Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingazadzisa Sei Zvinangwa Zvangu?

Ndingazadzisa Sei Zvinangwa Zvangu?

CHITSAUKO 39

Ndingazadzisa Sei Zvinangwa Zvangu?

Pane zvinotevera, ndechipi chaunoda kuva nacho?

□ Kuwedzera kuva nechivimbo

□ Kuva nedzimwe shamwari

□ Kuwedzera kuva nomufaro

CHOKWADI ndechokuti unogona kuwana zvose zviri zvitatu! Sei? Nokuva nezvinangwa uye kuzvizadzisa. Chimbofunga zvinotevera:

Kuwedzera kuva nechivimbo. Ukava nezvinangwa zviduku wozvizadzisa, uchava nechivimbo chokuva nezvinangwa zvikuru. Uchawedzerawo kuva nechivimbo paunosangana nezvipingamupinyi zvezuva nezuva, zvakadai sokurwisa kuti usaita zvinenge zvichiitwa nevezera rako.

Kuva nedzimwe shamwari. Vanhu vanofarira kupedza nguva nevaya vane zvinangwa zvine musoro, vaya vanoziva zvavanoda uye vanoda kushanda kuti vazvizadzise.

Kuwedzera kuva nomufaro. Ngatimbotaurei zvazviri chaizvo: Hazvinakidzi kugara munhu wakangosuruvara kana kungomirira kuti zvinhu zvikufambire muupenyu. Asiwo, kana ukava nezvinangwa wozvizadzisa, unonyatsonzwa kugutsikana. Wagadzirira kutanga here? Mapeji anotevera achakubatsira! *

✔ 1 ZIVA

1. Funga zvinangwa zvaungava nazvo. Nakidzwa nokutora danho iri! Usafungisisa; chingonyora chete pfungwa dzakawanda dzaunogona. Ona kana ungabuda nezvinhu zvaunogona kuita zvinenge 10.

2. Yera zvaunofunga. Ndezvipi zvinoita sezvinonyanya kunakidza? Ndezvipi zvakanyanya kuoma? Ndezvipi zvaunonyanya kuda kuzadzisa? Yeuka kuti zvinangwa zvakanaka kupfuura zvose kazhinji ndizvo zvinokosha zvikuru kwauri.

3. Tanga nezvinokosha. Nyora zvinangwa zvako uchitanga nezvaunoda kutanga kuzadzisa.

✔ 2 RONGA

Pachinangwa chimwe nechimwe chawasarudza, ita zvinotevera:

Nyora chinangwa chako.

Kudzidza Portuguese kuitira pandichaenda kuMoçambique

Nyora musi wokuchizadzisa. Kurota chaiko kuva nechinangwa chisina musi wokuchizadzisa!

July 1

Ronga matanho anobatanidzwa.

Matanho

1. Kutsvaga duramazwi.

2. Kudzidza mashoko matsva gumi vhiki yoga yoga.

3. Kuteerera vamwe vanhu vanenge vachitaura Portuguese.

4. Kukumbira mumwe munhu kuti anzwe kuti matauriro uye madudziro andinoita mashoko ndiwo here.

Tarisira zvipingamupinyi. Chifunga kuti ungazvikunda sei.

Zvipingamupinyi zvingangovapo

Hapana ari pedyo anotaura Portuguese

Zvipire. Ita chitsidzo chokuti uchaita zvose zvaunogona kuti uzadzise chinangwa chako. Chisaina wonyora musi wacho.

Kukunda kwandingazviita

Kutora mashoko akarekodhwa emutauro wePortuguese pawww.pr418.com.

․․․․․ ․․․․․

Siginicha Musi

✔ 3 ITA CHIMWE CHINHU!

Chibva watanga. Zvibvunze kuti, ‘Ndingaitei nhasi kuti nditange kushandira chinangwa changu?’ Ichokwadi kuti ungasaziva kuti zvose zvinobatanidzwa ungazviita sei, asi usarega izvozvo zvichiita kuti usatange. Sezvinotaurwa neBhaibheri, “kana ukamirira kuti mhepo nemamiriro okunze zvitange zvanaka, haumbofi wakadyara kana kukohwa chinhu.” (Muparidzi 11:4, Today’s English Version) Wana chimwe chinhu chaungaita nhasi—kunyange chiri chidiki, chiite.

Ongorora zvinangwa zvako zuva nezuva. Zviyeuchidze kuti nei chimwe nechimwe chichikosha kwauri. Ona kufambira mberi kwaunenge waita nokuisa (kana kunyora musi wawapedza) padivi pedanho rimwe nerimwe raunenge wapedza.

Chimbofungidzira. Endesa pfungwa dzako mberi wozviona uchizadzisa chinangwa chako. Chimbonzwa kugutsikana kwauri kuita. Wadaro, dzosa pfungwa dzako kune matanho awatora, uye ongorora rimwe nerimwe panguva. Pakupedzisira, zvione uchizadzisa danho rimwe nerimwe uye fungidzira kufara kwauchaita pauchazadzisa chinangwa chako. Iye zvino chibva wazviita!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Mazano aya ndeezvinangwa zvenguva pfupi, asi pfungwa dzacho dzinoshandawo pazvinangwa zvenguva refu.

RUGWARO RUNOKOSHA

“Zvirongwa zvomunhu anoshingaira zvinobatsira.”—Zvirevo 21:5.

ZANO

Usazvinetsa nokuomerera pane zvakarongwa. Iva munhu anochinja-chinja, uye iva nezvaunogadzirisa sezvaunofambira mberi pakuzadzisa chinangwa chako.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Kana ukava nechinangwa chikuru uchagutsikanawo zvikuru paunochizadzisa!

UNOFUNGEI?

● Zvinoita here kuva nezvinangwa zvakawandisa panguva imwe chete?—VaFiripi 1:10.

● Kuva nezvinangwa kunoreva here kuronga zvauchaita miniti imwe neimwe youpenyu hwako?—VaFiripi 4:5.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 283]

Zviri nyore kuti uore mwoyo kana usina chimwe chinhu chokuisa pfungwa pachiri kana kuti chokutarisira. Asi kana ukava nezvinangwa wozvizadzisa, unonzwa uchifara.’’—Reed

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 283]

Mienzaniso Yezvinangwa

Ushamwari Kuva neshamwari imwe chete isiri yezera rangu. Kutangazve kushamwaridzana neyaimbova shamwari yangu.

Utano Kuita maekisesaizi kwemaminitsi 90 kana kupfuura vhiki yoga yoga. Kurara kwemaawa masere usiku hwoga hwoga.

Chikoro Kuva nemamakisi ari nani kumaths. Kutsigira zvakarurama pandinomanikidzwa kuita zvakaipa.

Zvokunamata Kuverenga Bhaibheri kwemaminitsi 15 zuva rimwe nerimwe. Kukurukura zvandinotenda newandinodzidza naye mukirasi vhiki ino.

[Mufananidzo uri papeji 284, 285]

Zvinangwa zvakaita sepurani—zvinoda kushanda nesimba kuti uzvizadzise