Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 1

“Umambo Hwenyu Ngahuuye”

“Umambo Hwenyu Ngahuuye”

ZVICHAKURUKURWA MUCHITSAUKO CHINO

Kuongorora zvakadzidziswa naJesu nezveUmambo hwaMwari

1, 2. Mashoko api akataurirwa vadzidzi vaJesu naJehovha, uye vakaitei nawo?

 KUDAI Jehovha Mwari pachake aikutuma kuita chimwe chinhu, waizoita sei? Ungarega here kuita chero chaanenge akukumbira kuti uite? Haungamborega!

2 Izvi zvakaitika kuvaapostora vatatu vaJesu, Petro, Jakobho uye Johani, mazuva mashomanana pashure pePaseka ya32 C.E. (Verenga Mateu 17:1-5.) Vaina Ishe wavo “mugomo refu refu,” vakaona chiratidzo chaJesu ava Mambo wekudenga ane mbiri. Chiratidzo chacho chaiita sezvinhu zviri kutoitika zvokuti Petro akanga ava kutoda kumira mira kuti aite chimwe chinhu. Petro achiri kutaura, vakabva vafukidzwa negore. Petro nevamwe vake vakanzwa inzwi rakanga risati rambonzwikwa nevakawanda, inzwi raJehovha pachake. Pashure pekutaura kuti Jesu aiva Mwanakomana wake, Jehovha akanyatsovataurira kuti: “Muteererei.” Vaapostora vakaita sezvavakataurirwa naMwari. Vakateerera zvaidzidziswa naJesu, uye vakakurudzirawo vamwe kumuteerera.​—Mab. 3:19-23; 4:18-20.

Jesu akataura zvakawanda nezvoUmambo hwaMwari kupfuura imwe nyaya ipi zvayo

3. Nei Jehovha achida kuti titeerere Mwanakomana wake, uye inyaya ipi yatinofanira kuongorora?

3 Shoko iroro rokuti, “Muteererei,” rakanyorwa muBhaibheri kuti ritibatsire. (VaR. 15:4) Nei tichidaro? Nokuti Jesu ndiye mutauriri waJehovha uye pose paaishama muromo wake kuti adzidzise, aitotaura mashoko aBaba vake avaida kuti tizive. (Joh. 1:1, 14) Sezvo Umambo hwaMwari, hurumende yaMesiya yekudenga inoumbwa naJesu Kristu nevamwe 144-000 vachamubatsira kutonga, iriyo nyaya yainyanya kutaurwa naJesu kupfuura chero imwe ipi zvayo, zvakakosha kuti tinyatsoongorora nyaya iyi. (Zvak. 5:9, 10; 14:1-3; 20:6) Asi kutanga ngationgororei nei Jesu akataura zvakawanda kudaro nezveUmambo hwaMwari.

“Zvinobva Pazvizhinji Zviri Mumwoyo”

4. Jesu akaratidza sei kuti Umambo ndicho chinhu chaisabva pamwoyo wake?

4 Umambo ndicho chinhu chisingabve pamwoyo paJesu. Nei tichidaro? Nokuti mashoko anoratidza zviri mumwoyo medu, zvatinonyatsokoshesa. Jesu pachake akati: “Muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.” (Mat. 12:34) Pose paaiwana mukana, Jesu aitaura nezveUmambo. Pamashoko anopfuura zana anotaura nezveUmambo anowanikwa mumabhuku mana eEvhangeri, akawanda acho akataurwa naJesu. Akaratidza kuti Umambo ndihwo hwaiva dingindira rekuparidza kwake paakati: “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari kune mamwe maguta, nokuti ndakatumirwa izvozvi.” (Ruka 4:43) Kunyange paakazomutswa, Jesu akaramba achitaura nezveUmambo kuvadzidzi vake. (Mab. 1:3) Zvechokwadi mwoyo waJesu waida chaizvo Umambo, izvo zvaiita kuti ade kutaura nezvahwo.

5-7. (a) Tinoziva sei kuti Umambo chinhu chisingabve pamwoyo paJehovha? Ipa muenzaniso. (b) Tingaratidza sei kuti Umambo chinhu chiri pamwoyo pedu?

5 Umambo chinhu chisingabvewo pamwoyo paJehovha. Tinozviziva sei? Yeuka kuti Jehovha akatuma Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga munyika, uye zvinhu zvose zvaitaurwa uye zvaidzidziswa naJesu zvaibva kwaari. (Joh. 7:16; 12:49, 50) Zvakare kuna Jehovha ndiko kwakabva mashoko ose akanyorwa munhoroondo dziri mumabhuku mana eEvhangeri dzeupenyu hwaJesu neushumiri hwake. Chimbofunga kuti izvozvo zvinorevei.

Mumwe nemumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti, ‘Umambo hwaMwari chinhu chiri pamwoyo wangu here?’

