Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 2

Umambo Hunozvarwa Kudenga

Umambo Hunozvarwa Kudenga

ZVICHAKURUKURWA MUCHITSAUKO CHINO

Kugadzirira kwakaita Mwari vanhu vake Umambo husati hwazvarwa

1, 2. Chiitiko chipi chikuru kupfuura zvose chakaitika munhoroondo yenyika yose, uye nei zvisingatishamisi kuti hapana ziso remunhu rakachiona?

 WATI wambofungidzira uchirarama nguva yakaitika chimwe chinhu chikuru chakachinja magariro evanhu here? Vakawanda vanodaro. Asi funga kuti dai wakararama nguva yakadaro, waizonyatsoona nemaziso ako kanhu kamwe nekamwe kakatungamirira kuti chinhu chacho chiitike here? Kazhinji kacho hazvidaro. Zviitiko zvinowanzochinja hurumende dzava nemakore zvichizonyorwa mumabhuku, zvinowanzoitika veruzhinji vasingaoni. Kazhinji zvinhu zvinoshandura magariro evanhu zvinowanzoitwa muchivande, semumahofisi nemudzimba dzemadzimambo nedzehurumende. Asi kunyange zvakadaro, kana zvazoitika zvinobata-bata mamiriyoni evanhu.

2 Ko zvakadini nechiitiko chikuru kupfuura zvose chakaitika munhoroondo yenyika yose? Chiitiko ichocho chakabata-bata upenyu hwemamiriyoni evanhu. Asi pachakaitika hapana ziso remunhu rakachiona. Tiri kutaura nezvokuzvarwa kwakaitwa Umambo hwaMwari kudenga, hunova ndihwo hurumende yaMesiya yakagara yavimbiswa iyo ichagumisa nyika ino yose munguva pfupi iri kutevera. (Verenga Dhanieri 2:34, 35, 44, 45.) Sezvo vanhu vasina kuona kuzvarwa ikoko kunokosha, tingabva tati here Jehovha akavanzira vanhu chiitiko ichocho, kana kuti, akatoita kuti vanhu vake vakavimbika vave vakachigadzirira? Ngationei.

“Nhume Yangu . . . Ichagadzira Nzira Pamberi Pangu”

3-5. (a) “Nhume yesungano” inotaurwa pana Maraki 3:1 ndiani? (b) Chii chaizoitika “nhume yesungano” isati yauya kutemberi?

3 Kubvira makare kare, Jehovha aiva nechinangwa chokuti aite kuti vanhu vake vagadzirire kuzvarwa kwoUmambo hwaMesiya. Somuenzaniso, funga uprofita huri pana Maraki 3:1 hunoti: “Tarirai! Ndiri kutuma nhume yangu, uye ichagadzira nzira pamberi pangu. Ishe wechokwadi achangoerekana auya kutemberi yake, iye wamuri kutsvaka, uye nhume yesungano yamuri kufarira.”

4 Pakuzadziswa kweuprofita uhwu mazuva ano, Jehovha, “Ishe wechokwadi,” akauya riini kuzoongorora vaya vaimushumira muchivanze chepasi pano chetemberi yevanamati vake? Uprofita hwacho hunotsanangura kuti Jehovha aizouya aine “nhume yesungano.” Ndiani iyeye? Hapana mumwe kunze kwaMambo Mesiya, Jesu Kristu! (Ruka 1:68-73) SeMutongi achangogadzwa, aizoongorora ochenesa vanhu vaMwari pasi pano.​—1 Pet. 4:17.

5 Ko imwe “nhume” inotanga kutaurwa pana Maraki 3:1 ndiani? Nhume iyi yakaprofitwa yaizooneka nguva refu Mambo Mesiya asati avapo. Makumi emakore 1914 asati asvika, pane munhu ‘akagadzira nzira’ Mambo Mesiya asati avapo here?

6. Ndivanaani vakava “nhume” yakatanga kuuya kuti igadzirire vanhu vaMwari nezvezvaiva mberi?

6 Mubhuku rino, tichawana mhinduro dzemibvunzo yakadaro munhoroondo inonakidza yevanhu vaJehovha vemazuva ano. Nhoroondo iyi inoratidza kuti pakupera kwemakore okuma1800, zvakatanga kuoneka kuti rimwe boka revanhu vashomanana vakatendeka ndiro raiva sangano revaKristu vechokwadi chete munyika makanga makazara vaKristu vokunyepedzera. Boka iroro rakazozivikanwa seVadzidzi veBhaibheri. Vaivatungamirira, vakadai saCharles T. Russell nevamwe vake, zvechokwadi vakava “nhume” yakagara yataurwa, vachitungamirira vanhu vaMwari pakunamata uye vachivagadzirira zvaizouya. Ngationgororei zvinhu zvina zvakaitwa ‘nenhume’ pakugadzirira vanhu vaMwari.

