Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Vasikana Vasingandidi?

Nei Vasikana Vasingandidi?

CHITSAUKO 28

Nei Vasikana Vasingandidi?

Ndiri kunyatsomuti dyoo pamwoyo. Ndamuudza zvose nezvangu—zvandiinazvo, nzvimbo dzandakamboenda uye vanhu vandinoziva. Anofanira kunge ava kundirwarira!

Ndinoti dai pasi pavhurika ndomedzwa zvangu! Haasi kuzviona here kuti handisi kumuda? Ndingaitei kuti ndidimburire nyaya iyi panzira ndisingamugumburi?

WAKURA zvokuti ungaitawo musikana. Unoda kuwana munhu anokwezva uye wemuchitendero chako. (1 VaKorinde 7:39) Zvisinei, munguva yapfuura, pose pawaiedza kutanga musikana, wainzwa sokuti kwakanga kuri kukundikana zvachose kwawaiita. Chii chaiita kuti zvidaro? Vasikana vanotsvaka vakomana vakanaka zvikuru chete here? Mumwe musikana anonzi Lisa anobvuma kuti, “Ndinoda mukomana ane mhasuru.” Kunyange zvakadaro vasikana vakawanda vari kutsvaka zvinopfuura ipapo. “Dzimwe nguva vakomana vane chimiro chakanaka vanenge vasina unhu hwakanaka,” anodaro Carrie ane makore 18.

Vasikana vanotsvaka zvinhu zvipi “zvinokosha”? Kana uchida kuziva musikana zviri nani, zvii zvaunofanira kufunga nezvazvo? Uye ipfungwa dzipi dzemuBhaibheri dzaungaita zvakanaka kuyeuka?

Zvaunofanira Kutanga Kuita

Usati wasarudza kufambidzana nemusikana, pane humwe unyanzvi hunokosha hwaunofanira kuva nahwo, uye huchakubatsira kushamwaridzana nemunhu chero upi. Funga zvinotevera.

Kudziridza tsika dzakanaka. Bhaibheri rinoti “rudo haruna tsika dzakashata.” (1 VaKorinde 13:5, Today’s English Version) Tsika dzakanaka dzinoratidza kuti unoremekedza vamwe uye kuti uri kuwedzera kuva neunhu hwakaita sehwaKristu. Zvisinei, tsika dzakanaka hadzina kuita sesutu yaunopfeka kuti uonekere pane vamwe asi woibvisa paunosvika kumba. Zvibvunze kuti, ‘Ndinoratidza tsika dzakanaka kune vemumhuri mangu here?’ Kana usingadaro, zvichabva zvaita sokuti uri kumanikidzira pauchaedza kuratidza tsika dzakanaka kuvanhu vausingagari navo. Yeuka izvi, kuti azive zvauri, musikana anofunga achatarisa kuti unobata sei vemumhuri menyu.—VaEfeso 6:1, 2.

Zvinotaurwa nevasikana: “Zvechokwadi zvinondikwezva chaizvo kana mukomana achiratidza tsika dzakanaka muzvinhu zvidiki, zvakadai sekundivhurira dhoo uye muzvinhu zvikuru, zvakadai sekuva nemutsa uye kuva nehanya kwete neni chete asiwo nevemumhuri medu.”—Tina.

“Zvinondisvota kana mumwe munhu wandisina nguva ndaona akandibvunza zvine chokuita neupenyu hwangu zvakadai sokuti, ‘Une mukomana here?’ uye kuti ‘Chii chauri kuronga kuita muupenyu?’ Kushaya unhu uye hazvindiitire zvakanaka!”—Kathy.

“Ndinoona kuri kushaya ruremekedzo vakomana pavanofunga kuti vanogona kutamba nemanzwiro edu, sokunge kuti manzwiro atinoita haana basa uye kuti tose tiri kunyanya kuda kuroorwa zvokuti tinoda kuti vatinzwire tsitsi.”—Alexis.

Ramba uine utsanana. Utsanana hunoratidza kuremekedza vamwe uyewo iwe pachako. (Mateu 7:12) Kana uchizviremekedza, kakawanda vamwe vanokuremekedzawo. Ukuwo, kana ukazviregeredza panyaya youtsanana, zvichavhiringidza zvaunoedza kuita kuti musikana akufarire.

Zvinotaurwa nevasikana: “Mumwe mukomana aindida ainhuwa mukanwa zvokuti dhu. Ndakatadza kuzvitsungirira.”—Kelly.

Kudziridza unyanzvi hwokukurukura. Kukurukurirana kwakanaka kunoita kuti pave neukama hunogara. Hamungokurukuri zvaunofarira iwe chete asiwo zvinofarirwa neshamwari yako. (VaFiripi 2:3, 4) Unonyatsoteerera zvaanotaura uye unokoshesa maonero ake.

