Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 5

Mambo Anovhenekera Vanhu Kuti Vanzwisise Umambo

Mambo Anovhenekera Vanhu Kuti Vanzwisise Umambo

ZVICHAKURUKURWA MUCHITSAUKO CHINO

Vanhu vaMwari vanosvika pakunzwisisa chokwadi chinokosha nezvoUmambo, vatongi vahwo nevahunotonga, pamwe nokuti kuvimbika kwahuri kunorevei

1, 2. Jesu akaratidza sei kuti mutungamiriri akachenjera?

 FUNGIDZIRA uine mumwe munhu anonyatsoziva guta rakanaka uye rinoyevedza achikuratidza nzvimbo dziri mariri. Iwe nevamwe vauinavo hamuzivi guta iroro, saka munonyatsoteerera shoko rimwe nerimwe rinotaurwa nemunhu iyeye ari kukutungamirirai. Muchifamba kudaro, iwe nevamwe vako munombofunga nezvedzimwe nzvimbo dzamuri kutarisira kuzoona. Asi pamunomubvunza nemufaro nezvadzo haakupindurei kusvikira paanoona pakakodzera kudaro, pakadai sepanenge pava kutanga kuonekera nzvimbo yacho. Nokufamba kwenguva munoyemura uchenjeri hwake, nokuti anokuudzai nezvenzvimbo yamunenge muchida kuziva panguva yamunofanira kuudzwa nezvayo.

2 VaKristu vechokwadi vakangofananawo nevanhu ivavo vari kuona nzvimbo. Tiri kudzidza nemufaro nezveguta rinoyevedza kupfuura mamwe ose, “guta rine nheyo chaidzo,” ihwo Umambo hwaMwari. (VaH. 11:10) Jesu paaiva pasi pano, iye pachake ndiye aitungamirira vateveri vake, kuti vave nezivo yakadzama yoUmambo ihwohwo. Akavapindura mibvunzo yavo yose kana kuvaudza zvinhu zvose nezvoUmambo panguva imwe chete here? Kwete. Akati: “Ndichiine zvinhu zvizhinji zvokutaura nemi, asi hamukwanisi kuzvinzwisisa panguva ino.” (Joh. 16:12) Jesu, uyo akangwara kupfuura chero munhu upi zvake anotungamirira vanhu vari kuona nzvimbo, haana kuremedza vadzidzi vake nezivo yavakanga vasati vava kunzwisisa.

3, 4. (a) Jesu ari kuramba achidzidzisa sei vanhu vakatendeka nezveUmambo hwaMwari? (b) Tichaongorora chii muchitsauko chino?

3 Jesu akataura mashoko ari pana Johani 16:12 usiku hwake hwokupedzisira pasi pano. Aizoramba sei achidzidzisa vanhu vakatendeka nezvoUmambo hwaMwari pashure perufu rwake? Akaudza vaapostora vake kuti: “Mudzimu wechokwadi, [u]chakutungamirirai muchokwadi chose.” a (Joh. 16:13) Tinogona kufananidza mudzimu mutsvene nemunhu ane mwoyo murefu ari kutitungamirira achitiratidza nzvimbo. Mudzimu ndiwo unoshandiswa naJesu kudzidzisa vateveri vake zvose zvavanofanira kuziva nezvoUmambo, panguva chaiyo yavanenge vachifanira kuzviziva.

4 Ngationgororei kuti mudzimu waJehovha wanga uchitungamirira sei vaKristu vanoda chokwadi kuti vawedzere kuziva nezvoUmambo. Tichatanga nokuongorora manzwisisiro atinoita kuti Umambo hwaMwari hwakatanga kutonga riini. Kana tadaro tichazoona kuti ndivanaani vanotonga muUmambo uye vanotongwa vacho. Tichazopedzisira nokuona kuti vateveri vaKristu vakawedzera sei kunzwisisa kuti kuvimbika kuUmambo kunorevei.

