Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 8

Zvinhu Zvokushandisa Pakuparidza​—Kubudisa Mabhuku Anoshandiswa Kuparidza Munyika Yose

Zvinhu Zvokushandisa Pakuparidza​—Kubudisa Mabhuku Anoshandiswa Kuparidza Munyika Yose

ZVICHAKURUKURWA MUCHITSAUKO CHINO

Jehovha ari kuramba achitipa zvokushandisa zvatinoda kuti tidzidzise munhu mumwe nemumwe kubva mumarudzi ose, madzinza, nendimi

1, 2. (a) Chii chakabatsira vaKristu vokutanga kuparadzira mashoko akanaka muumambo hwose hweRoma? (b) Chii chinoratidza kuti tiri kutsigirwa naJehovha mazuva ano? (Ona bhokisi rakanzi “ Mashoko Akanaka Mumitauro Inopfuura 670.”)

 VANHU vakanga vashanya kuJerusarema vakaoma mate mukanwa nezvavainzwa. Zvizvarwa zvomuGarireya zvainyatsotaura mitauro yekune dzimwe nyika, uye zvavaitaura zvakaita kuti vaivanzwa vanyatsoda kuteerera. Yaiva Pendekosti ya33 C.E., uye Mwari akanga aita chishamiso chokupa vadzidzi chipo chokutaura nemitauro yakasiyana-siyana, achiratidza kuti aiva navo. (Verenga Mabasa 2:1-8, 12, 15-17.) Mashoko akanaka avakaparidza musi iwoyo akanzwika nevanhu vaibva kwakasiyana-siyana, akazopararira muumambo hwose hweRoma.​—VaK. 1:23.

2 Nhasi vanhu vaMwari havaiti chishamiso chokutaura nemitauro yakawanda. Kunyange zvakadaro, vari kuparidza mumitauro yakawanda nekure kupfuura yakaparidzwa nevaKristu vokutanga sezvo vari kushandurira shoko roUmambo mumitauro inopfuura 670. (Mab. 2:9-11) Vanhu vaMwari vakabudisa mabhuku akawanda mumitauro yakawanda zvokuti hapana pasina kusvika shoko roUmambo munyika yose. a Izviwo zvinopa uchapupu hwakajeka hwokuti Jehovha ari kushandisa Mambo Jesu Kristu kutungamirira basa redu rokuparidza. (Mat. 28:19, 20) Patichakurukura nezvezvimwe zvatanga tichishandisa mubasa redu kwemakore 100 apfuura, cherechedza kuti Mambo anga achitidzidzisa sei kuti tiise pfungwa pakubatsira munhu mumwe nomumwe uye achitikurudzira kuva vadzidzisi veShoko raMwari.​—2 Tim. 2:2.

Mambo Anopa Vashumiri Vake Zvokushandisa Kuti Vadyare Mbeu Yechokwadi

3. Nei tichishandisa zvinhu zvakasiyana-siyana mubasa redu rekuparidza?

3 Jesu akafananidza “shoko roumambo” nembeu uye mwoyo wemunhu nevhu. (Mat. 13:18, 19) Sezvinongoitwa nomunhu anoshanda mubindu, uyo anoshandisa midziyo yakasiyana-siyana kugadzirira ivhu kuti azoisa mbeu, vanhu vaJehovha vakashandisa zvinhu zvakasiyana-siyana zvakaita kuti mwoyo yevanhu ive yakagadzirira kugamuchira shoko roUmambo. Zvimwe zvacho zvakashandiswa kwenguva pfupi. Asi zvimwe, zvakadai semabhuku nemagazini, zvichiri kuita basa rinokosha. Kusiyana nenzira dzokusvitsa mashoko kuvanhu vakawanda dzakataurwa muchitsauko chapfuura, zvinhu zvokushandisa zvatichakurukura zvakabatsira vazivisi voUmambo kutaura nemunhu chiso nechiso.—Mab. 5:42; 17:2, 3.

Kugadzira magiramufomu nezvimwe zviridzwa kuToronto, Canada

4, 5. Magiramufomu aishandiswa sei, asi aizotadza kuita sei?

