Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingazvidzivirira Sei Pamabhinya?

Ndingazvidzivirira Sei Pamabhinya?

CHITSAUKO 32

Ndingazvidzivirira Sei Pamabhinya?

Ndingazvidzivirira sei pamabhinya? Gore negore mamiriyoni evanhu anobatwa chibharo kana kushungurudzwa mune zvepabonde, uye tsvakurudzo dzinoratidza kuti izvi zvinonyanya kuitika kune vechiduku. Somuenzaniso, zvinofungidzirwa kuti muUnited States, inenge hafu yevose vanobatwa chibharo iri pasi pemakore 18. Sezvo kushungurudzwa kwakapararira, zvinokosha kuti ufunge nezvenyaya iyi.

“Akandibata ndokundikandira pasi ndisati ndaziva zvaiitika. Ndakaedza zvose zvandaigona kumurwisa kuti andisiye. Ndakabudisa kagaba kekupfapfaidza mhiripiri, asi akakarovera kwakadaro uko. Ndakaedza kuridza mhere asi zvakaramba. Ndakamusukumidza, ndikamukika, ndikamurova uye ndikamumara. Ndipo pandakanzwa banga richindibaya. Muviri wangu wose wakabva wapera simba.”—Annette.

MABHINYA ari kwose kwose mazuva ano uye vechiduku ndivo vanowanzobatwa. Sezvakaitika kuna Annette, vamwe vechiduku vanobatwa nemunhu wavasingazivi. Vamwe vanobatwa nemuvakidzani. Izvozvo ndizvo zvakaitika kuna Natalie, aingova nemakore 10 paakabatwa chibharo nemukomana aigara pedyo neimba yavo. Anoti, “Ndakatya kwazvo uye ndakashaya pekupinda zvokuti pakutanga hapana wandakaudza.”

Vechiduku vakawanda vakabatwa chibharo nemunhu womumhuri yavo. Mumwe mukadzi anonzi Carmen anoti, “Kubva pandaiva nemakore 5 kusvika 12, ndaibatwa chibharo nababa vangu. Ndakazovabvunza nezvazvo pandakanga ndava nemakore 20. Vakakumbira ruregerero, asi papera mwedzi mishomanana vakandidzinga pamba.”

Mazuva ano kushungurudzwa mune zvepabonde nemuvakidzani, neshamwari, kana kuti nemunhu womumhuri kwawanda zvinotovhiringidza. * Asi hapana chitsva pakushungurudzwa kwevechiduku. Maitiro akashata kudaro aiitwawo kunyange munguva yakanyorwa Bhaibheri. (Joeri 3:3; Mateu 2:16) Mazuva ano tiri kurarama munguva dzinonetsa. Vanhu vakawanda havana “rudo rukuru rwokuzvarwa narwo,” uye zvakajairika kuti vasikana (kunyange vakomana) vashungurudzwe mune zvepabonde. (2 Timoti 3:1-3) Kunyange zvazvo pasina kungwarira kwaungaita kuti ubve wanyatsochengeteka, pane zvakawanda zvaungaita kuti uzvidzivirire. Funga mazano anotevera:

Ngwarira. Paunofamba kunze, ziva zviri kuitika mberi kwako, shure kwako uye kumativi ose. Dzimwe nzvimbo dzinozivikanwa kuti dzine ngozi, kunyanya usiku. Pose pazvinoita, usafambe munzvimbo idzodzo kana kuti iva nechokwadi chokuti hausi wega.—Zvirevo 27:12.

Usaite kuti munhu afunge zvisiri izvo. Usaite sokuti uri kuda munhu wacho kana kupfeka zvinomutsa chishuwo chokuita zvepabonde. Izvozvo zvingaita kuti munhu afunge kuti uri kuda zvepabonde kana kuti haurambi.—1 Timoti 2:9, 10.

Tauriranai pekugumira. Kana muchidanana, kurukura nemumwe wako kuti maitiro api akakodzera uye asina kukodzera. * Mangotara miganhu, usapinda mumamiriro ezvinhu angaita kuti ubhinywe.—Zvirevo 13:10.

Taura zviri mupfungwa dzako. Hapana chakaipa nokutaura zvakasimba kuti, “Siyana nezvauri kuita!” kana kuti “Haikona kundibata mhani!” Usanyarara uchityira kusiyiwa nemukomana wako. Kana akakurambira izvozvo, haana kukodzera kuti urambe uinaye! Panzvimbo paizvozvo, wakakodzera kuwana murume chaiye, uya anoremekedza muviri wako nezvaunotenda. *

Ngwarira paunenge uri paIndaneti. Usambopa mashoko kana kutumira mapikicha anoratidza kwaunenge uri. * Kana ukanyorerwa mashoko anotaura zvepabonde, kazhinji kusapindura ndiko kuzvigona. Kusapindura kunoita kuti mabhinya epaIndaneti ashaye kuti odii.