Kunzwisisa Gore Rinokosha

5, 6. (a) Vadzidzi veBhaibheri vaiva nemanzwisisiro api asiri iwo pamusoro pekugadzwa kwoUmambo uye kukohwa? (b) Nei manzwisisiro iwayo asina kururama asingarevi kuti Jesu haagoni kutungamirira vateveri vake?

5 Sezvatakaona muChitsauko 2 chebhuku rino, Vadzidzi veBhaibheri vakaita makumi emakore vachingotaura kuti gore ra1914 raizova rinokosha zvikuru pakuzadziswa kweuprofita hweBhaibheri. Asi panguva iyoyo vaifunga kuti kuvapo kwaKristu kwakanga kwatanga muna 1874, kuti akanga atanga kutonga kudenga muna 1878, uye kuti Umambo hwaisazogadzwa zvakazara kusvikira muna October 1914. Kukohwa kwaizoitwa kubvira muna 1874 kusvikira muna 1914 uye kwaizopera nokuunganidzwa kwevakazodzwa vachiendeswa kudenga. Saka kukanganisa kwaiitwa nevateveri vaJesu vakatendeka ava pakunzwisisa kunoreva here kuti Jesu akanga asiri kuvatungamirira nomudzimu mutsvene?

6 Handizvo! Funga zvakare nezvemuenzaniso watatanga nawo. Kana vanhu vari kuratidzwa nzvimbo vaine zvavanofunga zvisiri izvo uye vakabvunza nezvekwavasati vasvika zvinoreva here kuti ari kuvatungamirira haagoni basa? Kwete! Ndizvo zvazvakaitawo nevanhu vaMwari nokuti zviri pachena kuti Jesu ari kuvatungamirira, kunyange zvazvo dzimwe nguva vachiedza kufungidzira mafambiro achaita chinangwa chaJehovha nguva yokuti mudzimu uvazivise chokwadi ichocho isati yasvika. Saka vanhu vakatendeka vanobvuma kugadziridzwa uye vanozvininipisa vochinja zvavanga vachifunga.​—Jak. 4:6.

7. Vanhu vaMwari vakakomborerwa sei nechiedza chokunzwisisa chokwadi?

7 Pashure pa1919, vanhu vaMwari vakazokomborerwa nechiedza chaivabatsira kunzwisisa chokwadi. (Verenga Pisarema 97:11.) Muna 1925, nyaya yaikosha yaiti “Kuzvarwa Kwerudzi” yakabuda mumagazini yeThe Watch Tower. Yakabudisa uchapupu hwemuMagwaro hunogutsa hwokuti Umambo hwaMesiya hwakanga hwazvarwa muna 1914, zvichizadzisa uprofita hunoratidza mukadzi waMwari wokudenga achisununguka, huri muna Zvakazarurwa chitsauko 12. b Nyaya yacho yakaratidzawo kuti kutambudzwa uye nhamo yakaonekwa nevanhu vaJehovha mumakore iwayo ehondo zvaive zviratidzo zvakajeka zvokuti Satani akanga akandirwa pasi, “akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.”​—Zvak. 12:12.

8, 9. (a) Kukosha kwoUmambo hwaMwari kwakatanga kusimbiswa sei? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi?

8 Umambo hunokosha zvakadini? Muna 1928, magazini yeThe Watch Tower yakatanga kusimbisa kuti Umambo hunokosha kupfuura kuponeswa kwedu norudzikinuro. Chokwadi ndechokuti Umambo hwaMesiya ndihwo huchashandiswa naJehovha kutsvenesa zita rake, kuratidza kuti uchangamire hwake hwakarurama, uye kuita zvinangwa zvake zvose zvine chokuita nevanhu.

9 Ko Kristu aizotonga naani muUmambo hwacho? Ndivanaani vaizotongwa noUmambo pasi pano? Uye vateveri vaKristu vaizoita basa ripi?

