Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 9

Kubudirira Kwebasa Rokuparidza​—“Minda . . . Yachenera Kukohwa”

Kubudirira Kwebasa Rokuparidza​—“Minda . . . Yachenera Kukohwa”

ZVICHAKURUKURWA MUCHITSAUKO CHINO

Jehovha akaita kuti mbeu yeUmambo ikure

1, 2. (a) Chii chaita kuti vadzidzi vashamisike? (b) Jesu ari kutaura nezvekukohwa kwerudzii?

 VADZIDZI vari kushamisika. Jesu avaudza kuti: “Simudzai maziso enyu muone minda kuti yachenera kukohwa.” Vanotarisa kuri kunongedzwa naJesu voona kuti minda yacho haisati yachena asi ichakasvibira nebhari ichiri kutanga kutumbuka. Zvimwe vanotanga kufunga kuti, ‘Kukohwei? Kuchine mwedzi yakawanda kukohwa kusati kwatanga.’—Joh. 4:35.

2 Asi Jesu haasi kutaura nezvekukohwa bhari. Pane zvidzidzo zviviri zvinokosha zvaari kuda kuti vadzidzi vake vawane zvine chokuita nokukohwa kwekufananidzira, kureva kukohwa vanhu. Zvidzidzo zvipi izvozvo? Kuti tizvizive, ngatimboongorora nyaya yacho.

Vanhu Vanokurudzirwa Kuita Basa Uye Vanovimbiswa Mufaro

3. (a) Chii chinogona kunge chakaita kuti Jesu ati: “Minda. . . yachenera kukohwa”? (Ona mashoko omuzasi.) (b) Jesu akajekesa sei zvaaireva?

3 Jesu aikurukura nevadzidzi vake pedyo neguta reSamariya rinonzi Sikari gore ra30 C.E. rava kunopera. Vadzidzi vake pavakanga vapinda muguta, Jesu akasara patsime paakazoparidzira mumwe mukadzi uyo akabva angoona kuti zvaaidzidziswa zvinokosha. Pakadzoka vadzidzi, mukadzi uyu akamhanya kuSikari kunoudza vavakidzani vake zvinhu zvinoshamisa zvaakanga adzidza. Zvaakataura zvakaita kuti vakawanda vade kuzvinzwira zvokuti vazhinji vevavakidzani vake vakamhanya kutsime kwaiva naJesu. Zvimwe panguva iyoyo, Jesu akaramba akatarira nechemberi kweminda uye achiona nechekure boka revaSamariya richiuya, akabva ati: ‘Onai minda kuti yachenera kukohwa.’ a Kuti ajekese kuti akanga asingarevi kukohwa bhari asi kukohwa kwekufananidzira, Jesu akabva awedzera kuti: “Mukohwi ari . . . kuunganidza zvibereko zvoupenyu husingaperi.”—Joh. 4:5-30, 36.

4. (a) Jesu akadzidzisa zvidzidzo zvipi zviviri nezvekukohwa? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi?

4 Jesu akadzidzisa zvidzidzo zvipi zviviri zvinokosha nezvekukohwa kwekufananidzira? Chokutanga, basa racho rinofanira kukurumidza kuitwa. Paakati “minda . . . yachenera kukohwa” akanga achitokurudzira vateveri vake kuita basa. Achida kuratidza vadzidzi vake kuti rinofanira kukurumidza kuitwa zvakadini, Jesu akawedzera kuti: “Nechekare mukohwi ari kugamuchira mubayiro.” Kureva kuti basa rekukohwa rakanga ratotanga, pakanga pasina nguva yokutambisa! Chechipiri, vashandi vacho vanofara. Jesu akati, vanodyara nevanokohwa ‘vachafara pamwe chete.’ (Joh. 4:35b, 36) Sekufara kunofanira kunge kwakaita Jesu paakaona “vaSamariya vazhinji . . . vakatenda maari,” vadzidzi vake vaizova nemufaro mukuru pavaizoshanda nemweya wose pakukohwa. (Joh. 4:39-42) Nyaya iyi yakakosha zvikuru kwatiri nokuti inoratidza zviri kunyatsoitika mazuva ano pakukohwa kwokufananidzira kusati kwamboitika. Kukohwa kwacho kwakatanga riini? Ndivanani vari kukuita? Kuri kubudirira zvakadini?

