Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 7

Nzira Dzokuparidza​—Kushandisa Nzira Dzose Kusvitsa Shoko roUmambo Kuvanhu

Nzira Dzokuparidza​—Kushandisa Nzira Dzose Kusvitsa Shoko roUmambo Kuvanhu

ZVICHAKURUKURWA MUCHITSAUKO CHINO

Vanhu vaMwari vanoshandisa nzira dzakasiyana-siyana kuti vasvitse shoko kuvanhu vakawanda

1, 2. (a) Jesu akashandisa nzira ipi kuti zvaaitaura zvinzwike nevanhu vakawanda? (b) Vadzidzi vaKristu vakatendeka vakatevedzera sei muenzaniso wake, uye nei vakadaro?

 MHOMHO yevanhu yakaunganira Jesu pamahombekombe egungwa, asi iye anokwira chikepe ochifambisa zvishoma achipinda mugungwa. Anozviitirei? Anoziva kuti mvura ichabatsira kuti inzwi rake risvike kure zvokuti vanhu vose varipo vanogona kunzwa zvaari kutaura zvakajeka.—Verenga Mako 4:1, 2.

2 Mumakore akazvarwa Umambo, vadzidzi vaKristu vakatendeka vakatevedzera muenzaniso wake, vachishandisa nzira itsva kuparidza mashoko akanaka oUmambo kuvanhu vakawanda. Vachitungamirirwa naMambo, vanhu vaMwari vari kuramba vachitanga nzira itsva uye vachichinja maererano nemamiriro ezvinhu anenge avapo uye zvigadzirwa zvinenge zvava kuwanikwa. Tinoda kusvika neshoko roUmambo kuvanhu vakawanda mugumo usati wasvika. (Mat. 24:14) Funga nezvedzimwe nzira dzatanga tichishandisa kusvika neshoko kuvanhu pasinei nekwavanogara. Fungawo nezvokuti ungatevedzera sei kutenda kwevaya vakaparidza mashoko akanaka mumakore okutanga-tanga.

Kusvitsa Shoko Kuvanhu Vakawanda

3. Chii chakasvota vanhu vaivenga chokwadi pakushandisa kwataiita mapepanhau?

3 Mapepanhau. Kubvira muna 1879, Hama Russell nevamwe vavo vaibudisa magazini yeWatch Tower vachiita kuti shoko roUmambo risvike kuvanhu vakawanda. Asi mumakore gumi 1914 asati asvika, zvinoita sokuti Kristu akaita kuti zvinhu zviende nepaaida kuti mashoko akanaka asvike kuvanhu vakatowanda kupfuura vaiwana magazini iyi. Izvi zvakatanga kuoneka muna 1903. Mugore iroro, Dr. E. L. Eaton, avo vaitaura vakamiririra boka revafundisi vemachechi ose akabuda muRoma emuPennsylvania, vakaudza Charles Taze Russell kuti vaizoda kukweshana naye mumadhibheti edzidziso dzeBhaibheri. VaEaton vakanyorera Russell tsamba vachiti: “Ndafunga kuti kana tikamboitisana nharo nezvenyaya dzatisiri kubvumirana veruzhinji vakateerera . . . vakawanda vangadzifarirawo chaizvo.” Russell nevamwe vake vakabvumiranawo nazvo, saka vakaronga kuti madhibheti acho azobudiswa mupepanhau rakakurumbira rinonzi The Pittsburgh Gazette. Nyaya dzacho dzaibuda mupepanhau dzakafarirwa nevakawanda uye matsananguriro akajeka aiitwa chokwadi cheBhaibheri naRussell aigutsa zvokuti pepanhau racho rakazoti raida kubudisa mharidzo dzaRussell vhiki roga roga. Vanhu vaivenga chokwadi vanofanira kunge vakasvotwa zvokusvotwa zviya!

Pakazosvika 1914, mapepanhau anopfuura 2 000 akanga ava kubudisa mharidzo dzaRussell

4, 5. Russell akaratidza kuti aiva munhu akaita sei, uye vaya vanotungamirira musangano vangamutevedzera sei?

