Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ko Kungorara Mose Musingadanani?

Ko Kungorara Mose Musingadanani?

CHITSAUKO 26

Ko Kungorara Mose Musingadanani?

“Vechiduku ‘vanongorara vose pasina kana kudanana’ kuti vangoona kuti vanosvitsana papi uye kuti vanhu vangani vavanogona kuenda navo pabonde.”—Penny.

“Vakomana vanotaura nezvazvo vakasununguka. Vanovhaira kuti kunyange zvazvo vaine vasikana vavanodanana navo, vanoita zvepabonde nevamwe vasikana vakawanda.”—Edward.

VECHIDUKU vakawanda mazuva ano vanotaura vachizvikudza nezvekuita zvepabonde nevanhu vavasingadanani navo. Vamwe vanotova nevanhu vavanozivana navo vokuti kana vafunga zvepabonde vanongoita navo pasina kana “zvinozonetsa” sezvinoitika kune vanodanana.

Usashamisika kana uchinzwa sokuti izvozvo muedzo kwauri! (Jeremiya 17:9) Edward ambotaura patangira nyaya ino anoti: “Vasikana vakawanda vanondiudza kuti tiite zvepabonde, uye kuramba ndicho chinhu chakanyanya kundiomera somuKristu. Zvakaoma kuti kwete!” Ipfungwa dzipi dziri muBhaibheri dzaunofanira kuyeuka kana mumwe munhu akati muite zvepabonde musingadanani?

Ziva Zvakaipira Kungoita Zvepabonde Musingadanani

Ufeve chivi chakaipa zvikuru zvokuti vaya vane tsika yokuhuita “havazogari nhaka youmambo hwaMwari.” (1 VaKorinde 6:9, 10) Izvozvo ndezvechokwadi kunyange vaviri vacho “vachidanana” kana kuti vachiita zvepabonde vasingadanani. Kuti ukunde muedzo mumamiriro ezvinhu acho ari maviri, unofanira kuona tsika yokuita ufeve semaonero anoita Jehovha.

“Ndinodavira zvakasimba kuti nzira yaJehovha ndiyo yakanaka kupfuura dzose pakurarama.”—Karen, Canada.

“Yeuka kuti uri mwanakomana kana kuti mwanasikana wemumwe munhu, shamwari yevanhu vakawanda, uye nhengo yeungano. Unoodza mwoyo vanhu vose ivava kana ukakundwa nemuedzo!”—Peter, Britain.

Kana ukava nemaonero aJehovha panyaya youfeve, uchakwanisa ‘kuvenga zvakaipa,’ kunyange zvichidiwa nenyama.—Pisarema 97:10.

Paungaverenga: Genesisi 39:7-9. Cherechedza ushingi hwaJosefa hwokurwisa muedzo wokuita zvepabonde uye zvakaita kuti akwanise kukunda.

Dada Nezvaunotenda

Hazvishamisi kuona vechiduku vachidada nokutsigira zvavanotenda. Une ropafadzo yekutsigira mitemo yaMwari nezvaunoita. Usanyara nemaonero aunoita kuita zvepabonde vanhu vasati varoorana.

“Zvibudise pachena kubva pakutanga chaipo kuti une tsika dzakanaka.”—Allen, Germany.

“Vakomana vandakadzidza navo kusekondari vaiziva zvandiri, uye vaiziva kuti kundiedza kwaiva kupedza nguva yavo.”—Vicky, United States.

Kutsigira zvaunotenda chiratidzo chokuti uri kukura pakunamata.—1 VaKorinde 14:20.

Paungaverenga: Zvirevo 27:11. Ona kuti zvakanaka zvaunoita zvinofadza sei mwoyo waJehovha!

Kurumidza Kusarudza!

Kutaura kuti kwete kunokosha. Asi vamwe vangaona kuramba kwako sokunge kuti uri “kunyepera kusada.”

“Zvose zvine chokuita newe zvinoti mapfekero, matauriro, vaunotaura navo, zvaunoita nevanhu—zvinofanira kuratidza kuti haudi kuita zvavari kuda.”—Joy, Nigeria.

