Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kushapira Doro Kwakaipirei?

Kushapira Doro Kwakaipirei?

CHITSAUKO 34

Kushapira Doro Kwakaipirei?

Ungapindura sei mibvunzo inotevera? Isa ✔ mubhokisi riri padivi pemhinduro yako.

Pane vamwe vezera rako vanonwa doro vasati vasvika zera rinobvumirwa nomutemo kana kuti vanorishapira here?

□ Hungu □ Kwete

Vezera rako vati vambokumanikidza kunwa doro here?

□ Hungu □ Kwete

Wati wamboshapira doro here?

□ Hungu □ Kwete

KUSHAPIRA doro kuita sei? Vamwe vanokurondedzera sokungonwira kudhakwa. Mushumo wakabudiswa neU.S. National Institute on Alcohol Abuse and Alcoholism wakaedza kurondedzera zvakananga. Wakati kushapira doro “kunorondedzerwa sokudutira mabhodhoro edoro mashanu kana anopfuura kana vari varume, uye mabhodhoro edoro mana kana anopfuura kana vari vakadzi.”

Kana wakambova pamuedzo wokuti ushapire doro kana kuti unwe pasinei nokuti hausati wasvika zera rinobvumirwa nomutemo, hausiwe woga. Vechiduku vakawanda vanonwa doro zvisina kufanira. * Asi zvibvunze kuti, ‘Ndinonyatsoziva here chikonzero nei ndichida kunwa doro uye kuti chii charinoita pandiri?’ Somuenzaniso, ungapindura sei mibvunzo iyi uchishandisa mashoko okuti, chokwadi kana kuti nhema? Isa mubhokisi riri pedyo nemhinduro yako, wobva wafunga nezvezvinoitika chaizvo.

a. Vechiduku vanonwa doro nokuti vanongoda kunaka kwaro.

□ Chokwadi □ Nhema

b. Nemhaka yokuti vachiri kutemwa dzinobuda ropa, vechiduku vanova nematambudziko mashoma anobva pakudhakwa pane zvinoita vakuru.

□ Chokwadi □ Nhema

c. Kushapira doro hakukuurayi.

□ Chokwadi □ Nhema

d. Bhaibheri rinoshora kushandiswa kwose kunoitwa doro.

□ Chokwadi □ Nhema

e. Dambudziko chete rinovapo kana ukashapira doro kuva noutano husina kunaka.

□ Chokwadi □ Nhema

a. Vechiduku vanonwa doro nokuti vanongoda kunaka kwaro. Mhinduro—Nhema. Muongororo yokungwadza vanhu pamusoro pedoro yakaitwa muAustralia, vechiduku 36 muzana vakabvunzurudzwa vakati vainwa kuti vakwanewo pane vezera ravo. MuUnited States, ongororo yakaitwa yakaratidza kuti 66 muzana yevechiduku vakati vainwa kuti vafanane nevezera ravo. Zvisinei, vanodarika hafu vakatiwo vainwa kuitira kuti vaedze kukanganwa matambudziko.

b. Nemhaka yokuti vachiri kutemwa dzinobuda ropa, vechiduku vanova nematambudziko mashoma anobva pakudhakwa pane zvinoita vakuru. Mhinduro—Nhema. Imwe nyaya iri mumagazini inonzi Discover inoti: “Zvichangobva kutsvakurudzwa zvinoratidza kuti vechiduku vanonwa doro vari kuzvisikira moto muziso.” Nei? “Vechiduku vanonwa zvakapfurikidza vanenge vachikanganisa kushanda kwepfungwa dzavo.”

Kungogara uchinwa doro kunokonzerawo mburwa dzakanyanya, kukurumidza kuunyana ganda, kufuta, kupindwa muropa nedoro uye nezvinodhaka. Rinogonawo kukanganisa zvikuru mashandiro anoita pfungwa, chiropa uyewo mwoyo.

c. Kushapira doro hakukuurayi. Mhinduro—Nhema. Doro rakawandisa rinoita kuti uropi husawana okisijeni yakakwana; nhengo dzomuviri dzingasashanda zvakanaka kana kubva dzarega kushanda zvachose. Zviratidzo zvacho zvingasanganisira kurutsa, kufenda, uye kuzarirwa kana kuti kutadza kufema zvakanaka. Dzimwe nguva zvinogona kuguma nerufu.

d. Bhaibheri rinoshora kushandiswa kwose kunoitwa doro. Mhinduro—Nhema. Bhaibheri harishori kunwa doro, harirambidziwo vechiduku kuti vanakidzwe. (Pisarema 104:15; Muparidzi 10:19) Chokwadi, unofanira kunge wasvika pazera rinobvumirwa nomutemo kuti uzonwa.—VaRoma 13:1.

