Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingaziva Sei Kana Rwuri Rudo Chairwo?

Ndingaziva Sei Kana Rwuri Rudo Chairwo?

CHITSAUKO 29

Ndingaziva Sei Kana Rwuri Rudo Chairwo?

Pindura mibvunzo inotevera:

1. Ungarondedzera sei “rudo chairwo”? ․․․․․

2. Ungarondedzera sei “rudo rusiri rwechokwadi”? ․․․․․

3. Sokuona kwako, zviviri izvi zvakasiyana papi? ․․․․․

UNGANGODARO wanetseka zvishoma kana kusambonetseka pakupindura mibvunzo iri pamusoro apa. Uyezve zviri nyore kuona musiyano uri pakati perudo chairwo uye rudo rusiri rwechokwadi kana uchiita zvokufungidzira.

Zvisinei, maonero ako anogona kuchinja paunoona mukomana kana kuti musikana anoita seakanyatsokukodzera. Iye zvino watorwa mwoyo uye hapana chimwe chauchafunga nezvacho. Waputirwa nerudo. Ichokwadi here ichocho? Rudo chairwo here kana kuti rudo rusiri rwechokwadi? Ungaziva sei? Kuti tipindure mibvunzo iyi, ngatitangei kuongorora kuchinja kungangova kwaita maonero aunoita vanhu vane nhengo dzokubereka nadzo dzakasiyana nedzako mumakore achangopfuura aya. Somuenzaniso, funga nezvemibvunzo inotevera:

● Waifungei nezvevanhu vane nhengo dzokubereka nadzo dzakasiyana nedzako pawaiva nemakore mashanu?

● Unofungei nezvavo iye zvino?

Mhinduro dzako dzinoratidza kuti pawakasvika pazera rokuyaruka, wakatanga kuona vanhu vane nhengo dzokubereka nadzo dzakasiyana nedzako neimwe nzira. Brian ane makore 12 anoti, “Ndiri kuona kuti vasikana vari kuwedzera kutarisika zvakanaka kupfuura zvavaiva.” Elaine, ane makore 16 anoyeuka kuchinja kwakaita zvinhu mumakore mashoma apfuura. Anoti, “Shamwari dzangu dzose dzakatanga kutaura nezvevakomana uye kana ndirini ndaitorwarira mukomana wose wose.”

Iye zvino zvawava kucherechedza vanhu vane nhengo dzokubereka nadzo dzakasiyana nedzako, ungararama sei nemanzwiro aya akasimba? Pane kunyepedzera sokuti hauna chaunonzwa, izvo zvinoita kuti uwedzere kutsva, unogona kushandisa izvi somukana wakanaka wokudzidza chimwe chinhu nezvokukwezvwa, rudo rusiri rwechokwadi uye rudo chairwo. Kunzwisisa zvinhu izvi zvitatu zvine chokuita nerudo kunoita kuti usaodzwa mwoyo uye kunokubatsira kuti uzova murudo chairwo.

KUKWEZVWA Zvaunoona

“Ini neshamwari dzangu tinongogara tichitaura nezvevasikana. Tinomboedza kutaura nezvezvimwewo asi kana musikana akanaka akangopfuura chete, tinobva takanganwa zvatanga tichitaura nezvazvo!”—Alex.

“Mukomana anokutarisa mumaziso pamunenge muchitaura, anonyemwerera zvakanaka, uye anofamba aine chivimbo anganditora mwoyo.”—Laurie.

Zvinoitika muupenyu kuti ukwezvwe nemunhu ane chitarisiko chakanaka. Dambudziko nderokuti zvaunoona hazvisirizvo zvaunowana nguva dzose. Nei? Nekuti chitarisiko chinganyengera. Bhaibheri rinoti: “Mukadzi akanaka asi asina kuchenjera, akaita serin’i yepamhino yakagadzirwa nendarama iri pamhino yenguruve.” (Zvirevo 11:22) Ichokwadi kuti izvi zvinoshandawo kuvakomana.

RUDO RUSIRI RWECHOKWADI → Manzwiro aunoita

“Ndakamborwarira mumwe mukomana pandaiva nemakore 12, asi pazvakazopera, ndakaziva chaiita kuti ndimude. Kwaingova kuti shamwari dzangu dzose dzaifarira vakomana—uye uyu aiva mukomana. Ndonyaya yacho!”—Elaine.