4 Hurukuro dzakarekodhwa. Kubva kuma1930 kusvika kuma1940, vaparidzi vairidza mharidzo dzeBhaibheri dzakarekodhwa pamagiramufomu avaifamba nawo. Imwe neimwe yakanga isingasviki maminiti mashanu. Dzimwe nguva marekodhi acho aiva netumisoro tupfupi, twakadai sokuti “Utatu,” “Purigatori,” uye “Umambo.” Marekodhi acho aishandiswa sei? Hama Clayton Woodworth Jr. avo vakabhabhatidzwa muna 1930 kuUnited States, vakati: “Ndaitakura giramufomu rangu rakaita sesutukezi, raiitwa zvokumonwa, ndonyatsogadzika chiruoko charo pamucheto perekodhi kuti rizonyatsorira zvakanaka. Ndaisvika pasuo pemunhu, ndovhura giramufomu rangu, ndogadzirira kuriridza, ndobva ndagogodza. Kana saimba azarura dhoo, ndaibva ndati, ‘Ndine shoko rinokosha randinoda kuti munzwe.’” Saimba wacho aiita sei? Hama Woodworth vanoti, “Kazhinji munhu wacho aiteerera. Dzimwe nguvawo, vanhu vaingovhara madhoo avo. Ndaimbosanganawo nevamwe vaifunga kuti ndiri kutengesa magiramufomu.”

Pakazosvika 1940, hurukuro dzakarekodhwa dzaipfuura 90 dzakanga dzavako uye marekodhi anopfuura miriyoni akanga agadzirwa

5 Pakazosvika 1940, hurukuro dzakarekodhwa dzaipfuura 90 dzakanga dzavapo uye marekodhi aipfuura miriyoni akanga agadzirwa. John E. Barr, uyo aipayona kuBritain panguva iyoyo uye akazova muDare Rinotungamirira, akati: “Kubva gore ra1936 kusvika 1945, ndaingogara negiramufomu rangu. Ndingatoti mazuva iwayo ndakanga ndisingagoni kusiyana naro. Kunzwa inzwi raHama Rutherford uri pamusuo pemunhu kwaikurudzira zvikuru; waiita kunge utori navo muchiparidza mose. Asi giramufomu raisakwanisa kuita chimwe chinhu chinokosha muushumiri, kudzidzisa munhu uchimubaya mwoyo.”

6, 7. (a) Makadhi okupupura akanga achibatsira sei, asi dambudziko rawo raizova papi? (b) Jehovha anga achiisa sei ‘mashoko mumiromo yedu’?

6 Makadhi okupupura. Kutanga muna 1933, vaparidzi vaikurudzirwa kushandisa makadhi okupupura muushumiri hwepaimba neimba. Kadhi racho rakanga rakada kuenzana nekafomu katinonyora mushumo wedu webasa romumunda. Raiva netsanangudzo pfupi yemashoko emuBhaibheri, uye raitsanangurawo zvakaita rimwe remabhuku edu raigona kuzopiwa saimba kana achida. Muparidzi aingotambidza saimba kadhi racho omukumbira kuti ariverenge. Lilian Kammerud, uyo akazova mumishinari kuPuerto Rico nokuArgentina akati, “Ndakafara pakatanga kushandiswa makadhi okupupura.” Chii chakamufadza? Akati, “Vakawanda vedu takanga tisingagoni kupa sumo yakanaka. Saka zvakandibatsira kuti ndijaire kutanga kutaura nevanhu.”

Kadhi rokupupura (rechiItalian)

7 Hama David Reusch, avo vakabhabhatidzwa muna 1918, vakati: “Makadhi okupupura akabatsira hama, nokuti vakawanda vainyatsoona kuti vakanga vasingakwanisi kutaura zvakanaka.” Asi kadhi iri rine zvaraisagona kuitawo. Hama Reusch vakati, “Dzimwe nguva taisangana nevanhu vaifunga kuti hatigoni kutaura. Uye tingatiwo vakawanda vedu takanga tisingagoni kutaura. Asi Jehovha akanga achiita kuti tigadzirire kuzotaura neruzhinji sevashumiri vake. Pasina nguva aizoisa mashoko mumiromo yedu nokutidzidzisa kushandisa Magwaro pamasuo evanhu. Izvi zvakazoitwa neChikoro chaMwari Choushumiri, icho chakatanga kuma1940.”—Verenga Jeremiya 1:6-9.

