Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 14

Pane Umambo Huchatonga Nyika Yose

Pane Umambo Huchatonga Nyika Yose

Unofunga kuti Umambo hupi hwatiri kutaura nezvahwo?— Umambo hwaMwari uye ndihwo huchaita kuti nyika ive paradhiso. Ungada here kudzidza zvakawanda nezveUmambo uhwu?—

Umambo hwose huna mambo. Uye mambo wacho anotonga vanhu vomunyika yake. Unoziva here kuti Mambo weUmambo hwaMwari ndiani?— NdiJesu Kristu. Anogara kudenga. Nokukurumidza achange ava Mambo wemunhu wose ari panyika! Unofunga kuti tichafara here Jesu paanenge ava Mambo wenyika yose?—

Unoda kuzoitei muParadhiso?

Tichafara zvikuru! MuParadhiso, vanhu havazorwi kana kuenda kuhondo zvakare. Vanhu vose vachadanana. Hapana munhu achazorwara kana kufa. Mapofu achaona, matsi dzichanzwa, uye vanhu vasingagoni kufamba vachakwanisa kumhanya uye kusvetuka. Munhu wose achava nezvokudya zvakawanda. Uye mhuka dzichange dzava kuwirirana uye dzichava neushamwari nesu. Vanhu vakafa vachamutswa. Varume nevakadzi vakawanda vawakadzidza nezvavo mubhurocha rino vakadai saRibheka, Rakabhi, Dhavhidhi naEriya vachamutswawo! Unoda here kuzoonana nevanhu ivavo pavanenge vamutswa?—

Jehovha anokuda uye anoda kuti ufare. Kana ukaramba uchidzidza nezvaJehovha uye uchimuteerera, uchakwanisa kurarama nokusingaperi muparadhiso yakanaka kwazvo! Ndizvo zvaunoda here?—