Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 9

Jeremiya Haana Kurega Kutaura nezvaJehovha

Jeremiya Haana Kurega Kutaura nezvaJehovha

Nei vanhu ava vakatsamwira Jeremiya?

Jehovha akanunura Jeremiya

Dzimwe nguva vanhu vanotiseka kana kutitsamwira patinotaura navo nezvaJehovha. Izvi zvingaita kuti tide kurega kutaura nezvaMwari. Wati wambonzwa saizvozvo here?— Bhaibheri rinotiudza nezvemumwe mukomana aida Jehovha asi akapotsa arega kutaura nezvake. Ainzi Jeremiya. Ngatidzidzei zvakawanda nezvake.

Jeremiya paaiva mukomana, Jehovha akamuudza kuti aifanira kuudza vanhu kuti varege kuita zvinhu zvakaipa. Izvi zvainge zvakaomera Jeremiya zvikuru, uye aitya. Akaudza Jehovha kuti: ‘Handizivi kuti ndoti kudii. Ndinongova hangu mukomana.’ Asi Jehovha akati: ‘Usatya. Ndichakubatsira.’

Saka Jeremiya akatanga kuudza vanhu vacho kuti vaizorangwa kana vakasachinja. Unofunga kuti vanhu vacho vakaita zvakataurwa naJeremiya here?— Vaimuseka kana kumutsamwira zvikuru. Vamwe vaitoda kumuuraya! Unofunga kuti Jeremiya ainzwa sei?— Aitya uye akati: ‘Handisi kuzotaurazve nezvaJehovha.’ Asi chaizvoizvo akarega here?— Haana. Aida Jehovha zvikuru zvokuti aisakwanisa kurega kutaura nezvake. Uye nemhaka yokuti Jeremiya haana kurega, Jehovha akamuchengetedza.

Somuenzaniso, vamwe varume vakaipa vakambokanda Jeremiya mugomba rakadzika rainge rakazara madhaka. Ainge asina zvokudya kana mvura. Varume ivavo vaida kusiya Jeremiya ari imomo kuti afe. Asi achibatsirwa naJehovha, akapona!

Ungadzidzei pane zvakaitwa naJeremiya?— Kunyange zvazvo dzimwe nguva aitya, haana kurega kutaura nezvaJehovha. Paunotaura nezvaJehovha, vanhu vangakuseka kana kukutsamwira. Unganyara kana kutotya. Asi usamborega kutaura nezvaJehovha. Achagara achikubatsira, sokungobatsira kwaakaita Jeremiya.