“Ndakarwarira vakawanda, asi kazhinji kacho ndaingofunga nezvechitarisiko chokunze chete. Pandaizongoziva zvakaita munhu wacho nechomukati, ndaibva ndaona kuti hatipindirani sezvandaifunga.”—Mark.

Rudo rusiri rwechokwadi runoita serudo chairwo. Chiripo ndechokuti rudo chairwo runosanganisira kunzwa uchida mumwe munhu. Asi pakavakirwa chimwe nechimwe pakasiyana zvachose. Rudo rusiri rwechokwadi runotangira pane zvaunoita wangoona chitarisiko chake chokunze. Uyewo runoita kuti munhu asaone zvinokanganiswa nemumwe achingokudziridza zvaanogona chete. Nokudaro, rudo rusiri rwechokwadi haruna kusimba sezvakangoita imba yakavakwa nejecha. “Harugari kwenguva refu,” anodaro musikana anonzi Fiona. “Ungakwezvwa nemumwe munhu nhasi uye papera mwedzi unonzwa uchikwezvwa nemumwewo!”

RUDO CHAIRWO → Zvaunoziva

“Ndinofunga kuti kana rwuri rudo chairwo, une chikonzero chakanaka chokukwezvwa nemumwe munhu chisiri chokungozvifunga iwe.”—David.

“Ndinoona sokuti rudo rwechokwadi runofanira kukura nekufamba kwenguva. Munotanga muri shamwari neshamwari. Uye zvishoma nezvishoma, unotanga kufarira zvawava kuziva nezvemunhu wacho, wotanga kuva nemanzwiro awaisambova nawo pakutanga.”—Judith.

Rudo rwechokwadi runobva pakunyatsoziva zvinhu zvakanaka zvinoitwa nemunhu uye zvaasingagoni. Saka hazvishamisi kuti Bhaibheri rinotsanangura rudo rwechokwadi serunopfuura manzwiro chete. Rinotaura kuti rudo, “rune mwoyo murefu uye rune mutsa. . . . Runoshivirira zvinhu zvose, runotenda zvinhu zvose, rune tariro pazvinhu zvose, runotsungirira zvinhu zvose. Rudo harumboperi.” (1 VaKorinde 13:4, 7, 8) Uye rudo rwunoita kuti munhu aite zvataurwa izvi achitungamirirwa nezivo kwete nekungofungidzira kuti zvakanaka kana kuti nekusanyatsoziva nezvazvo.

Muenzaniso Werudo Chairwo

Nhoroondo iri muBhaibheri yaJakobho naRakeri inonyatsoenzanisira zvakaita rudo chairwo. Vaviri ava vakaonana patsime, Rakeri paainge aenda kunonwisa makwai ababa vake mvura. Jakobho akabva angotorwa mwoyo naye. Nei? Chimwe chikonzero chaiva chokuti Rakeri akanga aine “chimiro chinoyevedza uye akanaka kwazvo.”—Genesisi 29:17, Bhaibheri Dzvene.

Zvisinei, yeuka kuti rudo chairwo runobva pazvinhu zvinopfuura chitarisiko chokunze. Jakobho akaona kuti pane zvaipfuura runako rwaRakeri. Kutaura zvazviri, Bhaibheri rinoti Jakobho akanga asina kungotorwa mwoyo naRakeri. “Aida Rakeri.”—Genesisi 29:18.

Ndiwo aiva magumo enyaya yacho here? Aiwa—nekuti paiva nezvakawanda zvaizoitika. Baba vaRakeri vakaita kuti Jakobho amirire kwemakore manomwe asati aroora Rakeri. Kunaka kana kuipa kwazvo, apa rudo rwaiva naJakobho rwakanga rwaiswa pamuedzo. Kudai yaiva nyaya yokuti Jakobho airwarira Rakeri, angadai asina kumumirira. Rudo rwechokwadi bedzi runotsungirira kwenguva yakati. Saka chii chakazoitika? Bhaibheri rinoti: “Jakobho akashanda makore manomwe nokuda kwaRakeri, asi akaita semazuva mashomanana kwaari nokuti aimuda.”—Genesisi 29:20.

Unodzidzei kubva pamuenzaniso waJakobho naRakeri? Kuti rudo chairwo runogona kumirira. Uyewo haruvakirwi chete pachitarisiko. Kutaura zvazviri munhu waungazoroorana naye angasava uya anokutora mwoyo zvikuru paunongotanga kumuona. Somuenzaniso, Barbara akaonana nemumwe mukomana waanobvuma kuti haana kunyanya kutorwa mwoyo naye pakutanga. Anoti, “Asi pandakatanga kumuziva zviri nani, zvinhu zvakachinja. Ndakaona kuti Stephen aiva nehanya nevamwe vanhu uye kuti anoisa zvinodiwa nevamwe pakutanga. Uhwu ndihwo unhu hwandaiziva kuti hunoita kuti munhu ave murume akanaka. Ndakatorwa mwoyo naye uye ndakatanga kumuda.” Imba yakasimba yakavapo.

Kana wakura zvakakwana kuti udanane nemumwe munhu uine chinangwa chokuti muroorane, ungaziva sei kana wawana rudo rwechokwadi? Mwoyo wako ungakuudza zvokuita asi nyatsofungisisa utevedzere zvinotaurwa neBhaibheri. Ziva zvakawanda nezvemunhu wacho kupfuura chitarisiko chake. Zvipe nguva yokuti ushamwari hwacho hukure. Yeuka kuti rudo rusiri rwechokwadi runowanzopera pasina nguva. Rudo chairwo runowedzera kusimba nekufamba kwenguva rwova “chisungo chakakwana chokubatana.”—VaKorose 3:14.

Iva nechokwadi chokuti uchawana rudo irworwo kana ukadzidza kutarisa zvinopfuura kukwezvwa (zvaunoona) uye rudo rusiri rwechokwadi (manzwiro aunoita). Mapeji matatu anotevera achakubatsira kuita izvozvo chaizvo.

VERENGA ZVIMWE NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 2, ZVITSAUKO 1 NE3

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Ngatitii wawana munhu waunodanana naye zvechokwadi. Ungaziva sei kana wagadzirira kuroora kana kuroorwa?

RUGWARO RUNOKOSHA

“Mvura zhinji haikwanisi kudzima rudo, uyewo nzizi hadzigoni kurukukura.”—Rwiyo rwaSoromoni 8:7.

ZANO

Kuti uone kuti unonyatsoziva munhu waunonzwa kuda, pindura mibvunzo iri muBhuku 2, papeji 39 (nokuda kwevasikana) uye peji 40 (nokuda kwevakomana).

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Vechiduku vanongoti vakadanana nomunhu vorambana nezvikonzero zvenhando neimwe nzira vanenge “vachidzidzira” kuzorambana pashure pokunge varoora kana kuroorwa.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kuti ndione kana manzwiro angu pamusoro pomumwe munhu achiratidza kuti ndine rudo rusiri rwechokwadi kana kuti rudo chairwo, ndicha- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Nei Mwari akasika vanhu vaine manzwiro akasimba okukwezvwa nomunhu ane nhengo dzokubereka nadzo dzakasiyana nedzavo?

● Nei vechiduku vakawanda vanofunga kuti vanodanana vasina kwavanozosvika?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 207]

Rudo chairwo runogona kukunda zvipingamupinyi, nepo rudo rusiri rwechokwadi ruchigona kupera mamiriro ezvinhu paanochinja kana kuti panomuka matambudziko. Zvinotora nguva yakawanda kuti muve nerudo chairwo.’’—Daniella

[Bhokisi riri papeji 209]

Pepa Rokuongorora

Iwe Waizoitei?

Michael naJudy vave vachifambidzana kwemwedzi mitatu uye Judy anoti “akaperera murudo.” Michael anomuda zvikuru—achitomuudza mapfekero aanofanira kuita uye kuti ndiani waanofanira kana kuti waasingafaniri kushamwaridzana naye. Ange achimubata samambokadzi—kusvika vhiki yapfuura. Michael akambamura Judy pashure pokunge amuona achitaura nomumwe mukomana.

Michael anoti: “Judy anofanira kuziva kuti ndinotya chaizvo kumuruza. Kutaura zvazviri, pfungwa yokuti mumwe mukomana anditorere musikana wangu inondishatirisa chaizvo! Ndinozvidemba kuti ndakarova Judy. Asi izvi ndizvo zvinoratidza kuti handikwanisi kunyange kumuona achitarisa mumwe mukomana. Kunze kwaizvozvo, ndakakumbira ruregerero!”

