Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kana Ndichirarama Nevanhu Vane Tsika Dzakasiyana Ndingaitei?

Kana Ndichirarama Nevanhu Vane Tsika Dzakasiyana Ndingaitei?

CHITSAUKO 22

Kana Ndichirarama Nevanhu Vane Tsika Dzakasiyana Ndingaitei?

Baba kana amai vako vanobva kune imwe nyika here?

□ Hungu □ Kwete

Mutauro kana kuti tsika dzinoitwa kuchikoro dzakasi- yana nedzinoitwa kumba kwenyu here?

□ Hungu □ Kwete

“Tinobva kuItaly uye vanhu veko vanonyatsoratidza rudo neushamwari. Iye zvino tava kugara kuBritain. Vanhu vekuno vanoita sevakarongeka zvikuru uye vane unhu hwakanaka. Ndinonzwa sokuti handikwani mutsika idzi dzose, handina kwandinoti ndiko kwangu chaiko.”—Giosuè, England.

“Kuchikoro mudzidzisi wangu aindiudza kuti ndimutarise kana achitaura. Asi pandaitarisa baba vangu mumaziso vachitaura vainditi handina ruremekedzo. Ndaibva ndashaya kuti ndoteerera ani.”—Patrick, uyo akaberekerwa kuFrance nevabereki vakatama vachibva kuAlgeria.

VABEREKI vako pavakatama, vakasangana nematambudziko makuru. Vakazongoerekana vava pakati pevanhu vane mutauro, tsika nemapfekero zvakasiyana nezvavo. Zvaioneka kuti vakanga vakasiyana nevanhu vavakanga vava kurarama navo. Izvi zvingave zvakaita kuti vasaremekedzwa uye vasarurwe.

Izvi ndizvo zvakaitikawo kwauri here? Pasi apa pane mamwe ematambudziko akasangana nevamwe vechiduku vakatama. Isa ✔ pane dambudziko raunoona rakanyanya kuoma kukurira.

Kusekwa. Noor aiva kasikana kadiki mhuri yavo payakatama ichibva kuJordan ichienda kuNorth America. Anoti, “Hembe dzedu dzainge dzakasiyana nedzevamwe, saka vanhu vaitiseka. Uyewo tainge tisingatombonzwisisi majee evanhu vokuAmerica.”

Kusaziva kuti uri murudzii. Musikana mudiki anonzi Nadia anoti, “Ndakaberekerwa kuGermany. Sezvo vabereki vangu vari vokuItaly, ndaitaura chiGerman asi rurimi rwangu rwuchinzwika kuti handisi weko, uye kuchikoro vana vainditi ‘zimubvakure rakapusa.’ Asi pandakazoshanya kuItaly, ndakaona kuti ndaitaura mutauro weko nerurimi rwechiGerman. Saka ndainzwa sokuti ndakanga ndisina pangu chaipo. Kwose kwandinoenda ndiri mubvakure.”

Musiyano wetsika kumba. Ana aiva nemakore masere mhuri yavo payakatamira kuEngland. Anoti, “Ini nehanzvadzi yangu takangoerekana tajaira kugara muLondon. Asi zvakanga zvisiri nyore kuvabereki vangu vakanga vagara kwenguva refu pachitsuwa chiduku cheMadeira chine vanhu vaitaura mutauro wePortuguese.”

Voeun aiva nemakore matatu iye nevabereki vake vokuCambodia pavakasvika kuAustralia. Anoti, “Vabereki vangu havana kunyatsojairana netsika dzeko. Chiripo ndechokuti baba vaigara vachingogumbuka nokuti ndakanga ndisinganzwisisi maonero uye mafungiro avo.”

Kusiyana kwemitauro kumba. Ian aiva nemakore masere mhuri yavo payakatamira kuNew York ichibva kuEcuador. Pashure pokugara muUnited States kwemakore matanhatu, anoti: “Iye zvino ndava kutaura Chirungu zvakanyanya kupfuura Spanish. Vadzidzisi vangu vokuchikoro vanotaura Chirungu, shamwari dzangu dzinotaura Chirungu uye ini nemunin’ina wangu tinotaura Chirungu. Chirungu chatozara mumusoro mangu zvokuti handichanyatsogoni Spanish.”

Lee, akaberekerwa kuAustralia nevabereki vanobva kuCambodia anoti: “Pandinotaura nevabereki vangu ndichinyatsoda kutsanangura manzwiro andinoita nezvedzimwe nyaya, ndinoona kuti handigoni kutaura mutauro wavo zvakanaka.”

