Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 28

Zvii Zviri paWebsite Yedu?

Zvii Zviri paWebsite Yedu?

France

Poland

Russia

Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vokudza Baba venyu vari kudenga.” (Mateu 5:16) Kuti tidaro, tiri kushandisa zvinhu zviri kugadzirwa mazuva ano, kusanganisira Indaneti. Website yedu inonzi jw.org ndiyo nzvimbo yepamutemo yatinoisa mashoko pamusoro pezvatinoita uye zvatinotenda seZvapupu zvaJehovha. Panowanikwei?

Mhinduro dzemibvunzo yemuBhaibheri inowanzobvunzwa. Unogona kuwana mhinduro dzemimwe mibvunzo yakakosha chaizvo inowanzobvunzwa nevanhu. Semuenzaniso, unogona kuwana chinyorwa chine musoro unoti Kutambura Kuchazombopera Here? uye chine unoti Vakafa Vachararamazve Here? mumitauro inopfuura 600. Unogona kuwanawo Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva mumitauro inopfuura 130 nemamwe mabhuku anobatsira pakudzidza Bhaibheri kusanganisira bhuku rinonzi Bhaibheri Rinotidzidzisei? nemagazini matsva eNharireyomurindi neMukai! Unokwanisawo kuverenga, kuteerera kana kudhaunirodha zvinyorwa zvakawanda zviripo. Zvinyorwa zvacho zvinowanika zviri paMP3, PDF, kana kuti paEPUB. Unogonawo kuprinda mamwe mapeji aripo woratidzawo vamwe vanozvifarira mumutauro wavo. Panewo mavhidhiyo akasiyana-siyana emitauro yemasaini yakawanda. Unogona kudhaunirodha nyaya dzemuBhaibheri dzinenge dzichiverengwa sedziri kuitika, mitambo yemuBhaibheri, nemimhanzi inonakidza yekuteerera wakadekara hako.

Mashoko echokwadi pamusoro peZvapupu zvaJehovha. Pajw.org panoiswawo nhau dzinenge dzichangobva kuitika uye mavhidhiyo mapfupi ebasa redu pasi pese, zviitiko zvine chekuita neZvapupu zvaJehovha, uyewo kubatsira kwatinoita panoitika njodzi. Unogona kuwanawo zviziviso zvemisi inenge ichiitwa magungano edu uye makero emahofisi edu.

Tichishandisa nzira idzi, tiri kuita kuti chiedza chechokwadi chipenye kunzvimbo dziri kure chaizvo dzenyika. Vanhu vari panyika pese, kusanganisira nzvimbo iri kure chaizvo inotonhora inonzi Antarctica vari kubatsirwa nechokwadi. Tinonyengetera kuti “shoko raJehovha rirambe richipararira nekukurumidza” panyika pese, kuti Mwari akudzwe.—2 VaTesaronika 3:1.

  • Jw.org iri kubatsira sei vanhu vakawanda kuti vadzidze chokwadi chiri muBhaibheri?

  • Ndezvipi zvaunoda kuzotarisa pajw.org?