Basa Rokukohwa Rokuunganidza Vakazodzwa

10. Vanhu vaMwari vagara vachinzwisisa chii nezveboka re144 000?

10 Makumi emakore 1914 asati asvika, vaKristu vechokwadi vakanga vatonzwisisa kuti vateveri vaKristu vakatendeka 144 000 vaizotonga naye kudenga. c Vadzidzi veBhaibheri ivavo vakaona kuti nhamba iyoyo haisi yokufananidzira uye kuti yakatanga kuzadziswa pakatanga ungano yechiKristu.

11. Vaya vane tariro yokuzova mwenga waKristu vakagadziridza sei kunzwisisa kwavaiita basa ravo repasi pano?

11 Asi vanhu ava vaiva netariro yokuzova nhengo dzemwenga waKristu vakanzi vaizoita basa rei vachiri pasi pano? Vakaona kuti Jesu akanga aratidza kuti basa rokuparidza rinokosha uye akarifananidza nenguva yokukohwa. (Mat. 9:37; Joh. 4:35) Sezvatakaona muChitsauko 2, vakamboita nguva vachifunga kuti kukohwa kwaizotora makore 40, kuchizoguma nokuendeswa kwevakazodzwa kudenga. Asi sezvo basa racho rakaramba richingoenderera mberi pashure pemakore 40, manzwisisiro avo aifanira kugadziriswa. Iye zvino tava kunyatsoziva kuti mwaka wokukohwa, kureva mwaka wokuparadzanisa gorosi nemasora kana kuti vaKristu vakazodzwa nevaKristu vokunyepedzera, wakatanga muna 1914. Nguva yakanga yasvika yokuti vakanga vasara veboka rinoenda kudenga vaunganidzwe!

Gore ra1914 ndiro raiva kutanga kwemwaka wekukohwa (Ona ndima 11)

12, 13. Mifananidzo yaJesu, wemhandara newematarenda yakazadziswa sei mumazuva ano ekupedzisira?

12 Kubvira muna 1919 zvichienda mberi, Kristu akaramba achitungamirira muranda akatendeka akangwara kuti akoshese basa rokuparidza. Akanga avapa basa iri achiri pasi pano. (Mat. 28:19, 20) Akaratidzawo vateveri vake vakazodzwa kuti vaifanira kuva vanhu vakaita sei kuti vakwanise kuzoita basa iri. Akazviita sei? Mumufananidzo wake wemhandara gumi, akaratidza kuti vakazodzwa vaizofanira kuramba vakamuka, vakangwarira pakunamata, kuti vazokwanisa kuva pamabiko makuru emuchato wokudenga pachabatanidzwa Kristu ‘nemwenga’ wake we144 000. (Zvak. 21:2) Kwozotiwo mufananidzo wematarenda, Jesu akadzidzisa kuti vateveri vake vakazodzwa vaizoshanda nesimba pabasa raakavapa rokuparidza.—Mat. 25:1-30.

13 Vakazodzwa vanga vachiratidza kuti vakamuka uye vanoshanda nesimba mumakore 100 adarika. Zvechokwadi vachawana mubayiro wavo nekuramba kwavo vakamuka! Asi basa guru rokukohwa raizongova rokuunganidza vasara ve144 000 vachatonga naKristu chete here?

Umambo Hunounganidza Vahuchatonga Pasi Pano!

14, 15. Mapoka api mana aitaurwa mubhuku rainzi The Finished Mystery?

14 Varume nevakadzi vakatendeka vava nenguva yakareba vachida kunzwisisa chinonzi “boka guru” rinotaurwa pana Zvakazarurwa 7:9-14. Zvakawanda zvaitaurwa nezvenyaya iyi zvaipesana nechokwadi chiri nyore chatinoziva iye zvino uye chatinoda asi izvi hazvishamisi nokuti nguva yaKristu yokuti ajekese nezveboka iri yakanga isati yasvika.