Zvinotaurwa nevasikana: “Zvinondifadza chaizvo kana mukomana achitaura neni sezvaanongoita mazuva ose, achiyeuka zvinhu zvandinenge ndamuudza uye achibvunza mibvunzo inoita kuti tirambe tichikurukura.”—Christine.

“Ndinofunga kuti vakomana vanotorwa mwoyo nezvavanoona asi vasikana vanonyanya kutorwa mwoyo nezvavanonzwa.”—Laura.

“Zvipo zvakanaka chaizvo. Asi kana mukomana achiita kuti murambe muchikurukura zvakanaka, achikunyaradza uye kukukurudzira nemashoko ake . . . Aa! Zvinotora mwoyo.”—Amy.

“Ndinoziva mumwe mukomana ane tsika dzakanaka uye anoziva pokugumira. Tinonyatsokurukura zvinhu zvine musoro asingambotauri zvakadai sokuti, ‘Uri kunhuwirira zvakanaka chaizvo’ kana kuti ‘Nhasi wakanaka chaizvo.’ Anonyatsoteerera zvandinenge ndichitaura, uye izvozvo zvinoita kuti chero musikana afare.”—Beth.

“Ndinonyatsoda kuziva mumwe munhu zviri nani kana ari munhu anonakidza asi achitaurawo zvinhu zvinokosha asingaiti seari kundibata kumeso.”—Kelly.

Ita zvaunofanira kuita. Bhaibheri rinoti: “Mumwe nomumwe anofanira kutakura mutoro wake.” (VaGaratiya 6:5, Bhaibheri Dzvene) Vasikana havafariri mukomana asingagari pabasa nekuti ane unyope kana kuti anopedza nguva yakawanda achitamba.

Zvinotaurwa nevasikana: “Ndinoti dai vamwe vakomana vaiwedzera kuita zvavanofanira kuita. Hazvitombotori mwoyo zvachose kana vasingadaro. Hazviiti kuti vaonekwe zvakanaka.”—Carrie.

“Vamwe vakomana havana zvinangwa zvakati twasu. Kana vachida musikana, vanobvunza zvinangwa zvake kuti ndezvipi vobva vati ‘Aa, ndizvo zvandinoda kuitawo ufunge!’ Asi zvavanenge vachiita panguva yacho zvinenge zvakatosiyana.”—Beth.

Kuita zvaunofanira kuita, sezvaratidzwa pamusoro apa, kuchakubatsira kuva noushamwari hwakanaka. Zvisinei, kana wangonzwa kuti wagadzirira kuti ufambidzane nemusikana zvokuti musvike pakuroorana, unofanira kuitei?

Danho Rinotevera

Tanga uri iwe. Kana uchifunga kuti shamwari yaunoyemura ingangova mudzimai akanaka, ita kuti azive kuti unomuda. Iva akajeka uye akananga pakuzivisa manzwiro aunoita. Chokwadi, zvinogona kukuomera zvikuru. Unotya kurambwa. Asi chido chako chokumutanga chinoratidza kuti wakura. Zvisinei, ngwarira kuti: Uku hakusi kumukumbira kuti muroorane. Saka nzwisisa. Kunyanyisa kuratidza kuti uri pachokwadi kungaita kuti musikana atye pane kuti atorwe mwoyo.

Zvinotaurwa nevasikana: “Handigoni kuziva zviri mupfungwa dzemunhu. Saka kana munhu achida kundiziva zviri nani, anofanira kubuda pachena obva angondiudza.”—Nina.

“Kana maiva shamwari kwenguva yakati, kuchinja kwacho kungaoma. Asi ndaizoremekedza munhu anoti anoda kundiziva zvinopfuura kungova shamwari.”—Helen.

Remekedza chisarudzo chemusikana. Ko shamwari yako ikati haidi kuti mudanane? Ratidza kuti unomuremekedza nokubvuma kuti anoziva zviri mumwoyo make, uye kana ati kwete anenge achirevesa. Zvinoratidza kusakura kana ukaramba uchimumanikidza. Kana ukasava nehanya nokuramba zvakajeka kuri kuitwa nemusikana—kunyange ukatsamwa kuti aramba—chaizvoizvo uri kufunga zvaanoda here kana kuti zvaunoda iwe pachako?—1 VaKorinde 13:11.

Zvinotaurwa nevasikana: “Zvinondisvota kana mukomana akaramba achingoedza asi ini ndamuudza zvakajeka kuti hazviiti.”—Colleen.

“Ndakatsanangurira mumwe mukomana kuti ndakanga ndisingamudi, asi akaramba achindikumbira nhamba yangu yefoni. Ndaida kuva neruremekedzo. Uyewo, zvinofanira kunge zvakanga zvisiri nyore kwaari kuti ave noushingi hwokutaura manzwiro ake. Asi pakupedzisira ndaitofanira kumuudza zvakasimba.”—Sarah.