4 Pasina nguva mamwe mapepanhau akatangawo kuda kubudisa mharidzo dzaRussell. Pakazosvika 1908, magazini yeWatch Tower yakataura kuti mharidzo dzacho dzakanga dzava “kugara dzichibudiswa mumapepanhau 11.” Zvisinei, hama dzaiziva nezvebasa remapepanhau dzakapa Russell zano rokuti kana akatamisa mahofisi eSosaiti kubva kuPittsburgh kuenda kuguta raizivikanwa nevakawanda, mapepanhau akawanda aizobudisa nyaya idzi. Paakaongorora zano iroro nezvimwewo, Russell akatamisira mahofisi kuBrooklyn, New York, muna 1909. Zvakabatsira here? Mwedzi mishomanana atama, mapepanhau angasvika 400 akanga ava kubudisa mharidzo dzake, mamwe achitoramba achiwedzera. Pakazogadzwa Umambo muna 1914, mapepanhau anopfuura 2 000 mumitauro mina akanga ava kubudisa mharidzo uye nyaya dzaRussell!

5 Chidzidzo chipi chinokosha chatinowana pane zvakaitika izvi? Vaya vanotungamirira musangano raMwari nhasi vanofanira kutevedzera kuzvininipisa kwaiva naRussell. Vangamutevedzera sei? Pavanoita zvisarudzo zvinokosha, ngavateererewo zvinotaurwa nevamwe.—Verenga Zvirevo 15:22.

6. Mumwe munhu akabatsirwa sei nechokwadi chaive munyaya dzaibudiswa mumapepanhau?

6 Chokwadi choUmambo chakabudiswa mumapepanhau iwayo chakashandura upenyu hwevanhu. (VaH. 4:12) Somuenzaniso, Ora Hetzel, uyo akabhabhatidzwa muna 1917, mumwe wevakawanda vakatanga kudzidza chokwadi munyaya dzaibuda mumapepanhau. Ora anoti: “Pandakanga ndaroorwa, ndakashanyira amai vangu kuRochester, Minnesota. Ndakasvika vachicheka tumapepa twaiva nenyaya dzavaida mupepanhau. Nyaya dzacho dzaiva mharidzo dzaRussell. Amai vakanditsanangurira zvavakanga vadzidza madziri.” Ora akabvuma chokwadi chaakadzidza, akazova muzivisi akatendeka weUmambo hwaMwari kwemakore angasvika 60 akatevera.

7. Chii chakazoita kuti vaya vaitungamirira vatange kufunga kaviri nezvenyaya yokushandisa mapepanhau?

7 Muna 1916, zviitiko zviviri zvikuru zvakaita kuti vaitungamirira sangano vatange kufunga kaviri nezvekushandisa mapepanhau pakuparadzira mashoko akanaka. Chokutanga, Hondo Yenyika I yaipisa panguva iyoyo yaiita kuti zvinhu zvinoshandiswa pakudhinda zvinetse kuwana. Muna 1916, mashoko aibva kudhipatimendi redu raiona nezvemapepanhau kuBritain akaratidza dambudziko racho achiti: “Iye zvino pangosara mapepanhau anoti pfuurei 30 anobudisa Mharidzo dzedu. Pane mikana yakawanda yokuti nhamba iyi icharamba ichidzikira nemhaka yokudhura kuri kuita mapepa okushandisa.” Chiitiko chechipiri rwaiva rufu rwaHama Russell musi wa31 October, 1916. Saka magazini yeThe Watch Tower yaDecember 15, 1916, yakazivisa kuti: “Sezvo Hama Russell vakashaya, mharidzo [dzemumapepanhau] dzichange dzisisabude.” Kunyange zvazvo nzira iyi yokuparidza yakaguma, dzimwe nzira dzakadai sebhaisikopo rainzi “Photo-Drama of Creation,” dzakaramba dzichibudirira.