Kunamata Muchokwadi

7, 8. (a) Mumakore okuma1800, ndivanaani vakatanga kufumura dzidziso yenhema yokuti mweya haufi? (b) C. T. Russell nevamwe vake vakafumura dzimwe dzidziso dzipi dzenhema?

7 Vadzidzi veBhaibheri ivavo vainyengetera, vodzidza; vaibvumirana, vonyora pasi uye vozozivisa vanhu dzidziso dzechokwadi dzinenge dzajeka. Kwemazana emakore machechi anozviti echiKristu akanga ari murima panyaya dzokunamata; dzidziso dzawo zhinji dzaibva muchihedheni. Muenzaniso mukuru unoratidza izvozvo idzidziso yokuti mweya haufi. Zvisinei, kumakore okuma1800 vanhu vashomanana vaidzidza Bhaibheri nemwoyo wose vakaongorora dzidziso iyoyo vakaona kuti yakanga isingatsigirwi neShoko raMwari. Henry Grew, George Stetson, naGeorge Storrs vakanyora uye vakadzidzisa noushingi, vachifumura nhema idzodzo dzaSatani. a Basa ravo rakabatsira zvikuru C. T. Russell nevamwe vake.

8 Boka iri duku reVadzidzi veBhaibheri rakaona kuti kune dzimwewo dzidziso dzakanga dzakabatana neyokuti mweya haufi dzaivhiringidzawo uye dzaive dzenhema. Dzimwe dzacho ndedzokuti vanhu vose vakanaka vanoenda kudenga kana kuti Mwari anotambudza mweya yevanhu vakaipa achivapisa nokusingaperi. Russell nevamwe vake vakafumura noushingi nhema idzodzo munyaya dzakawanda, mumabhuku, maturakiti uye mumharidzo dzaibudiswa.

9. Zion’s Watch Tower yakafumura sei kuti dzidziso yoUtatu ndeyenhema?

9 Vadzidzi veBhaibheri vakafumurawo dzidziso yairemekedzwa nevakawanda yoUtatu. Muna 1887, Zion’s Watch Tower yakati: “Magwaro anoratidza zvakajeka musiyano uye ukama huri pakati paJehovha naIshe wedu Jesu.” Nyaya yacho yakaratidza kushamisa kwazvinoita kuti “pfungwa yokuti kuna vanaMwari vatatu muna Mwari mumwe, kana kuti Mwari mumwe muvatatu, yakanga yakurumbira uye yakanga yatogamuchirwa. Asi sezvo yakatogamuchirwa, zvinongoratidza kuti chechi yakanga yakarara zvakadini muvengi achiisunga mbira dzakondo nedzidziso dzenhema.”

10. Watch Tower yakaratidza sei kuti 1914 raizova gore rinokosha?

10 Sezvairatidzwa nemusoro wayo wakazara, magazini yeZion’s Watch Tower and Herald of Christ’s Presence yaitaura zvikuru nezvouprofita hwaiva nechokuita nokuvapo kwaKristu. Vanyori vakazodzwa vakatendeka vane nyaya dzaibuda mumagazini iyoyo vakaona kuti uprofita hwaDhanieri hwaitaura ‘nezvenguva nomwe’ hwaiva nechokuita nenguva yaizozadziswa chinangwa chaMwari choUmambo hwaMesiya. Kuma1870 chaiko, vakanga vava kutotaura kuti 1914 ndiro gore raizoguma nguva nomwe. (Dhan. 4:25; Ruka 21:24) Kunyange zvazvo panguva iyoyo vakanga vasinganyatsonzwisisi kukosha kwegore iroro, vakazivisa kwose kwose zvavakanga vava kuziva, uye zvichiri kutibatsira nanhasi.

11, 12. (a) Hama Russell vakati ndivanaani vakavabatsira kuziva zvavaidzidzisa? (b) Basa rakaitwa naRussell nevamwe vake makumi emakore 1914 asati asvika raikosha zvakadini?

11 Russell nevamwe vake vakatendeka havana kumbotaura kuti hwaiva uchenjeri hwavo kuti vazive uye vanzwisise chokwadi ichi chinokosha. Russell akati akabatsirwa nevamwewo vakamutangira. Asi akati akanyanya kumubatsira ndiJehovha Mwari, uyo anodzidzisa vanhu vake zvavanofanira kuziva panguva yavanenge vachifanira kuzviziva. Zviri pachena kuti Jehovha akakomborera zvakaitwa naRussell nevamwe vake kuti vaparadzanise chokwadi nenhema. Nokupindana kwemakore, vakaramba vachiwedzera kuparadzana nechiKristu chekunyepedzera.

