Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 4

Akafadza Baba Vake naJehovha

Akafadza Baba Vake naJehovha

Jefta ari kuvimbisa Jehovha kutii?

Zvaisava nyore, asi mwanasikana waJefta akaita zvakavimbiswa nababa vake

Uri kuona here musikana ari pamufananidzo?— Mwanasikana wemurume anonzi Jefta. Bhaibheri haritiudzi zita rake, asi tinoziva kuti akafadza baba vake naJehovha. Ngatidzidzei nezvake uye nezvababa vake, Jefta.

Jefta aiva murume akanaka uye aitora nguva yakawanda achidzidzisa mwanasikana wake nezvaJehovha. Aivawo murume akasimba uye mutungamiriri akanaka. Saka vaIsraeri vakamukumbira kuti avatungamirire pakurwisa vavengi vavo.

Jefta akanyengeterera kubatsirwa naMwari kuti akunde. Jefta akavimbisa kuti kana akakunda, aizopa Jehovha munhu aitanga kubuda muimba yake paaidzoka kumba. Munhu uyu aizogara uye aizoshanda patebhenekeri yaMwari kweupenyu hwake hwose. Tebhenekeri yaiva nzvimbo yaienda vanhu kunonamata Mwari kare ikako. Jefta akakunda pakurwisana kwacho! Unoziva here kuti ndiani akatanga kubuda muimba yake paakadzoka kumba?—

Aiva mwanasikana waJefta! Ndiye chete aiva mwana wake, uye iye zvino Jefta aizofanira kumurega achienda. Izvi zvakaita kuti Jefta asuruvare zvikuru. Asi yeuka kuti ane zvaainge avimbisa. Pakarepo, mwanasikana wake akati: ‘Baba, mune zvamakavimbisa Jehovha, saka munofanira kuzviita.’

Gore negore, shamwari dzemwanasikana waJefta dzaimushanyira

Mwanasikana waJefta akasuruvarawo. Patebhenekeri, aisagona kuroorwa ova nevana. Asi aida chaizvo kuita zvakavimbiswa nababa vake uye kufadza Jehovha. Izvozvo zvainyanya kukosha kwaari kupfuura kuroorwa kana kuva nevana. Saka akabva pamba akanogara kutebhenekeri kweupenyu hwake hwose.

Unofunga kuti zvaakaita zvakafadza baba vake naJehovha here?— Zvakavafadza! Kana uchiteerera uye uchida Jehovha unogona kuva semwanasikana waJefta. Iwewo uchaita kuti vabereki vako naJehovha vafare zvikuru.