Zvisinei, Bhaibheri rinoyambira nezvokunwa zvakanyanyisa. Zvirevo 20:1 inoti, “Waini museki, doro rinodhaka rinokonzera mheremhere, uye munhu wose anotsauswa nazvo haana kuchenjera.” Doro rinogona kukuita kuti uite zvinhu zvisina musoro! Chokwadi, ringakuita kuti ufare kwenguva pfupi, asi ukanyanya kurinwa, ri“noruma senyoka,” richikusiya wava nematambudziko akawanda.—Zvirevo 23:32.

e. Dambudziko chete rinovapo kana ukashapira doro kuva noutano husina kunaka. Mhinduro—Nhema. Kana ukadhakwa, zvingangova nyore kuti chero chii zvacho chiitwe pauri, kunyange kubatwa chibharo. Uyezve, ungangoita zvinhu zvinokuvadza vamwe, uchiita zvinhu zvawaisazomboita usina kudhakwa. Bhaibheri rinoyambira kuti kana ukanwa zvakanyanyisa, “hauzokwanisi kufunga kana kuti kutaura zvakanaka.” (Zvirevo 23:33, Today’s English Version) Tingangoti unenge uchizviita fuza! Mimwe migumisiro inorwadza ingasanganisira kuparara kwoushamwari, kutadza kuita zvakanaka kuchikoro nokubasa, mbiri yokupara mhosva uye urombo.—Zvirevo 23:21.

Chinonyanya kukosha, funga nezvokuti kunwa doro zvakanyanyisa kunokukanganisa sei pakunamata. Jehovha Mwari anoda kuti umushumire “nepfungwa dzako dzose,” kwete nepfungwa dzakakanganiswa nokungonwa doro zvakanyanyisa. (Mateu 22:37) Shoko raMwari haringoshori “kunyanyisa kunwa waini” asiwo “nguva dzokunwira kudhakwa.” (1 Petro 4:3) Saka kushapira doro kunopesana nezvinodiwa noMusiki wedu uye kunokutadzisa kuva noukama hwepedyo naMwari.

Uchasarudza Chii?

Uchangotevedzera vezera rako vanonwa doro zvisina kufanira? Bhaibheri rinoti: “Hamuzivi here kuti kana muchiramba muchizvipa kumunhu sevaranda kuti mumuteerere, muri varanda vake nokuti munomuteerera?” (VaRoma 6:16) Chaizvoizvo unoda kuva muranda wevanhu vezera rako kana kuti wedoro here?

Unofanira kuitei kana wava netsika yokushapira doro? Kurumidza kutsvaka rubatsiro nokutaura nomubereki kana neshamwari inovaka. Nyengetera kuna Jehovha Mwari woteterera kuti akubatsire. Uyewo, ndiye “rubatsiro runowanika zviri nyore pakutambudzika.” (Pisarema 46:1) Sezvo kushapira doro uye kunwa usati wasvika pazera rinobvumirwa nomutemo kuchiwanzokonzerwa nokufurirwa nevezera rako, zvingada kuti unyatsochinja masarudzire anoita shamwari dzako. * Kuchinja kwakadaro hakusi nyore, asi unogona kubudirira uchibatsirwa naJehovha.

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Unogona kukunda kupindwa muropa nezvinodhaka. Ona kuti ungazviita sei.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Ona bhokisi rakanzi  “Ndivanaani Vari Kuzviita?” riri papeji 249.

^ ndima 32 Kuti uwane mamwe mashoko, ona Zvitsauko 8 ne9 zvebhuku rino uye Chitsauko 15 cheBhuku 2.

RUGWARO RUNOKOSHA

‘Chidhakwa chichava murombo.’—Zvirevo 23:21.

ZANO

Ziva zvikonzero nei uchida kunwa doro. Chibva waedza kufunga dzimwe nzira dzinobatsira dzinoita kuti ufare kana kuti dzinonyaradza kana paine zviri kukunetsa.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Maererano nokumwe kuongorora kwakaitwa muUnited States, “vanowanzoshapira doro vanotadza kupinda zvidzidzo nekasere kupfuura vaya vasingashapiri, vanosarira mumashure nebasa rechikoro, vanokuvara kana kukuvadzwa, uye vanokuvadza midziyo.”

ZVANDINORONGA KUITA!

Kana vezera rangu vachida kuti ndidhakwe pamwe chete navo, ndichati ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Nei vezera rako vachida kuti vamwe vabatane navo pakunwa doro zvisina kufanira?

● Kunwa doro zvisina kufanira kuchaita kuti ukwezve vanhurume kana kuti vanhukadzi here, uye nei uchipindura kudaro?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 250]

Vekuchikoro kwedu pavanonditambidza doro, ndinovaudza kuti kunwa doro hakusiko kunoita kuti ndifare.’’—Mark

[Bhokisi riri papeji 249]

 Ndivanaani Vari Kuzviita?

Maererano nokumwe kuongorora kwakaitwa pavana vechikoro chesekondari vokuEngland, Scotland, uye Wales, anenge munhu mumwe pavanhu vana voga voga vezera remakore 13 ne14 “akataura kuti ‘akambonwa’ mabhodhoro edoro anopfuura mashanu panguva imwe chete.” Inenge hafu yevanhu vose vane makore 15 ne16 vakaongororwa vakati vakanga vambozviitawo. Maererano neU.S. Department of Health and Human Services, “mamiriyoni anenge 10,4 evachiri kuyaruka vane makore 12 kusvika ku20 vakataura kuti vanonwa doro. Pane ivavo, mamiriyoni 5,1 vaishapira doro uye mamiriyoni 2,3 avo ainwa zvokupfurikidza mwero vachinwa zvokushapira kanenge kashanu pamwedzi.” Kumwe kuongorora kwakaitwa muAustralia kwakaratidza kuti vasikana vakawanda kupfuura vakomana munyika iyoyo vanoshapira doro—vachinwa mabhodhoro ari pakati pe13 ne30 panguva imwe chete!

[Mufananidzo uri papeji 251]

Doro rinogona kuruma senyoka