Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 10

Mambo Anonatsa Manamatiro Evanhu Vake

Mambo Anonatsa Manamatiro Evanhu Vake

ZVICHAKURUKURWA MUCHITSAUKO CHINO

Kunatsa uye kuchenesa kwakaita Jesu manamatiro evateveri vake uye chikonzero chaakazviitira

1-3. Jesu akaita sei paakaona kuti temberi yakanga ichisvibiswa?

 JESU airemekedza zvikuru temberi yaiva muJerusarema nekuti aiziva kuti yaimiririra chii. Temberi yacho yakanga yava nemakore iri musimboti wekunamata kwechokwadi pasi pano. Asi kunamatwa ikoko kwaMwari mutsvene, Jehovha, kwaifanira kuva kwakachena. Fungidzira kuti Jesu akanzwa sei paakauya kutemberi musi waNisani 10, 33 C.E., akaiwana ichisvibiswa. Chii chakanga chichiitika?—Verenga Mateu 21:12, 13.

2 Muchivanze cheveMamwe Marudzi, vatengesi nevanhu vaichinja mari vaiva nemakaro vakanga vachibatira vanamati vaiuya kuzopa Jehovha zvibayiro. a Jesu “akadzingira kunze vose vaya vaitengesa nokutenga mutemberi, akapidigura tafura dzevaichinja mari.” (Enzanisa naNehemiya 13:7-9.) Akashora varume ivavo vaibiridzira vanhu nokuti vakanga vaita kuti imba yaBaba vake ive “bako remakororo.” Saka zvakaitwa naJesu zvakaratidza kuti airemekedza temberi nezvayaimiririra. Vanhu vaifanira kuramba vachinamata Baba vake zvakachena.

3 Mazana emakore izvi zvaitika, pashure pekugadzwa kwake saMambo Mesiya, Jesu akachenesazve imwe temberi, ine chekuita nevaya vose vanoda kunamata Jehovha sezvaanoda. Itemberi ipi yaakachenesa ipapo?

Kuchenesa “Vanakomana vaRevhi”

4, 5. (a) Vateveri vaJesu vakazodzwa vakanatswa nekucheneswa sei kubva muna 1914 kusvika pakutanga kwa1919? (b) Kucheneswa nekunatswa kwevanhu vaMwari kwakabva kwaperera ipapo here? Tsanangura.

4 Sezvatakaona muChitsauko 2 chebhuku rino, pashure pekugadzwa kwake muna 1914, Jesu akauya naBaba vake kuzoongorora urongwa hwekunamata kwakachena uhwo hunofananidzwa netemberi. b Pashure pekuongorora ikoko, Mambo akaona kuti vaKristu vakazodzwa, “vanakomana vaRevhi,” vaida kunatswa nekucheneswa. (Mar. 3:1-3) Kubva muna 1914 kusvika pakutanga kwa1919, Munatsi, Jehovha, akabvumira kuti vanhu vake vapinde mumiedzo yakawanda nematambudziko izvo zvakabatsira kuvanatsa nekuvachenesa. Zvinofadza kuti vakazodzwa ava vakabuda mumiedzo iyoyo yakaita semoto vacheneswa, vava nechido chekutsigira Mambo Mesiya!

5 Ndipo pakabva paperera kunatswa uye kucheneswa kwevanhu vaMwari here? Kwete. Kubvira pakatanga mazuva ekupedzisira, Jehovha anga achishandisa Mambo Mesiya kuti vateveri vake vave vakachena kuti varambe vari mutemberi yemudzimu. Muzvitsauko zviviri zvinotevera, tichaona kuti akavanatsa sei patsika uye pamarongerwo anoitwa zvinhu musangano. Asi ngatimbotangai nekukurukura nezvekucheneswa panyaya dzekunamata. Kutenda kwedu kunosimba patinoongorora kubatsira kwakaita Jesu vateveri vake nenzira dzinonyatsooneka nedzimwewo dzisingaoneki, kuti vave vakachena panyaya dzekunamata.

“Rambai Makachena”

6. Mirayiro yakapiwa nhapwa dzechiJudha naJehovha inotibatsira sei kunzwisisa zvinoreva kuchena panyaya dzekunamata?

6 Kuchena panyaya dzekunamata kunorevei? Kuti tiwane mhinduro yacho, ngationgororei mashoko aJehovha aakaudza nhapwa dzechiJudha dzakanga dzava kuda kubuda muBhabhironi muna 537 B.C.E. (Verenga Isaya 52:11.) Chinangwa chikuru chekudzokera kwenhapwa idzi kuJerusarema chakanga chiri chekuvakazve temberi uye kumutsidzira kunamata kwechokwadi. (Ezra 1:2-4) Jehovha aida kuti vanhu vake vasiye muBhabhironi chero kai zvako kaiva nechokuita nemanamatiro emo. Cherechedza kuti akavapa mirayiro inotevedzana achiti: “Musabata chinhu chisina kuchena,” “budai pakati paro,” uye “rambai makachena.” Kunamatwa kwaJehovha kwakachena hakufaniri kusvibiswa nekunamata kwenhema. Saka totii nezvekuchena panyaya dzekunamata? Kunosanganisira kutambira kure nedzidziso uye maitiro ekunamata kwenhema.

7. Jesu akashandisa urongwa hupi kubatsira vateveri vake kuti vachene panyaya dzekunamata?

7 Achangogadzwa saMambo, Jesu akaita kuti pave neurongwa hunonyatsooneka hwaizobatsira vateveri vake kuva vakachena pakunamata. Akagadza muranda akatendeka akangwara muna 1919. (Mat. 24:45) Pakazosvika gore iroro, Vadzidzi veBhaibheri vakanga vatozvichenesa padzidziso dzenhema dzakawanda. Kunyange zvakadaro vakanga vachiine zvimwe zvavaifanira kucheneswa. Achishandisa muranda wake, Kristu akabatsira vateveri vake zvishoma nezvishoma kuti vanzwisise dzimwe tsika uye mhemberero dzavaifanira kusiya. (Zvir. 4:18) Ngatimboongororai dzimwe dzacho.

VaKristu Vanofanira Kupemberera Krisimasi Here?

8. Vadzidzi veBhaibheri vakanga vava nenguva vachiziva chii nezveKrisimasi, asi zvii zvavakanga vasati vanyatsojekerwa nazvo?

8 Vadzidzi veBhaibheri vakanga vava nenguva vachiziva kuti Krisimasi yakatangwa nevahedheni uye kuti Jesu haana kuzvarwa musi wa25 December. Magazini yeZion’s Watch Tower yaDecember 1881 yakati: “Mamiriyoni evanhu akauya muchechi achibva muchihedheni. Asi kakawanda kuchinja kwacho kwaingova kwezita, nekuti vapristi vechihedheni vakachinja vakava vapristi vechikristu uye mhemberero dzechihedheni dzakatanga kupiwa mazita echikristu, kubatanidza zororo reKrisimasi.” Nyaya yakabuda mumagazini yeWatch Tower ya1883 yaiva nemusoro waiti “Jesu Akazvarwa Riini?” yakaratidza kuti Jesu akaberekwa pakutanga kwaOctober. c Asi panguva iyoyo Vadzidzi veBhaibheri havana kunge vajekerwa kuti vaifanira kurega kupemberera Krisimasi. Yakaramba ichipembererwa kunyange nemhuri yeBheteri yekuBrooklyn. Asi pashure pa1926 zvinhu zvakatanga kuchinja. Chii chakaita kuti zvidaro?

9. Vadzidzi veBhaibheri vakazoziva chii nezveKrisimasi?

9 Pashure pekunyatsoongorora nyaya yacho, Vadzidzi veBhaibheri vakatanga kunzwisisa kuti matangiro akaita Krisimasi uye tsika dzinoitwa pakuipemberera zvinozvidza Mwari. Nyaya yaiti “Matangiro Akaita Krisimasi,” yakabuda mumagazini yeThe Golden Age yaDecember 14, 1927, yakaratidza kuti kupemberera Krisimasi ndekwechihedheni, ndekwekungotsvaga mafaro, uye kunobatanidza kunamata zvidhori. Nyaya yacho yakanyatsobudisa pachena kuti zororo iroro harina kumbonzi naKristu riitwe uye yakapedzisa nemashoko aya asingatendereri nezveKrisimasi: “Sezvo kupembererwa kwezororo iri kuchikurudzirwa nenyika, nenyama uye naDhiyabhorosi, zviri pachena kuti vaya vakazvitsaurira zvakazara kuita basa raJehovha havafaniri kuipemberera.” Saka hazvishamisi kuti mhuri yeBheteri haina kupemberera Krisimasi gore iroro, uye haina kuzomboipemberera zvakare!

