Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndakapindwa Muropa Nezvigadzirwa Zvemagetsi Here?

Ndakapindwa Muropa Nezvigadzirwa Zvemagetsi Here?

CHITSAUKO 36

Ndakapindwa Muropa Nezvigadzirwa Zvemagetsi Here?

“Ndinonakidzwa chaizvo nokutumira mameseji! Ndinofunga kuti hapana chinonakidza kupfuura izvi. Ndinoona sokuti uchanditi ndizvo zvandava kuraramira.”—Alan.

VABEREKI vako pavaiyaruka, TV neredhiyo ndizvo zvinhu zvemagetsi zvainyanya kuvavaraidza. Kare ikako, foni dzakanga dzisina twakawanda-wanda—dzaingofambisa manzwi chete uye dzaifanira kupfekerwa kumadziro. Izvi zvinoratidza kuva zvechinyakare here? Mumwe musikana anonzi Anna anodaro. Anoti, “Vabereki vangu vakararama zvigadzirwa zvemagetsi zviriko mazuva ano zvisati zvavako. Iye zvino ndipo pavava kutodzidza kuti zvimwe zviri pamaserura avo zvinoshanda sei!”

Mazuva ano unogona kufona, kuteerera mumhanzi, kuona firimu, kutamba gemhu, kunyorera shamwari dzako mae-mail, kutora mapikicha, uye kushandisa Indaneti—uchingoshandisa kamudziyo kanokwana muhomwe yako. Ungasaona paine dambudziko kuramba wakangoti sika-sika nezvinhu izvi nguva dzose nokuti wakura nemakombiyuta, maserura, TV uye Indaneti. Zvisinei, vabereki vako vangafunga kuti wakapindwa muropa. Kana vakataura zvavari kutyira, usaisa zvimiti munzeve sokunge kuti havazivi zviri kunyatsoitika. Mambo Soromoni akachenjera akati: “Kana munhu achipindura nyaya asati ainzwa, ihwohwo upenzi kwaari.”—Zvirevo 18:13.

Unoziva here kuti nei vabereki vako vanganetseka? Zviongorore uchishandisa zviri pasi apa kuti uone kana paine zviratidzo zvokuti wava kunyanyisa pakushandisa zvimwe zvigadzirwa zvemagetsi.

Zviongorore—‘Ndapindwa Muropa Here?’

Imwe enisaikoropidhiya inorondedzera kupindwa muropa “setsika yokuti munhu anongoramba achiita zvinhu zvakapfurikidza zvokuti haakwanisi kana kuti haadi kuzvirega, pasinei nematambudziko angazovapo.” Ona pasi apa kutsanangurwa kwechikamu chimwe nechimwe cherondedzero iyi. Verenga mashoko akataurwa nevamwe, uye ona kana wakambotaura kana kuti kuita zvakafanana. Chibva wanyora mhinduro dzako.

Maitiro akapfurikidza. “Ndaipedza nguva yakareba ndichitamba mitambo yemavhidhiyo. Zvainditadzisa kurara uye pose pandaiva ndiyo yaingova nyaya. Ndakanga ndisina nguva yokuva nevomumhuri uye ndakanga ndanyura mumitambo yemavhidhiyo.”Andrew.

Unofunga kuti inguva yakawanda sei yaunofanira kupedza zuva nezuva uchishandisa zvigadzirwa zvemagetsi? ․․․․․

Vabereki vako vanofunga kuti unofanira kupedza nguva yakawanda sei? ․․․․․

Unopedza nguva yakawanda sei zuva nezuva uchitumira mameseji, uchiona TV, uchiisa mapikicha uye mashoko paIndaneti, uchitamba mitambo yemavhidhiyo, nezvimwewo? ․․․․․

Pashure pokutarisa mhinduro dzako dziri pamusoro apa, ungati uri kunyanyisa pakushandisa zvigadzirwa zvemagetsi here?

□ Hungu □ Kwete

Kusakwanisa kana kuti kusada kuzvirega. “Vabereki vangu vanondiona ndichinyora mameseji nguva dzose uye vanondiudza kuti ndiri kunyanyisa. Asi kana ndichizvienzanisa nevamwe vezera rangu, hapana zvandinoita ini. Ndiri kureva kuti, kana ndichizvienzanisa nevabereki vangu, chokwadi ndinotumira kupfuura zvavanoita. Asi izvi zvakaita sokuenzanisa maapuro nemaorenji—ivo vane makore 40 uye ini ndine 15.”Alan.

Vabereki vako kana kuti shamwari dzako vakakuudza kuti unopedza nguva yakawandisa uchishandisa chigadzirwa chemagetsi here?

□ Hungu □ Kwete

Wave usingadi kana kuti usingakwanisi kuzvidzora pakushandisa kwaunoita zvinhu izvozvo here?

□ Hungu □ Kwete

Matambudziko anozovapo. “Shamwari dzangu dzinotumira mameseji nguva dzose, kunyange padzinenge dzichityaira. Chokwadi izvozvo zvine ngozi!”Julie.

“Pandakatanga kuva nefoni yeserura, ndaigara ndichifonera kana kuti kutumira vamwe mameseji. Ndizvo chete zvandaingoita. Izvi zvakakanganisa ukama hwangu nemhuri yedu uye kunyange nedzimwe shamwari dzangu. Iye zvino ndinoona kuti pandinenge ndiine shamwari dzangu tichikurukura, dzinoramba dzichivhiringidza dzichiti: ‘Mira ndimbopindura meseji.’ Ndicho chimwe chikonzero nei ndisiri pedyo zvikuru nadzo.”Shirley.

Unomboverenga kana kutumira mameseji paunenge uchityaira, uri mukirasi, kana kuti uri pamisangano yechiKristu here?