8. Bhaisikopo rainzi “Photo-Drama of Creation” rakagadzirwa sei?

8 Mabhaisikopo. Russell nevamwe vake vakashanda makore matatu kuti vabudise bhaisikopo rainzi “Photo-Drama of Creation,” iro rakabudiswa muna 1914. (Zvir. 21:5) Mutambo uyu waibatanidza mifananidzo yezvinhu zvipenyu zvaifamba, manzwi nemitinhimira zvakarekodhwa, nemasiraidhi emagirazi aiva neruvara. Mazana evanhu akashandiswa pakutamba mitambo yenyaya dzemuBhaibheri achitorwa firimu uye kunyange mhuka dzakashandiswa. Mamwe mashoko akabuda muna 1913 aiti, “Mhuka dzakawanda dzemuimwe nzvimbo hombe yaichengetwa mhuka dzakashandiswa kuti pabudiswe firimu rairatidza zvaiitika panguva yaNoa.” Kwozoitawo mazana emasiraidhi emagirazi akashandiswa, ayo akagadzirwa nevanyori vemifananidzo vokuLondon, New York, Paris, nePhiladelphia vachiita zvokuapenda nemaoko.

9. Nei pakashandiswa mari yakawanda nenguva pakugadzira “Photo-Drama of Creation”?

9 Vakashandisirei nguva yakawanda kudaro nemari pakugadzira bhaisikopo iri? Chimwe chisarudzo chakaitwa pamagungano eruwa a1913 chinotsanangura kuti: “Kubudirira kwakaita mapepanhau emuAmerica kuchinja mafungiro evanhu pachishandiswa makatuni nemifananidzo muzvikamu zvavo zvenhau nezvemagazini, uye kukurumbira nokushandisika kunoita mabhaisikopo, kwanyatsoratidza kuti zvinobatsira. Saka izvi zvaita kuti isu sevaparidzi vasiri kudzokera shure uye vadzidzisi vemakirasi eBhaibheri titsigire zvizere kushandiswa kwemabhaisikopo nemasiraidhi senzira inobudirira uye inodiwa yokuzivisa uye kudzidzisa evhangeri.”

Pamusoro: Kuratidza vanhu “Photo-Drama of Creation”; Masiraidhi egirazi e“Photo-Drama of Creation”

10. “Photo-Drama of Creation” rakaratidzwa vanhu vakawanda zvakadini?

10 Muna 1914, pazuva rega rega “Photo-Drama of Creation” rakanga richiratidzwa vanhu mumaguta 80. Vanhu vangasvika mamiriyoni 8 muUnited States nomuCanada vakariona. Mugore iroro, bhaisikopo iri rakaratidzwa vanhu muAustralia, Britain, Denmark, Finland, Germany, New Zealand, Norway, Sweden, nemuSwitzerland. Kwakazogadzirwa rimwe pfupi rakanga risina mifananidzo yevanhu nezvinhu zvaifamba raizoratidzwa vanhu mumaguta maduku. Iroro rakapiwa zita rokuti “Eureka Drama,” uye rakanga risingadi mari yakawanda kugadzira uye kutakura. Pakazosvika 1916 mabhaisikopo aya akanga ashandurirwa muchiArmenian, chiDano-Norwegian, chiFrench, chiGerman, chiGreek, chiItalian, chiPolish, chiSpanish, uye chiSwedish.

Muna 1914 “Photo-Drama of Creation” yakaratidzwa vanhu munzvimbo dzakanga dzakazara

11, 12. Mumwe mukomana akabatsirwa sei ne“Photo-Drama of Creation,” uye tinodzidzei paari?

11 “Photo-Drama of Creation” rechiFrench rakabatsira zvikuru mumwe mukomana aiva nemakore 18, Charles Rohner. Anoti: “Rakaratidzwa vanhu muguta randaigara reColmar, kuAlsace, muFrance. Ndichingotanga kuriona ndakafadzwa nekuona chokwadi cheBhaibheri chichibudiswa zvakajeka.”