“Unofanira kuita kuti zvijeke kuti hausi kuzoita zvepabonde navo. Usambofa wakabvuma zvipo zvinobva kuvakomana vanenge vachiedza kukunyengetedza kuti uite zvepabonde navo. Vangazozvitora sokuti unofanira kuvaripa nokuita zvepabonde navo.”—Lara, Britain.

Jehovha achakubatsira kana ukaratidza kuti unokurumidza kusarudza zvokuita. Kubva pane zvakaitika kwaari, munyori wepisarema Dhavhidhi aigona kutaura nezvaJehovha kuti: “Muchava akavimbika kune akavimbika.”—Pisarema 18:25.

Zvaungaverenga: 2 Makoronike 16:9. Ona kuti Jehovha anoda chaizvo kubatsira vaya vanoda kuita zvakarurama.

Fanoona Zvingaitika

Bhaibheri rinoti: “Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda.” (Zvirevo 22:3) Ungazvishandisa sei? Nekufanoona zvingaitika!

“Tambira kure zvikuru sezvaungagona nevanhu vanotaura zvinhu zvakadaro.”—Naomi, Japan.

“Usapa vanhu mashoko ane chokuita newe, zvakadai sekero kana kuti nhamba yefoni yako.”—Diana, Britain.

Ongorora matauriro ako, maitiro uye vaunotamba navo pamwe chete nenzvimbo dzaunogara uchienda. Ibva wazvibvunza kuti, ‘Ndiri kuita nokusaziva zvinhu zvinokurudzira vanhu kuti vazotaura neni kuti tiite zvepabonde here?’

Zvaungaverenga: Genesisi 34:1, 2. Ona kuti kuva panzvimbo isina kunaka kwakaita sei kuti musikana anonzi Dhina apinde mutsekwende.

Yeuka kuti kungoita zvepabonde pasina kudanana haisi nyaya diki kuna Jehovha Mwari; uyewo iwe haufaniri kuiona senyaya diki. Nokutsigira zvakarurama, unochengetedza hana yakanaka pamberi paMwari woramba uchizviremekedza. Sokutaurwa kwazvinoitwa nemumwe musikana anonzi Carly, “unoshandisirwei nemumwe munhu anoda kuwana pokungopedzera chishuvo chake? Chengetedza ukama hwako naMwari hwawakashandira nesimba kuti uwane!”

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Vakomana vanoti vanonyanya kukwezvwa nevasikana vakaita sei? Ungangoshamiswa!

RUGWARO RUNOKOSHA

“Itai zvose zvamunogona kuti muwanikwe na[Mwari] pakupedzisira musina ruvara uye musina gwapa, muine rugare.”—2 Petro 3:14.

ZANO

Natsiridza zvauri nechemukati. (1 Petro 3:3, 4) Kana uri munhu ane unhu hwakanaka, uchakwezvawo munhu ane unhu hwakanaka.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Jehovha anoda kuti unakidzwe nezvepabonde sezvaakazvisikira kuti zvidaro—tsime remufaro kune vakaroorana—pasina zvaunotyira, kunetseka uye kuzvidemba zvinowanzoitika kana vanhu vaita ufeve.

ZVANDINORONGA KUITA!

Ndinogona kutevedzera zvakaitwa naJosefa kuti atsunge kuramba aine tsika dzakanaka kana ndika- ․․․․․

Ndichadzivisa kukanganisa kwakaitwa naDhina kana ndika- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Kunyange zvazvo kuita zvepabonde zvisiri pamutemo kuchidiwa nenyama ine chivi, nei zvisina kunaka?

● Uchaitei kana mumwe munhu akakuti muite zvepabonde?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 185]

Sunga dzisimbe! Mumwe mujaya paakanditi tiite zvisina kururama, ndakati, ‘Usandibata mhani!’ uye ndakabvapo ndakamutarisa zvine ruvengo.’’—Ellen

[Mufananidzo uri papeji 187]

Kana ukangoita zvepabonde pasina kudanana unozvichipisa

[Mufananidzo uri papeji 187]

Mahara