Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 17

Vatariri Vematunhu Vanotibatsira Sei?

Vatariri Vematunhu Vanotibatsira Sei?

Malawi

Boka reushumiri

Basa rekuparidza

Musangano wevakuru

Magwaro echiKristu echiGiriki anotaura kakawanda nezvaBhanabhasi nemuapostora Pauro. Varume ava vaiva vatariri uye vaishanyira ungano. Sei vaidzishanyira? Vaida nemwoyo wese kuziva kuti hama idzodzo dzavainamata nadzo dzainge dzakadii. Pauro akati aida ‘kushanyirazve hama’ kuti aone kuti dzakadii. Aizvipira kufamba mazana emakiromita kuti anosimbisa hama idzodzo. (Mabasa 15:36) Ndizvo zvinoitwawo nevatariri vematunhu mazuva ano.

Vanouya kuzotisimbisa. Mutariri wedunhu mumwe nemumwe anoshanyira ungano dzinosvika kuma20, achiita vhiki rimwe chete neungano uye anoishanyira kaviri pagore. Tinobatsirwa chaizvo neruzivo rwehama idzi. Tinobatsirwawo neruzivo rwemadzimai adzo kana dzakaroora. Vanoedza chaizvo kuziva vanhu vese vari muungano, vakuru nevadiki, uye vanoda kuenda nesu muushumiri nekuzvidzidzo zvedu zveBhaibheri. Vatariri ava vanoshanda nevakuru pakufudza ungano, uye vanotikurudzira nehurukuro dzinosimbisa pamisangano nepamagungano.—Mabasa 15:35.

Vanoda munhu wese ari muungano. Vatariri vematunhu vanoda chaizvo kuziva kuti ungano dziri kuita sei pakunamata. Vanoita musangano nevakuru nevashumiri veungano vachikurukura kufambira mberi kunenge kwaita ungano yacho uye vanovapa mazano anovabatsira pakuita basa ravo. Vanobatsira mapiyona kuti abudirire pabasa rawo rekuparidza, uye vanodawo kuziva vatsva muungano vachinzwa nezvekufambira mberi kwavari kuita pakunamata. Vatariri vematunhu vese zvavo ‘vanoshanda nesu kuti zvitinakire.’ (2 VaKorinde 8:23) Tinofanira kutevedzera kutenda kwavo nekuzvipira kwavo kuna Mwari.—VaHebheru 13:7.

  • Sei vatariri vematunhu vachishanyira ungano?

  • Ungabatsirwa sei nekushanya kwavanoita?