Matanho abva kutaurwa angaita kuti usanyanya kuva pangozi yekubhinywa. (Zvirevo 22:3) Zvisinei, chokwadi ndechokuti nguva dzose ungasakwanisa kudzora mamiriro ako ezvinhu. Somuenzaniso, ungasakwanisa kuva nemunhu anokuperekedza kwose kwose kwaunoenda kana kuti ungasadzivisa kuva munzvimbo dzine ngozi. Ungadaro uchitogara munzvimbo ine ngozi.

Zvichida unotoziva kubva pane zvakaitika kwauri zvinorwadza kuti zvinhu zvakaipa zvinoitika pasinei nekuti waedza zvakadini kuzvinzvenga. Kufanana naAnnette ataurwa pokutanga, ungave wakabatwa usingafungiri uye wakakurirwa simba. Kana kuti sezvakaitika kuna Carmen, ungave wakabatwa uchiri mwana mudiki uye nokudaro usina simba rokuzvidzivirira—kana kuti kunyange rokunyatsonzwisisa zvakanga zvichiitika. Ungaitei nokuzvipa mhosva kunowanzotambudza vaya vanenge vashungurudzwa mune zvepabonde?

Zvaungaita Kana Uchizvipa Mhosva

Annette achiri kutambura nokuzvipa mhosva pamusana pezvakaitika. Anoti, “Ini pachangu ndini mhandu yangu yokupedzisira. Mupfungwa dzangu ndinoramba ndichidzokorora zvakaitika usiku ihwohwo. Ndinonzwa sokuti ndaifanira kunge ndakaedza kwazvo kumurwisa kuti andisiye. Chiripo ndechokuti, pandakabayiwa ndakashaya zvokuita nokutya. Hapana chimwe chandaigona kuita, asi ndinonzwa sokuti ndaifanira kuita chimwe chinhu.”

Natalie anotamburawo nokuzvipa mhosva. Anoti, “Ndaisafanira kuvimba nemunhu zvakadaro. Vabereki vangu vaiva nemutemo wokuti ini nemunin’ina wangu taifanira kunge tiri tose pataitamba kunze, asi handina kuteerera. Saka ndinonzwa sokuti ndakapa muvakidzani wangu mukana wokuti andikanganise. Zvakaitika zvakavhiringidza mhuri yedu, uye ndinonzwa ndiine mhosva yekuvarwadzisa zvikuru. Izvozvo ndizvo zvinonyanya kunditambudza.”

Kana uchinzwa sezvinoita Annette naNatalie, ungaitei kuti usazvipe mhosva? Kutanga, edza kuramba uchifunga kuti kana wakabatwa chibharo, zvinhu zvakangoitikawo usingadi. Vamwe vanongotora nyaya iyi seisingakoshi, vachipa chikonzero chokuti “ndiwo maitiro evakomana” uye kuti vaya vanobatwa chibharo ndivo vanenge vachizvida. Asi hapana anoda kubatwa chibharo. Kana wakamboshungurudzwa zvakadaro, haisi mhosva yako!

Ichokwadi kuti zvingava nyore kuverenga mashoko okuti “haisi mhosva yako;” asi kuzvibvuma kungava kwakaoma zvikuru. Vamwe vanochengeta zvakaitika mumwoyo mavo uye vanotambura nokuzvipa mhosva uye nemamwe manzwiro asina kunaka. Zvisinei, kana ukaramba wakasona muromo zvinobatsira ani—iwe kana kuti uya akakushungurudza? Zvinokubatsira kana ukafunga zvimwe zvaungaita.

Kutaura Nyaya Yako

Bhaibheri rinotiudza kuti paakanga avhiringidzika zvikuru, murume akarurama Jobho akati, “Ndichataura pamusoro pokunetseka kwangu. Ndichataura mweya wangu uchirwadziwa!” (Jobho 10:1) Zvichakubatsira kana ukaita zvakafanana. Kutaura zvakaitika nemunhu waunovimba naye, nokufamba kwenguva kungakubatsira kugamuchira zvakaitika uye zvinokuzorodza pamanzwiro anotambudza.

Kutaura zvazviri, kana uri muKristu, zvinokosha kuti utaure zvakaitika kumukuru wemuungano. Mashoko anonyaradza emufudzi ane rudo angaita kuti uve nechivimbo kuti semunhu akabatwa chibharo, hauna kusvibiswa nechivi chemumwe munhu. Izvozvo ndizvo zvakaonekwa naAnnette. Anoti: “Ndakataura neshamwari yepedyo, uye yakandikurudzira kuti nditaure nevakuru vechiKristu vakati kuti vemuungano medu. Ndinofara kuti ndizvo zvandakaita. Vakagara neni pasi kanoverengeka uye vakandiudza zvandaida kunzwa chaizvo—kuti zvakaitika izvi yaisava mhosva yangu. Hapana kana chandakanga ndakanganisa.”

