Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 10

Chii Chinonzi Kunamata Kwemhuri?

Chii Chinonzi Kunamata Kwemhuri?

South Korea

Brazil

Australia

Guinea

Kubvira kare, Jehovha agara achida kuti vari mumhuri vawane nguva yekumbova pamwe chete, vachisimbisa imba yavo uye vachisimbisana pakunamata. (Dheuteronomi 6:6, 7) Ndosaka Zvapupu zvaJehovha zvichironga kuva nenguva yekunamata pamwe chete semhuri vhiki rega rega. Pakunamata kwacho vanokurukura zvinhu zvinoenderana nemhuri yavo vakadekara zvavo. Kunyange uchigara wega, unogona kushandisa nguva iyoyo kuti uve pamwe chete naMwari uchidzidza nyaya yemuBhaibheri yaunenge uchida.

Inguva yekuswedera pedyo naJehovha. “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:8) Tinowedzera kuziva Jehovha patinodzidza zvakawanda nezvake muShoko rake Bhaibheri. Kana muchida kutanga kunamata semhuri munogona kutanga nekuverenga Bhaibheri zvinonzwika pamwe chete, zvichida muchitevedzera purogiramu yekuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki inoshandiswa paMusangano weUshumiri Uye Kurarama. Munhu wese ari mumhuri anogona kupiwa chikamu chake chekuverenga, mobva makurukura zvamunenge madzidza muMagwaro acho.

Inguva yekuti mhuri yenyu iwedzere kubatana. Varume nemadzimai avo, uye vabereki nevana vanogona kuwedzera kubatana kana vakadzidza Bhaibheri semhuri. Nguva yekunamata kwemhuri inofanira kuva nguva inonakidza, munhu wese achinzwa akasununguka uye achitotarisira kuti nguva yacho isvike. Zvichienderana nemazera evana, vabereki vanogona kusarudza nyaya dzinovabatsira, zvichida dzemuNharireyomurindi, Mukai!, kana kuti dzepajw.org. Munogona kukurukura nezvedambudziko riri kusangana nevana venyu kuchikoro, uye kuti vangarikunda sei. Munogona kuona purogiramu yepaJW Broadcasting (tv.pr418.com) moikurukura pamwe chete. Munogonawo kudzidzira nziyo dzichaimbwa pamisangano movawo netwekudyira-dyira kana mapedza kunamata kwemhuri.

Nguva iyi inokosha yekuti mhuri inamate Jehovha pamwe chete ichabatsira vese mumhuri kuti vade Shoko raMwari Bhaibheri uye Jehovha achakomborera zvamunoita.—Pisarema 1:1-3.

  • Sei tichizvipa nguva yekunamata semhuri?

  • Vabereki vangaitei kuti vese vari mumhuri vanakidzwe nekunamata kwemhuri?