Hama Russell nevamwe vavo vaitsigira chokwadi cheBhaibheri

12 Basa rakaitwa nevarume ivavo vakatendeka pakutsigira dzidziso dzechokwadi makumi emakore 1914 asati asvika rinoshamisa zvechokwadi! Ichitaura nezvemakore acho, The Watch Tower and Herald of Christ’s Presence yaNovember 1, 1917, yakazoti: “Mamiriyoni evanhu nhasi akasunungurwa pakutya kwaikonzerwa nedzidziso yokuti vanhu vakaipa vanonopiswa uye dzimwe dzidziso dzenhema . . . Kujeka kwechokwadi uko kwakatanga makore anopfuura makumi mana adarika, kuri kuramba kuchiwedzera uye kucharamba kuchidaro kusvikira kwazadza nyika yose; uye vavengi vechokwadi vangaedza havo kumisa basa kuti chokwadi chirege kupararira nyika yose, asi havazokwanisi.”

13, 14. (a) “Nhume” yakabatsira sei kugadzirira Mambo Mesiya nzira? (b) Tinodzidzei kuhama dzedu dzakararama makore anopfuura zana adarika?

13 Imbofunga kuti zvaizoita here kuti vanhu vave vakagadzirira kutanga kwokuvapo kwaKristu ivo vasingazivi musiyano uri pakati paJesu naBaba vake, Jehovha? Zviri pachena kuti zvaisaita! Kana kuti vaizova vakagadzirira here dai vaifunga kuti vanhu vose vanowana mubayiro wokusafa, vasingazivi kuti ichi chipo chinokosha chakapiwa vateveri vashomanana vaKristu? Uyezve vaisazovawo vakagadzirira kudai vaifunga kuti Mwari anotambudza vanhu nokuvapisa nokusingaperi pasina tariro yokuwana zororo. Zviri pachena kuti “nhume” yakafanogadzirira Mambo Mesiya nzira!

14 Ko isu mazuva ano? Tinodzidzei kuhama dzedu dzakararama makore anopfuura zana adarika? Tinofanirawo kuverenga uye kudzidza zvakadzama Shoko raMwari. (Joh. 17:3) Nyika ino inodisa pfuma pairi kuziya nenzara yokusaziva chokwadi, isu ngatitowedzerei chido chokudya patafura yaJehovha!​—Verenga 1 Timoti 4:15.

“Budai Mariri, Vanhu Vangu”

15. Vadzidzi veBhaibheri vakasvika pakuziva chii zvishoma nezvishoma? (Onawo mashoko omuzasi.)

15 Vadzidzi veBhaibheri vakadzidzisa kuti zvakanga zvakakodzera kuti vanhu vabude mumachechi emunyika. Muna 1879, Watch Tower yakataura kuti kune “chechi yeBhabhironi.” Yaitaura nezvesvondo yeRoma kana kuti vatungamiriri vayo here? Machechi akabuda musvondo yeRoma akanga ava nemazana emakore achiti Bhabhironi rouprofita rinoreva chechi yeRoma. Asi zvishoma nezvishoma Vadzidzi veBhaibheri vakasvika pakuziva kuti machechi ose anozviti echiKristu anobatanidzwa “muBhabhironi” remazuva ano. Nechikonzero chei? Nokuti ose aidzidzisa nhema dzakafanana nedzambotaurwa. b Nokufamba kwenguva, mabhuku edu akatanga kunyatsotaura asingatendereri kuti vanhu vaiva mumachechi eBhabhironi vaida zvavo chokwadi vaifanira kuita sei.

16, 17. (a) Millennial Dawn, Volume III uye magazini yeWatch Tower zvakakurudzira vanhu sei kuti vazviparadzanise nezvitendero zvenhema? (b) Chii chaiita kuti mashoko aya okunyevera asanyanya kuva nesimba? (Ona mashoko omuzasi.)

16 Somuenzaniso, muna 1891, Millennial Dawn, Volume III yakakurukura kuramba kwakaita Mwari Bhabhironi remazuva ano ichiti: “Machechi acho ose, ose zvawo nemanamatiro awo ndiwo akarambwa.” Yakawedzera kuti vose “vasingatsigiri dzidziso dzaro dzenhema nemaitiro aro vari kuudzwa kuti vazviparadzanise naro.”

17 Muna January 1900, Watch Tower yakapa zano vose vakanga vachiine mazita avo mumachechi echiKristu chokunyepedzera vaizvipembedza vachiti, “Ini chokwadi ndinochida, handimbonyanya kuenda kumamwe machechi.” Nyaya yacho yakabvunza kuti: “Asi izvozvo zvakanaka here, kuti uve nekamwe kamwoyo kachiri muBhabhironi asi iwe uchiti wakabudamo? Ndiko kuteerera kunodiwa here . . . uye kunofadza nekunogamuchirika kuna Mwari? Zviri pachena kuti hakusi. Munhu wacho [anenge achipinda chechi] akaita sungano nechechi iyoyo paruzhinji paakatanga kuipinda, saka ari kufanira kuramba achirarama maererano nesungano iyoyo kusvikira . . . airamba paruzhinji kana kuti adzimisa zita rake imomo.” Nokufamba kwemakore mashoko iwayo akaramba achiwedzera kuva nesimba. c Vashumiri vaJehovha vanofanira kuzviparadzanisa zvachose nezvitendero zvenhema.