6 Chimbofungidzira uchida kuisa mifananidzo yemhuri yako muarubhamu. Mifananidzo yacho yakawanda zvokuti haikwane muarubhamu yacho. Unoita sei? Unogona kuita zvekusarudza. Saizvozvowo, Evhangeri dzakada kuita searubhamu inotibatsira kunyatsoziva Jesu. Jehovha haana kufemera vanyori veEvhangeri kuti vanyore zvose zvakataurwa nezvakaitwa naJesu paaiva pasi pano. (Joh. 20:30; 21:25) Pane kudaro, mudzimu waJehovha wakavabatsira kunyora mashoko nezviito zvinotibatsira kunzwisisa chinangwa cheushumiri hwaJesu uye kunzwisisawo zvinonyanya kukosheswa naJehovha. (2 Tim. 3:16, 17; 2 Pet. 1:21) Sezvo Evhangeri dzakazara nedzidziso dzaJesu dzeUmambo hwaMwari, tinogonawo kuti Umambo huri pamwoyo paJehovha. Funga nezvazvo, Jehovha anoda kuti tizive kuti chii chaizvo chinonzi Umambo hwake!

7 Mumwe nemumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti, ‘Umambo hwaMwari chinhu chiri pamwoyo wangu here?’ Kana huri pamwoyo wedu, tichada chaizvo kuteerera zvakataurwa nezvakadzidziswa naJesu nezveUmambo hwacho, kuti hunokosha zvakadini uye kuti huchauya sei uye riini.

Umambo hwaMwari Huchauya Sei?

8. Jesu akataura sei muchidimbu kukosha kweUmambo?

8 Chimbofunga nezvemunyengetero womuenzaniso. Achinyatsotsetsenura asi achitaura zviri nyore kunzwisisa, Jesu akaratidza kukosha kweUmambo uye zvahuchazoita. Munyengetero iwoyo une zvikumbiro zvinomwe. Zvitatu zvekutanga zvine chokuita nezvinangwa zvaJehovha zvinoti, kutsveneswa kwezita rake, kuuya kweUmambo hwake, uye kuita kuti kuda kwake kuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga. (Verenga Mateu 6:9, 10.) Zvikumbiro izvi zvitatu zvakanyatsobatana. Umambo hwaMesiya ndihwo huchashandiswa naJehovha pakutsvenesa zita rake uye kuita kuti kuda kwake kuitwe.

9, 10. (a) Umambo hwaMwari huchauya sei? (b) Mashoko api akavimbiswa naMwari muBhaibheri auine shungu dzokuona achizadziswa?

9 Umambo hwaMwari huchauya sei? Patinonyengetera tichiti, “Umambo hwenyu ngahuuye,” tinenge tichikumbira kuti Umambo hutore danho rinokosha. Pahuchauya, huchashandisa simba rahwo rose panyika. Huchabvisa mamiriro ezvinhu aripo akaipa, kusanganisira hurumende dzose dzevanhu, hwounza nyika itsva yakarurama. (Dhan. 2:44; 2 Pet. 3:13) Kana Umambo hwava kutonga, nyika yose ichava paradhiso. (Ruka 23:43) Vaya vanoyeukwa naMwari vachamutswa vovazve nehama dzavo neshamwari. (Joh. 5:28, 29) Vanhu vanoteerera vachapedzisira vasisina chivi, vorarama nokusingaperi. (Zvak. 21:3-5) Nyika yose inenge yava kunyatsoita kuda kwaJehovha Mwari sezviri kuitwa kudenga. Hauna shungu dzokuona mashoko iwayo akavimbiswa naMwari muBhaibheri achizadziswa here? Yeuka kuti pose paunonyengetera kuti Umambo hwaMwari huuye, unenge uchinyengeterera kuti mashoko iwayo anokosha azadziswe.

10 Zviri pachena kuti Umambo hwaMwari hausati ‘hwauya’ kuzozadzisa munyengetero womuenzaniso. Hurumende dzevanhu dzichiri kungotonga uye nyika itsva yakarurama haisati yavapo. Asi pane mashoko akanaka. Umambo hwaMwari hwakagadzwa, sezvatichakurukura muchitsauko chinotevera. Iye zvino ngatichiongororai kuti Jesu akati Umambo hwaizogadzwa riini uye hwaizouya riini.

Umambo Hwakataurwa Kuti Hwaizogadzwa Riini?

11. Jesu akaratidzei nezvokugadzwa kwoUmambo hwaMwari?

11 Jesu akaratidza kuti Umambo hwaisazogadzwa panguva yaakararama uye yakararama vaapostora vake pasi pano, kunyange zvazvo vamwe vavo vaifunga saizvozvo. (Mab. 1:6) Funga zvaakataura mumifananidzo miviri yaakapa mumakore maviri.

