Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvii Zvinodiwa naMwari?

Zvii Zvinodiwa naMwari?

Mwari anoda kuti tigare muparadhiso panyika nekusingaperi tichifara uye tiine rugare!

Asi unogona kufunga kuti, ‘Izvozvo zvingafe zvakaitika here?’ Bhaibheri rinoti Umambo hwaMwari huchaita kuti zvidaro. Mwari anoda kuti vanhu vese vadzidze nezveUmambo ihwohwo uye zvaakasikira nyika.—Pisarema 37:11, 29; Isaya 9:7.

Mwari anoda kuti zvitifambire zvakanaka.

Vanababa vanoda kuti vana vavo vave neramangwana rakanaka. Saizvozvowo Baba vedu vekudenga vanoda kuti tifare nekusingaperi. (Isaya 48:17, 18) Vakavimbisa kuti “munhu anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nekusingaperi.”—1 Johani 2:17.

Mwari anoda kuti tifambe munzira dzake.

Bhaibheri rinoti Musiki wedu anoda ‘kutirayiridza nezvenzira dzake’ kuti ‘tifambe mumakwara ake.’ (Isaya 2:2, 3) Akasarudza “vanhu vezita rake” kuti kuda kwake kuziviswe pasi rese.—Mabasa 15:14.

Mwari anoda kuti timunamate takabatana.

Kunamata Jehovha sezvaanoda kunoita kuti vanhu vabatane nekuti vanodzidziswa kuti vadanane. (Johani 13:35) Ndivanaani vari kudzidzisa vanhu kwese kwese kuti vanamate Mwari vakabatana? Tinokukumbira kuti uverenge bhuku rino kuti uwane mhinduro yacho.