Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 10

Ungaziva Sei Kunamata Kwechokwadi?

Ungaziva Sei Kunamata Kwechokwadi?

1. Mwari anogamuchira zvitendero zvese here?

“Chenjererai vaprofita venhema.”​—MATEU 7:15.

Jesu akatanga chitendero chimwe chete chechokwadi chaakadzidzisa vateveri vake. Chitendero chacho chakaita semugwagwa unoenda kuupenyu husingaperi. Jesu akati: ‘Vashomanana ndivo vari kuwana’ mugwagwa wacho. (Mateu 7:14) Mwari anongogamuchira kunamata kunoenderana nezviri muShoko rake rechokwadi, Bhaibheri. Vanhu vese vari muchitendero chechokwadi vanotenda zvinhu zvimwe chete.​—Verenga Johani 4:23, 24; 14:6; VaEfeso 4:4, 5.

Ona vhidhiyo inonzi Mwari Anogamuchira Manamatiro Ese Here?

2. Jesu akati chii nezvevaKristu venhema?

“Vanozivisa pachena kuti vanoziva Mwari, asi vanomuramba nemabasa avo.”​—TITO 1:16.

Jesu akati vaprofita venhema vaizonyepedzera kuva vaKristu. Uchivaona unofunga kuti waona vaKristu vechokwadi. Machechi avo anozviti ndeechiKristu. Asi unogona kuziva zvavari chaizvo. Ungazviziva sei? Mararamiro avo akasiyana neevaKristu vechokwadi.​—Verenga Mateu 7:13-23.

3. Ungaziva sei vanamati vechokwadi?

Funga zvinhu izvi zvishanu:

  • Vanamati vechokwadi vanoremekedza Bhaibheri vachitenda kuti iShoko raMwari. Vanoedza chaizvo kurarama vachiita zvarinotaura. Saka chitendero chechokwadi chakasiyana nechitendero chinodzidzisa pfungwa dzevanhu. (Mateu 15:7-9) Vanamati vechokwadi havangodzidzisi vamwe asi vanoitawo zvavanodzidzisa.​—Verenga Johani 17:17; 2 Timoti 3:16, 17.

  • Vateveri vaJesu vechokwadi vanokudza zita raMwari rekuti Jehovha. Jesu akakudza zita raMwari kuburikidza nekuudza vamwe nezvaro. Akabatsira vanhu kuti vazive Mwari uye akavadzidzisa kuti vanyengeterere kuti zita raMwari ritsveneswe. (Mateu 6:9) Kwaunogara, chitendero chipi chinozivisa vanhu zita raMwari?​—Verenga Johani 17:26; VaRoma 10:13, 14.

  • VaKristu vechokwadi vanoparidza nezveUmambo hwaMwari. Mwari akatuma Jesu kuti aparidze mashoko akanaka eUmambo. Umambo hwaMwari ndihwo chete huchagadzirisa matambudziko evanhu. Jesu akaramba achiudza vanhu nezveUmambo kusvikira pazuva raakafa. (Ruka 4:43; 8:1; 23:42, 43) Akati vateveri vake vaizoparidza nezveUmambo. Kana pamba pako pakasvika munhu achikuudza nezveUmambo hwaMwari, unofunga kuti angava wechitendero chipi?​—Verenga Mateu 24:14.

  • Vateveri vaJesu havasi venyika ino yakaipa. Havapindiri mune zvematongerwo enyika kana pakunetsana kunoita vanhu munharaunda yavanogara. (Johani 17:16; 18:36) Havatevedzeri zvakaipa zvinoitwa nenyika.​—Verenga Jakobho 4:4.

  • VaKristu vechokwadi vanonyatsodanana. Vanoremekedza vanhu vemarudzi ese sezvavanodzidziswa neShoko raMwari. Kazhinji zvitendero zvenhema zvinotsigira zvakasimba hondo dzenyika, asi vaKristu vechokwadi havatsigiri hondo. (Mika 4:1-3) Vanoshandisa nguva yavo nezvinhu zvavo kuti vabatsire vamwe uye vavakurudzire.​—Verenga Johani 13:34, 35; 1 Johani 4:20.

4. Ungati chitendero chechokwadi ndechipi?

Chitendero chipi chinotora zvese zvachinodzidzisa muShoko raMwari Bhaibheri, chinoremekedza zita raMwari, uye chinozivisa kuti Umambo hwaMwari ndihwo chete huchagadzirisa matambudziko evanhu? Chitendero chipi chine vanhu vane rudo uye vasingapindiri muhondo? Unofungei?​—Verenga 1 Johani 3:10-12.