18. Nei zvakanga zvakakodzera kuti vanhu vabude muBhabhironi Guru?

18 Kudai mashoko okunyevera vanhu kuti vabude ‘muBhabhironi Guru’ akanga asingagari achiziviswa, Kristu aizogadzwa saMambo paine boka revashumiri vakazodzwa vakagadzirira pasi pano here? Zvechokwadi zvaisazodaro, nokuti vaKristu vakasunungurwa muBhabhironi chete ndivo vanogona kunamata Jehovha “nomudzimu nechokwadi.” (Joh. 4:24) Ko isuwo tine chido chakasimba chokuramba takaparadzana nezvitendero zvenhema here? Ngatirambei tichiteerera murayiro wokuti: “Budai mariri, vanhu vangu”!​—Verenga Zvakazarurwa 18:4.

Kuungana Vachinamata

19, 20. Magazini yeWatch Tower yakakurudzira sei vanhu vaMwari kuti vaungane pamwe chete vachinamata?

19 Vadzidzi veBhaibheri vaidzidzisa kuti vaKristu vanofanira kuungana pamwe chete vachinamata, pose pazvinobvira. MuKristu wechokwadi haangogutsikani nokubuda muzvitendero zvenhema chete. Anofanira kuva nezvaanenge achiita pakunamata kwakachena. Kubvira ichangotanga kubuda, magazini yeWatch Tower yaikurudzira vaverengi kuti vaungane vachinamata. Somuenzaniso, muna July 1880, Hama Russell vakataura nezverwendo rwavakanga vaita vachinopa hurukuro vachiti misangano yakawanda yavakanga vaita yaikurudzira zvikuru. Vakazokurudzira vaverengi kutumira makadhi aitaura nezvokuti misangano yavo yaifamba sei, mamwe acho achizobudiswa mumagazini yacho. Zvichizobatsirei? “Itai kuti tizive kuti . . . Ishe ari kukukomborerai sei uye tizive kana muri kuramba muchisangana nevamwe vane kutenda sekwenyu.”

Charles Russell aine boka reVadzidzi veBhaibheri vekutanga muCopenhagen, Denmark, muna 1909

20 Muna 1882, imwe nyaya yaiti “Assembling Together” (Kuungana Pamwe Chete) yakabuda mumagazini yeWatch Tower. Nyaya yacho yaikurudzira vaKristu kuva nemisangano “kuti vadzidzisane, vakurudzirane, uye vasimbisane.” Yakati: “Hazvinei kuti pakati penyu hapana munhu akadzidza kana kuti ane chipo chokudzidzisa. Mumwe nomumwe ngaauye neBhaibheri rake, pepa, nepenzura, mobatsirwa neConcordance, . . . nepamunogona napo. Sarudzai musoro; kumbirai kuti Mudzimu ukubatsirei kunzwisisa; chiverengai magwaro, fungai nezvawo, uye enzanisai rugwaro nerumwe rugwaro. Mukadaro zvechokwadi muchatungamirirwa kuchokwadi.”

21. Ungano yaiva kuAllegheny, Pennsylvania, yakaratidza muenzaniso wakaita sei panyaya yokupinda misangano nokufudza?

21 Mahofisi makuru eVadzidzi veBhaibheri aiva kuAllegheny, Pennsylvania, kuU.S.A. Vakaratidza muenzaniso wakanaka ikoko nokuungana vachiteerera zano riri muMagwaro pana VaHebheru 10:24, 25. (Verenga.) Imwe hama yainzi Charles Capen yakazotaura yakwegura nezvemisangano iyoyo yayaipinda ichiri mukomana. Yakanyora kuti: “Ndichiri kuyeuka rugwaro rwakanga rwakapendwa pamadziro pemba yemagungano yeSosaiti. ‘Mudzidzisi wenyu ndomumwe, imi mose muri hama.’ Mashoko iwayo okuti, hapana vanonzi vafundisi vakasiyana nevamwe vose pakati pevanhu vaJehovha, haana kumbobvira abva mupfungwa dzangu.” (Mat. 23:8) Hama Capen vaiyeukawo misangano yaibatsira zvikuru, kukurudzirana kwaiitwa, uye kuedza kwaiita Hama Russell kufudza mumwe nomumwe ari muungano.