Zvausingafaniri Kuita

Vamwe vakomana vanofunga kuti hapana chinovanetsa pakuita kuti vadiwe nevasikana. Vangatoita makwikwi nevezera ravo kuti varatidzane kuti ndiani anofarirwa nevasikana vakawanda. Zvisinei, makwikwi akadaro utsinye uye zvichaita kuti uite mukurumbira wakaipa. (Zvirevo 20:11) Izvozvo hazvizoitiki kwauri kana ukaramba uchifunga zvinotevera.

Usatamba nerudo. Munhu anotamba nerudo anotaura mashoko ekubata kumeso uye anoita zvinhu zvinomutsa chishuvo chokuita zvepabonde. Haana chinangwa chokuti adanane nemusikana zvinokudzwa. Zviito uye mafungiro akadaro zvinoratidza kupira gotsi zano reBhaibheri rokubata “vakadzi vaduku sehanzvadzi nokuchena kwose.” (1 Timoti 5:2) Vanotamba nerudo havaiti shamwari kwadzo uye havaiti varume vakanaka kana varoora. Vasikana vakachenjera vanoziva izvozvo.

Zvinotaurwa nevasikana: “Ndinofunga kuti hazvitombonakidzi kana mumwe munhu akakuudza mashoko ekubata kumeso asi uchiziva kuti akataura zvakafanana kushamwari yako mwedzi wapera chaiwo.”—Helen.

“Mumwe mukomana akanaka akambotanga kutaura neni achiita seanondida, achinyanya kutaura nezvake. Mumwe musikana paakauya pataiva, mukomana wacho akaita zvimwe chetezvo naye. Pakazosvika musikana wechitatu, akabva azvidzokorora kwaari. Zvaisembura!”—Tina.

Usatamba nemanzwiro emusikana. Usatarisira kuti kushamwaridzana nemukomana kuchaita sekushamwaridzana nemusikana. Nei? Funga izvi: Kana ukaudza shamwari yechikomana kuti sutu yake itsva yakamugara kana kuti unogara uchitaura naye uchimuudza zviri kutsi kwemwoyo, haangambofungi kuti uri kumuda. Asi kana ukarumbidza musikana pamusoro pechitarisiko chake kana kuti uchigara uchitaura naye uchimuudza zviri kutsi kwemwoyo, angafunga kuti uri kumuda.

Zvinotaurwa nevasikana: “Handifungi kuti vakomana vanonzwisisa kuti mabatiro avanoita vasikana anofanira kusiyana nemabatiro avanoita shamwari dzavo dzechirume.”—Sheryl.

“Mukomana anotora nhamba yangu yefoni, ndobva ndawana meseji ichibva kwaari. Saka, . . . zvinorevei izvozvo? Dzimwe nguva munogona kuita ushamwari hwokutumirana mameseji mova pedyo nepedyo, asi zvingani zvaunotaura mumeseji yepaserura?”—Mallory.

“Handifungi kuti mukomana anoziva kuti musikana anokurumidza kutorwa mwoyo, kunyanya kana mukomana aine hanya uye ari nyore kutaura naye. Hakusi kuti musikana anenge apererwa. Ndinongofunga kuti vasikana vakawanda vanoda kuva murudo uye nguva dzose vanotsvaga munhu akavakodzera.”—Alison.

VERENGA ZVIMWE NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 2, CHITSAUKO 3

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Ungasiyanisa sei rudo chairwo nerudo rusiri rwechokwadi?

[Mufananidzo uri papeji 197]

“Pfeka unhu hutsva hwakasikwa maererano nezvinodiwa naMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.”—VaEfeso 4:24.

ZANO

Bvunza vanhu vakuru vashomanana vane pfungwa dzinovaka kuti unyanzvi hupi hwavanofunga kuti hunonyanya kukosha kuti jaya rive nahwo, uye ona kana zviri izvo zvaunofanira kushandira.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Zvauri nechokunze hazvinyanyi kukosha pane zvauri nechomukati.

ZVANDINORONGA KUITA!

Pamwe pandingawedzera kuva netsika ndepaku- ․․․․․

Kuti ndiwedzere unyanzvi hwangu hwokukurukura nevanhu, ndicha- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Ungaratidza sei kuti unozviremekedza?

● Ungaratidza sei kuti unoremekedza mafungiro nemanzwiro emusikana?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 198]

Kuti vadiwe nevasikana, vakomana vanofunga kuti pane mapfekero avanofanira kuita uye chitarisiko chavanofanira kuva nacho. Kunyange zvazvo dzimwe nguva izvi zviri zvechokwadi, ndinofunga kuti vasikana vakawanda vanonyanya kukwezvwa neunhu hwakanaka.’’—Kate

[Mufananidzo uri papeji 197]

Tsika dzakanaka hadzina kuita sesutu yaunopfeka kuti uonekere pane vamwe asi woikurura paunosvika kumba