Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 4

Jehovha Anokwidziridza Zita Rake

Jehovha Anokwidziridza Zita Rake

ZVICHAKURUKURWA MUCHITSAUKO CHINO

Vanhu vaMwari vanopa zita rake ruremekedzo rwakarikodzera

1, 2. Shanduro yeNyika Itsva inokwidziridza sei zita raMwari?

 MAMWE mangwanani kuine kazuva asi kuchitonhorera, musi weChipiri 2 December, 1947, rimwe boka rehama shomanana dzakazodzwa dzepaBheteri muBrooklyn, New York, rakatangisa basa rakakura. Basa racho rakanga rakaoma, asi vakaramba vachiriita kwemakore 12. Pashure penguva refu yakadaro, musi weSvondo, 13 March 1960, basa iroro, rokushandura Bhaibheri idzva, rakapera. Pashure pemwedzi mitatu, musi wa18 June, 1960, Hama Nathan Knorr vakabudisa Bhaibheri rakazara reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene pagungano reruwa muManchester, kuEngland, vanhu vaivepo vakafara zvokufara zviya. Mukurukuri akanyatsotaura manzwiro aiita vanhu vose vaivepo paakati: ‘Nhasi izuva rokufara reZvapupu zvaJehovha pasi pose!’ Chinhu chikuru chaisiyanisa Bhaibheri idzva iri nemamwe uye chaifadza ndechokuti raishandisa zita raMwari kakawanda.

Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki yakabudiswa pagungano ra1950 raiti Kuwedzera Kwevanamati vaMwari (Kuruboshwe: Yankee Stadium, New York City; kurudyi: Ghana)

2 Shanduro dzakawanda dzeBhaibheri dzakabvisa zita raMwari. Asi vashumiri vaJehovha vakazodzwa vakaramba vavariro yaSatani yokuti adzime zita raMwari mundangariro dzevanhu. Sumo yeShanduro yeNyika Itsva yakabudiswa zuva iroro yaiti: “Chinhu chikuru cheshanduro ino ndiko kudzorerwa kwezita raMwari munzvimbo yaro yakakodzera.” Zvechokwadi, Shanduro yeNyika Itsva inoshandisa zita raMwari, rokuti Jehovha, kunopfuura ka7 000. Shanduro iyi inokwidziridza zita raJehovha, Baba vedu vokudenga, zvinoshamisa!

3. (a) Hama dzedu dzakazonzwisisa kuti zita raMwari rinoreva kutii? (b) Tinofanira kunzwisisa sei Eksodho 3:13, 14? (Ona bhokisi rakanzi “ Zvinoreva Zita raMwari.”)

3 Makore okutanga-tanga, Vadzidzi veBhaibheri vaiti zita raMwari rinoreva kuti “Ndiri iye wandiri.” (Eks. 3:14, King James Version) Saka magazini yeThe Watch Tower yaJanuary 1, 1926, yakati: “Zita rokuti Jehovha rinoreva Iye ane upenyu husingabvi kune mumwe munhu kana chimwe chinhu, . . . uyo asina mavambo kana mugumo.” Zvisinei, pakazotangwa basa rokushandura Shanduro yeNyika Itsva, Jehovha akanga abatsira vanhu vake kunzwisisa kuti zita rake rinoreva zvinopfuura kungoti anozviraramisa oga asi zvikurukuru kuti ndiMwari ane chinangwa uye ari kushanda kuti chizadziswe. Vakadzidza kuti zita rokuti Jehovha richishandurwa sezvariri rinoreva kuti “Anoita Kuti Zvinhu Zvive Sezvaanoda.” Izvi zvinoreva kuti ndiye akaita kuti zvinhu zvose zvivepo kusanganisira vanhu nengirozi, uye achiri kuita kuti kuda kwake uye chinangwa zvizadziswe. Asi nei zvichikosha kuti zita raMwari rikwidziridzwe, uye isu tingabatanidzwawo sei pakurikwidziridza?