22. Vanhu vakatendeka vakaita sei pavakakurudzirwa kupinda misangano yechiKristu, uye tinodzidzei kwavari?

22 Vanhu vakanga vakatendeka vakabatsirwa nomuenzaniso uyu uye mirayiridzo yaipiwa. Ungano dzakavambwa mudzimwe nzvimbo, dzakadai seOhio neMichigan, dzikazovambwawo muNorth America yose nedzimwe nyika. Chimbofunga kuti vanhu vakatendeka vaizova vakagadzirira kuvapo kwaKristu here kudai vakanga vasina kudzidziswa kuteerera zano remuMagwaro rokuungana pamwe chete vachinamata? Zviri pachena kuti vaisazodaro! Ko isuwo nhasi? Tinofanira kuva nechido chakasimba sechavaiva nacho chokupinda misangano yechiKristu nguva dzose, tichishandisa mikana yose kuti tinamate nevamwe uye tichivakana pakutenda.

Kushingairira Kuparidza

23. Magazini yeWatch Tower yakanyatsoratidza sei kuti vakazodzwa vose vanofanira kuparidza chokwadi?

23 Vadzidzi veBhaibheri vaidzidzisa kuti vakazodzwa vose vanofanira kuparidza chokwadi. Muna 1885, magazini yeWatch Tower yakati: “Hatifaniri kukanganwa kuti nhengo imwe neimwe yevakazodzwa, yakazodzwa kuti iparidze (Isa. 61:1), uye yakadanwa kuti iite ushumiri.” Imwe yakabuda muna 1888 yaiva nekurudziro yaiti: “Zviri pachena kuti basa iri nderedu . . . Kana tikasariita tichipa tuzvikonzero, tinenge tiri nyope dzevaranda, tichiratidza kuti hatina kukodzera nzvimbo yakakwirira yatakadanirwa kwairi.”

24, 25. (a) Hama Russell nevamwe vavo vakaitei kuwedzera pakukurudzira vanhu kuparidza? (b) Mumwe mucolporteur akarondedzera sei basa raaiita kusati kwava nemotokari?

24 Hama Russell nevamwe vavo havana kungogumira pakukurudzira vanhu kuparidza. Vakatanga kubudisa maturakiti ainzi Bible Students’ Tracts, akazopedzisira ava kunzi Old Theology Quarterly. Vaverengi veWatch Tower vaiapiwa kuti vaaparadzire kuruzhinji pachena.

Tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Basa rokuparidza rinokosha zvikuru muupenyu hwangu here?’

25 Vaya vakanga vakazvipira kuita ushumiri nguva yakazara vainzi macolporteur. Mumwe wavo aiva Charles Capen, ambotaurwa nezvake. Akazotaura papfuura makore kuti: “Ndaishandisa mamepu akanga akagadzirwa neveUnited States Government Geological Survey kuti ndione mashandiro andaiita ndima muPennsylvania. Mamepu aya airatidza migwagwa yose, zvichiita kuti ndikwanise kusvika nzvimbo dzose netsoka. Dzimwe nguva pashure perwendo rwemazuva matatu ndichitora maodha emabhuku aStudies in the Scriptures, mumamisha, ndaizohaya ngoro yaidhonzwa nemabhiza kuti ndiendese mabhuku acho kuvanhu. Kana kwavira ndaiwanzorara mudzimba dzevarimi. Mazuva acho motokari dzakanga dzisati dzawanda.”

Mucolporteur. Cherechedza chati yaitsanangura urongwa hwaJehovha yainzi “Chart of the Ages” yakapendwa pangoro yacho

26. (a) Nei vanhu vaMwari vaifanira kuita basa rokuparidza kuti vave vakagadzirira kutonga kwaKristu? (b) Mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza?

26 Zvaida vanhu vakashinga uye vanoshanda nesimba kuti basa rakadaro riitwe mazuva iwayo. Kudai vaKristu vechokwadi vasina kudzidziswa kukosha kwekuparidza vangadai vakava vakagadzirira kutonga kwaKristu here? Zviri pachena kuti vaisazodaro! Chokwadi ndechokuti basa iroro raizova chinhu chikuru chinoratidza kuti Kristu avapo. (Mat. 24:14) Vanhu vaMwari vaifanira kuva vakagadzirira kuita kuti basa iroro rinoponesa rive chinhu chinokosha muupenyu hwavo. Isuwo nhasi tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Basa rokuparidza rinokosha zvikuru muupenyu hwangu here? Ndinozvipira here kuti ndiite basa iri zvizere?’

Umambo hwaMwari Hunozvarwa!

27, 28. Muapostora Johani akaona chiratidzo chei, uye Satani nemadhimoni ake vakaita sei pakazvarwa Umambo?