Judy anoti: “Vabereki vangu vanoti Michael ari kuedza kunditonga, asi anongova hake netsika dzakanaka. Ndiri kureva kuti haana kumbobvira andimanikidza kuita chero chinhu chine chokuita nebonde. Uye paakandirova ndakanga ndichitaurawo nomumwe mukomana, asi handina kumboudza vabereki vangu nezvazvo. Michael anoita shanje, dzimwe nguva zvandinoona kuri kubata kumeso. Zvisinei, akakumbira ruregerero, uye akavimbisa kuti aisazozviitazve.”

Chijana chako: Unoona nyevero pakudanana uku here? Kana dziripo, ndedzipi? ․․․․․

Judy anofanira kuitei? ․․․․․

Iwe waizoitei? ․․․․․

[Bhokisi riri papeji 210]

Pepa Rokuongorora

Iwe Waizoitei?

Ethan ave achifambidzana naAlyssa kwemwedzi miviri, uye akatoona kudya marasha kunoita Alyssa kunyanya paanenge achitaura nevabereki vake. Chiripo ndechokuti Alyssa anogara achiitisana nharo nevabereki vake uye kazhinji kacho ndiye anokunda. Atova nyanzvi pakuomerera pane zvaanenge achida kusvikira vabereki vake vaneta naye. Alyssa akataura achizvikudza kuna Ethan kuti vabereki vake havana neromuromo naye.

Ethan anoti: “Alyssa anongotaura zvaanenge achifunga. Haabvumi zvinotaurwa nevamwe vanhu kusanganisira vabereki vake. Baba vake vanombosvota, ndosaka achivapopotera. Asi haangozhambatati chete. Alyssa anogona kuchema, kufundumwara, kana kuita semunhu kwaye—chero zvinoita kuti awane zvaanoda kubva kuna Baba naAmai vake.”

Alyssa anoti: “Handina basa nekuti ndiwe ani, unozivikanwa sei, kana kuti une chinzvimbo chipi, ndinokuudza zvandinenge ndichifunga ndisingaiti zvokunyengerera. Mukomana wangu Ethan anoziva kuti ndizvo zvandinoita. Akatombondiona ndiine vabereki vangu.”

Chijana chako: Unoona nyevero pakudanana uku here? Kana dziripo, ndedzipi? ․․․․․

Ethan anofanira kuitei? ․․․․․

Iwe waizoitei? ․․․․․

[Bhokisi riri papeji 211]

Pepa Rokuongorora

Rudo Chairwo Here Kana Kuti Kwete?

Edza kufungidzira mashoko asipo pane zvakataurwa pasi apa. Zadzisa musina chinhu nemashoko okuti rudo chairwo kana kuti rudo rusiri rwechokwadi.

1. “․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․ harudi kuziva zvakawanda nezvemunhu wacho uye runoda kuti zvirambe zvakadaro. Harudi kuona zvinhu sezvazviri.”—Calvin.

2. “Kana ndichifanira kuchinja unhu hwangu pandinenge ndiine musikana anondikwezvwa, irworwo ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․.”—Thomas.

3. “Chimwe chinhu chingakusvota nezvemunhu wacho. Asi kana ruri ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․, unoda kuramba uine munhu wacho mogadzirisa dambudziko racho.”—Ryan.

4. “Kana ruri ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․, zvinhu chete zvamunongofunga nezvazvo ndezviya zvakafanana pakati penyu.”—Claudia.

5. “Kana ruri ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․, haumboedzi kuvanza zvauri.”—Eve.

6. “․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․ udyire hwokuti uwane zvaunoda, zvimwe kuti ungotaurewo kuti une mukomana.”—Allison.

7. “․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․ runoona zvinokanganiswa uye tutsika tunosvota asi unongozvigamuchira.”—April.

8. “Kana ruri ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․, hautombogoni kutsanangura kuti nei uchida munhu wacho—unongomuda chete.”—David.

9. “Kana ruri ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․, unoona sokuti mumwe wako haana chaanokanganisa.”—Chelsea.

10. “Kana ruri ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․, hauzombokandi ziso pane vamwe vakomana kana kuti vasikana sezvawaiita nekuti unonzwa sokuti unofanira kuva akavimbika.”—Daniel.

Mhinduro: Rudo rusiri rwechokwadi: 1, 2, 4, 6, 8, 9. Rudo chairwo: 3, 5, 7, 10.

[Mufananidzo uri papeji 206, 207]

Rudo rusiri rwechokwadi haruna kusimba sezvakangoita imba yakavakwa nejecha—pasina nguva runoparara