8. Ungaita sei kuti udzidziswe naKristu?

8 Mabhuku. Kubva muna 1914, vanhu vaJehovha vakabudisa mabhuku akasiyana-siyana ane misoro inobva muBhaibheri anopfuura zana. Mamwe emabhuku aya akanyorwa nechinangwa chekudzidzisa vaparidzi kuti vave vashumiri vanobudirira. Anna Larsen, wekuDenmark, uyo ava nemakore anenge 70 ari muparidzi, anoti: “Jehovha akatibatsira kuti tinyatsokwanisa kuparidza achishandisa Chikoro chaMwari Choushumiri uye mabhuku atinopiwa okushandisa pachikoro chacho. Ndinoyeuka kuti rokutanga remabhuku iwayo rainzi Theocratic Aid to Kingdom Publishers rakabudiswa muna 1945. Rakazoteverwa nerainzi “Equipped for Every Good Work,” rakabudiswa muna 1946. Iye zvino tava nerinonzi Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri, rakabudiswa muna 2001.” Zvechokwadi Chikoro chaMwari Choushumiri uye mabhuku anoshandiswa pachiri zviri kuita basa guru sezvo Jehovha ari kuita “kuti tive vanonyatsokwanisa kuti tive vashumiri.” (2 VaK. 3:5, 6) Wakanyoresawo here paChikoro chaMwari Choushumiri? Unouyawo here nebhuku reChikoro Choushumiri kumusangano vhiki nevhiki kuti utarisewo mune rako muitisi wechikoro paanenge achirishandisa? Kana ukadaro, unenge uchiita kuti Kristu akudzidzise kuti uve mudzidzisi anonyatsogona.—2 VaK. 9:6; 2 Tim. 2:15.

9, 10. Mabhuku ari kubatsira sei pakudyara mbeu yechokwadi nokuidiridza?

9 Jehovha akatibatsirawo nokuita kuti sangano rake ritiwanise mabhuku anotibatsira kutsanangura dzidziso dzeBhaibheri. Bhuku rainzi Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi rakabatsira zvechokwadi. Rakatanga kubudiswa muna 1968 rikabva rangofarirwa nevakawanda. Ushumiri hwoUmambo hwaNovember 1968 hwakati: “Bhuku raZvokwadi riri kudiwa zvokuti muna September mafekitari eSosaiti ekuBrooklyn akatotanga kushanda neusiku.” Nyaya yacho yakaenderera mberi ichitsanangura kuti: “Muna August zvakatomboitika kuti mabhuku aZvokwadi aidiwa akanga akawandisa kupfuura aivepo nemiriyoni imwe nehafu!” Pakazosvika 1982, mamiriyoni aipfuura 100 ebhuku iri akanga abudiswa mumitauro 116. Mumakore 14 kubvira muna 1968 kusvika muna 1982, bhuku raZvokwadi rakabatsira kuti vanhu vanopfuura miriyoni vave vaparidzi voUmambo. b

10 Muna 2005, rimwe bhuku rinobatsira zvikuru pakudzidzisa vanhu Bhaibheri rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa. Pakatobudiswa mabhuku aya angasvika mamiriyoni 200 mumitauro 256! Riri kubatsira zvakadini? Mumakore manomwe chete, kubvira muna 2005 kusvika muna 2012, vanhu vangasvika mamiriyoni 1,2 vakava vaparidzi vemashoko akanaka. Pamakore iwayo vanhu vanodzidza Bhaibheri vakawedzera kubva pamamiriyoni 6 kusvika kumamiriyoni 8,7. Zviri pachena kuti Jehovha ari kukomborera kudyara uye kudiridza kwatiri kuita mbeu yechokwadi choUmambo.—Verenga 1 VaKorinde 3:6, 7.

11, 12. Sezvinotaurwa nemagwaro ari mundima, magazini edu akanyorerwa vanhu vapi?

11 Magazini. Pakutanga-tanga magazini yeThe Watch Tower yainyorerwa “boka duku,” vaya ‘vakadanwa kudenga.’ (Ruka 12:32; VaH. 3:1) Musi wa1 October 1919, sangano raJehovha rakabudisa imwe magazini, yakanga yanyorwa nechinangwa chokuti ifarirwe nevoruzhinji. Magazini iyoyo yakafarirwa neVadzidzi veBhaibheri uye voruzhinji zvokuti kwemakore yaiparadzirwa kuvanhu vakawanda kupfuura zvaiitwa yeThe Watch Tower. Magazini iyoyo yakatanga ichinzi The Golden Age. Muna 1937, yakazochinjwa yava kunzi Consolation. Muna 1946 yakazonzi Awake! (Mukai!)

