Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 14

Zvikoro Zvipi Zvinopindwa Nemapiyona?

Zvikoro Zvipi Zvinopindwa Nemapiyona?

United States

Chikoro cheGiriyedhi, Patterson, New York

Panama

Zvapupu zvaJehovha zvava nenguva refu zvichiwana dzidzo inobva kuna Mwari. Vaya vanozvipira kuita nguva yakawanda vachiparidza nezveUmambo vanodzidziswa zvinovabatsira kuti ‘vaite ushumiri hwavo zvizere.’—2 Timoti 4:5.

Chikoro Chebasa Reupiyona. Kana piyona wenguva dzese apedza gore rake rekutanga pabasa iri, anokumbirwa kuti apinde chikoro chemazuva 6 icho chinogona kuitirwa paImba yeUmambo inenge iri pedyo. Chinangwa chechikoro ichi ndechekubatsira piyona kuti ave pedyo naJehovha, awedzere unyanzvi hwake panzira dzese dzatinoshandisa pakuparidza, uye kuti arambe achiita basa racho akatendeka.

Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo. Chikoro ichi chemwedzi miviri ndechekudzidzisa mapiyona anenge ava kukodzera kuchipinda, anoda kusiya misha yawo kuti aende kwese kungadiwa vaparidzi. Vaparidzi ava vanenge vaine pfungwa dzekuti: “Ndiri pano! Nditumei!” vachitevedzera muEvhangeri mukuru akararama panyika, Jesu Kristu. (Isaya 6:8; Johani 7:29) Kutamira kure nemusha kungatoda kuti munhu adzidze kurarama nezvinhu zvishoma. Zvinhu zvakadai setsika, mamiriro ekunze, uye zvekudya, zvinogona kunge zvakatosiyana nezvaakajaira. Pamwe zvingatoda kuti adzidze mumwe mutauro. Chikoro ichi chinobatsira hama nehanzvadzi dzisina kuroora kana kuroorwa uye vari muwanano, vane makore ari pakati pe23 ne65, kuti vave neunhu hunodiwa pabasa ravo rekuparidza uye unyanzvi hunoita kuti vaitire Jehovha zvakawanda musangano rake.

Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi. MuchiHebheru, zita rekuti “Giriyedhi” rinoreva kuti “Murwi Unopupurira.” Kubvira pakatanga Chikoro cheGiriyedhi muna 1943, vanhu vanopfuura 8 000 vakapinda chikoro ichi vachibva vatumwa semamishinari kuti vapupurire kusvika “kumigumo yenyika,” uye vari kubudirira chaizvo. (Mabasa 13:47) Pakatanga kusvika mamishinari muPeru, munyika iyi makanga musina ungano. Asi iye zvino mava neungano dzinopfuura 1 000. Mamishinari edu paakatanga kushanda muJapan, Zvapupu zvaivamo zvaisasvika 10. Iye zvino mava nevaparidzi vanopfuura 200 000. Chikoro cheGiriyedhi chinoitwa kwemwedzi mishanu uye vaya vanochipinda vanodzidza Shoko raMwari zvakadzama. Vaya vanoshumira semapiyona chaiwo kana kuti mamishinari ari mundima, nevanoshanda pamahofisi emapazi eZvapupu zvaJehovha, kana kuti vatariri vematunhu vanogona kukokwa kuti vapinde chikoro ichi, vonyatsodzidziswa kuti vatsigire hama uye vadzisimbise mubasa rekuparidza.

  • Chinangwa cheChikoro Chebasa Reupiyona ndechei?

  • Ndivanaani vanopinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo?