Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kavha Yomukati

Kavha Yomukati

Kavha Yomukati

Kune Vechiduku Vedu Vanodiwa

Baba venyu vokudenga Jehovha Mwari vanokudai chaizvo. Vanoda kuti mufare. Mungabvunza kuti, ‘Asi zvinoita chaizvoizvo here kuti munhu afare mazuva ano?’ Uyu mubvunzo wakanaka. Uyezve tinotarisana nematambudziko akawanda chaizvo muupenyu hwedu. Zvinoita sokuti matambudziko anongomuka mazuva ose zvoita kuti tisafare. Asi Baba vedu vane rudo vachatibatsira! Shoko ravo rinotipa mazano atinoda kuti tikunde matambudziko oupenyu. Kunyange zvazvo Bhaibheri rakanyorwa kare kare, mazano aro achiri kushanda sezvaaingoita parakatanga kunyorwa.—Pisarema 119:98, 99; 2 Timoti 3:16, 17.

Takaita kuti bhuku rino rinyorwe nokuti tinokudai. Tinoda kuti mufare uye muwane zvakanakisisa muupenyu. Kuti zvidaro, tinokukurudzirai kwete kungoverenga bhuku rino kubva kwokutanga kusvika kwokupedzisira asiwo kuti murishandise pose panongomuka matambudziko. Chimwe chezvinangwa zvebhuku rino ndechokuti mukwanise kukurukura nevabereki venyu zvakanaka. Tinotarisira kuti muchariverenga kana kutodzidza zvikamu zvaro pamwe chete. Shandisai zvizere uchenjeri neruzivo zvine vabereki venyu!

Tinokushuvirai zvakanaka

Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha