Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Muenzaniso Wokutevedzera​—Timoti

Muenzaniso Wokutevedzera​—Timoti

Muenzaniso Wokutevedzera​—Timoti

Timoti ava kuda kubva pamba—haasi kutiza vanhu vomumhuri make asi kuti ari kuda kufamba nomuapostora Pauro mubasa roumishinari! Zvichida ava kuda kusvitsa makore 20, Timoti atova murume wechiduku anoziva zvaanoita uye ave ‘achipupurirwa zvakanaka kwazvo nehama dzomuRistra neIkoniyumu.’ (Mabasa 16:2) Pauro ane chivimbo chokuti Timoti anogona kuita zvinhu zvikuru mubasa raMwari. Uye ndizvo zvaanoita! Mumakore anozotevera, Timoti anofamba nzvimbo dzakawanda, achitanga ungano uye achisimbisa hama nehanzvadzi. Unhu hwakanaka hwaTimoti hunoita kuti adiwe naPauro, uyo pashure pemakore 11 anoudza vaFiripi kuti: “Handina mumwezve ane kufunga kwakafanana nokwake achatarisira zvinhu zvine chokuita nemi nomwoyo wose.”—VaFiripi 2:20.

Uri kuzvipira kushandiswa mubasa raMwari here? Kana uri kudaro, uchawana zvikomborero zvikuru! Zvechokwadi Jehovha anokoshesa vechiduku ‘vanozvipa nomwoyo unoda.’ (Pisarema 110:3) Uyezve, unogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha Mwari ‘haasi munhu asina kururama zvokuti angabva akanganwa basa rako.’—VaHebheru 6:10.