12 Mumakore ose apfuura aya, manyorerwo emagazini eNharireyomurindi neMukai! anga achichinja-chinja, asi chinangwa chawo chokuzivisa Umambo hwaMwari uye kubatsira vanhu kutenda muBhaibheri hachina kuchinja. Nhasi, Nharireyomurindi inobudiswa yekudzidza neyevoruzhinji. Yokudzidza inonyorerwa “veimba,” kureva “boka duku” uye “mamwe makwai.” c (Mat. 24:45; Joh. 10:16) Yevoruzhinji inonyanya kunyorerwa vaya vasati vava kuziva chokwadi asi vanoremekedza Bhaibheri naMwari. (Mab. 13:16) Mukai! yakanyanya kunangana nevaya vasinganyanyi kuziva Bhaibheri uye Mwari wechokwadi, Jehovha.—Mab. 17:22, 23.

13. Chii chaunoona chichishamisa nezvemagazini edu? (Kurukurai chati yakanzi “ Nhamba Dzemabhuku Akaparadzirwa Kupfuura Mamwe Ose Panyika.”)

13 Pakazosvika gore ra2014, mwedzi woga woga, magazini eMukai! anopfuura mamiriyoni 44 uye eNharireyomurindi angasvika mamiriyoni 46 aibudiswa. Mukai! yaishandurirwa mumitauro ingasvika 100, uye Nharireyomurindi inoshandurirwa mumitauro 200, izvo zvakaita kuti magazini aya ave ndiwo anoshandurirwa mumitauro yakawanda kupfuura mamwe ose uye anoparadzirwa kupfuura mamwe ose pasi pano! Zvose izvi hazvifaniri kutishamisa. Magazini aya ane shoko rakanzi naJesu raizoparidzwa munyika yose.—Mat. 24:14.

14. Tinoshingairira kutsigira chii, uye nei tichidaro?

14 Bhaibheri. Muna 1896, Hama Russell nevamwe vavo vakachinja zita resangano ravaishandisa kubudisa mabhuku kuti rive neshoko rokuti Bhaibheri; rakanga rava kunzi Watch Tower Bible and Tract Society. Kuchinja ikoko kwakanga kwakakodzera nokuti Bhaibheri ragara riri iro rinonyanya kushandiswa pakuparadzira mashoko akanaka oUmambo. (Ruka 24:27) Vashumiri vaMwari vanoita zvinoenderana nezita resangano iri repamutemo pakuti vanoshingairira kutsigira kuparadzirwa nekuverengwa kweBhaibheri. Somuenzaniso, muna 1926, takadhinda toga The Emphatic Diaglott, shanduro yeMagwaro echiKristu echiGiriki yakabudiswa naBenjamin Wilson. Kutanga muna 1942, takadhinda uye takaparadzira maBhaibheri 700 000 eKing James Version. Pashure pemakore maviri chete, takatanga kudhinda American Standard Version, iyo inowanika zita raJehovha ka6 823. Pakazosvika 1950, takanga taparadzira maBhaibheri aya anopfuura 250 000.

15, 16. (a) Chii chinokufadza paShanduro yeNyika Itsva? (Kurukurai bhokisi rakanzi “ Kuita Kuti Basa Rokushandura Bhaibheri Rikurumidze Kufamba.”) (b) Ungaita sei kuti Jehovha ataure newe zvinokubaya mwoyo?

15 Muna 1950 takabudisa Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki. Bhaibheri rakakwana reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene rakazobudiswa muna 1961. Shanduro iyi inokudza Jehovha pakuti yakadzorera zita rake munzvimbo dzose dzaraiwanika pakatanga kunyorwa Bhaibheri muchiHebheru. Zita raMwari rinowanikawo ka237 muMagwaro echiKristu echiGiriki eShanduro Yenyika Itsva. Shanduro iyi yakanatsurudzwa kanoverengeka, kekupedzisira kacho muna 2013, kuti inyatsove yakarurama ichiverengeka zviri nyore. Muna 2013, maBhaibheri eShanduro yeNyika Itsva akazara kana kuti chikamu charo anopfuura mamiriyoni 201 akanga abudiswa mumitauro 121.