15 Muna 1917, bhuku rainzi The Finished Mystery raiti “kune mapoka maviri anopona achienda kudenga, uye mapoka maviri anopona achizorarama pasi pano.” Ndivanaani vaiva mumapoka aya mana? Rokutanga raiva revanhu 144 000, vaizotonga naKristu. Rechipiri, raiva boka guru. Panguva iyoyo zvaifungwa kunzi boka guru rinoreva vaKristu vezita vakanga vachiri mumachechi aizviti echiKristu. Vaiva nokutenda, asi kusina kusimba zvokuramba vakaperera. Saka vaizopiwa zvinzvimbo zvakaderera kudenga. Kana pari pasi pano, zvaifungwa kunzi kune boka rechitatu revanhu vekare vakadai saAbrahamu, Mosesi, nevamwewo, avo vainzi vaizotungamirira vanhu vose vepanyika vanova ndivo vaiva boka rechina.

16. Ichokwadi chipi chakajekeswa muna 1923 uye 1932?

16 Mudzimu mutsvene wakatungamirira sei vateveri vaKristu kuti vasvike pakunzwisisa chokwadi chatinokoshesa nhasi? Chiedza chechokwadi chaivajekera zvishoma nezvishoma. Muna 1923, magazini yeThe Watch Tower yakataura nezveboka risina tariro yokudenga raizorarama pasi pano richitongwa naKristu. Muna 1932, Nharireyomurindi yeChirungu yakakurukura nezvaJonadhabhi (Jehonadhabhi), uyo akabatana naMambo Jehu weIsraeri akanga azodzwa naMwari achimutsigira pakurwisa kunamata kwenhema. (2 Madz. 10:15-17) Nyaya yacho yakati kune boka revanhu mazuva ano rakafanana naJonadhabhi, ikazoti Jehovha aizoponesa boka iri “padambudziko reAmagedhoni” kuti rizorarama pasi pano.

17. (a) Muna 1935, kujeka kupi kukuru kwechokwadi kwakaitika? (b) VaKristu vakatendeka vakanzwa sei pavakatanga kunyatsonzwisisa nezveboka guru? (Ona bhokisi rakanzi “ Vakarerukirwa Zvikuru.”)

17 Muna 1935 pakava nokumwe kujeka kukuru kwechiedza chechokwadi. Pagungano reruwa rakaitirwa kuWashington, D.C., pakaziviswa kuti boka guru raizorarama pasi pano, uye kuti ndiwo makwai akataurwa naJesu mumufananidzo wake wemakwai nembudzi. (Mat. 25:33-40) Boka guru raizova pakati ‘pemamwe makwai,’ akataurwa nezvawo naJesu paakati: “Iwayowo ndinofanira kuuya nawo.” (Joh. 10:16) Mukurukuri, J. F. Rutherford, paakabvunza kuti: “Vose vane tariro yokurarama pasi pano nokusingaperi vangasimuka here?” yaipfuura hafu yevanhu vaivepo yakasimuka! Akabva ati, “Tarirai, boka guru!” Vakawanda vakafara chaizvo kuti vakanga vava kunzwisisa tariro yavo yeramangwana.

18. Vateveri vaKristu vakaisa pfungwa dzavo pachii muushumiri, uye vakabudirira zvakadini?

18 Kubvira ipapo, Kristu anga achitungamirira vateveri vake kuti vaise pfungwa pakuunganidza vanhu veboka guru iri, avo vanotarisira kupona pakutambudzika kukuru. Pakutanga kuunganidza kwacho kwaiita sepasina zviri kuitwa. Hama Rutherford vakatomboti: “Kunenge kuti ‘boka guru’ racho harisi kuzova guru sezita raro.” Asi isu tava kuziva kuti Jehovha akakomborera zvikuru basa rokukohwa kubvira ipapo! Vachitungamirirwa naJesu nomudzimu mutsvene, vakazodzwa neshamwari dzavo, “mamwe makwai,” vazova “boka rimwe” sezvakataurwa naJesu, vachishumira “pasi pomufudzi mumwe.”

