Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 3

Chokwadi Chiri muBhaibheri Chakawanikwazve Sei?

Chokwadi Chiri muBhaibheri Chakawanikwazve Sei?

Vadzidzi veBhaibheri kuma1870

Magazini yekutanga yeNharireyomurindi, 1879

Nharireyomurindi iye zvino

Bhaibheri rakagara rataura kuti pashure pekufa kwaKristu, paizova nevadzidzisi venhema pakati pevaKristu, avo vaizosanganisa chokwadi chemuBhaibheri nenhema. (Mabasa 20:29, 30) Izvi ndizvo chaizvo zvakazoitika nekufamba kwenguva. Vakasanganisa dzidziso dzaJesu nenhema dzaitendwa nevanhu vakanga vasinganamati Jehovha, zvikaita kuti pave nechiKristu chekunyepera. (2 Timoti 4:3, 4) Chii chinoita kuti tive nechokwadi chekuti manzwisisiro atinoita Bhaibheri iye zvino akarurama?

Nguva yakasvika yekuti Jehovha ajekese chokwadi. Jehovha akagara azivisa kuti ‘ruzivo rwechokwadi ruchawanda panguva yekuguma.’ (Dhanieri 12:4) Muna 1870, boka revanhu vashomanana vaitsvaga chokwadi rakaona kuti dzidziso dzakawanda dzemachechi dzakanga dzisingabvi muBhaibheri. Saka vakatanga kutsvaga muShoko raMwari kuti vanzwisise chokwadi chemuBhaibheri sekudzidziswa kwachaiitwa kare, uye Jehovha akavakomborera vakanzwisisa Magwaro.

Varume vaida chokwadi vakanyatsoongorora Bhaibheri. Vadzidzi ivavo veBhaibheri avo vainge vakazvipira, vakashandisa nzira yekudzidza yatichiri kushandisa iye zvino. Vaiti vakaongorora nyaya imwe chete voenda pane imwe, vachishandisa Bhaibheri. Pavaisvika pandima yeBhaibheri yakaoma kunzwisisa, vaibva vatsvaga mamwe mavhesi anobatsira kuti vainzwisise. Pavaiwana chokwadi chenyaya yacho chinotsigirwa neBhaibheri rese, vaibva vachinyora pasi. Pavaiita izvi, vaiita kuti Bhaibheri rizvitsanangure rega, uye zvakaita kuti vanzwisise chokwadi nezvezita raMwari, uye nezveUmambo hwake. Vakanzwisisawo nezvechinangwa chake pamusoro pevanhu, zvaakasikira nyika ino, chokwadi pamusoro pevakafa, uye tariro yerumuko. Kudzidza kwavakaita Bhaibheri kwakavasunungura padzidziso dzakawanda netsika dzezvitendero zvenhema.—Johani 8:31, 32.

Pakazosvika 1879, Vadzidzi veBhaibheri vakanga vatoona kuti chokwadi chaifanira kuziviswa kwese kwese. Saka mugore iroro, vakatanga kubudisa magazini yatichiri kubudisa nanhasi inonzi, Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha. Iye zvino tiri kuudza vanhu chokwadi munyika 240, mumitauro inopfuura 750. Ruzivo rwechokwadi haruna kumbobvira rwawanda zvakadaro!

  • Pashure pekunge Jesu afa, chii chakaitika kuchokwadi chemuBhaibheri?

  • Chii chakatibatsira kuti tiwanezve chokwadi chiri muShoko raMwari?