16 Vamwe vakanzwa sei pavakaverenga Shanduro yeNyika Itsva mumutauro wavo? Mumwe murume wokuNepal akati: “Vakawanda vedu taiomerwa nokunzwisisa shanduro yanga iripo yechiNepalese, sezvo yaishandisa mutauro wechinyakare. Asi iye zvino tava kunzwisisa Bhaibheri zviri nani, sezvo richishandisa mutauro watinotaura mazuva ose.” Mumwe mukadzi wekuCentral African Republic paakatanga kuverenga Bhaibheri mumutauro wechiSango, akatanga kuchema ndokuti, “Uyu ndiwo mutauro unonyatsonditi dyoo pamwoyo.” Isu tose tinogona kutevedzera mukadzi uyu nokuverenga Shoko raMwari mazuva ose kuitira kuti Jehovha ataure nesu zvinotibaya mwoyo.—Pis. 1:2; Mat. 22:36, 37.

Tinotenda Kuti Takapiwa Zvokushandisa Tikadzidziswa Kuzvishandisa

17. Ungaratidza sei kuti unotenda kupiwa kwatakaita zvokushandisa uye kudzidziswa kuzvishandisa, uye chii chichaitika kana uchidaro?

17 Hautendi here kupiwa kwatakaita zvokushandisa uye kuti tiri kuramba tichingodzidziswa kuzvishandisa naMambo Jesu Kristu? Unowana nguva yokuverenga mabhuku anobudiswa nesangano raMwari nokuashandisa kubatsira vamwe here? Kana uchidaro uchaona kuti mashoko aHanzvadzi Opal Betler, avo vakabhabhatidzwa musi wa4 October, 1914 ndeechokwadi. Opal akati: “Mumakore ose aya apfuura, ini nemurume wangu [Edward] taishandisa magiramufomu nemakadhi okupupura. Taipupura paimba neimba nemabhuku, tumabhuku, nemagazini. Taiita mishandirapamwe uye taifora tichipa vanhu mharidzo dzakanyorwa. Takazodzidziswa kudzokera kuvanhu vanofarira uye kuvaitisa zvidzidzo zveBhaibheri pamisha yavo. Taiva nezvakawanda zvokuita muupenyu uye tichifara.” Jesu akavimbisa kuti vanhu vaanotonga vaizova vakabatikana pakudyara, kukohwa, uye kufara pamwe chete. Mamiriyoni evanhu vakaita saOpal anobvuma kuti zvakataurwa naJesu zviri kuitika.—Verenga Johani 4:35, 36.

18. Chikomborero chipi chatiinacho?

18 Vakawanda vasati vava vashumiri vaMambo vanogona kuona vanhu vaMwari ‘sevanhuwo zvavo vasina kudzidza.’ (Mab. 4:13) Asi chimbozvifunga! Mambo aita kuti vanhuwo zvavo ivavo vave vabudisi vemabhuku akawanda uye anoshandurwa nokuparadzirwa kupfuura mamwe ose pasi pano! Kuwedzera pane izvozvo, akatidzidzisa uye akatikurudzira kushandisa mabhuku aya kuparadzira mashoko akanaka kuvanhu vemarudzi ose. Ichi chikomborero chaicho chatiinacho kushanda naKristu pakudyara mbeu yechokwadi uye kukohwa vadzidzi!

a Mumakore gumi chete apfuura, vanhu vaJehovha vakabudisa zvinhu zvinotsanangura Bhaibheri zvinopfuura mabhiriyoni 20. Uyezve, vanhu vanopfuura mabhiriyoni 2,7 vanoshandisa Indaneti pasi pose vanokwanisa kuenda panzvimbo yedu yepaIndaneti, jw.org.

b Mamwe mabhuku okushandisa pakudzidzisa vanhu Bhaibheri akabatsira vaparidzi kudzidzisa chokwadi ndeanoti, The Harp of God (rakabudiswa muna 1921), “Mwari Ngaave Wazwokwadi” (rakabudiswa muna 1946), Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano (rakabudiswa muna 1982), uye Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi (rakabudiswa muna 1995).

c Ona nyaya yakanzi “Chokwadi Ndiani Muranda Akatendeka, Akangwara?” muNharireyomurindi yaJuly 15, 2013, peji 23, ndima 13, inotsanangura manzwisisiro edu akajekeswa okuti ndivanaani vanonzi “veimba.”