12 Chokwadi ichi chakaita kuti Charles abhabhatidzwe uye muna 1922 akapinda mubasa renguva yakazara. Rimwe remabasa aakatanga kuita raiva rokuratidza vanhu bhaisikopo iroro muFrance. Charles anotsanangura basa raaiita achiti: “Ndakapiwa basa rokuridza violin, rekuona nezveakaunzi, uye nezvemabhuku. Ndakakumbirwawo kuti ndipote ndichinyararidza vanhu kana purogiramu yava kutanga. Panguva yokumbozorora, taipa vanhu mabhuku. Taiita kuti hama imwe neimwe kana hanzvadzi ive nenzvimbo yayo yayaizopa vanhu mabhuku. Mumwe nemumwe ainge akagukuchira mabhuku opa munhu wose anenge ari pachikamu chake. Uyezve, pamusuo taive takaisa tafura dzakazara nemabhuku.” Muna 1925, Charles akakokwa kuti azoshanda kuBheteri kuBrooklyn, New York. Akapiwa basa rokutungamirira vanhu vairidza mumhanzi waishandiswa panhepfenyuro yakanga ichangovhurwa yeWBBR. Tikafunga muenzaniso waHama Rohner, tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Ndakagadzirira kubvuma chero basa randapiwa here kuti ndibatsire pakuparadzira shoko roUmambo?’—Verenga Isaya 6:8.

13, 14. Redhiyo yakashandiswa sei kuparadzira mashoko akanaka? (Onawo bhokisi rakanzi “ Mapurogiramu Aibudiswa paWBBR” nerakanzi “ Gungano Risingakanganwiki.”)

13 Redhiyo. Mumakore ekuma1920, basa rokuratidza vanhu “Photo-Drama of Creation” rakatanga kudzikira, asi redhiyo yakatanga kuratidza kuti inzira inokosha pakuparadzira mashoko akanaka oUmambo. Musi wa16 April, 1922, Hama Rutherford vakapa hurukuro yavo yokutanga paredhiyo kuMetropolitan Opera House muPhiladelphia, Pennsylvania. Vanhu vangasvika 50 000 vakanzwa hurukuro yacho yaiti “Mamiriyoni Ari Kurarama Iye Zvino Haazombofi.” Zvadaro muna 1923, pakava negungano rokutanga kutepfenyurwa paredhiyo. Nhepfenyuro dzaishandiswa dzaiva dzokunyika, asi vaitungamirira vakasarudza kuti tivewo neyedu iyo yakavakwa kuStaten Island, New York, ikanyoreswa nezita rokuti WBBR. Yakatanga kutepfenyura musi wa24 February, 1924.

Muna 1922, vanhu vanenge 50 000 vakanzwa hurukuro yakatepfenyurwa paredhiyo yekuti “Mamiriyoni Ari Kurarama Iye Zvino Haazombofi”

14 Magazini yeThe Watch Tower yaDecember 1, 1924, yakatsanangura basa reWBBR ichiti: “Tinofunga kuti redhiyo ndiyo nzira isingadyi mari yakawanda uye inobudirira yokuparadzira nayo chokwadi yatati tamboshandisa.” Yakazowedzera kuti: “Kana Ishe achiona zvakakodzera kuti tivake dzimwe nhepfenyuro kuti tiparadzire chokwadi, achatiwanisa mari yacho nenzira yake yakakodzera.” (Pis. 127:1) Pakazosvika 1926, vanhu vaJehovha vakanga vava nenhepfenyuro nhanhatu. MuUnited States maiva nembiri, yokuNew York ichinzi WBBR uye yaiva pedyo neChicago ichinzi WORD. Dzimwe ina dzaiva muCanada, kunzvimbo dzinoti, Alberta, British Columbia, Ontario, neSaskatchewan.

15, 16. (a) Vafundisi vekuCanada vakaita sei nenhepfenyuro dzedu? (b) Hurukuro dzaibuda paredhiyo nebasa repaimba neimba zvaitsigirana sei?

15 Kuparadzirwa uku kwechokwadi cheBhaibheri neredhiyo kwakacherechedzwa nevafundisi vemachechi. Albert Hoffman, uyo aiziva nezvebasa raiitwa panhepfenyuro yeredhiyo yemuSaskatchewan, kuCanada akati: “Vanhu vakawanda vakatanga kuziva Vadzidzi veBhaibheri [sekudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha]. Pakapiwa uchapupu hwakazonaka. Asi zvakazopera muna 1928, apo hurumende yakafurirwa nevafundisi, nhepfenyuro dzose dzeVadzidzi veBhaibheri muCanada dzikatorerwa marezinesi.”