27 Gore riya rinokosha ra1914 rakanga rakamirirwa rakazosvika. Sezvatakakurukura pakatangira chitsauko chino, hapana ziso romunhu rakaona zviitiko zvacho zvinoshamisa zvokudenga. Zvisinei, muapostora Johani akapiwa chiratidzo chaifananidzira zvaizoitika. Fungidzira izvi: Johani anoona “chiratidzo chikuru” kudenga. Sangano raMwari rezvisikwa zvokudenga zvisingaoneki, iro rinofananidzwa ‘nemukadzi’ wake, rine pamuviri uye rinozvara mwana mukomana. Tinoudzwa kuti mwana iyeye wekufananidzira “achafudza marudzi ose netsvimbo yesimbi” munguva pfupi iri kutevera. Asi paanozvarwa mwana uyu anobvutwa oendeswa “kuna Mwari nokuchigaro chake choumambo.” Inzwi guru kudenga rinoti: “Zvino ruponeso rwazoitika nesimba noumambo hwaMwari wedu nechiremera chaKristu wake.”​—Zvak. 12:1, 5, 10.

28 Hapana mubvunzo kuti zvakaratidzwa Johani kwaiva kuzvarwa kwoUmambo hwaMesiya. Chiitiko ichocho chaifadza zvechokwadi, asi kwete kumunhu wose. Satani nemadhimoni ake vakarwa nengirozi dzakatendeka, dzaitungamirirwa naMikaeri, kana kuti Kristu. Ndiani akakurirwa? Tinoverenga kuti: “Dhiragoni huru yakakandwa pasi, nyoka yepakutanga, iyo inonzi Dhiyabhorosi uye Satani, ari kutsausa nyika yose inogarwa; akakandwa panyika, uye ngirozi dzake dzakakandwa pasi pamwe chete naye.”​—Zvak. 12:7, 9.

Muna 1914, Vadzidzi veBhaibheri vakatanga kunzwisisa chiratidzo chokuvapo kwaKristu kusingaoneki

29, 30. Pakazvarwa Umambo hwaMesiya, zvinhu zvakachinja sei (a) panyika? (b) kudenga?

29 Gore ra1914 richiri kure, Vadzidzi veBhaibheri vakataura kuti nguva yenhamo yaizotanga gore iroro. Asi kunyange ivo havana kuziva kuti zvavaitaura zvaizozadziswa zvakarurama kudaro. Sezvakaratidzwa Johani, Satani aizotanga kuwedzera kukanganisa magariro evanhu. Johani akanzwa kuti: “Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti Dhiyabhorosi aburuka kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.” (Zvak. 12:12) Muna 1914, Hondo Yenyika I yakatanga uye chiratidzo chokuvapo kwaKristu musimba roUmambo chakatanga kuzadziswa pasi pose. “Mazuva okupedzisira” enyika ino akanga atanga.​—2 Tim. 3:1.

30 Zvisinei, kudenga kwaiva nomufaro. Satani nemadhimoni ake vakabva vadzingwa zvachose. Nhoroondo yaJohani inoti: “Saka farai, imi matenga nemi munogara maari!” (Zvak. 12:12) Sezvo matenga akanga acheneswa, uye Jesu agadzwa saMambo, Umambo hwaMesiya hwakanga hwagadzirira kubatsira vanhu vaMwari pasi pano. Hwaizoita sei? Sezvatakaona pakatangira chitsauko chino, Kristu ‘senhume yesungano’ aizotanga nokunatsa vashumiri vaMwari pasi pano. Aizozviita sei?

Nguva Yokuedzwa

31. Maraki akagara ataura kuti chii nezvenguva yokunatswa, uye uprofita ihwohwo hwakatanga kuzadziswa sei? (Onawo mashoko omuzasi.)

31 Maraki akagara ataura kuti kunatswa kwacho kwaisazova nyore. Akanyora kuti: “Ndiani achatsunga pazuva raanouya, uye ndiani achamira paanoonekwa? Nokuti achava akaita somoto womunatsi uye sesipo yomugezi wenguo.” (Mar. 3:2) Zvakazoitika zvakaratidza kuti mashoko iwayo aiva echokwadi. Kutanga muna 1914, vanhu vaMwari pasi pano vakaedzwa vaedzwazve uye vakasangana nematambudziko akakura. Hondo Yenyika I payaitsviriridza, Vadzidzi veBhaibheri vakawanda vaitambudzwa zvoutsinye uye vaikandwa mumajeri. d

32. Matambudziko api akamuka pakati pevanhu vaMwari pashure pa1916?

32 Zvinhu zvakanga zvisina kumirawo zvakanaka musangano. Muna 1916, Hama Russell vakafa vachingova nemakore 64, vakasiya vanhu vaMwari vakawanda vapererwa. Kufa kwavo kwakaita kuti zvive pachena kuti vamwe vakanga vachinyanya kutarisa muenzaniso wemunhu mumwe chete. Kunyange zvazvo Hama Russell vakanga vasingadi ruremekedzo rwakadaro, vanhu vakawanda vaiita sevaivanamata. Vakawanda vaifunga kuti kujekerwa nechokwadi kwakanga kwaguma nokufa kwavo zvokuti vamwe vakaramba zvakasimba kuti zvinhu zvifambire mberi. Mafungiro iwayo akaita kuti vakawanda vasiye kutenda, zvikaita kuti musangano muve nemapoka.