Mambo Wedu Anotungamirira Pakukohwa Kukuru Kusati Kwamboitika

5. Ndiani ari kutungamirira kukohwa kuri kuitwa munyika yose, uye chiratidzo chakaonekwa naJohani chinoratidza sei kuti basa racho rinoda kuitwa nokukurumidza?

5 Pachiratidzo chakaonekwa naJohani, Jehovha akaratidza kuti akapa Jesu basa rokutungamirira pakukohwa vanhu munyika yose. (Verenga Zvakazarurwa 14:14-16.) Jesu anorondedzerwa muchiratidzo chacho aine korona nejeko. “Korona yendarama [iri] mumusoro” maJesu inoratidza chinzvimbo chake saMambo. “Jeko rakapinza [riri] muruoko rwake” rinoratidza basa rake soMukohwi. Paanotaura achishandisa ngirozi kuti “zvinokohwewa zvepanyika zvanyatsoibva,” Jehovha anoratidza kuti basa racho riri kufanira kuitwa nokukurumidza. Zvechokwadi, “awa yokukohwa yasvika,” hapana nguva yokutambisa! Achiteerera murayiro waMwari wokuti, “tanga kushandisa jeko rako,” Jesu anotanga kurishandisa kukohwa nyika, kureva vanhu vepanyika. Chiratidzo ichi chinonakidza chinotiyeuchidza zvakare kuti “minda . . . yachenera kukohwa.” Chiratidzo ichi chinotibatsira here kuziva kuti kukohwa kwenyika yose kwakatanga riini? Hongu!

6. (a) “Mwaka wokukohwa” wakatanga riini? (b) Ko ‘kukohwewa kwezvinhu zvepanyika’ kwakanyatsotanga riini? Tsanangura.

6 Sezvo muna Zvakazarurwa 14 Johani akaratidzwa Jesu, Mukohwi, akapfeka korona (ndima 14), zvinoratidza kuti kugadzwa kwake saMambo kwakanga kwatoitika muna 1914. (Dhan. 7:13, 14) Jesu akaudzwa kuti atange kukohwa (ndima 15) pane imwe nguva atogadzwa. Izvi zvinowirirana nokutevedzana kwakaita zviitiko mumufananidzo waJesu wokukohwa gorosi, maakati: “Kukohwa kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” Saka mwaka wokukohwa nenguva yokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino zvakatanga panguva imwe chete, muna 1914. Kukohwa chaiko kwakazotanga “mwaka wokukohwa” wava nenguva watanga. (Mat. 13:30, 39) Kana tava kutarisa kumashure iye zvino tinogona kuona kuti kukohwa kwakatanga Jesu atova nemakore anoverengeka atanga kutonga saMambo. Kutanga, kubvira muna 1914 kusvika pakutanga kwa1919, Jesu akaita basa rokuchenesa vateveri vake vakazodzwa. (Mar. 3:1-3; 1 Pet. 4:17) Muna 1919 ndimo makazotanga ‘kukohwewa kwezvinhu zvepanyika.’ Asingapedzi nguva, Jesu akashandisa muranda akatendeka akanga achangogadzwa kuti abatsire hama dzedu kuona kuti basa iri raifanira kuitwa nokukurumidza. Funga zvakazoitika.

7. (a) Kuongorora kupi kwakabatsira hama kuona kuti basa rokuparidza raida kuitwa nokukurumidza? (b) Hama dzedu dzakakurudzirwa kuitei?

7 Muna July 1920, magazini yeThe Watch Tower yakati: “Kubva pakuongorora Magwaro kwatakaita, kunenge kuti zviri pachena kuti chechi yakapiwa chikomborero chokuendesa shoko nezveumambo.” Somuenzaniso, uprofita hwaIsaya hwakabatsira hama kuona kuti mashoko oUmambo aifanira kuziviswa munyika yose. (Isa. 49:6; 52:7; 61:1-3) Chavaisaziva ndechokuti basa racho raizoitwa sei, asi vaivimba kuti Jehovha aizovavhurira nzira. (Verenga Isaya 59:1.) Kunzwisisa uku kwakajeka kwokuti basa iri raifanira kuitwa nokukurumidza kwakakurudzira hama kuwedzera basa radzo. Vakawedzera basa ravo zvakadini?