16 Kunyange pakavharwa nhepfenyuro dzedu muCanada, mharidzo dzeBhaibheri dzakaramba dzichibudiswa munhepfenyuro dzekunyika. (Mat. 10:23) Kuti purogiramu idzodzo dziteererwe nevanhu vakawanda, magazini eThe Watch Tower neThe Golden Age (yava kunzi Mukai!) aive akanyorwa nhepfenyuro dzose dzaibudisa chokwadi cheBhaibheri kuitira kuti vaiparidza paimba neimba vakurudzire vanhu kuteerera mharidzo dzacho paredhiyo. Zvakabatsirei? Bulletin yaJanuary 1931 inoti: “Basa rokushandisa redhiyo rabatsira chaizvo shamwari dzedu pakuita uchapupu paimba neimba. Takagamuchira mashoko akawanda akauya kuhofisi nezvevanhu vaiteerera mharidzo dzaHama Rutherford, izvo zvakaita kuti vade kutambira mabhuku avaipiwa.” Bulletin yakatsanangura nhepfenyuro dzeredhiyo nebasa repaimba neimba ichiti, “inzira mbiri huru dziri kushandiswa nesangano raIshe.”

17, 18. Kunyange zvazvo mamiriro ezvinhu akachinja, redhiyo yakaramba ichishandiswa sei?

17 Mumakore ekuma1930, vamwe vakawedzera kupikisa kushandisa kwataiita nhepfenyuro dzenyika. Saka 1937 ava kunopera, vanhu vaJehovha vakaita zvaienderana nemamiriro ezvinhu akanga avapo. Vakarega kushandisa nhepfenyuro dzekunyika ndokutanga kusimbisa basa rokuparidza paimba neimba. a Kunyange zvakadaro, redhiyo yakaramba ichishandiswa kuparadzira shoko roUmambo mudzimwe nzvimbo dziri kwadzo dzoga kana kuti nyika dzaiva nehurumende dzaizvibvumira. Somuenzaniso, kubvira muna 1951 kusvika muna 1991, nhepfenyuro yaiva kuWest Berlin, Germany, yaigara ichibudisa hurukuro dzeBhaibheri kuitira kuti vaya vaigara kwainzi kuEast Germany vakwanise kunzwawo shoko roUmambo. Kutanga muna 1961 kusvika kuma1990, nhepfenyuro yekuSuriname, iri kuSouth America, yaibudisa purogiramu yemaminiti 15 yaiparadzira chokwadi cheBhaibheri vhiki rega rega. Kubva muna 1969 kusvika muna 1977, sangano rakarekodha mapurogiramu eredhiyo anopfuura 350 enyaya dzaiti “Rugwaro Rwose Runobatsira.” Munharaunda 48 dzemuUnited States nhepfenyuro 291 dzakabudisa mapurogiramu iwayo. Muna 1996, imwe nhepfenyuro kuApia, guta guru reSamoa iri kuSouth Pacific, yaitepfenyura purogiramu yainzi “Mhinduro Dzemibvunzo Yako yeBhaibheri” vhiki rega rega.

18 Makore okuma2000 paakanga ava kuswedera, redhiyo yakanga isisanyanye kuita basa rakakura pakuparadzira mashoko akanaka. Asi pakazouyawo chimwe chigadzirwa chakaita kuti zvikwanisike kutaura nevanhu vakawandisa zvatisati tamboita.

19, 20. Nei vanhu vaJehovha vakagadzira jw.org, uye iri kubudirira zvakadini? (Onawo bhokisi rakanzi “ JW.ORG.”)

19 Indaneti. Mugore ra2013, vanhu vanopfuura mabhiriyoni 2,7, kana kuti vanhu vana pagumi vega vega vari panyika, vaikwanisa kubata Indaneti. Vamwe vanofungidzira kuti vanhu vanenge mabhiriyoni maviri vanokwanisa kubata Indaneti pazvigadzirwa zvakaita semafoni kana kuti matablet. Nhamba iyoyo iri kuramba ichiwedzera pasi rose, asi kunyanya muAfrica, mune vanhu vanopfuura mamiriyoni 90 vanobata Indaneti pamafoni nemimwewo midziyo yokufamba nayo. Kufambira mberi uku kwachinja zvikuru masvikiro anoita mashoko kuvanhu vakawanda.