Kutsveneswa Kwezita raMwari

4, 5. (a) Patinonyengetera tichiti “Zita renyu ngaritsveneswe,” tinenge tichikumbira kuti chii chiitike? (b) Mwari achatsvenesa sei zita rake uye riini?

4 Jehovha anoda kuti zita rake rikwidziridzwe. Tingatoti kuita kuti zita rake ritsveneswe ndicho chinangwa chake chikuru sezvinoratidzwa nechikumbiro chokutanga chiri mumunyengetero waJesu womuenzaniso chokuti: “Zita renyu ngaritsveneswe.” (Mat. 6:9) Asi patinonyengetera tichidaro, tinenge tichikumbira kuti chii chiitwe?

5 Sezvatakadzidza muChitsauko 1 chebhuku rino, chikumbiro chokuti “Zita renyu ngaritsveneswe” chimwe chezvikumbiro zvitatu zviri mumunyengetero waJesu womuenzaniso zvine chokuita nechinangwa chaJehovha. Zvimwe zvacho zviviri ndezvokuti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe.” (Mat. 6:10) Saka patinenge tichikumbira Jehovha kuti aite kuti Umambo hwake huuye uye kuda kwake kuitwe, tinenge tichikumbirawo kuti atsvenese zita rake. Tingati tinenge tichikumbira kuti Jehovha achenese zita rake ranga richisvibiswa kubvira pakupanduka kwomuEdheni. Jehovha achapindura sei munyengetero wakadaro? Anoti: “Ndichatsvenesa zita rangu guru, rakanga richisvibiswa pakati pemarudzi.” (Ezek. 36:23; 38:23) Paachabvisa zvakaipa zvose paAmagedhoni, Jehovha achatsvenesa zita rake zvisikwa zvose zvichiona.

6. Tingabatsirawo sei pakutsvenesa zita raMwari?

6 Jehovha agara achibvumira vashumiri vake kubatsirawo pakutsveneswa kwezita rake. Zviri pachena kuti izvi hazvirevi kuti tinoita kuti zita raMwari riwedzere kuva dzvene. Ragara riri dzvene zvakakwana. Saka isu tinoritsvenesa sei? Isaya anoti: “Jehovha wemauto—Ndiye wamunofanira kuita mutsvene [kana kuti kuona somutsvene].” Uye Jehovha pachake anoti nezvevanhu vake: “Vachatsvenesa zita rangu . . . , uye vacharemekedza vachitya Mwari waIsraeri.” (Isa. 8:13; 29:23) Saka tinotsvenesa zita raMwari nokuritora serakakwirira uye rakasiyana nemamwe ose, nokuriremekedza, uye kubatsira vamwe kuti varitorewo sedzvene. Chinhu chikuru chinoratidza kuti tinotya uye tinoremekedza zita raMwari, kuziva kuti Jehovha ndiye Mutongi wedu tomuteerera nemwoyo wedu wose.—Zvir. 3:1; Zvak. 4:11.

Vakaitwa Kuti Vave Vakagadzirira Kudanwa Nezita raMwari Uye Kurikwidziridza

7, 8. (a) Nei vanhu vaMwari vakatora nguva vasati vava kukwanisa kudanwa nezita rake? (b) Iye zvino tichaongorora chii?

7 Kubvira kuma1870 vashumiri vaMwari vagara vachishandisa zita raMwari mumabhuku avo. Somuenzaniso zita rokuti Jehovha rinowanika mumagazini yeZion’s Watch Tower yaAugust 1879 uye mubhuku renziyo rainzi Songs of the Bride, rakabudiswa gore iroro. Kunyange zvakadaro, kunenge kuti Jehovha asati abvumira vanhu vake kuti vazivikanwe neruzhinji nezita rake dzvene, ane zvaaida kuti vatange vaita kuti vazokodzera chikomborero ichocho chakakura. Jehovha akagadzirira sei Vadzidzi veBhaibheri ivavo vokutanga kuti vazodanwa nezita rake?