Hama Rutherford havana kumbofungidzira kuti boka guru raizokura zvikuru (Kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: Nathan H. Knorr, Joseph F. Rutherford, uye Hayden C. Covington)

19. Tingabatsira sei kuti boka guru rirambe richikura?

19 Ruzhinji rwevanhu vakatendeka rwuchararama nokusingaperi muparadhiso pasi pano, rwuchitongwa naKristu nevamwe 144 000 vaachatonga navo. Hazvifadzi here kufunga matungamiriro akaita Kristu vanhu vaMwari kuti vasvike pakunzwisisa tariro iyoyo yakajeka yomuMagwaro yeramangwana? Takakomborerwa zvikuru kuti tinoudza vanhu tariro iyoyo muushumiri! Ngatishingairei nepatinogona napo kuti boka guru rirambe richikura, zvoita kuti zita raJehovha riwedzere kurumbidzwa!—Verenga Ruka 10:2.

Boka guru riri kuramba richingowedzera

Zvinorehwa Nokuvimbika kuUmambo

20. Sangano raSatani rinoumbwa nemapoka api, uye muKristu akavimbika anofanira kuaona sei?

20 Vanhu vaMwari pavakaramba vachidzidza nezvoUmambo, vaifanirawo kunyatsonzwisisa zvinorehwa nokuvimbika kuhurumende iyoyo yokudenga. Panyaya iyi, muna 1922, magazini yeThe Watch Tower yakataura kuti kune masangano maviri, raJehovha neraSatani, uye raSatani rinoumbwa nevezvekutengeserana, vezvitendero, uye vezvematongerwo enyika. Vaya vakavimbika kuUmambo hwaMwari vachitongwa naKristu havafaniri kukanganisa kuvimbika kwavo nokupindira muboka chero ripi zvaro riri musangano raSatani. (2 VaK. 6:17) Izvozvo zvinorevei?

21. (a) Muranda akatendeka agara achinyevera sei vanhu vaMwari nezvemabhizimisi makuru? (b) Muna 1963, Nharireyomurindi yakaratidza kuti “Bhabhironi Guru” rinomiririrei?

21 Muranda akatendeka agara achifumura uori huri mumabhizimisi makuru, achinyevera vanhu vaMwari kuti vasafurirwa nawo kukara pfuma. (Mat. 6:24) Mabhuku edu agara achifumurawo zvitendero, achiratidza kuti zvinobatanidzwawo musangano raSatani. Muna 1963, Nharireyomurindi yakaratidza zvakajeka kuti “Bhabhironi Guru” rinomiririra mubatanidzwa wemasangano ose ezvitendero zvenhema kwete chiKristu chenhema chete. Saka sezvatichanyatsoona muChitsauko 10 chebhuku rino, vanhu vaMwari vari munyika dzose uye vane tsika nemagariro zvakasiyana-siyana, vakakurudzirwa kuti ‘vabude mariri,’ vachizvichenesa pamabasa ose ezvitendero zvenhema.—Zvak. 18:2, 4.

22. Panguva yeHondo Yenyika I, vazhinji vevanhu vaMwari vainzwisisa sei kurudziro iri pana VaRoma 13:1?

22 Ko zvakadini nezvematongerwo enyika izvo zvinobatanidzwawo musangano raSatani? VaKristu vechokwadi vaikwanisa kupindira muhondo nemagakava enyika here? Panguva yeHondo Yenyika I, Vadzidzi veBhaibheri vaingonzwisisa kuti vateveri vaKristu havafaniri kuuraya vamwe vanhu. (Mat. 26:52) Asi vakawanda vainzwisisa kuti kurudziro iri pana VaRoma 13:1 yokuteerera “vane masimba makuru” inoreva kuti vanofanira kupinda muchiuto, vopfeka mbatya dzechiuto, uye votopakatira zvombo, asi kana vanzi vauraye muvengi, vaizoridzira mudenga.