20 Muna 1997, vanhu vaJehovha vakatangawo kushandisa nzira iyi inosvitsa mashoko kuvanhu vakawanda. Muna 2013, nzvimbo yekubudisira mashoko yejw.org yakanga yava kuwanika mumitauro 300, uye mabhuku nezvimwewo zvinotsanangura Bhaibheri zvaiwanika mumitauro inopfuura 520 kune vanoda kuzvitora paIndaneti. Zuva rega rega vanhu vanopfuura 750 000 vanoenda panzvimbo iyi. Uyezve mwedzi wega wega, vanhu vanotora mabhuku anopfuura mamiriyoni matatu, magazini anopfuura mamiriyoni mana uye zvinhu zvakarekodhwa zvinopfuura mamiriyoni 22.

21. Wadzidzei pane zvakaitika kuna Sina?

21 Nzvimbo yekubudisira mashoko iyi inzira yaratidza kuti inobudirira zvikuru pakuparadzira mashoko akanaka eUmambo hwaMwari, kunyange munyika dzatisingakwanisi kuparidza takasununguka. Somuenzaniso, kutanga kwa2013, mumwe murume anonzi Sina akawana nzvimbo yedu yejw.org akabva afonera mahofisi edu makuru kuUnited States, achida kuziva zvakawanda nezveBhaibheri. Chii chakaita kuti kufona kwaakaita kushamise? Sina akarererwa muchiMuslim uye anogara mune mumwe musha uri kwawo woga munyika inorambidzwa Zvapupu zvaJehovha kuparidza zvakasununguka. Pashure pekufona kwaakaita, pakabva parongwa kuti Sina adzidze Bhaibheri kaviri pavhiki neChapupu chiri kuUnited States. Chidzidzo chacho chaiitwa paIndaneti vachionana chiso nechiso pavhidhiyo.

Kudzidzisa Munhu Mumwe Nemumwe

22, 23. (a) Nzira dzaishandiswa kusvitsa shoko kuvanhu vakawanda dzakatsiva ushumiri hwepaimba neimba here? (b) Mambo ari kutsigira sei zvatiri kuita?

22 Nzira dzose dzakashandiswa kusvitsa shoko kuvanhu vakawanda, dzakadai semapepanhau,“Photo-Drama of Creation,” mapurogiramu eparedhiyo, uye Indaneti, hadzina kuitirwa kuti dzitsive kuparidza paimba neimba. Nei zvakadaro? Nekuti vanhu vaJehovha vakadzidza pamuenzaniso waJesu. Aisangoparidzira vanhu vakaungana chete, asi aida kubatsira munhu mumwe nemumwe. (Ruka 19:1-5) Jesu akadzidzisawo vadzidzi vake kuti vaite saizvozvo, uye akavaudza zvavaifanira kuzotaura. (Verenga Ruka 10:1, 8-11.) Sezvakakurukurwa muChitsauko 6, vaya vaitungamirira vagara vachikurudzira mushumiri wose waJehovha kuti akurukure nemunhu mumwe nomumwe vakatarisana.—Mab. 5:42; 20:20.

23 Papfuura makore zana kubva pakazvarwa Umambo, uye pava nevaparidzi vanopfuura mamiriyoni 7,9 vanoshanda nesimba pakudzidzisa vamwe chinangwa chaMwari. Zviri pachena kuti Mambo akakomborera nzira dzakashandiswa kuzivisa nezveUmambo. Sezvicharatidzwa nechitsauko chinotevera, akatipawo zvinhu zvekushandisa kuti tiparidze mashoko akanaka kumarudzi, madzinza, nendimi dzose.—Zvak. 14:6.

a Muna 1957, vaya vaitungamirira vakasarudza kuvhara WBBR muNew York, chiteshi chedu chenhepfenyuro chakanga chasara.