10. (a) Krisimasi yakafumurwa sei zvakasimba muna December 1928? (Onawo bhokisi rakanzi “ Matangiro Akaita Krisimasi Uye Chinangwa Chayo.”) (b) Vanhu vaMwari vakachenjedzwa sei nezvemamwe mazororo nemhemberero zvavaifanira kusiya? (Ona bhokisi rakanzi “ Kufumura Mamwe Mazororo Nemhemberero.”)

10 Gore rakazotevera, Vadzidzi veBhaibheri vakanzwa mashoko akazonyatsofumura Krisimasi zvakasimba. Musi wa12 December 1928, Hama Richard H. Barber, vaishanda kumahofisi makuru, vakapa hurukuro paredhiyo yakanyatsobudisa pachena matangiro akaita zororo iri. Vanhu vaMwari vakaita sei pavakaudzwa zvekuita nemuranda akatendeka? Hama Charles Brandlein vanoyeuka pavakarega kupemberera Krisimasi pamwe nemhuri yavo vachiti: “Zvakatinetsa here kubva tangosiya zvinhu izvozvo zvechihedheni? Kana! . . . Zvakanga zvakangofanana nekubvisa hembe ine tsvina woikanda kwakadaro uko.” Vachitaurawo mashoko akada kufanana naiwaya, Hama Henry A. Cantwell, avo vakazova mutariri anofambira, vanoyeuka kuti: “Takafara kwazvo kuti takarega chimwe chinhu kuti tiratidze kuti taida Jehovha.” Vateveri vaKristu vakavimbika vaida chaizvo kuchinja uye kusava nechokuita nezororo rakabva pakunamata kusina kuchena. dJoh. 15:19; 17:14.

11. Tingaratidza sei kuti tinotsigira Mambo Mesiya?

11 Vadzidzi veBhaibheri ivavo vakatendeka vakatipa muenzaniso wakazonaka! Tichifunga nezvemuenzaniso wavo, tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndinoona sei mirayiridzo inobva kumuranda akatendeka? Ndinoigamuchira nemufaro here ndoshandisa zvandinodzidza?’ Kana tikabvuma kuteerera nechido tinenge tichiratidza kuti tinotsigira Mambo Mesiya, uyo ari kushandisa muranda akatendeka kutipa zvokudya zvinotisimbisa pakunamata panguva yakakodzera.—Mab. 16:4, 5.

VaKristu Vanofanira Kushandisa Muchinjikwa Here?

Chiratidzo chemuchinjikwa nekorona (Ona ndima 12 ne13)

12. Kwemakore akawanda, Vadzidzi veBhaibheri vaiona sei muchinjikwa?

12 Kwemakore akawanda, Vadzidzi veBhaibheri vaiona pasina chakaipa nekushandisa muchinjikwa sechiratidzo chechiKristu. Vaiziva havo kuti muchinjikwa haufaniri kunamatwa nokuti vainzwisisa kuti kunamata zvidhori kwakaipa. (1 VaK. 10:14; 1 Joh. 5:21) Muna 1883 chaimo, magazini yeWatch Tower yakataura isingatendereri kuti “kunamata zvidhori kwose zvako kunosemesa Mwari.” Asi pakutanga, Vadzidzi veBhaibheri vane mamwe mashandisiro avaiita muchinjikwa avaiona seakanaka. Somuenzaniso, vaitodada nekupfeka bheji raiva nemuchinjikwa nekorona. Vaiti rairatidza kuti kana vakaramba vakatendeka kusvika pakufa, vaizowana korona yeupenyu. Kutanga muna 1891, chiratidzo chemuchinjikwa nekorona chakatanga kuiswa pakavha yemagazini yeWatch Tower.

