Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 15

Nei Uchifanira Kuramba Uchidzidza Bhaibheri?

Nei Uchifanira Kuramba Uchidzidza Bhaibheri?

1. Kuramba uchidzidza Bhaibheri kuchakubatsira sei?

Hapana mubvunzo kuti kudzidza kwawaita dzidziso dzekutanga dzeBhaibheri kwaita kuti uwedzere kuda Jehovha. Asi tinofanira kuramba tichishanda kuti rudo urwu rusimbe. (1 Petro 2:2) Kana uchida kuzorarama nekusingaperi, unofanira kuramba uchiswedera pedyo naMwari kuburikidza nekudzidza Shoko rake.​—Verenga Johani 17:3; Judha 21.

Paunowedzera kuziva Mwari, kutenda kwako kunosimbawo. Kutenda ikoko kuchakubatsira kuti ufadze Mwari. (VaHebheru 11:1, 6) Kuchakubatsirawo kuti upfidze zvivi zvako uye kuti uchinje mararamiro ako.​—Verenga Mabasa 3:19.

2. Ruzivo rwako pamusoro paMwari ruchabatsira sei vamwe?

Unogona kusvika pakudiwa chaizvo naJehovha

Kuziva Mwari kuchaita kuti ude kuudza vamwe zvawakadzidza. Tagara tichingoda kuudza vamwe mashoko akanaka. Paucharamba uchidzidza Bhaibheri, uchaziva kuti ungashandisa sei Bhaibheri pakuudza vamwe mashoko akanaka uye zvaunotenda pamusoro paJehovha.​—Verenga VaRoma 10:13-15.

Vakawanda vanotanga kutaura mashoko akanaka nehama neshamwari dzavo. Asi unofanira kutaura navo zvakanaka. Pane kutaura kuti chitendero chavo chakarasika, vaudze zvinhu zviri kuvimbiswa naMwari. Yeuka kuti vanhu vanobatsirwa nezvakanaka zvaunoita kupfuura zvaunotaura.​—Verenga 2 Timoti 2:24, 25.

3. Kuramba uchidzidza Shoko raMwari kunokubatsira sei?

Kudzidza Shoko raMwari kuchaita kuti urambe uchikura pakunamata. Unopedzisira wava kudiwa chaizvo naJehovha. Unogona kutova mumhuri yake.​—Verenga 2 VaKorinde 6:18.

4. Ungaitei kuti urambe uchikura pakunamata?

Unogona kukura pakunamata kana ukaramba uchidzidza Shoko raMwari. (VaHebheru 5:13, 14) Kumbira mumwe weZvapupu zvaJehovha kuti adzidze newe Bhaibheri muchishandisa bhuku rinonzi Bhaibheri Rinotidzidzisei? Kana ukaramba uchidzidza Shoko raMwari, upenyu hwako hucharamba huchivandudzikawo.​—Verenga Pisarema 1:1-3; 73:27, 28.

Mashoko akanaka anobva kuna Jehovha, Mwari anofara. Unogona kuva pedyo naye kuburikidza nekuva pedyo nevanhu vake. (VaHebheru 10:24, 25) Kuramba uchishanda nesimba kuti ufadze Jehovha kuchaita kuti uwane upenyu chaihwo, upenyu husingaperi. Kana ukaswedera pedyo naMwari, unenge waita chinhu chinokosha kupfuura zvese.​—Verenga 1 Timoti 1:11; 6:19.