Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Muenzaniso Wokutevedzera—Rute

Muenzaniso Wokutevedzera—Rute

Muenzaniso Wokutevedzera—Rute

Chirikadzi inonzi Rute inoratidza muenzaniso wakanaka wokuvimbika. Asarudza kugara navamwene vake vachembera vanonzi Naomi pane kudzokera kunorarama upenyu hwakanaka kutaundi rokumusha kwake. Kunyange zvazvo chisarudzo ichi chichiita kuti ave nemikana mishoma yokuwana wokuroorana naye, Rute anoramba achifunga zvinhu zvinonyanyokosha. Kuda kwaanoita Naomi uye chido chake chokuva nevanhu vaJehovha zvinokosha kwaari pane kungoda kugutsa chido chake chokuroorwa.—Rute 1:8-17.

Uri kufunga nezvokuroora kana kuti kuroorwa here? Saka tevedzera Rute. Funga zvinopfuura manzwiro aunoita uye zvibvunze kuti unhu hupi hwakanaka hwaucharatidza kune waucharoorana naye. Somuenzaniso, wakavimbika uye unozvipira here? Unotevedzera mirayiro yaMwari here kunyange nyama yako inotadza ichikuudza kuti uite zvakasiyana? Rute haana kutsvaga murume achiita somunhu apererwa. Asi nekufamba kwenguva, akawana murume kwaye aiva neunhu hwakaita sohwake—kupfuura zvose, aida Mwari. Zvakazoitika izvi zvinogona kuitikawo kwauri.