Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Vabereki Vangu Vasingadi Kuti Ndimbonakidzwa?

Nei Vabereki Vangu Vasingadi Kuti Ndimbonakidzwa?

CHITSAUKO 37

Nei Vabereki Vangu Vasingadi Kuti Ndimbonakidzwa?

Mangwanani eMuvhuro wega wega wechiduku anonzi Allison wokuAustralia anogara achisangana nezvinhu zvinomutemesa musoro kuchikoro.

Anoti, “Vose vanotaura pamusoro pezvavakaita pawikendi. Vanotaura nyaya dzinoita sedzinonakidza, dzakadai sekuti vakaenda kumapati mangani uye kuti vakakisana nevakomana vangani, kunyange kutaura nezvekutiza mapurisa . . . Zvinoita sezvinotyisa chaizvo, asi zvichinakidza! Vanouya kumba na5 mangwanani, uye vabereki vavo havana basa nazvo. Ndinofanira kunge ndarara ivo vasati vatombotanga kufara!

“Pashure pokundiudza nyaya dzezvavakaita pawikendi, vemukirasi mangu vanondibvunza zvandakaitawo. . . . Ndakaenda kumisangano yechiKristu. Ndakaita ushumiri. Ndinonzwa sokuti ndakaruzirira. Saka kakawanda kacho ndinovaudza kuti hapana zvandakaita. Vanobva vandibvunza kuti nei ndisina kubatana navo.

“Kana Muvhuro wapfuura, ungafunga kuti zvinenge zvava nyore. Asi hazvisi. Panongosvika Chipiri, munhu wose anenge ava kutaura nezvewikendi inotevera! Ndinowanzogara ndongoteerera zvavanenge vachitaura. Ndinonzwa ndiri zambiringa munyemba!”

IZVI ndizvo zvinoitikawo kwauri mangwanani eMuvhuro kuchikoro here? Unganzwa sokuti vamwe vari kunakidzwa vari kunze kwedhoo renyu asi rakakiyiwa zvakasimba nevabereki vako—kana sokuti uri panzvimbo inotambira vechiduku asi haubvumidzwi kutambisa zvinhu zvinenge zviripo. Hakusi kuti unoda kuita zvose zviri kuitwa nevezera rako. Ungava uchida kungonakidzwawo pano neapo! Somuenzaniso, ndechipi chaungada zvikuru kuita kuti uvaraidzwe pawikendi iri kuuya?

□ kujaivha

□ kuenda kupati

□ kuenda kubhendi

□ kuenda kufirimu

□ zvimwe ․․․․․

Zvinokosha kuti umbovaraidzwa. Kutaura zvazviri, Musiki wako anoda kuti unakidzwe nouduku hwako. (Muparidzi 3:1, 4) Uye kunyange zvazvo ungasava nechokwadi nazvo dzimwe nguva, vabereki vako vanodawo kuti unakidzwe. Zvisinei, vabereki vangangova nezvinhu zviviri zvavanotyira: (1) zvauchaita uye (2) vauchange uinavo.

Zvisinei, ko kana wakokwa kunotandara neshamwari asi usina chokwadi kuti vabereki vako vachatii nazvo? Funga nezvezvisarudzo zvitatu uye migumisiro yazvo.

CHISARUDZO 1 USAKUMBIRA—INGOENDA

Zvingaita kuti ufunge nezvechisarudzo ichi: Unoda kuorora shamwari dzako nokuzvimiririra kwaunoita. Unonzwa sokuti unoziva zviri nani kupfuura vabereki vako, kana kuti haunyanyi kuremekedza maonero avo.—Zvirevo 14:18.

Migumisiro yacho: Shamwari dzako dzingaororwa, asi dzichazivawo chimwe chinhu nezvako, kuti uri munyengeri. Kana waizonyengedza vabereki vako, zviri nyore kuti unyengedzewo shamwari dzako. Kana vabereki vako vakazviziva, vanorwadziwa uye vanonzwa vaodzwa mwoyo, uye ungasazobvumirwa kubva pamba! Chisarudzo choupenzi kana ukasateerera vabereki vako wongoenda hako.—Zvirevo 12:15.

CHISARUDZO 2 USAKUMBIRA—USAENDA

Zvingaita kuti ufunge nezvechisarudzo ichi: Unofunga nezvekukokwa kwacho woona kuti zvichazoitwa zvacho hazvipindirani nezvaunotenda kana kuti vamwe vakakokwa havasi shamwari dzakanaka. (1 VaKorinde 15:33; VaFiripi 4:8) Ukuwo, ungave uchida kuenda asi hauna ushingi hwokukumbira vabereki vako.

Migumisiro yacho: Kana ukarega kuenda nokuti unoziva kuti zvakaipa, uchava nechivimbo pakupindura shamwari dzako. Asi kana ukarega kuenda nokungoti hauna ushingi hwokukumbira vabereki vako, ungapedzisira wagara pamba uchingozvinetsa, uchifunga kuti ndiwe wega usiri kunakidzwa.

CHISARUDZO 3 KUMBIRA—UONE

Zvingaita kuti ufunge nezvechisarudzo ichi: Unoziva kuti vabereki vako vane simba pauri uye unoremekedza maonero avo. (VaKorose 3:20) Unoda vabereki vako uye haudi kuvarwadzisa nokusvova. (Zvirevo 10:1) Uyewo une mukana wokuvaudza nyaya yako.

Migumisiro yacho: Vabereki vako vanoona kuti unovada uye unovaremekedza. Uye kana vakaona kuti chikumbiro chako chine musoro, vangakubvumira.