12. Mufananidzo wegorosi nemasora unoratidza sei kuti Umambo hauna kugadzwa panguva yakararama Jesu kana kuti vaapostora vake pasi pano?

12 Mufananidzo wegorosi nemasora. (Verenga Mateu 13:24-30.) Pashure pokurondedzera mufananidzo uyu, zvichida muchirimo cha31 C.E., Jesu akautsanangurira vadzidzi vake. (Mat. 13:36-43) Hezvino zvinorehwa nemufananidzo wacho: Pashure pokufa kwevaapostora, Dhiyabhorosi aizodyara masora (vaKristu vekunyepera) pakati pegorosi (“vanakomana voUmambo,” kana kuti vaKristu vakazodzwa). Paizova nemwaka wekukura apo gorosi nemasora zvaizosiyiwa zviri pamwe chete kusvikira pakukohwa, uko kunoreva “kuguma kwemamiriro ezvinhu.” Kana mwaka wokukohwa watanga, masora aizounganidzwa. Zvadaro gorosi roiswa pamwe chete. Saka mufananidzo iwoyo unoratidza kuti Umambo hwaizogadzwa pashure pemwaka wekukura, kwete panguva yakararama Jesu kana kuti vaapostora vake. Izvi ndizvo zvakazoitika nokuti mwaka wokukura wakazoguma muna 1914 uye ndipo pakatanga mwaka wokukohwa.

13. Jesu akaenzanisira sei kuti akanga asingazogadzwi saMambo achangodzokera kudenga?

13 Mufananidzo wemamaina. (Verenga Ruka 19:11-13.) Jesu akataura mufananidzo uyu muna 33 C.E. paaienda kuJerusarema kekupedzisira. Vamwe vakanga vakamuteerera vaifunga kuti aizonotanga kutonga saMambo vachingosvika kuJerusarema. Kuti agadzirise pfungwa iyoyo uye kuti aratidze kuti Umambo hwakanga huchiri kure kuti hugadzwe, Jesu akazvifananidza nemumwe “murume weimba huru akaenda kunyika iri kure kuti anowana simba roumambo.” a “Nyika iri kure” yakaendwa naJesu kwaiva kudenga, uko kwaaizonopiwa simba naBaba vake rokuva Mambo. Asi Jesu aiziva kuti akanga asingazogadzwi saMambo achangodzokera kudenga. Aiziva kuti aizogara kuruoko rwaMwari rworudyi achimirira kuti nguva yacho isvike. Zvechokwadiwo kumirira ikoko kwakazotora mazana emakore.​—Pis. 110:1, 2; Mat. 22:43, 44; VaH. 10:12, 13.

Umambo hwaMwari Huchauya Riini?

14. (a) Jesu akapindura sei mubvunzo wevaapostora vake vana? (b) Kuzadziswa kwouprofita hwaJesu kunotiudzei nezvekuvapo kwake uye nezveUmambo?

14 Mazuva mashomanana Jesu asati aurayiwa, vaapostora vake vana vakamubvunza kuti: “Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho?” (Mat. 24:3; Mako 13:4) Jesu akapindura nokurondedzera uprofita hunotaura zvakawanda hwakanyorwa muzvitsauko 24 ne25 zvaMateu. Jesu akadonongodza zvakasiyana-siyana zvaizoitika pasi pose zvichipa chiratidzo chenguva inonzi “kuvapo” kwake. Kutanga kwekuvapo kwake kwaizoenderana nokugadzwa kwoUmambo; uye kuguma kwokuvapo kwake kwaizoenderana nokuuya kwoUmambo. Tine uchapupu hwakawanda hwokuti kubvira muna 1914, uprofita hwaJesu hwanga huchizadziswa. b Saka gore iroro ndiro rakava kutanga kwekuvapo kwake uye kugadzwa kwoUmambo.

15, 16. Mashoko okuti “chizvarwa chino” anoreva vanaani?

15 Asi Umambo hwaMwari huchauya riini? Jesu haana kutaura zuva chairo rahwaizouya. (Mat. 24:36) Asi ane zvaakataura zvinofanira kuita kuti tinyatsoziva kuti zuva racho rava pedyo zvechokwadi. Jesu akaratidza kuti Umambo hwaizouya kana “chizvarwa chino” chaona kuzadziswa kweuprofita hwechiratidzo. (Verenga Mateu 24:32-34.) Mashoko okuti “chizvarwa chino” anoreva vanaani? Ngatinyatsoongororai mashoko aJesu.

