Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 4

Takabudisirei Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva?

Takabudisirei Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva?

Congo (Kinshasa)

Rwanda

Chikamu chakatorwa muBhaibheri rakashandurwa naSymmachus mumakore ekuma200 kana kuti 300 C.E chine zita raMwari pana Pisarema 69:31.

Kwemakumi emakore, Zvapupu zvaJehovha zvakashandisa maBhaibheri akasiyana-siyana, zvichiaprinda nekuaendesa muvanhu. Asi takazoona kuti paidiwa Bhaibheri rinobatsira vanhu kuti vawane “ruzivo rwakarurama pamusoro pechokwadi,” zvinova ndizvo zvinodiwa naMwari. (1 Timoti 2:3, 4) Saka muna 1950 takatanga kubudisa zvikamu zveBhaibheri rine mutauro wemazuva ano rinonzi Shanduro yeNyika Itsva. Bhaibheri iri rakashandurwa zvakarurama mumitauro inopfuura 130.

Paidiwa Bhaibheri riri nyore kunzwisisa. Mitauro inochinja nekufamba kwenguva, saka maBhaibheri akawanda ane mashoko asinganzwisisiki uye echinyakare. Kunewo zvimwe zvinyorwa zveBhaibheri zvekare zvakawanikwa. Zvinyorwa izvi zvakarurama uye ndizvo zvinonyatsoda kuenderana nezvaiva muzvinyorwa zvekutanga uye zvinobatsira pakuwedzera kunzwisisa chiHebheru, chiAramaiki uye chiGiriki chemuBhaibheri.

Paidiwa Bhaibheri rakaturikirwa nemazvo risina kuchinjwa zvakanyorwa pakutanga. Pane kuita madiro nezvinyorwa zvakafemerwa naMwari, vanoturikira Bhaibheri vanofanira kubudisa pfungwa dzacho sezvadziri vasingachinji zvakanyorwa pakutanga. Asi maBhaibheri akawanda akabvisa zita raMwari rekuti Jehovha muMagwaro Matsvene.

Paidiwa Bhaibheri rinopa mbiri kumunyori waro. (2 Samueri 23:2) MuBhaibheri reShanduro yeNyika Itsva zita raJehovha iro rinowanika kanenge ka7 000 rakadzorerwa maraiwanika muzvinyorwa zvekare kare zveBhaibheri sezviri pamufananidzo uri pasi apa. (Pisarema 83:18) Vanhu vakaturikira Bhaibheri iri vakatora makore akawanda vachitsvaga mashoko kuti vazobudisa Bhaibheri rinonakidza kuverenga, richinyatsobudisa pfungwa dzaMwari. Pasinei nekuti une Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva mumutauro wako here kana kuti hauna, tinokukurudzira kuti ugare uchiverenga Shoko raJehovha zuva rega rega.—Joshua 1:8; Pisarema 1:2, 3.

  • Sei takasarudza kubudisa Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva?

  • Chii chatinofanira kuita zuva rega rega kana tichida kudzidza nezvekuda kwaMwari?