Kutaura zvakaitika uye kubudisa manzwiro ako kunoita kuti usanyanya kutsamwa. (Pisarema 37:8) Kungakubatsirawo kuwana zororo, zvimwe kekutanga pashure pemakore akawanda. Natalie akaona kuti izvozvo ndezvechokwadi, paakaudza vabereki vake nezvekushungurudzwa kwacho. Anoti, “Vakanditsigira. Vakandikurudzira kuti nditaure nezvazvo, uye izvozvo zvakandibatsira kuti ndisanyanye kusuruvara uye kutsamwa nechemukati.” Natalie akanyaradzwawo nekunyengetera. Anoti, “Kutaura naMwari kwakandibatsira, kunyanya panguva dzandainzwa ndisingagoni kuzviudza mumwe munhu. Pandinonyengetera, ndinogona kutaura ndakasununguka. Zvinoita kuti ndinzwe ndakagadzikana uye ndiine rugare.” *

Iwewo unogona kuona kuti pane ‘nguva yokupora.’ (Muparidzi 3:3) Vimba neshamwari dzinotsigira dzinorondedzerwa sezvinoitwa vakuru kuti vakaita “senzvimbo yokuvanda mhepo nenzvimbo yokuvanda dutu rine mvura.” (Isaya 32:2) Iva nehanya nemuviri wako uye nemanzwiro aunoita. Zorora zvakakwana. Uye kupfuura zvose vimba naMwari wokunyaradza kwose Jehovha, uyo achaunza nyika itsva umo ‘vanoita zvakaipa vachaparadzwa, asi vaya vanotarisira kuna Jehovha vachagara nhaka yenyika.’—Pisarema 37:9.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Dzimwe nyaya dzinosanganisira kubatwa chibharo pakufambidzana, musikana paanomanikidzwa kuita zvepabonde kana kuti kudhakiswa kuti abvume.

^ ndima 10 Kuti uwane mamwe mashoko, ona Bhuku 2, Chitsauko 4.

^ ndima 11 Zviri pachena kuti zano iroro rinoshandawo kana musikana akamanikidza mukomana kuti vaite zvepabonde.

^ ndima 12 Kuti uwane mamwe mashoko, ona Bhuku 2, Chitsauko 11.

^ ndima 23 Dzimwe nguva vanoshungurudzwa vanonyanya kunzwa vakaora mwoyo. Pakadaro, kungava kuchenjera kuona chiremba. Kuti uzive zvimwe zvingaitwa nemunhu kana achinzwa kushushikana, ona Zvitsauko 13 ne 14 zvebhuku rino.

RUGWARO RUNOKOSHA

“Mumazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, . . . vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo, . . . vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka.”—2 Timoti 3:1-3.

ZANO

Kana wakamboshungurudzwa mune zvepabonde, nyora pasi magwaro anogona kukunyaradza. Iwaya angasanganisira Pisarema 37:28; 46:1; 118:5-9; Zvirevo 17:17; uye VaFiripi 4:6, 7.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

MuUnited States, vechiduku vanoshungurudzwa mune zvepabonde vanopfuura 90 muzana vanoziva munhu anenge avashungurudza.

ZVANDINORONGA KUITA!

Pandinonzwa ndiine mhosva pamusana pezvakaitika, ndicha- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Zvinobatsirei kuti utaure nezvekushungurudzwa?

● Chii chingaitika kwauri uye kune vamwe kana ukaramba wakanyarara?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 232]

Zvakaoma zvikuru kuti utaurire mumwe munhu nezvekubhinywa kwawakaitwa, asi ndicho chinhu chinobatsira kupfuura zvose zvaungaita. Kuzvitaura kunokubatsira kuti kusuwa uye kutsamwa zvipfuure uye uwanezve simba.’’—Natalie

[Bhokisi riri papeji 230]

“Kana Uchindida . . . ”

Mamwe mabhinya haamanikidzi vasikana asi nokungwara anovaudza mashoko anokanganisa manzwiro avo. Sei? Nokutaura zvinhu zvakadai sokuti, “Munhu wose ari kuita zvepabonde,” “Hapana anombofa akazviziva,” kana kuti sezvinotaurwa muChitsauko 24 chebhuku rino, “Kana uchindida unoita izvi.” Usafurirwa nemukomana anoedza kuita kuti ufunge kuti kuita zvepabonde ndirwo rudo. Chiripo ndechokuti chero ani zvake anofunga saizvozvo anenge achingotsvaka kuzvifadza. Anenge asiri kufunga nezvako kana kuti zvakakunakira. Kusiyana naizvozvo, murume chaiye achaisa zvaunoda pamberi pezvaanoda uye acharatidza kuti ane simba rokutsigira mitemo yaMwari yetsika. (1 VaKorinde 10:24) Murume chaiye haaoni vasikana sevekungoita navo zvepabonde chete. Asi achaona “vakadzi vaduku sehanzvadzi nokuchena kwose.”—1 Timoti 5:1, 2.

[Mufananidzo uri papeji 233]

Manzwiro aunoita pashure pekubatwa chibharo anganyanya kukuremera zvokuti haungaatakuri wega. Wadii kutaura nemumwe munhu kuti akubatsire?