33. Tarisiro dzisina kuzadziswa dzakaedza sei vanhu vaMwari?

33 Mumwe muedzo waiva wokusazadziswa kwezvaitarisirwa. Kunyange zvazvo magazini yeWatch Tower yakanga yagona payakati 1914 raizova gore rokuguma kweNguva Dzemamwe Marudzi, hama dzakanga dzisati dzava kunzwisisa kuti chii chaizoitika gore iroro. (Ruka 21:24) Vaifunga kuti muna 1914, Kristu aizotora boka rake remwenga rakazodzwa kuti anotonga naro kudenga. Tarisiro iyoyo haina kuzadziswa. Gore ra1917 rava kunopera, magazini yeThe Watch Tower yakazivisa kuti makore 40 okukohwa aizoguma muchirimo cha1918. Asi basa rokuparidza harina kuguma. Rakaramba richibudirira nguva iyoyo yapfuura. Magazini yacho yakati basa rokukohwa zvechokwadi rakanga rapera, asi pakanga pasara nguva yokunonga zvakasaririra. Kunyange zvakadaro vakawanda vakasiya kunamata Jehovha nemhaka yokuodzwa mwoyo.

34. Muedzo upi wakakura wakamuka muna 1918, uye nei vaKristu vokunyepedzera vakafunga kuti vanhu vaMwari vakanga “vafa”?

34 Muedzo mukuru wakamuka muna 1918. J. F. Rutherford, uyo akatsiva C. T. Russell pakutungamirira vanhu vaMwari, akasungwa pamwe nedzimwe hama nomwe dzaitungamirira. Vakapiwa mitongo yokugara mujeri kwenguva yakarebesa kuAtlanta, Georgia, U.S.A. ivo vasina mhosva. Kwekanguva, basa revanhu vaMwari rakaita seramiswa. Vafundisi vakawanda vechiKristu chokunyepedzera vakafara. Vaitungamirira Vadzidzi veBhaibheri vakanga vava mujeri, dzimbahwe rokuBrooklyn ravharwa, uye basa rokuparidza rakanga rava kushorwa muAmerica nemuEurope. Vachiona izvi vafundisi ava vakafunga kuti Vadzidzi veBhaibheri vaivanetsa vakanga “vafa.” (Zvak. 11:3, 7-10) Apa vaizvinyepera!

Nguva Yokumutsidzira!

35. Nei Jesu akabvumira kuti vateveri vake vasangane nematambudziko, uye chii chaakazoita kuti avabatsire?

35 Vanhu vaivenga chokwadi havana kumboziva kuti Jesu akabvumira kuti matambudziko aya ave pavanhu vake nokuti Jehovha akanga achiita “sezvinoita munatsi nomuchenesi wesirivha.” (Mar. 3:3) Jehovha neMwanakomana wake vaiziva kuti vanhu vakatendeka vaizobuda mumiedzo iyi yaiita semoto vanatswa, vacheneswa uye vanyatsokodzera basa raMambo kupfuura zvavanga vari. Kubvira kutanga kwa1919, zvakava pachena kuti mudzimu waMwari wakanga waita zvaionekwa nevavengi vevanhu vake sezvisingaiti. Vakatendeka vakanga vamutsidzirwa! (Zvak. 11:11) Panguva iyoyo zvakava pachena kuti Kristu akazadzisa chiratidzo chikuru chemazuva okupedzisira. Akagadza “muranda akatendeka, akangwara,” varume vashomanana vakazodzwa vaizotungamirira vanhu vake vachivapa zvokudya zvinosimbisa pakunamata panguva yakakodzera.​—Mat. 24:45-47.

36. Chii chinoratidza kuti vanhu vaMwari vakanga vamutsidzirwa panyaya dzokunamata?

36 Hama Rutherford nevamwe vavo vakabudiswa mujeri musi wa26 March, 1919. Gungano reruwa rakabva rarongwa kuti riitwe muna September wegore iroro. Pakaitwa urongwa hwokuti patange kubudiswa magazini yechipiri, yaizonzi The Golden Age. Magazini iyi, iyo yaizofambirana neyeThe Watch Tower, yakanga yakagadzirirwa kushandiswa mubasa romumunda. e Gore iroro ndiro rakatanga kubuda Bulletin, iyo yava kunzi Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvokuita Uye Zvichadzidzwa. Kubvira ichingotanga kubuda, purogiramu iyi iri kukurudzira vanhu nezveushumiri. Zvakava pachena kuti kubvira muna 1919 basa rokuparidza paimba neimba rairamba richiwedzera kukosheswa.