8 Patinotarisa kumashure makore ekuma1800 ava kupera uye ekuma1900 ava kutanga, tinoona kuti Jehovha akaita kuti vanhu vake vawedzere kunzwisisa chokwadi chinokosha chine chokuita nezita rake. Ngationei zvinhu zvitatu zvavakadzidza.

9, 10. (a) Nei nyaya dzemumagazini ekutanga eWatch Tower dzainyanya kutaura nezvaJesu? (b) Chii chakachinja kubvira muna 1919 zvichienda mberi, uye Jehovha akaita sei nazvo? (Onawo bhokisi rakanzi “ Nharireyomurindi Inokwidziridza Zita raMwari.”)

9 Chokutanga, vashumiri vaJehovha vakasvika pakunyatsonzwisisa kukosha kwezita raMwari. Pakutanga, Vadzidzi veBhaibheri vakatendeka vaiona urongwa hwerudzikinuro sedzidziso huru yeBhaibheri. Ndosaka magazini yeWatch Tower yainyanya kutaura nezvaJesu. Somuenzaniso gore rayakatanga kubuda, zita rokuti Jesu raivemo kakapetwa kagumi kupfuura zita rokuti Jehovha. Ichitaura nezveVadzidzi veBhaibheri vemakore iwayo, Nharireyomurindi yeChirungu yaMarch 15, 1976 yakati “vainyanyisa kukoshesa” Jesu. Asi nokufamba kwenguva, Jehovha akavabatsira kunzwisisa kuti Bhaibheri rinokoshesa sei zita raMwari. Izvi zvakaita kuti Vadzidzi veBhaibheri vaite sei? Nharireyomurindi iyoyo inoti, kunyanyanyanya kubvira muna 1919 zvichienda mberi, “vakatanga kuwedzera kukoshesa Baba vaMesiya vokudenga, Jehovha.” Makore gumi akatevera gore ra1919, magazini yeThe Watch Tower yakatotaura zita raMwari kanopfuura ka6 500!

10 Kuremekedza zvakakodzera zita rokuti Jehovha kwakaitwa nehama dzedu kwakaratidza kuti dzaida zita raMwari. Dzakatevedzera Mosesi dzikatanga ‘kuzivisa zita raJehovha.’ (Dheut. 32:3; Pis. 34:3) Iyewo Jehovha, sezvinovimbiswa muMagwaro, akacherechedza kuda kwavaiita zita rake akatanga kuvafarira.—Pis. 119:132; VaH. 6:10.

11, 12. (a) Mabhuku edu akachinja sei 1919 achangopfuura? (b) Jehovha aiita kuti vashumiri vake vaise pfungwa dzavo pachii, uye nei aidaro?

11 Chechipiri, vaKristu vechokwadi vakasvika pakunyatsonzwisisa basa ravakapiwa naMwari. Gore ra1919 richangopfuura, hama dzakazodzwa dzaivatungamirira dzakafunga kuongorora uprofita hwaIsaya. Kubvira ipapo nyaya dzainyanya kubuda mumabhuku edu dzakachinja. Nei kugadziridza ikoko kwakaratidza kuva ‘zvokudya panguva yakakodzera’?—Mat. 24:45.

12 Gore ra1919 risati rasvika magazini yeThe Watch Tower yakanga isati yambonyatsokurukura uprofita hwaIsaya hwokuti: “‘Imi muri zvapupu zvangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘mushumiri wangu wandakasarudza.’” (Verenga Isaya 43:10-12.) Asi 1919 achangopfuura, mabhuku edu akatanga kuongorora ndima iyoyo yeBhaibheri, achikurudzira vakazodzwa vose kuita basa ravakapiwa naJehovha rokupupura nezvake. Tingati kubva muna 1925 kusvika muna 1931 chete, chitsauko 43 chaIsaya chakakurukurwa mumagazini 57 eThe Watch Tower, imwe neimwe ichitaura kuti mashoko aIsaya anoreva vaKristu vechokwadi. Zvaiva pachena kuti mumakore iwayo Jehovha aiita kuti vashumiri vake vaise pfungwa dzavo pabasa ravaifanira kuita. Nei aidaro? Aiita sokuti ari kutanga avaedza “kuti vanokodzera here.” (1 Tim. 3:10) Vasati vakodzera kudanwa nezita raMwari, Vadzidzi veBhaibheri vaifanira kutanga varatidza Jehovha nemabasa avo kuti vaiva zvapupu zvake zvechokwadi.—Ruka 24:47, 48.

