Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 22

Pahofisi Yebazi Panoitwei?

Pahofisi Yebazi Panoitwei?

Solomon Islands

Canada

South Africa

Vari mumhuri yeBheteri vanoshanda mumadhipatimendi akasiyana-siyana, vachitsigira basa rekuparidza munyika imwe chete kana kuti dzakawanda. Vamwe vanoita basa rekushandura, kuprinda magazini nemabhuku, kurongedza zvinyorwa, kurekodha zvekuteerera nemavhidhiyo, nemamwewo mabasa.

Dare Rebazi ndiro rinotungamirira basa racho. Dare Rinotungamirira rinogadza vakuru vatatu kana kupfuura, vanonyatsokodzera, kuti vave muDare Rebazi iro rinotungamirira pabazi. Dare Rebazi rinogara richizivisa Dare Rinotungamirira mafambiro ari kuita basa kana matambudziko anenge amuka munharaunda yarakapiwa. Mashoko avanotumira ndiwo anobatsira Dare Rinotungamirira pakusarudza nyaya dzinofanira kunyorwa mumabhuku edu uye dzekudzidza pamisangano nepamagungano. Dare Rinotungamirira rinogara richitumirawo vamiririri varo kumapazi kuti vanobatsira Matare Emapazi kuti aite basa rawo zvakanaka. (Zvirevo 11:14) Panorongwawo musangano unokosha unosanganisira hurukuro inopiwa nemumiririri wemahofisi edu makuru yekukurudzira vanogara munharaunda yebazi racho.

Bazi rinotsigira ungano. Hama dzakasarudzwa dziri pabazi dzinopa mvumo yekuti pave neungano itsva. Panewo dzimwe hama dzinoona nezvebasa remapiyona, mamishinari, nevatariri vematunhu munharaunda yebazi racho. Vanoronga magungano edunhu neemunharaunda, vanotungamirira basa rekuvaka Dzimba dzeUmambo, uye vanoronga kuti mabhuku anenge achidiwa aendeswe kuungano dzakasiyana-siyana. Zvese zvinoitwa pabazi zvinobatsira kuti basa rekuparidza riitwe zvakarongeka.—1 VaKorinde 14:33, 40.

  • Matare Emapazi anobatsira sei Dare Rinotungamirira?

  • Mabasa api anoitwa pahofisi yebazi?