Noor, ambotaurwa nezvake anoti: “Baba vangu vakaedza chose kuti kana tiri kumba titaure mutauro wavo, asi takanga tisingadi kutaura Arabic. Kwatiri, kudzidzira Arabic kwaiita sekusingabatsiri uye uri mutoro chaiwo. Shamwari dzedu dzaitaura Chirungu. Mapurogiramu eTV ataiona ose aitaurwa neChirungu. Saka Arabic taiidii?”

Ungaitei?

Sezvinoratidzwa nezvataurwa pamusoro apa, hausiwe woga unotarisana nematambudziko aya. Panzvimbo pokuona kuti ungaakunda sei, ungaedza kukanganwa zvachose tsika dzekumusha kwako wobva watora dzekwawava kugara. Kunyange zvakadaro, kusarudza nzira iyoyo kungaita kuti vabereki vako vagumbuke uye hauzombofari. Saka wadii kudzidza kuti ungakunda sei matambudziko iwayo woshandisa zvakanaka mamiriro ako ezvinhu? Ona mazano anotevera:

Maonero aunofanira kuita kusekwa. Chero zvauchaita, hauzombofi wakafarirwa nemunhu wose. Vanhu vanonakidzwa nokuseka vamwe vanongoramba vachiona chimwe chikonzero chokuita kudaro. (Zvirevo 18:24) Saka usazvinetse nekuedza kuda kugadzirisa mafungiro avo okusarura. Mambo Soromoni akachenjera akacherechedza kuti, “Vaya vanoseka vamwe havadi kururamiswa.” (Zvirevo 15:12, Contemporary English Version.) Mashoko anoratidza rusaruro anobudisa pachena kusaziva kweari kuataura wacho kwete zvakashata zvinenge zvichitaurwa nezveari kusarurwa wacho.

Zvaungaita kuti uzive kuti uri murudzii. Hachisi chinhu chitsva kuti munhu anzwe achida kuva werimwe boka ringava riri remhuri kana kuti reimwe tsika. Asi unenge uchikanganisa kana uchifunga kuti kukosha kwako kunoyerwa nekuti unobva mumhuri ine tsika dzakaita sei. Vanhu vangakuona nenzira iyoyo, asi iwayo haasiwo maonero anoita Mwari. “Mwari haasaruri,” akadaro muapostora Petro. “Murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:34, 35) Kana ukaita zvose zvaunogona kuti ufadze Jehovha Mwari, achakuona semumwe womumhuri yake. (Isaya 43:10; Mako 10:29, 30) Chii chimwe chaungazoda?

Kurarama kwaungaita uchitevedzera tsika dzakasiyana kumba kwenyu. Mumhuri dzinenge dzose zvadzo, vabereki nevana vane maonero ezvinhu akasiyana. Panyaya yako, misiyano iyoyo ingangodaro yakakura nekuti vabereki vako vanoda kuti utevedzere tsika dzokunyika kwavakabva asi iwe wava kuda kutevedzera dzekwawava kugara. Kunyange zvakadaro, kana uchida kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka muupenyu hwako, unofanira ‘kukudza baba vako naamai vako.’—VaEfeso 6:2, 3.

Panzvimbo pokupandukira tsika dzevabereki vako nokuti hadzina kukunakira, edza kuona chikonzero nei vabereki vako vachidziremekedza. (Zvirevo 2:10, 11) Zvibvunze mibvunzo inotevera: ‘Tsika dzacho dzinopesana nezvinotaurwa neBhaibheri here? Kana dzisingapesani, saka chii chaicho chinoita kuti ndisadzifarire? Ndingataura sei manzwiro angu kuvabereki vangu neruremekedzo?’ (Mabasa 5:29) Kutaura chokwadi, zvaizova nyore kuremekedza vabereki vako—kunzwisisa mafungiro avo uye wotaura manzwiro ako kana uchikwanisa kutaura mutauro wavo zvakanaka.

Kukurira kwaungaita kusiyana kwemutauro paunenge uri kumba. Dzimwe mhuri dzakaona kuti kana dzikasimbirira kutaura rurimi rwaamai chete kumba, vana vanobva vawana mukana wokudzidzira mitauro yacho yose zvakanaka. Madii kuzviedza kumba kwenyu? Ungangodawo kukumbira vabereki vako kuti vakubatsire kudzidza kunyora mutauro wacho. Stelios, uyo akakurira kuGermany asi mutauro wake wokutanga uri chiGreek, anoti: “Mazuva ose vabereki vangu vaikurukura neni ndima yomuBhaibheri. Vaiiverenga zvinonzwika, uye ndaibva ndainyora pasi. Iye zvino ndava kugona kuverenga nokunyora chiGreek nechiGerman.”