13. Shoko raMwari rinozivisa sei nyaya huru kupfuura dzose inofanira kugadziriswa?

13 Chechitatu, vanhu vaJehovha vakasvika pakunzwisisa kukosha kwekutsveneswa kwezita raMwari. Kuma1920, vakaona kuti kutsveneswa kwezita raMwari ndiyo nyaya inokosha zvikuru inofanira kugadziriswa. Shoko raMwari rinozivisa sei chokwadi ichocho chinokosha? Funga nezvemienzaniso miviri. Ndechipi chikonzero chikuru chakaita kuti Mwari anunure vaIsraeri muIjipiti? Jehovha akati: “Kuti zita rangu riziviswe munyika yose.” (Eks. 9:16) Ko Jehovha akaratidzirei vaIsraeri ngoni pavaimupandukira? Jehovha akati zvakare: “Ndakazviita nokuda kwezita rangu kuti rirege kusvibiswa pamberi pemarudzi.” (Ezek. 20:8-10) Vadzidzi veBhaibheri vakadzidzei panhoroondo idzi nedzimwewo dziri muBhaibheri?

14. (a) Pakupera kwema1920, vanhu vaMwari vakanzwisisa chii? (b) Kunzwisisa chokwadi zvakadzama kwakachinja sei maonero aiita Vadzidzi veBhaibheri basa rokuparidza? (Onawo bhokisi rakanzi “ Chinoita Kuti Tide Zvakanyanya Kuparidza.”)

14 Pakupera kwema1920, vanhu vaMwari vakanzwisisa zvakanga zvataurwa naIsaya makore angasvika 2 700 akanga adarika. Iye akati nezvaJehovha: “Makatungamirira vanhu venyu kuti muzviitire zita rakanaka [kana kuti guru].” (Isa. 63:14) Vadzidzi veBhaibheri vakanzwisisa kuti chaikosha kwakanga kusiri kupona kwavo asi kuti kutsveneswa kwezita raMwari. (Isa. 37:20; Ezek. 38:23) Muna 1929, bhuku rainzi Prophecy rakataura chokwadi ichi muchidimbu richiti: “Nyaya yezita raJehovha ndiyo inokosha kupfuura dzimwe dzose kuzvinhu zvose zvakasikwa.” Kunzwisisa uku kwakagadziridzwa kwakaita kuti vanhu vaMwari vawedzere kupupura nezvake uye kuchenesa zita rake rakasvibiswa.

15. (a) Pakazosvika ma1930, Vadzidzi veBhaibheri vakanga vava kunzwisisa chii? (b) Inguva yei yakanga yasvika?

15 Pakazosvika ma1930, Vadzidzi veBhaibheri vakanga vava kunyatsoona kukosha kwezita raMwari, vava kunyatsonzwisisa basa ravakapiwa naMwari, uye vava kunzwisisawo nyaya huru inofanira kugadziriswa. Iye zvino nguva yaJehovha yakanga yasvika yokuti ape vashumiri vake rukudzo rwokudanwa nezita rake. Kuti tione kuti izvozvo zvakaitika sei, ngatitangei tambokurukura zvakaitika kare.

Jehovha Anotora “Vanhu Vezita Rake”

16. (a) Inzira ipi inopfuura dzose inoshandiswa naJehovha kukwidziridza zita rake? (b) Kare ndivanaani vakatanga kuva vanhu vezita raMwari?