Zvingaita Kuti Vabereki Varambe

Ko zvakadini kana vabereki vasakubvumira? Izvozvo zvingakushatirisa. Zvisinei, kunzwisisa maonero avo kungakubatsira kuti usanyanye kunetseka kuti warambidzwa. Somuenzaniso, vangaramba nemhaka yechikonzero chimwe chete kana zvinopfuura pane zvinotevera.

Vanoziva zvakawanda. Dai waizonzi usarudze, waizoda kutuhwina pamahombekombe pane vanonunura vanhu vanenge vava kunyura. Nei? Nokuti paunenge uri mumvura uchinakidzwa, hauoni ngozi dzose dzinenge dziripo. Asi vanunuri vari panzvimbo iri nani pavanogona kuona ngozi.

Saizvozvowo, nemhaka yokuti vanoziva zvakawanda, vabereki vako vangaziva ngozi dzausingaoni. Kungofanana nevanunuri vari pamahombekombe, chinangwa chevabereki vako hachisi chokukutadzisa kunakidzwa, asi ndechokukubatsira kunzvenga ngozi dzinogona kukutadzisa kunakidzwa muupenyu.

Vanokuda. Vabereki vako vanoda zvikuru kukudzivirira. Rudo runoita kuti vabvume pazvinoita asi varambe pavanofanira kudaro. Paunovakumbira mvumo yokuita chimwe chinhu, vanozvibvunza kana vachigona kukubvumira uye kuzotarisana nemigumisiro yacho. Vachangokubvumira chete kana vaine chokwadi chokuti hapana chichakukuvadza.

Zvaungaita Kuti Uwedzere Mikana Yokubvumirwa

Pane zvinhu zvina zvinodiwa.

Kutendeseka: Unofanira kutanga wazvibvunza nokutendeseka kuti: ‘Nei chaizvoizvo ndichida kuenda? Imhaka yokuti zvinhu zvandinofarira kuita here, kana kuti ndinongoda kukwana pane vezera rangu? Pamusana pokuti mumwe munhu anonditora mwoyo anenge aripo here?’ Saka iva akatendeseka kuvabereki vako. Vaimbova vaduku, uye vanokuziva zvakanaka. Saka vangatoziva vavariro dzako chaidzo. Vachaonga kutendeseka kwako, uye uchabatsirwa nouchenjeri hwavo. (Zvirevo 7:1, 2) Ukuwo, kana usina kutendeseka, unokanganisa kuvimbwa kwaunoitwa uye unoderedza mikana yokubvumirwa.

Kuziva Nguva Yokutaura: Kana vabereki vachangosvika pamba vachibva kubasa kana kuti vakaisa pfungwa pane zvimwe zvinhu, usabva wangoti zvikumbiro zvako bvu kwavari. Taura navo pavanenge vadekara. Asi usamirira kusvikira nguva yapera wozoedza kuvamanikidzira kuti vakupe mhinduro. Vabereki vako havangafari kuita chisarudzo chechimbichimbi. Kumbira pachine nguva, uchivapa nguva yokufunga, uye vabereki vako vachaonga kunzwisisa kwako.

Zvokutaura: Usataura zvisina kujeka. Tsanangura zvinhu chaizvo zvauri kuda kuita. Vabereki havanzwi zvakanaka nemhinduro yokuti “Handizivi,” kunyanya pavanenge vakubvunza kuti: “Ndivanaani vachange varipo?” “Pachava nemunhu mukuru achatarisira here?” kana kuti “Zvichapera nguvai?”

Maonero: Usaone vabereki vako sevavengi. Vaone sevari kudivi rako, nokuti ndiro divi ravari kana tichitarisa zvinhu zvose. Kana uchiona vabereki vako sevatsigiri vako, kashoma kuti uvaitise nharo uye ivo vachakutsigira. Dzivisa kutaura kwakadai sokuti “Hamuvimbi neni,” “Vamwe vose vari kuenda,” kana kuti “Shamwari dzangu dzatobvumirwa nevabereki vadzo kuenda!” Ratidza vabereki vako kuti wakura zvokukwanisa kubvuma uye kuremekedza zvavanenge vasarudza. Kana ukadaro, vachakuremekedza. Uye pane imwe nguva, vangatsvaka nzira dzokukubvumira.

VERENGA ZVIMWE NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 2, CHITSAUKO 32

RUGWARO RUNOKOSHA

“Mwanakomana wangu, iva akachenjera ufadze mwoyo wangu.”—Zvirevo 27:11.

ZANO

Paunoenda kunotandara nevamwe ronga mabviro aungazoita kana zvinhu zvaipa. Usati waenda ziva zvauchataura kana kuita, kuitira kuti kana zvichiita ubve hana yako isati yakuvara.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Vabereki vane rudo vanokubvumira kuita zvinhu zvisina ngozi. Kana vakasanzwisisa zvauri kukumbira kana kuti vakaona kuti pane zvimwe zvinokosha zvausiri kutaura pane zvauri kukumbira, kazhinji vanokurambidza.

ZVANDINORONGA KUITA!

Zvandinoona kana kunzwa pandinenge ndiri kufirimu kana pakufara nevamwe zvichiita kuti hana yangu inetseke, ndicha- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Nei ungazeza kuudza vabereki vako mashoko ose avanoda kuziva kuitira kuti vaite chisarudzo?

● Ndeipi migumisiro ingavapo paunorega kuudza vabereki vako mashoko anokosha vokubvumira kuenda?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 268]

Ndainge ndakapusa chaizvo ndichiri muduku. Zvimwe zvinhu ‘zvaindinakidza’ ndakazoona papera nguva refu kuti hazvinakidzi. Zvaunoita zvichakudzokera. Ndinozvidemba kuti handina kuteerera vabereki vangu.’’—Brian

[Mufananidzo uri papeji 269]

Kungofanana nevanunuri vari pamahombekombe, vabereki vako vari panzvimbo iri nani pavanogona kuona ngozi