Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 7

Misangano Yedu Yakaita Sei?

Misangano Yedu Yakaita Sei?

New Zealand

Japan

Uganda

Lithuania

VaKristu vekare pavaiita misangano yavo vaiwanzonyengetera, kuimba, uye kuverenga Magwaro nekuakurukura. Hapana tutsika twakawanda-wanda twavaiita. (1 VaKorinde 14:26) Tinotevedzera zvavaiita pamisangano yedu.

Zvinhu zvatinodzidza zvinobva muBhaibheri uye zvinobatsira. Pakupera kwevhiki, ungano imwe neimwe inoungana kuti inzwe hurukuro inobva muBhaibheri iyo inoratidza kuti Magwaro anoshanda sei muupenyu hwedu uye kuti zvaanotaura zvinoenderana papi nenguva yatiri. Tese tinokurudzirwa kuti titarisewo muBhaibheri redu panenge pachikurukurwa magwaro acho. Panopera mharidzo yacho, panouya Chidzidzo cheNharireyomurindi. Apa vanhu vari muungano vanogona kutaurawo zvinenge zvichidzidzwa muNharireyomurindi yacho. Chidzidzo ichi chinotibatsira kuti tizive mashandisiro atingaita zvinodzidziswa neBhaibheri muupenyu hwedu. Tese tinodzidza zvinhu zvakafanana muungano dzedu dzinopfuura 110 000 pasi rese.

Tinobatsirwa kuti tive nyanzvi pakudzidzisa. Tinounganawo pakati pevhiki kamwe chete manheru pamusangano une zvikamu zvitatu unonzi Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu. Zvatinokurukura pamusangano uyu zvinotorwa muPurogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa inobudiswa mwedzi wega wega. Chikamu chekutanga chemusangano uyu chinonzi, Pfuma Iri muShoko raMwari uye chinotibatsira kuti tinyatsonzwisisa zvitsauko zveBhaibheri zvatinenge tatoverenga kumba. Pachikamu chechipiri chinonzi, Shanda Nesimba Muushumiri, panenge paine vanoedzesera zvatingaita patinenge tichikurukura nevanhu zviri muBhaibheri. Pavanenge vapedza pane anovapa mazano anovabatsira kuti vawedzere kuverenga nekutaura zvakanaka. (1 Timoti 4:13) Chikamu chekupedzisira chinonzi Kurarama kwechiKristu, uye chinotibatsira kuti tizive mashandisiro atingaita zvinodzidziswa neBhaibheri muupenyu hwedu. Panenge pachibvunzwawo mibvunzo vateereri vachipindura, zvichiita kuti tiwedzere kunzwisisa Bhaibheri.

Pauchapinda misangano yedu hapana mubvunzo kuti uchafadzwa nemhando yedzidzo yauchawana ikoko kubva muBhaibheri.—Isaya 54:13.

  • Uchadzidzei kana ukauya kumisangano yeZvapupu zvaJehovha?

  • Pamisangano yatinoita vhiki nevhiki, ndeupi waunoda kuzopinda?