16 Nzira inopfuura dzose inoshandiswa naJehovha kuti zita rake rikwidziridzwe ndeyokuita kuti panyika pave nevanhu vanodanwa naro. Kubvira muna 1513 B.C.E. zvichienda mberi, rudzi rwevaIsraeri rwaimiririra Jehovha sevanhu vake. (Isa. 43:12) Asi vakazotadza kuita zvavakanga vavimbisa musungano yavakanga vaita naMwari, saka muna 33 C.E., vakarasikirwa neukama hwavo hwaikosha naMwari. Izvozvo zvichangoitika, Jehovha “akafunga nezvemamwe marudzi kuti atore maari vanhu vezita rake.” (Mab. 15:14) Vanhu ivavo vakanga vachangosarudzwa vakazozivikanwa ‘saIsraeri waMwari,’ uyo anoumbwa nevateveri vaKristu vakazodzwa vanobva munyika dzakasiyana-siyana.—VaG. 6:16.

17. Satani akabudirira pakuita sei?

17 Munenge mugore ra44 C.E., vadzidzi vaJesu Kristu “vakatanga kutumidzwa kuti vaKristu nokutungamirira kwaMwari.” (Mab. 11:26) Parakatanga kushandiswa, zita iroro raivasiyanisa nevamwe vanhu nokuti raingoreva vaKristu vechokwadi chete. (1 Pet. 4:16) Asi sezvakaratidzwa naJesu mumufananidzo wake wegorosi nemasora, Satani akabudirira pazano rake rokuita kuti zita rokuti vaKristu ringoshanda kunyange kuvaKristu venhema. Saka kwemazana emakore vaKristu vechokwadi vakanga vasingakwanisi kusiyaniswa nevenhema. Asi izvi zvakatanga kuchinja “mumwaka wokukohwa,” uyo wakatanga muna 1914. Nei zvakachinja? Nokuti ngirozi dzakatanga kuparadzanisa vaKristu venhema nevaKristu chaivo.—Mat. 13:30, 39-41.

18. Chii chakabatsira hama dzedu kuti dzione kuti paidiwa zita idzva?

18 Pashure pokugadzwa kwemuranda akatendeka muna 1919, Jehovha akabatsira vanhu vake kunzwisisa basa raakanga avapa. Vakakurumidza kuona kuti kuparidza paimba neimba kunovasiyanisa nevaKristu venhema. Pavakangoziva izvozvo, havana kutora nguva vasati vanzwisisa kuti zita rokuti “Vadzidzi veBhaibheri” rakanga risinganyatsovasiyanisi nevamwe. Chinangwa chavo chikuru muupenyu chakanga chisiri chokungodzidza Bhaibheri asi kuti chaiva chokupupura nezvaMwari uye kukudza nokukwidziridza zita rake. Saka izita ripi raizonyatsokodzera basa ravaiita? Mubvunzo iwoyo wakapindurwa muna 1931.

Purogiramu yegungano, rakaitwa muna 1931

19, 20. (a) Chisarudzo chipi chinofadza chakaitwa pane rimwe gungano reruwa muna 1931? (b) Hama dzedu dzakaita sei patakapiwa zita idzva?

19 Muna July 1931, Vadzidzi veBhaibheri vangasvika 15 000 vakasvika kuColumbus, Ohio, U.S.A., kugungano reruwa. Pavakaona purogiramu yegungano, vakashamiswa nemabhii maviri mahombe akanga akanyorwa pakavha, J naW. Vaingoti, ‘Mavara aya ari kurevei?’ Vamwe vakafunga kuti aireva kuti “Just Wait” [Ingomirirai]; vamwe vachiti “Just Watch” [Mirai Muone]. Musi weSvondo 26 July wakazosvika, Hama Joseph Rutherford vakaita kuti vateereri vose vaite chisarudzo chaiva nemashoko ane simba okuti: “Tinoda kuzivikanwa uye kudanwa nezita rokuti, Jehovah’s witnesses [zvapupu zvaJehovha].” Vanhu vose vaivapo vakabva vatanga kunzwisisa kuti mabhii aya anga achivanetsa aireva kuti Jehovah’s Witnesses, zita riri muMagwaro rinobva pana Isaya 43:10.