23, 24. Tainzwisisa sei VaRoma 13:1 panguva yeHondo Yenyika II, uye vateveri vaKristu vakazotungamirirwa kuti vasvike pakunzwisisa chii?

23 Hondo Yenyika II ichangotanga muna 1939, Nharireyomurindi yakabudisa nyaya yainyatsotsanangura zvakadzama nyaya yokusatsigira zvematongerwo enyika. Nyaya yacho yairatidza zvakajeka kuti vaKristu vaisafanira kupindira muhondo nemagakava zvenyika yaSatani. Nyaya yacho yakabuda panguva yakakodzera chaiyo! Saka izvi zvakadzivirira vateveri vaKristu pamhosva yokudeura ropa yakaparwa nenyika dzakawanda muhondo iyi. Asi kutanga muna 1929, mabhuku edu akambotsanangurawo kuti vane masimba makuru vanotaurwa pana VaRoma 13:1 havasi vatongi venyika asi kuti ndiJehovha naJesu. Manzwisisiro aya akanga achiri kuda kugadziridzwa.

24 Mudzimu mutsvene wakatungamirira vateveri vaKristu kuti vaite izvozvo chaizvo muna 1962, pakabudiswa nyaya dzaikosha dzaitsanangura VaRoma 13:1-7 muNharireyomurindi yaNovember 15 neyaDecember 1. Vanhu vaMwari vakazonyatsonzwisisa zvinorehwa nokuzviisa pasi zvine mwero uko kwairehwa naJesu mumashoko ake akakurumbira okuti: “Dzorera[i] zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.” (Ruka 20:25) VaKristu vechokwadi iye zvino vava kunzwisisa kuti, masimba makuru vatongi venyika ino, uye kuti vaKristu vanofanira kuzviisa pasi pavo. Asi kuzviisa pasi kwacho kune pakunogumira. Kana vatongi venyika vakatiudza kuti tisateerera Jehovha Mwari, tinopindura sezvakaitwa nevaapostora kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.” (Mab. 5:29) MuChitsauko 13 ne14 chebhuku rino, tichadzidza zvakawanda nezvokuti vanhu vaMwari vakashandisa sei pfungwa yokusava nekwavakarerekera pane zvematongerwo enyika.

Kuzivisa vanhu tariro yomuBhaibheri youpenyu husingaperi chikomborero chaicho!

25. Kutungamirirwa nomudzimu mutsvene kunzwisisa nezveUmambo hwaMwari kwakatibatsira sei?

25 Funga nezvezvose zvakadzidziswa vateveri vaKristu nezvoUmambo mumakore zana apfuura. Takadzidza kuti Umambo hwaMwari hwakagadzwa riini kudenga uye kuti hunokosha zvakadini. Tinonyatsonzwisisa nezvetariro ine mapoka maviri evanhu vakatendeka, rinoenda kudenga nerichararama pasi pano. Uye tinoziva kuti tinoratidza sei kuvimbika kuUmambo hwaMwari uku tichizviisa pasi pevatongi venyika zvine mwero. Zvibvunze kuti, ‘Dai Jesu Kristu asina kutungamirira muranda wake akatendeka pasi pano kuti anzwisise chokwadi ichi chinokosha ochidzidzisa, ndingadai ndichichiziva here?’ Chikomborero chaicho kutungamirirwa naKristu nomudzimu mutsvene!

a Rimwe bhuku rinoti, shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti ‘tungamirira’ mundima iyi rinoreva kuti “kuratidza nzira.”

b Izvi zvisati zvaitika paimbofungwa kuti zvakaratidzwa Johani izvi zvaireva hondo pakati peUmambo hweRoma nemutungamiriri wechechi yeRoma.

c Magazini yeZion’s Watch Tower yaJune 1880 yaiti vane 144 000 vaizova vaJudha vaizotendeuka 1914 asati asvika. Asi 1880 ava kunopera pakazobudiswa kumwe kunzwisisa kwakati fananei nekwatagara tichiita kubvira ipapo.