Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 27

Tingabatsirwa Sei neRaibhurari yepaImba yeUmambo?

Tingabatsirwa Sei neRaibhurari yepaImba yeUmambo?

Israel

Czech Republic

Benin

Cayman Islands

Ungada kuwedzera ruzivo rwako rweBhaibheri here? Unoda here kuwedzera ruzivo rwako nezvemumwe munhu, rugwaro, nzvimbo kana chimwe chinhu chinotaurwa muBhaibheri? Kana kuti wakambofunga kuti Shoko raMwari ringakubatsira here pane imwe nyaya iri kukunetsa? Kana zvakadaro enda unotsvaga mashoko muraibhurari yepaImba yeUmambo.

Unowana zvinhu zvinokubatsira pakutsvakurudza. Zvichida pamabhuku akabudiswa neZvapupu zvaJehovha mumutauro wako pane mamwe ausina. Asi muraibhurari yepaImba yeUmambo munenge muine mabhuku akawanda achangobva kubudiswa. Munogona kunge muinewo maBhaibheri akasiyana-siyana, duramazwi rakanaka, nezvimwewo zvinyorwa zvinobatsira. Unogona kushandisa raibhurari yacho misangano isati yatanga kana kuti yapera. Kana muraibhurari yacho muine kombiyuta, inogona kunge yakaiswa Raibhurari yeWatchtower. Iyi ipurogiramu yepakombiyuta ine zvinyorwa zvedu zvakawanda uye iri nyore kushandisa kana uine nyaya, shoko kana kuti rugwaro rwauri kuda kutsvaga.

Inobatsira vadzidzi vakanyoresa paMusangano weUshumiri Uye Kurarama. Unogona kushandisa raibhurari yepaImba yeUmambo paunenge uchigadzirira hurukuro dzako. Mutariri weMusangano weUshumiri Uye Kurarama ndiye anoona nezveraibhurari yacho. Ndiye ane basa rekuona kuti zvinyorwa zvitsva zvirimo here uye kuti zvakarongedzwa zvakanaka. Mutariri wacho kana kuti munhu anokudzidzisa Bhaibheri anogona kukuratidza kuti ungawana sei mashoko auri kutsvaga. Asi hapana mabhuku anofanira kubudiswa muImba yeUmambo. Tinoda kubata mabhuku iwayo zvakanaka uye hatifaniri kuasvibisa kana kuanyora-nyora.

Bhaibheri rinotiudza kuti kana tichida ‘kuwana ruzivo pamusoro paMwari’ tinofanira kurutsvaga “sepfuma yakavanzwa.” (Zvirevo 2:1-5) Raibhurari yepaImba yeUmambo inogona kukubatsira kuti utange kutsvaga ruzivo rwacho.

  • Ndezvipi zvinobatsira pakutsvakurudza zviri muraibhurari yepaImba yeUmambo?

  • Ndiani angakubatsira kuti ugone kushandisa raibhurari yacho?