20 Vanhu vakabvuma chisarudzo chacho nokuombera uye kudanidzira kwenguva refu. Ruzha irworwo rwakaitika kuColumbus rwakanzwika paredhiyo kunzvimbo dzakawanda pasi pose! Nezvezuva iroro, Ernest naNaomi Barber vaiva kuAustralia vakazoti: “Vanhu pavakatanga kuombera nokudanidzira kuAmerica, hama dzaiva kuMelbourne dzakasimuka pakarepo dzikaramba dzichiombera. Hatikanganwi zuva iroro!” a

Zita raMwari Riri Kukwidziridzwa Pasi Pose

21. Zita idzva rakaita sei kuti vanhu vawedzere basa rokuparidza?

21 Kuva nezita rinobva muMagwaro rokuti Zvapupu zvaJehovha kwakawedzera vashumiri vaMwari simba rokuparidza. Edward naJessie Grimes, murume nomudzimai vaipayona muUnited States, vakapinda gungano rokuColumbus muna 1931, vakati: “Patakabva kumba taive Vadzidzi veBhaibheri, asi patakadzoka takanga tava Zvapupu zvaJehovha. Takafara kuti takanga tava nezita raitibatsira kukwidziridza zita raMwari wedu.” Pashure pegungano iroro, zvimwe Zvapupu zvakashandisa nzira itsva yokuita izvozvo chaizvo. Vaizvisuma kuna saimba vomupa kadhi raiva nemashoko okuti: “[Ndiri] mumwe wezvapupu zvaJEHOVHA ari kuparidza nezveUmambo hwaJEHOVHA Mwari wedu.” Izvi zvinoratidza kuti vanhu vaMwari vaidada nokudanwa nezita rokuti Jehovha, uye vakanga vakagadzirira kuzivisa zvarinoreva kuvanhu vakawanda.—Isa. 12:4.

“Patakabva kumba taive Vadzidzi veBhaibheri, asi patakadzoka takanga tava Zvapupu zvaJehovha”

22. Chii chinoratidza kuti vanhu vaJehovha vakasiyana nevamwe?

22 Pava nemakore Jehovha abatsira hama dzedu dzakazodzwa kugamuchira zita rinotisiyanisa nevamwe. Mumakore ose akazotevera, Satani akakwanisa here kuita kuti vanhu vaMwari vasazivikanwe? Akabudirira here kuita kuti tingofanana nezvimwewo zvitendero zvenyika? Kana! Pane kuti zvidaro, kuzivikanwa kwedu sezvapupu zvaMwari kwatojeka zvakusati kwamboita. (Verenga Mika 4:5; Maraki 3:18.) Tingatoti tava kunyanya kuzivikanwa nezita raMwari zvokuti chero munhu anogara achiritaura anobva atonzi mumwe weZvapupu zvaJehovha. Panzvimbo pokudzikatidzwa nezvitendero zvakaita semakomo, kunamatwa kwaJehovha kwechokwadi kwasimbiswa “kwazvo kupfuura misoro yemakomo.” (Isa. 2:2) Zvechokwadi nhasi, kunamatwa kwaJehovha uye zita rake dzvene zvakakwidziridzwa.

23. Maererano naPisarema 121:5, ichokwadi chipi chatinoziva nezvaJehovha chinotisimbisa zvikuru?

23 Zvinotisimbisa kuziva kuti Jehovha achatidzivirira pakurwiswa naSatani iye zvino uye mune remangwana. (Pis. 121:5) Pakadaro hatingamborega kutevedzera mashoko emunyori wepisarema akati: “Runofara rudzi runa Mwari warwo anonzi Jehovha, ivo vanhu vaakasarudza kuti vave nhaka yake.”—Pis. 33:12.

a Ona mamwe mashoko muChitsauko 7, mapeji 72-74, nezvokuti redhiyo iyi yaishandiswa sei.