadzirire kuriita? Kukubatsira kuti uone kana dzidzo yako iri kukutungamirira mugwara rakanaka, pindura mibvunzo inotevera:

Zvii zvandinogona? (Somuenzaniso, unogona kutaura nevanhu zvakanaka here? Unofarira kushanda nemaoko ako here kana kuti kugadzira kana kugadzirisa zvinhu? Unogona kuongorora zvakaita matambudziko uye kuagadzirisa here?) ․․․․․

Mabasa api angaita kuti ndishandise unyanzvi hwangu? ․․․․․

Mikana ipi yokuwana basa inowanika kwandinogara? ․․․․․

Iye zvino ndiri kuita zvidzidzo zvipi zvinondibatsira kuti ndizowana basa? ․․․․․

Pari zvino pane marudzi api edzidzo andingasarudza achazondibatsira kunyatsozadzisa zvinangwa zvangu? ․․․․․

Yeuka kuti chinangwa chako ndechokuwana dzidzo yaunogona kushandisa. Saka usabva wanyanya kuenda kune rimwe divi wova mudzidzi anongoramba achidzidza, uyo anoramba ari muchitima achingoitira kunzvenga zvinhu zvaanotarisirwa kuita somunhu mukuru. *

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 69 Kuti uwane mamwe mashoko, ona Bhuku 2, Chitsauko 38.

[Mufananidzo uri papeji 138, 139]

Kusiyira chikoro panzira kwakafanana nokusvetuka muchitima usati wasvika kwauri kuenda