Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 13

Chii Chinonzi Piyona?

Chii Chinonzi Piyona?

Canada

Paimba neimba

Chidzidzo cheBhaibheri

Kudzidza ari ega

Shoko reChirungu ratiri kushandura kuti “piyona” rinowanzoshandiswa richireva vanhu vanotanga kuita chimwe chinhu kana kuenda kune imwe nzvimbo isati yasvikwa, vachivhurira vamwe nzira. Jesu akanga akaita sapiyona nekuti akatumwa panyika kuti aite ushumiri hwaizoponesa vanhu, uye kuti avhure nzira inosvitsa vanhu kuruponeso. (Mateu 20:28) Mazuva ano vateveri vake vari kumutevedzera vachishandisa nguva yavo yakawanda pakubatsira vanhu ‘kuti vave vadzidzi.’ (Mateu 28:19, 20) Vamwe vari kukwanisa kuita basa ratinoti rekupayona.

Piyona muparidzi anoita nguva yakawanda achiparidza. Zvapupu zvaJehovha zvese vaparidzi vemashoko akanaka. Asi vamwe vakaronga zvinhu muupenyu hwavo kuti vakwanise kuva mapiyona enguva dzese, vachiita maawa 70 pamwedzi vachiparidza. Kuti vaite izvi, vamwe vanotapudza nguva yavanoshanda kumabasa kwavo. Kune vamwewo vanosarudzwa kuti vave mapiyona chaiwo kunzvimbo dzinodiwa vaparidzi veUmambo vakawanda, vachiita maawa 130 pamwedzi kana kupfuura. Mapiyona anogutsikana nekurarama upenyu husina twakawanda-wanda, vachivimba naJehovha kuti achavapa zvinodiwa pakurarama. (Mateu 6:31-33; 1 Timoti 6:6-8) Vaya vasingakwanisi kugara vachiita nguva yakawanda vachiparidza vanogona kuva mapiyona ebetsero pavanenge vachikwanisa. Mapiyona ebetsero anoparidza kwemaawa 30 kana 50 pamwedzi.

Piyona anoita basa rake zvichibva pakuda Mwari nevanhu. SaJesu, tiri kuona kuti vanhu vane nzara chaizvo panyaya dzekunamata. (Mako 6:34) Asi tine ruzivo runogona kuvabatsira iye zvino, ruchivapa tariro yakajeka yeramangwana. Kuda muvakidzani kunoita kuti piyona ashandise nguva nesimba rake pakubatsira vamwe kuti vazive Mwari. (Mateu 22:39; 1 VaTesaronika 2:8) Izvi zvinoita kuti kutenda kwake kusimbe, ave pedyo naMwari, uye awane mufaro mukuru.—Mabasa 20:35.

  • Piyona munhu akaita sei?

  • Chii chinoita kuti vamwe vave mapiyona?