8. Muna 1921, zvinhu zvipi zviviri zvakanzwisiswa nehama dzedu nezvebasa rokuparidza?

8 Muna December 1921, magazini yeThe Watch Tower yakazivisa kuti: “Ranga riri gore rakanaka kudarika mamwe ose; vanhu vakawanda vakanzwa shoko rechokwadi muna 1921 kupfuura zvati zvamboitika mumakore ose akapfuura.” Magazini yacho yakawedzera kuti: “Pachine zvakawanda zviri kuda kuitwa. . . . Ngatizviitei nemwoyo unofara.” Ona kuti hama dzakanzwisisa zvinhu zviviri zvinokosha nezvebasa rokuparidza zvakanga zvasimbiswa naJesu kuvaapostora vake. Basa racho raifanira kuitwa nokukurumidza, uye vashandi vacho vachifara.

9. (a) Muna 1954, Nharireyomurindi yakati chii nezvebasa rokukohwa, uye chii chakanga chaitika payakazotaura kudaro? (b) Vaparidzi vakawedzera zvakadini munyika yose mumakore 50 apfuura? (Ona chati yakanzi “ Kuwedzera Kwomunyika Yose.”)

9 Mumakore okuma1930, pashure pokunge hama dzanzwisisa kuti boka guru remamwe makwai raizoteerera shoko roUmambo, basa rokuparidza rakazonyatsowedzera. (Isa. 55:5; Joh. 10:16; Zvak. 7:9) Rakabudirira zvakadini? Nhamba yevaparidzi voUmambo yakawedzera kubva pa41 000 muna 1934 kusvika pa500 000 muna 1953! Nharireyomurindi yeChirungu yaDecember 1, 1954 yakataura nezvazvo ichiti: “Mudzimu waJehovha uye simba reShoko rake ndizvo zvaita kuti kukohwa kwenyika yose uku kubudirire.” bZek. 4:6.

 

KUWEDZERA KWOMUNYIKA YOSE

Nyika

1962

1987

2013

Australia

15 927

46 170

66 023

Brazil

26 390

216 216

756 455

France

18 452

96 954

124 029

Italy

6 929

149 870

247 251

Japan

2 491

120 722

217 154

Mexico

27 054

222 168

772 628

Nigeria

33 956

133 899

344 342

Philippines

36 829

101 735

181 236

U.S. of America

289 135

780 676

1 203 642

Zambia

30 129

67 144

162 370

 

KUWEDZERA KWENHAMBA YEZVIDZIDZO ZVEBHAIBHERI

1950

234 952

1960

646 108

1970

1 146 378

1980

1 371 584

1990

3 624 091

2000

4 766 631

2010

8 058 359

Kubudirira Kwokukohwa Kwakagara Kwataurwa Mumifananidzo Yakajeka

10, 11. Mumufananidzo wetsanga yemasitadhi, zvinhu zvipi zvine chokuita nokukura kwembeu zvinosimbiswa?

10 Mumifananidzo yake yoUmambo, Jesu akagara arondedzera zvakajeka kubudirira kwaizoita basa rokukohwa. Ngationgororei mufananidzo wetsanga yemasitadhi uye wembiriso. Tichanyanya kutarisa kuti yakazadziswa sei munguva yomugumo.

11 Mufananidzo wetsanga yemasitadhi. Murume anodyara tsanga yemasitadhi. Inokura kusvika pakuva muti unogarwa neshiri. (Verenga Mateu 13:31, 32.) Mumufananidzo uyu muri kusimbiswa chii nezvekukura kwembeu iyi? (1) Kukura kwacho kunoshamisa. “Mbeu duku kupfuura dzimwe dzose” inova muti une “mapazi akakura.” (Mako 4:31, 32) (2) Kukura kwacho hakukundikani. “Painenge yadyarwa [mbeu yacho], inomera yova huru.” Jesu haana kuti, “Ingangomera yova huru.” Asi anoti: “Inomera yova huru.” Hapana chinomisa kukura kwayo. (3) Muti wacho uri kukura unokwezva vashanyi vowana pokugara. “Shiri dzokudenga dzinouya” uye dzinowana “pokugara pasi pomumvuri” wawo. Zvinhu zvitatu izvi zvinofananidzirei pakukohwa kuri kuitwa nhasi?