16 “Chizvarwa chino.” Jesu aitaura nezvevanhu vasingatendi here? Kwete. Ngatifungei kuti aitaura navanaani. Jesu akarondedzera uprofita uhwu kuvaapostora vashomanana “vakasvika kwaari vari voga.” (Mat. 24:3) Pasina nguva vaapostora vacho vaizozodzwa nomudzimu mutsvene. Cherechedzawo kuri kubva nenyaya yacho. Asati ataura ‘nezvechizvarwa chino’ Jesu akati: “Zvino dzidzai chinhu ichi pamuonde somufananidzo: Bazi rawo duku parinongova nyoro ropfumvutira, munoziva kuti zhizha rava pedyo. Saizvozvo nemiwo, pamunoona zvinhu zvose izvi, zivai kuti iye ava pedyo pamasuo.” Vateveri vaJesu vakazodzwa, kwete vanhu vasingatendi, ndivo vaizoona zvinhu zvaakataura kuti zvaizoitika uye ndivo vaizonzwisisa kuti zviri kureva kuti “iye ava pedyo pamasuo.” Saka Jesu paakataura ‘nezvechizvarwa chino’ aifunga nezvevateveri vake vakazodzwa.

17. Mashoko okuti “chizvarwa” uye “zvinhu zvose izvi” anoreva chii?

17 “Hachizombopfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika.” Mashoko iwayo achazadziswa sei? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, tinofanira kuziva zvinhu zviviri: kuti “chizvarwa” chinorevei uye kuti zvii zviri kunzi “zvinhu zvose izvi.” Shoko rokuti “chizvarwa” rinowanzoreva vanhu vemazera akasiyana-siyana vanorarama panguva imwe chete. Chizvarwa hachina kurebesa, asi kuti pane pachinogumira. (Eks. 1:6) Zviri kunzi “zvinhu zvose izvi” zvinosanganisira zviitiko zvose zvakataurwa kuti zvaizoitika panguva yokuvapo kwaJesu, iyo inotanga muna 1914 ichizoguma ‘pakutambudzika kukuru.’​—Mat. 24:21.

18, 19. Tinganzwisisa sei mashoko aJesu okuti “chizvarwa chino,” uye izvi zvinotisvitsa pakuti chii?

18 Saka tinofanira kunzwisisa sei mashoko aJesu okuti “chizvarwa chino”? Chizvarwa ichi chine mapoka maviri evakazodzwa vane imwe nguva yavakararama pamwe chete, vokutanga vari vaya vakaona kutanga kuzadziswa kwechiratidzo muna 1914, uye vechipiri vari vakazodzwa vakamborarama kwenguva yakati nevokutanga. Vamwe veboka rechipiri iri vachararama kuti vaone kutanga kwokutambudzika kukuru. Vari mumapoka acho maviri vanoumba chizvarwa chimwe chete nokuti vakatomborarama panguva imwe chete vari vaKristu vakazodzwa. c

19 Saka toti chii? Tinoziva kuti chiratidzo chokuvapo kwaJesu musimba roUmambo chiri kuoneka zvakajeka pasi pose. Tiri kuonawo kuti makore evakazodzwa ‘vechizvarwa chino’ vachiri vapenyu ari kupindana; asi havasi kuzopera vose kufa kutambudzika kukuru kusati kwatanga. Saka tinogona kuti Umambo hwaMwari hwasarirwa nenguva pfupi-pfupi kuti huuye kuzotonga nyika! Hakusi kufadza kwazvichaita kuona kuzadziswa kwemunyengetero watakadzidziswa naJesu wokuti: “Umambo hwenyu ngahuuye”!

20. Mubhuku rino muchakurukurwa nyaya dzipi dzinokosha, uye muchitsauko chinotevera tichaongororei?

20 Ngatiregei kumbokanganwa mashoko aJehovha pachake aakataura ari kudenga nezveMwanakomana wake okuti: “Muteererei.” Sezvo tiri vaKristu vechokwadi, tine chido chokuteerera murayiro waMwari iwoyo. Tine chido chokunzwisisa zvose zvakataurwa naJesu nezvaakadzidzisa nezvoUmambo hwaMwari. Zvakatoitwa noUmambo ihwohwo uye zvahuchaita ndizvo zvichakurukurwa mubhuku rino. Chitsauko chinotevera chichaongorora zviitiko zvinonakidza zvakaitika pakazvarwa Umambo hwaMwari kudenga.

a Mufananidzo waJesu unogona kunge wakayeuchidza vateereri vake nezvaArchelaus, mwanakomana waHerodhi Mukuru. Asati afa, Herodhi akaronga kuti Archelaus azomutsiva somutongi weJudhiya nedzimwe nharaunda. Asi asati atanga kutonga, Archelaus aifanira kutanga aita rwendo rurefu kuenda kuRoma kuti anopiwa mvumo yokutonga naAugustus Caesar.

c Chero ani zvake akazozodzwa pashure perufu rwewokupedzisira weboka rokutanga revakazodzwa, kureva vaya vakaona “kutanga kwemarwadzo enhamo” muna 1914, haakwanisi kunzi ari ‘muchizvarwa chino.’​—Mat. 24:8.