37. Gore ra1919 richangopfuura, vamwe vakaratidza sei kuti vakanga vapanduka?

37 Basa rokuparidza rakaramba richinatsa vashumiri vaKristu, nokuti vamwe vavo vaizvikudza vaiona zvisingaiti kuita basa rakaderera kudaro. Vaya vakaona zvisingavaitire kuriita vakaparadzana nevakatendeka. Gore ra1919 rapfuura, vamwe vakanga vapanduka vakasvotwa ndokutanga kutaura uye kunyora mashoko okuchera, vachitotsigirana nevanhu vaitambudza vashumiri vaJehovha vakatendeka.

38. Kubudirira uye kukunda kwevateveri vaKristu pasi pano kunotiratidza chii?

38 Asi pasinei nezvose zvavaiitirwa, vateveri vaKristu pasi pano vakaramba vachibudirira pane zvokunamata. Kubudirira uye kukunda kwavari kuita kubvira panguva iyoyo, kunotiratidza zvakajeka kuti Umambo hwaMwari huri kutonga! Vanhu vashomanana vane chivi vaisazokunda Satani nenyika yake zvakadaro pasina kutsigirwa uye kukomborerwa naMwari achishandisa Mwanakomana wake uye Umambo hwaMesiya.​—Verenga Isaya 54:17.

Hama Rutherford vanopa hurukuro inokurudzira pagungano reruwa mwedzi mishomanana vachangobudiswa mujeri

39, 40. (a) Bhuku rino rakamira sei? (b) Kudzidza bhuku rino kuchakubatsira sei?

39 Muzvitsauko zvichatevera, tichaongorora zvakatoitwa neUmambo hwaMwari pasi pano kubvira pahwakaberekwa kudenga makore zana apfuura. Chikamu chimwe nechimwe chebhuku rino chichakurukura nezverimwe basa rokutsigira Umambo pasi pano. Muchitsauko chimwe nechimwe mune bhokisi rokudzokorora richabatsira mumwe nemumwe wedu kuona kuti tinotenda zvakadini muUmambo. Muzvitsauko zvokupedzisira, tichakurukura zvatinotarisira kuti zvichaitika panouya Umambo munguva pfupi iri kutevera kuzoparadza vakaipa hwoita kuti pasi rino rive paradhiso. Kudzidza bhuku rino kuchakubatsira sei?

40 Satani anoda kuparadza kutenda kwako muUmambo hwaMwari. Asi Jehovha anoda kusimbisa kutenda kwako kuti kukuchengetedze urambe wakasimba. (VaEf. 6:16) Saka tinokukurudzira kukumbira Jehovha kuti akubatsire pakudzidza bhuku rino. Ramba uchizvibvunza kuti ‘Ndinonyatsotenda muUmambo hwaMwari here?’ Kana kutenda kwako mahuri kwakanyatsosimba, pachava nemikana yakawanda yokuti hapana chichaparadza kutenda kwako zvokuti uchange uripo pazuva richaonekwa nevanhu vose vanenge vari vapenyu kuti Umambo hwaMwari hahusi chinhu chokungofungidzira uye huri kutonga!

a Kuti udzidze zvakawanda nezvaGrew, Stetson, naStorrs, ona bhuku raZvapupu zvaJehovha​—Vazivisi voUmambo hwaMwari, mapeji 45-46.

b Kunyange zvazvo Vadzidzi veBhaibheri vaiziva kuti vanhu vaifanira kubuda muzvitendero zvaishamwaridzana nenyika, vakaita makore vachiti vanhu vose vanotenda kuti kune rudzikinuro uye vanoti vakazvitsaurira kuna Mwari ihama dzechiKristu, kunyange zvazvo vakanga vasiri Vadzidzi veBhaibheri.

c Chimwe chaiita kuti mashoko iwayo okunyevera asava nesimba ndechokuti aingonyanya kushandiswa paboka duku raKristu re144 000. Tichaona muChitsauko 5 kuti 1935 asati asvika zvaifungwa kunzi “boka guru,” rinorondedzerwa pana Zvakazarurwa 7:9, 10, raizosanganisira vanhu vasingaverengeki vemachechi echiKristu chokunyepedzera uye kuti vaizova boka rechipiri rinoenda kudenga somubayiro wavo wokutsigira Kristu panguva yomugumo chaiyo.

d Muna September 1920, The Golden Age (yava kunzi Mukai!) yakabudisa nyaya yaikosha yairondedzera zviitiko zvakawanda zvokutambudzwa kwevaKristu munguva yehondo, kumwe kwacho kweutsinye, muCanada, England, Germany, neUnited States. Asi Hondo Yenyika Yokutanga isati yaitika kutambudzwa kwakadaro hakuna kumbonyanya kuitika.

e Kwemakore akawanda magazini yeThe Watch Tower yainyorerwa zvikurukuru kudzidzisa veboka duku.