12. Mufananidzo wetsanga yemasitadhi unoshanda sei pakukohwa kuri kuitwa nhasi? (Onawo chati yakanzi “ Kuwedzera Kwenhamba Yezvidzidzo zveBhaibheri.”)

12 (1) Kukura: Mufananidzo wacho unoratidza kukura kweshoko roUmambo uye kweungano yechiKristu. Kubvira muna 1919, vashandi vanoshingaira vokukohwa vakaunganidzirwa muungano yechiKristu yakanga yamutsidzirwa. Panguva iyoyo nhamba yevashandi yaiva duku, asi yakazokura nokukurumidza. Kukura kwacho kutanga kuma1900 kusvika iye zvino kunotoshamisa. (Isa. 60:22) (2) Kusakundikana: Kukura kweungano yechiKristu kwagara kusina chinokutadzisa. Pasinei nokupikisa kwakasimba kwakaitwa nevavengi vaMwari, mbeu iyi dukuduku yakaramba ichikura, ichikunda zvipingamupinyi zvose. (Isa. 54:17) (3) Pokugara: “Shiri dzokudenga” dzinowana pokugara mumuti dzinofananidzira mamiriyoni evanhu vane mwoyo yakarurama vanobva munyika 240 vakateerera shoko roUmambo ndokupinda muungano yechiKristu. (Ezek. 17:23) Vari imomo vanowana zvokudya zvinovasimbisa pakunamata, vanozorodzwa uye vanodzivirirwa.—Isa. 32:1, 2; 54:13.

Mufananidzo wetsanga yemasitadhi unoratidza kuti vaya vari muungano yechiKristu vanowana pokugara uye vanodzivirirwa (Ona ndima 11 ne12)

13. Mufananidzo wembiriso unosimbisa zvinhu zvipi nezvokukura?

13 Mufananidzo wembiriso. Pashure pokunge mukadzi aisa mbiriso mumukanyiwa wefurawa, mbiriso yacho inouvirisa wose. (Verenga Mateu 13:33.) Zvinhu zvipi zvinosimbiswa mumufananidzo uyu nezvokukura? Ngationei zviviri. (1) Kukura kwacho kunokonzera kushanduka. Mbiriso inosangana nefurawa “kusvikira mukanyiwa wose waviriswa.” (2) Kukura kwacho kunopararira. Mbiriso inovirisa mukanyiwa wacho wose, “zviyero zvikuru zvitatu zvefurawa.” Zvinhu zviviri izvi zvinofananidzirei pakukohwa kuri kuitwa nhasi?

14. Mufananidzo wembiriso unoshanda sei pakukohwa kuri kuitwa nhasi?

14 (1) Kushanduka: Mbiriso inofananidzira shoko roUmambo, uye mukanyiwa wefurawa unofananidzira vanhu. Sezvo mbiriso ichichinja furawa kana zvikasanganiswa, shoko roUmambo rinoita kuti mwoyo yevanhu ishandurwe kana varigamuchira. (VaR. 12:2) (2) Kupararira: Kupararira kwembiriso kunofananidzira kupararira kweshoko roUmambo. Mbiriso inopararira mumukanyiwa wose. Ndizvo zvaitawo shoko roUmambo nokuti rapararira “kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mab. 1:8) Izvi zvinoratidzawo kuti kunyange munyika dzinorambidzwa basa redu, shoko roUmambo richapararira, kunyange zvazvo vanhu vakawanda vangasaona basa redu rokuparidza munzvimbo dzakadaro.

15. Mashoko ari pana Isaya 60:5, 22 akazadziswa sei? (Onawo bhokisi rakanzi “ Jehovha Akaita Kuti Zviitike” uye rakanzi “ Kuchinja Kwakaita ‘Muduku’ Kuti Ave ‘Rudzi Rune Simba.’”)

