Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 6

Dhavhidhi Akanga Asingatyi

Dhavhidhi Akanga Asingatyi

Unoitei paunenge uchitya?— Zvichida unoenda kuna amai nababa vako kuti vakubatsire. Asi pane mumwezve anogonawo kukubatsira. Ane simba kupfuura chero ani zvake. Unoziva here kuti ndiani?— NdiJehovha Mwari. Ngatitaurei nezvemumwe mukomana ari muBhaibheri anonzi Dhavhidhi. Aiziva kuti Jehovha aizomubatsira nguva dzose, saka akanga asingatyi.

Kubva Dhavhidhi achiri mucheche, vabereki vake vakamudzidzisa kuda Jehovha. Izvi zvakabatsira Dhavhidhi kuti asatya kunyange zvinhu zvinotyisa pazvakaitika kwaari. Aiziva kuti Jehovha aiva Shamwari yake uye kuti aizomubatsira. Pane imwe nguva, Dhavhidhi paaifudza makwai, shumba hombe yakauya ikabata gwai nemuromo wayo! Unoziva here zvakaitwa naDhavhidhi? Akadzingirira shumba yacho uye kunenge kuti akaiuraya nemaoko ake! Uye mhuka inonzi bheya payakarwisa makwai acho, Dhavhidhi akaiurayawo! Unofunga kuti ndiani akabatsira Dhavhidhi?— NdiJehovha.

Paiva neimwe nguva Dhavhidhi paakaratidza kushinga zvikuru. VaIsraeri vairwa nevanhu vainzi vaFiristiya. Mumwe musoja wechiFiristiya aiva zirume rakareba zvikuru! Zita rake ainzi Goriyati. Zirume iri raiseka masoja echiIsraeri uyewo Jehovha. Goriyati akaudza masoja echiIsraeri kuti kana paine akashinga auye arwe naye. Asi vaIsraeri vose vakanga vachitya zvikuru kuti varwe naye. Dhavhidhi paakanzwa nezvazvo, akaudza Goriyati kuti: ‘Ndicharwa newe! Jehovha achandibatsira, uye ndichakukunda!’ Unofunga kuti Dhavhidhi ainge akashinga here?— Ainge akashinga zvikuru. Unoda kuziva zvakazoitika here?

Dhavhidhi akatora chipfuramabwe chake nematombo 5 anotsvedzerera, ndokuenda kunorwa nezirume racho. Goriyati paakaona kuti Dhavhidhi aiva mudiki chaizvo, akamuseka. Asi Dhavhidhi akamuudza kuti: ‘Unouya kwandiri nebakatwa, asi ini ndinouya kwauri nezita raJehovha!’ Akabva aisa dombo muchipfuramabwe chake, akamhanya achienda kuna Goriyati, ndokurikanda rakananga kwaari. Dombo racho rakarova Goriyati pahuma chaipo! Zirume racho rakawira pasi ndokufa! VaFiristiya vakatya chaizvo zvokuti vose vakatiza. Mukomana mudiki akaita saDhavhidhi akakwanisa sei kukunda zirume rakakura?— Jehovha akamubatsira, uye Jehovha aiva nesimba zvikuru kupfuura zirume iroro!

Dhavhidhi akanga asingatyi nokuti aiziva kuti Jehovha aizomubatsira

Ungadzidzei panyaya yaDhavhidhi?— Jehovha ane simba zvikuru kupfuura chero ani zvake. Uye iShamwari yako. Saka pauchanzwa kutya munguva inotevera, yeuka kuti Jehovha anogona kukubatsira kuti ushinge!

VERENGA MUBHAIBHERI RAKO