□ Hungu □ Kwete

Paunenge uchikurukura nemhuri yenyu kana kuti neshamwari, unoramba uchimbodimburira nyaya dzacho kuti upindure mae-mail, mameseji kana kuti udavire foni here?

□ Hungu □ Kwete

Kushandisa kwaunoita zvigadzirwa zvemagetsi kuri kukudyira nguva yaunofanira kurara kana kuti kukuvhiringidza pakuverenga here?

□ Hungu □ Kwete

Unoona paine zvaunofanira kuchinja here? Kana zviripo, funga mazano anotevera.

Zvaungaita Kuti Uve Nemwero

Kana uchishandisa zvimwe zvigadzirwa zvemagetsi—ingava kombiyuta, serura kana kuti zvimwewo, zvibvunze mibvunzo mina iri pasi apa. Kushandisa mazano ari muBhaibheri uye kutevera zvaunofanira kuita nezvausingafaniri kuchakubatsira kuti urambe wakachengeteka uye uchizvidzora.

Zvii zvirimo? “Pfungwa dzenyu ngadzizare nezvinhu zvakanaka chete, zvamunozorumbidzwa nazvo: zvinhu zvechokwadi zvinopa rukudzo, zvakarurama, zvakachena, zvinofadza, nezvinorumbidzwa.”—VaFiripi 4:8, Bhaibheri Rinoera.

✔ Unofanira kuramba uchikurukura neshamwari uye nevomumhuri muchitaura nyaya dzinovaka uye mafungiro enyu.—Zvirevo 25:25; VaEfeso 4:29.

X Haufaniri kuparadzira makuhwa anokuvadza, kutumira mameseji kana mapikicha anoratidza zvounzenza, kuona zvikamu zvidiki zvevhidhiyo kana kuti purogiramu dzounzenza.—VaKorose 3:5; 1 Petro 4:15.

Ndiri kuzvishandisa rini? “Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yakatarwa.”—Muparidzi 3:1.

✔ Unofanira kuronga nguva yaunoda kupedza uchitumira uye kudavira foni nemameseji, uchiona mavhidhiyo kana kuti uchitamba magemhu.

X Haufaniri kuita kuti kushandisa kwaunoita zvigadzirwa zvemagetsi kukupedzere nguva yaunofanira kunge uine shamwari nemhuri, uchiverenga, kana kuti uchiita zvinhu zvine chokuita nokunamata.—VaEfeso 5:15-17; VaFiripi 2:4.

Ndiri kushamwaridzana naani? “Musatsauswa. Ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.”—1 VaKorinde 15:33.

✔ Unofanira kushandisa zvigadzirwa zvemagetsi kusimbisa ushamwari nevanhu vanokukurudzira kuti ukudziridze unhu hwakanaka.—Zvirevo 22:17.

X Haufaniri kuzvinyengera—uchatevedzera maitiro, matauriro uye mafungiro evaya vaunosarudza kushamwaridzana navo kuburikidza nee-mail, mameseji, TV, mavhidhiyo, kana kuti Indaneti.—Zvirevo 13:20.

Ndiri kupedza nguva yakawanda sei? ‘Iva nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.’—VaFiripi 1:10.

✔ Unofanira kuchengeta paunonyorera nguva yaunopedza uchishandisa zvigadzirwa zvemagetsi.

X Haufaniri kuisa zvimiti munzeve pane zvinotaurwa neshamwari dzako kana kuti zvaunorayirwa nevabereki vako kana vakati uri kupedza nguva yakawandisa uchishandisa zvimwe zvigadzirwa.—Zvirevo 26:12.

Achitaura nezvokuva nemwero pakushandisa zvigadzirwa zvemagetsi, Andrew ambotaurwa nezvake, anogumisa nyaya yacho zvakanaka achiti: “Kushandisa zvigadzirwa zvemagetsi kunonakidza, asi ndekwenguva diki chete. Ndakadzidza kusabvumira zvigadzirwa zvemazuva ano kuti zvisandiparadzanisa nemhuri yedu uye neshamwari dzangu.”

VERENGA ZVIMWE NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 2, CHITSAUKO 30

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Ungaita sei kuti vabereki vako vakubvumire kumbonakidzwa?

RUGWARO RUNOKOSHA

“Usazviti wakachenjera. Itya Jehovha ubve pane zvakaipa.”—Zvirevo 3:7.

ZANO

Kuti udzore kushandisa kwaunoita foni, ita kuti shamwari dzako dzizive kuti pane dzimwe nguva dzausingakurumidzi kupindura mameseji, mae-mail kana kudavira foni.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Mapikicha ako kana kuti mashoko anotaura zvaunoita aunoisa paIndaneti nhasi anogona kuramba achionekwa nevanopinza vanhu mabasa uye nevamwewo kwemakore akawanda kubvira iye zvino.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kana ndava kutadza kuzvidzora pakushandisa ․․․․․, ndichasarudza kupedza chete ․․․․․ pavhiki ndichishandisa chigadzirwa ichi.

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Nei zvingakuomera kuziva kana wapindwa muropa nezvimwe zvigadzirwa zvemagetsi?

● Chii chingaitika kana ukatadza kuzvidzora pakushandisa zvigadzirwa zvemagetsi?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 262]

Zvinhu zvinoverengeka zvakandibatsira kukunda kupindwa muropa kwandainge ndaitwa neTV. Ndakarwisa kuti ndidzore nguva yandaipedza ndichiona terevhizheni. Ndaigara ndichitaura naamai vangu nezvedambudziko rangu. Uyewo ndainyengetera kakawanda.’’—Kathleen

[Mufananidzo uri papeji 263]

Unodzora zvigadzirwa zvako zvemagetsi kana kuti zvinokudzora here?