15 Makore angasvika 800 Jesu asati ataura mifananidzo iyoyo, Jehovha, achishandisa Isaya akagara ataura achishandisa mashoko asingakanganwiki kuti basa rokukohwa riri kuitwa iye zvino raizova rakakura zvakadini uye mufaro waizobva mukukohwa uku. c Jehovha anorondedzera vanhu “vachibva kure” vachiuya kusangano rake. Achitaura ‘nomukadzi,’ uyo nhasi anofananidzira vakazodzwa vasara pasi pano, anoti: “Uchaona uye uchafara, mwoyo wako uchadedera wokura, nokuti kupfuma kwegungwa kuchananga kwauri; pfuma yemarudzi ichauya kwauri.” (Isa. 60:1, 4, 5, 9) Ndizvo chaizvo zviri kuitika. Nhasi vanhu vava nemakore vachishumira Jehovha vanofara pavanoona nhamba yevaparidzi voUmambo munyika dzavo ichiwedzera kubva pavashomanana kusvika kuzviuru zvakawanda.

Chinofadza Vashumiri Vose vaJehovha

16, 17. Chii chinoita kuti “mudyari nomukohwi vafare pamwe chete”? (Onawo bhokisi rakanzi “ Kuchinjwa Kwakaitwa Vanhu Vaviri Nematurakiti Maviri muAmazon.”)

16 Unoyeuka kuti Jesu akaudza vaapostora vake kuti: “Mukohwi ari . . . kuunganidza zvibereko zvoupenyu husingaperi, kuti mudyari nomukohwi vafare pamwe chete.” (Joh. 4:36) ‘Tinofara pamwe chete’ sei mukukohwa kuri kuitwa munyika yose? Pane zvinhu zvakati wandei zvinoita kuti tifare. Ngatikurukurei zvitatu zvacho.

17 Chokutanga ndechokuti tinofara kuona zviri kuitwa naJehovha mubasa racho. Patinoparidza shoko roUmambo, tinenge tichidyara mbeu. (Mat. 13:18, 19) Patinobatsira mumwe munhu kuti ave mudzidzi waKristu, tinenge takohwa zvibereko. Uye tose tinofara zvikuru patinoona Jehovha achiita kuti mbeu yoUmambo ‘imere yoreba.’ (Mako 4:27, 28) Imwe mbeu yatinomwaya inozobuda pava paya yozokohwewa nevamwe. Pamwe zvakaitika kuna Joan imwe hanzvadzi yekuBritain yava nemakore 60 yabhabhatidzwa zvingave zvakamboitikawo kwauri. Akati: “Ndinombosangana nevamwe vanhu vanoti ndakadyara mbeu mumwoyo mavo pandakavaparidzira makore akapfuura. Ndisingatombozivi, zvimwe Zvapupu zvakazodzidza navo Bhaibheri ndokuvabatsira kuva vashumiri vaJehovha. Ndinofara kuti mbeu yandakadyara yakakura ikakohwewa.”—Verenga 1 VaKorinde 3:6, 7.

18. Chii chinotaurwa pana 1 VaKorinde 3:8 chinoita kuti tifare?

18 Chechipiri, tinoramba tiri vashandi vanofara kana tikagara tichiyeuka kuti Pauro akati: “Munhu mumwe nomumwe achawana mubayiro wake maererano nebasa rake.” (1 VaK. 3:8) Mubayiro unopiwa maererano nebasa, kwete maererano nezvinenge zvabuda mubasa racho. Izvi zvinozorodza zvikuru vaya vari kuparidza mundima dzine vanhu vasinganyanyi kufarira. Mukuona kwaMwari, Chapupu chose chinoita basa rokudyara mbeu nemwoyo wose chinenge ‘chichibereka zvibereko zvizhinji’ saka chinofanira kufara.—Joh. 15:8; Mat. 13:23.

19. (a) Uprofita hwaJesu huri pana Mateu 24:14 hunoita sei kuti tifare? (b) Tinofanira kugara tichiyeuka chii kunyange kana tikasabudirira pakuita kuti munhu ave mudzidzi?

