Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Muenzaniso Wokutevedzera—Mosesi

Muenzaniso Wokutevedzera—Mosesi

Muenzaniso WokutevedzeraMosesi

Mosesi ane mikana yakawanda yokuita zvimwe zvinhu muupenyu. Akakurira muimba youmambo yaFarao uye akadzidziswa uchenjeri hwose hweIjipiti. (Mabasa 7:22) Achashandisa sei zvaakadzidziswa? Anogona kuwana mukurumbira, pfuma uye simba. Zvisinei, haatsauswi nekuda kufanana nevezera rake kana kuti kunyengedzwa nokuda kuzviwanira mukurumbira. Pane kudaro, anosarudza kurarama nenzira inoshamisa vakawanda. Anosarudza “kuitirwa zvakaipa pamwe chete nevanhu vaMwari.” (VaHebheru 11:25) Mosesi ane zvaanorasikirwa nazvo here? Aiwa. Pamusana pokusarudza kushumira Mwari uye kubatsira vanhu ane upenyu hunofadza uye hunogutsa.

Kana uine mukana wokuwana dzidzo yakanaka yokusekondari, uchaitei nomukana iwoyo? Unogona kudzingirirana nemari kana kuti kutsvaka kuva nesimba. Kana kuti ungaita chimwe chinhu chinonyatsokosha noupenyu hwako sezvakaitwa naMosesi. Unogona kushandisa pfungwa dzako nesimba rako kuti ushumire Mwari nevavakidzani vako. (Mateu 22:35-40) Hakuna humwe upenyu hunogutsa zvakadaro!