13. Vateveri vaKristu vakajekerwa sei panyaya yekushandisa muchinjikwa? (Onawo bhokisi rakanzi “ Kujekerwa Zvishoma Nezvishoma Nezvekushandiswa Kwemuchinjikwa.”)

13 Vadzidzi veBhaibheri vaikoshesa zvikuru chiratidzo chekorona nemuchinjikwa. Zvisinei, makore ekuma1920 ava kuda kunopera, vateveri vaKristu vakatanga kujekerwa zvishoma nezvishoma panyaya yekushandisa muchinjikwa. Vachiyeuka zvakaitika pagungano ra1928 rakaitirwa kuDetroit, Michigan, U.S.A., Hama Grant Suiter, vakazova nhengo yeDare Rinodzora, vakati: “Pagungano iri zvakabuda pachena kuti chiratidzo chemuchinjikwa nekorona hachina kukodzera uye hachitofaniri kushandiswa.” Makore mashoma akazotevera, zvinhu zvakawedzera kujeka. Zvakava pachena kuti muchinjikwa haufaniri kushandiswa zvachose pakunamata kwakachena.

14. Vanhu vaMwari vaiita sei pavaijekeserwa nyaya yemuchinjikwa zvishoma nezvishoma?

14 Vanhu vaMwari vaiita sei pavaijekeserwa nyaya yemuchinjikwa zvishoma nezvishoma? Vakaramba vachingoda kushandisa chiratidzo chemuchinjikwa nekorona chavaimboda zvikuru here? “Patakangoziva kuti chaimiririra chii hazvina kutinetsa kuti tichisiye,” akadaro Lela Roberts, uyo akashumira Jehovha kwenguva yakareba. Vamwewo hanzvadzi vakatendeka, Ursula Serenco, vakataura manzwiro aiva nevakawanda vachiti: “Takanzwisisa kuti chinhu chataimbokoshesa tichiti chinomiririra rufu rwaShe wedu uye kuzvipira kwedu kwechiKristu, chakanga chiri chechihedheni. Maererano naZvirevo 4:18, takafara zvikuru kuti gwara rakanga richiwedzera kujeka.” Vateveri vaKristu vakavimbika vakanga vasingatombodi kubatanidzwa netsika dzekunamata kwenhema dzisina kuchena!

15, 16. Tingaratidza sei kuti tinoda chaizvo kuti chivanze chetemberi yaJehovha chiri pasi pano chirambe chakachena?

15 Ndizvo zvatinoitawo nhasi. Tinoziva kuti Kristu agara achishandisa boka rinonyatsozivikanwa remuranda akatendeka kubatsira vanhu vake kuramba vakachena panyaya dzokunamata. Saka muranda wacho paanotipa mashoko anotingwadza nezvedzimwe mhemberero, maitiro kana kuti tsika dzakasvibiswa nezvitendero zvenhema tinobva tangoteerera. Kufanana nehama dzedu dzakararama Kristu achangotanga kutonga, tinoda kuti chivanze chetemberi yaJehovha yepasi pano yevanamati vake chirambe chakachena.

16 Kubva pakatanga mazuva ekupedzisira, Kristu anga achiitawo zvimwe zvinhu zvatisingakwanisi kuona kuti achengetedze ungano yevanhu vaJehovha pavanhu vanogona kusvibisa manamatiro avo. Anga achizviita sei? Ngationei.

Kubvisa “Vakaipa Kubva Pakati Pevakarurama”

17, 18. Mumufananidzo wemambure okukukudzisa chii chinomiririrwa (a) nekudzikisa mambure okukukudzisa, (b) nekuunganidza “hove dzemarudzi ose,” (c) nekuunganidza hove dzakanaka mumidziyo, uye (d) nekurasa hove dzisina kukodzera?

17 Mambo Jesu Kristu anogara ziso rake riri paungano dzevanhu vaMwari pasi pano. Kristu nengirozi vagara vachiita basa rekuparadzanisa vanhu ratisingakwanisi kunyatsoona. Jesu akatsanangura basa iri mumufananidzo wemambure okukukudzisa. (Verenga Mateu 13:47-50.) Mufananidzo uyu unorevei?