19 Chechitatu, tinofara kuti basa redu riri kuzadzisa uprofita. Funga mhinduro yaJesu paakabvunzwa nevaapostora vake kuti: “Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho?” Akavaudza kuti chiratidzo chacho chaizosanganisira basa rokuparidza remunyika yose. Aireva basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi here? Kwete. Akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu.” (Mat. 24:3, 14) Kureva kuti kuparidza Umambo kana kuti kudyara mbeu ndiko kunobatanidzwa muchiratidzo chacho. Saka patinenge tichiparidza mashoko akanaka oUmambo, tinoramba tichiyeuka kuti kunyange tikasabudirira pakuita kuti munhu ave mudzidzi, tiri kubudirira pakupa “uchapupu.” d Izvi zvinoreva kuti pasinei nokuti vanhu vanoita sei, isu tiri kuzadzisa uprofita hwaJesu uye tiri kukudzwa pakuti “tiri vashandi pamwe chete naMwari.” (1 VaK. 3:9) Hatingambotadzi kufara!

“Kubvira Kunobuda Nezuva Kusvikira Kwarinovirira”

20, 21. (a) Mashoko aMaraki 1:11 ari kuzadziswa sei? (b) Watsidza mumwoyo mako kuitei mubasa rokukohwa, uye nechikonzero chei?

20 Jesu akabatsira vaapostora vake kuona kuti basa rokukohwa raida kuitwa nokukurumidza. Kubvira muna 1919 zvichienda mberi, Jesu anga achibatsira vadzidzi vake vemazuva ano kunzwisisawo izvozvo. Izvi zvakabva zvaita kuti vanhu vaMwari vawedzerewo basa ravo. Tingati basa rokukohwa raratidza kuti harina chingarimisa. Sezvakagara zvataurwa nomuprofita Maraki, basa rokuparidza riri kuitwa nhasi “kubvira kunobuda nezuva kusvikira kwarinovirira.” (Mar. 1:11) Kureva kuti kubvira zuva richibuda kusvika rivire, kubva kumabvazuva kusvika kumadokero, kwose kwavari pasi pano, vadyari nevakohwi vari kushanda pamwe chete vachifara. Uye kubvira zuva richibuda kusvikira rivire, kubva mangwanani kusvika manheru, kana kuti muswere wese, tinoshanda tichiziva kuti nguva yapera.

21 Patinotarisa makore 100 adarika tichiona kukura kwakaita boka duku revashumiri vaMwari kuva “rudzi rune simba,” mwoyo yedu inofara zvechokwadi. (Isa. 60:5, 22) Dai mufaro iwoyo uye kuda kwatinoita Jehovha, “Tenzi wokukohwa,” zvikaita kuti mumwe nomumwe wedu arambe achiita pakewo pakupedzisa basa guru rokukohwa rinopfuura mamwe ose ati amboitwa!—Ruka 10:2.

a Kutaura kwaJesu kuti ‘minda yachena’ kungava kwakabva pakuti zvimwe vaSamariya vaaiona vachiuya vakanga vakapfeka nguo chena.

b Kana uchida kudzidza zvimwe nezvemakore iwayo nemamwe akazotevera, tinokukurudzira kuverenga mapeji 425 kusvika ku520 ebhuku raZvapupu zvaJehovha​—Vazivisi voUmambo hwaMwari, ayo anotsanangura zvakabuda mubasa rokukohwa kubva muna 1919 kusvika muna 1992.

c Kuti uwane mamwe mashoko nezveuprofita uhwu hunofadza, ona Uprofita hwaIsaya​—Chiedza Chavanhu Vose II, mapeji 303 kusvika ku320.

d Chokwadi ichocho chinokosha chakanga chatonzwisiswa kare neVadzidzi veBhaibheri vokutanga. Magazini yeZion’s Watch Tower yaNovember 15, 1895 yakati: “Kunyange kana gorosi rikawanikwa shomanana, chokwadi chinenge chatopupurirwa zvakakura. . . . Tose tinogona kuparidza evhangeri.”