Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 26

Tingabatsira Sei Kuti Imba Yedu yeUmambo Irambe Yakanaka?

Tingabatsira Sei Kuti Imba Yedu yeUmambo Irambe Yakanaka?

Estonia

Zimbabwe

Mongolia

Puerto Rico

Imba yeUmambo imwe neimwe yeZvapupu zvaJehovha ine zita dzvene raMwari. Saka tinoona basa rekuita kuti imba iyoyo igare yakachena uye ichitaridzika zvakanaka seropafadzo uye sechinhu chinokosha pakunamata kwedu. Munhu wese ane zvaanogona kuita pabasa iroro.

Zvipire kuchenesa panopera musangano. Panopera musangano mumwe nemumwe, hama nehanzvadzi dzinozvipira nemufaro kuita zvimwe zvinhu zvishoma pakuchenesa Imba yeUmambo. Kamwe chete pavhiki, ungano inoita zvakati wandei pakuchenesa Imba yeUmambo. Basa racho rinenge richitungamirirwa nemukuru kana kuti mushumiri anoshumira, kakawanda kacho aine pepa rinenge riine zvinofanira kuitwa. Zvichienderana nezvinenge zvichifanira kuitwa, vamwe vanozvipira kutsvaira, kukorobha, kupukuta guruva, kuronga zvigaro, kuchenesa uye kuisa mushonga wekuuraya utachiona muzvimbudzi, kupukuta mahwindo, kurasa marara, uye kuchenesa chivanze. Pagore panosarudzwa zuva rimwe chete kana anopfuura, ekunyatsochenesa. Patinoshanda nevana vedu pakuchenesa, tinenge tichitovadzidzisa kuremekedza nzvimbo yatinonamatira.—Muparidzi 5:1.

Zvipire pakugadzirisa zvinenge zvichida kugadzirwa. Gore rimwe nerimwe, Imba yeUmambo inonyatsoongororwa mukati nekunze. Zvichibva pane zvinenge zvaongororwa, panobva parongwa purogiramu yezvinhu zvinofanira kugara zvichiitwa kuti Imba yeUmambo igare yakanaka, izvo zvinobatsira pakuchengetedza mari. (2 Makoronike 24:13; 34:10) Zvakakodzera kuti Mwari wedu anamatirwe paImba yeUmambo yakachena uye inotaridzika zvakanaka. Kana tikazvipira kuitawo basa iri, tinenge tichiratidza kuti tinoda Jehovha uye tinokoshesa nzvimbo yedu yekunamatira. (Pisarema 122:1) Izvi zvinoita kuti vanhu vari munharaunda varemekedze basa redu.—2 VaKorinde 6:3.

  • Sei tichifanira kuchengetedza Imba yeUmambo yakanaka?

  • Ndezvipi zvinoitwa kuti Imba yeUmambo igare yakachena?