Zvinobatsirei zvakare? Giosuè ambotaurwa nezvake anoti, “Ndakadzidza mutauro wevabereki vangu nekuti ndaida kuva nemanzwiro akafanana neavo uye kupfuura zvose, ndaida kuva pedyo navo mune zvokunamata. Kudzidza mutauro wavo kwakaita kuti ndinzwisise manzwiro avo. Uye zvakavabatsira kuti vandinzwisise.”

Ibhiriji Kwete Chipingamupinyi

Unoona tsika dzekumusha kwenyu sechipingamupinyi chinokuparadzanisa nevamwe here kana kuti sebhiriji rinokubatanidza navo? VaKristu vechiduku vakawanda vakaona kuti vane chimwe chikonzero chokuyambukira kune dzimwe tsika. Vanoda kuudza vamwe vanenge vatamira munyika yacho nezvemashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Salomão, uyo akatamira kuLondon paaiva nemakore mashanu anoti, “Kugona kutsanangura Magwaro mumitauro miviri kunonakidza! Ndainge ndava kutokanganwa rurimi rwaamai asi iye zvino zvandava kupinda neungano yemutauro wePortuguese, ndava kunyatsotaura Chirungu uye Portuguese.”

Noor, ambotaurwa nezvake akazoona kuti paidiwa vaparidzi vaigona kutaura Arabic. Anoti: “Iko zvino ndiri kutoenda kuchikoro kuti ndinodzidzazve zvandakakanganwa. Maitiro angu achinja. Iye zvino ndinoda kubatsirwa pamatauriro andinoita Arabic. Ndinoda kudzidza.”

Kutaura zvazviri, kana uchiziva marudzi maviri etsika uye uchitaura mitauro miviri kana kupfuura, uri pari nani chaizvo. Kuziva kwaunoita marudzi maviri etsika kunokubatsira kuti unzwisise mafungiro evanhu uye pakupindura mibvunzo yavo nezvaMwari. (Zvirevo 15:23) Preeti, uyo akaberekerwa kuEngland vabereki vake vari vokuIndia anoti, “Sezvo ndichinzwisisa marudzi maviri etsika ndinonzwa ndakasununguka pandinenge ndiri muushumiri. Ndinonzwisisa vanhu vanobva kuEngland uye kuIndia, zvavanotenda uye mafungiro avo.”

Iwe unoona mamiriro ako ezvinhu seane zvaanobatsira here kana kuti semutoro? Yeuka kuti Jehovha anokuda sezvauri kwete nekuti iwe nemhuri yenyu makabva kupi. Kungofanana nevechiduku vataurwa pano, unogona here kushandisa zivo yako uye unyanzvi hwako kubatsira vamwe vakakurira mutsika dzakafanana nedzako kuti vadzidze nezvaMwari wedu asingasaruri uye ane rudo, Jehovha? Kuita izvi kunoita kuti ufare zvechokwadi!—Mabasa 20:35.

RUGWARO RUNOKOSHA

“Mwari haasaruri.”—Mabasa 10:34.

ZANO

Kana vezera rako—vakakuseka nekuti unobva kupi, rega kugumburwa navo asi chingozvitora sedambe. Kana ukadaro, vangapedzisira vasingachafariri kukutsvinyira.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Kana ukanyatsogona mitauro miviri, ungawedzera mikana yako yokuwana basa.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kuti ndiwedzere kunzwisisa mutauro wevabereki vangu ndicha- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Kuziva nezvetsika dzevabereki vako kunokubatsira sei kuti uzvizive zviri nani?

● Kana uchizvienzanisa nevamwe vechiduku vasina kukurira mutsika dzemarudzi akasiyana-siyana, iwe uri nani pakudii?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 160]

Zvinondifadza kuti ndinogona kubatsira vamwe. Ndinogona kutsanangura Bhaibheri kuvanhu vanotaura Russian, French, kana kuti Moldovan.’’—Oleg

[Mufananidzo uri papeji 161]

Unogona kusarudza kuona tsika dzekwaunobva sebhiriji rinokubatanidza nevamwe