Mambure okukukudzisa anomiririra basa rekuparidza Umambo riri kuitwa munyika, iyo yakafanana negungwa (Ona ndima 18)

18 Kudzikisa “mambure okukukudzisa . . . mugungwa.” Mambure okukukudzisa anomiririra basa rekuparidza Umambo riri kuitwa munyika, iyo yakafanana negungwa. Kuunganidza “hove dzemarudzi ose.” Mashoko akanaka anokwezva vanhu vakasiyana-siyana, kusanganisira vaya vanotora matanho ekuti vave vaKristu vechokwadi, kwozoitawo vamwe vakawanda vanotanga vachiratidza kufarira asi vasingazonyatsotsigiri kunamata kwakachena. e Kuunganidzira “dzakanaka mumidziyo.” Vanhu vane mwoyo yakatendeseka vari kuunganidzwa muungano idzo dzinofananidzwa nemidziyo, mavanokwanisa kunamata Jehovha zvakachena. Kurasa hove “dzisina kukodzera.” Kubva pakatanga mazuva ekupedzisira, Kristu nengirozi vanga vachiparadzanisa “vakaipa kubva pakati pevakarurama.” f Izvi zvakaita kuti vaya vasina mwoyo yakatendeseka vangave vasiri kuda kusiya tsika nedzidziso dzenhema vasasiyiwa vachisvibisa ungano. g

19 Unonzwa sei nezvakaitwa naKristu pakuchengetedza vanhu vaMwari vakachena?

19 Hazvikurudzire here kuziva kuti Mambo wedu, Jesu Kristu, ari kudzivirira vose vari pasi pake? Uye hazvinyaradze here kuziva kuti kushingairira kunamata kwechokwadi uye vanamati vechokwadi kwaakaita paakachenesa temberi ari pasi pano ndiko kwaachiri kuita nanhasi? Tinotenda zvikuru kuti Kristu anga achishanda pakuchengetedza vanhu vaMwari vakachena! Tinoratidza kuti tinotsigira Mambo neUmambo hwake nekutambira kure nekunamata kwenhema.

a VaJudha vaishanya vaiuya nemari isingashandi muJerusarema saka vaifanira kutanga vaichinja kuti vabhadhare mutero wetemberi wepagore, izvo zvaizoita kuti vanhu vaichinja mari vavabhadharise pakuvachinjira. Uyewo vashanyi vaigona kuzodawo kutenga mhuka dzezvibayiro. Jesu akati vatengesi ava vaiva “makororo” zvimwe nechikonzero chekuti vainyanya kudhurisira vanhu.

b Vanhu vaJehovha vari pasi pano vanomunamata vari muchivanze chetemberi iyoyo huru.

c Nyaya iyi yakataura kuti hazviiti kuti titi Jesu akazvarwa mumwaka wechando nekuti izvi “hazvizowirirane nenyaya yevafudzi vaiva kunze nezvipfuwo zvavo.”—Ruka 2:8.

d Mutsamba yaNovember 14, 1927, Hama Frederick W. Franz vakanyora kuti: “Hatisi kuzopemberera Krisimasi gore rino. Mhuri yeBheteri yabvumirana kuti haichapemberera Krisimasi zvakare.” Mutsamba yaFebruary 6, 1928, Hama Franz vakazonyora kuti: “Zvishoma nezvishoma Ishe ari kutichenesa pakukanganisa kwesangano raDhiyabhorosi rechiBhabhironi.”

e Somuenzaniso, chimbofunga kuti muna 2013 taiva nevaparidzi vangasvika 7 965 954 asi Chirangaridzo cherufu rwaKristu chakapindwa nevanhu 19 241 252.

f Kuparadzaniswa kwehove dzakanaka nedzisina kukodzera hakuna kufanana nekuparadzaniswa kwemakwai nembudzi. (Mat. 25:31-46) Kuparadzaniswa kwemakwai nembudzi, kana kuti kutongwa kwekupedzisira, kuchaitika pakutambudzika kukuru. Asi izvozvo zvisati zvaitika, vaya vakaita sehove dzisina kukodzera vanogona kudzoka kuna Jehovha vounganidzwa muungano dzakaita semidziyo.—Mar. 3:7.

g Pakupedzisira, vaya vasina kukodzera vachakandwa muvira romoto rekufananidzira, kureva kuparadzwa kwavachaitwa.