Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 11

Kunatsiridzwa Kwetsika Kunoratidza Utsvene hwaMwari

Kunatsiridzwa Kwetsika Kunoratidza Utsvene hwaMwari

ZVICHAKURUKURWA MUCHITSAUKO CHINO

Kudzidzisa kwakaita Mambo vanhu vake kuti varemekedze tsika dzinodiwa naMwari

Fungidzira uchipinda nepagedhi rechivanze chetemberi huru yaJehovha

1. Ezekieri akaona chii chinotishamisa zvikuru?

 NGATIMBOTII ndiwe wakaona zvakaonekwa naEzekieri makore 2 500 apfuura. Fungidzira izvi: Unosvika pane imwe temberi huru yakanaka zvekunaka zviya. Pane ngirozi ine simba iri kuda kukuratidza nzvimbo iyoyo inoshamisa! Unokwidza nemasitepisi manomwe anonokusvitsa pane rimwe remagedhi matatu epo. Unokangwa mate mukanwa nezvaunoona pamagedhi iwayo. Marefu refu zvekuti angasvika mamita 30. Nechemukati memagedhi unoona kuti mune dzimba dzevarindi. Mbiru dzacho dzakanga dziine mifananidzo inoyevedza yemichindwe.—Ezek. 40:1-4, 10, 14, 16, 22; 41:20.

2. (a) Temberi yeuprofita inomiririra chii? (Onawo mashoko omuzasi.) (b) Tingadzidzei pane zvakanga zvakaita paipindwa napo mutemberi?

2 Iyi itemberi yeuprofita yekufananidzira. Ezekieri akadonongodza zvayakaita zvokuti tsanangudzo yake inotangira pachitsauko 40 kusvika ku48 chebhuku rake reuprofita. Temberi iyi inomiririra urongwa hwaJehovha hwekunamata kwakachena. Chinhu chose chiri pairi chine zvachinoreva pakunamata kwedu mazuva ano ekupedzisira. a Magedhi marefu kana kuti akakwirira anomiririra chii? Anotiyeuchidza kuti vaya vanopinda muurongwa hwaJehovha hwekunamata kwakachena vanofanira kurarama zvinoenderana netsika dzakakwirira uye dzakarurama dzinodiwa naMwari. Kunyange miti yemichindwe yakatemerwa kumadziro inoratidzawo izvozvo, sezvo michindwe ichimboshandiswa muBhaibheri ichimiririra kururama. (Pis. 92:12) Ko dzimba dzevarindi dzinomiririrei? Zviri pachena kuti vaya vasingaremekedzi mararamiro anodiwa naMwari vanorambidzwa kupinda pamagedhi ekufananidzira ekunamata uku kwakanaka, kwakachena kunopa upenyu.—Ezek. 44:9.

3. Nei vateveri vaKristu vanga vachifanira kuramba vachinatswa?

3 Zvakaratidzwa Ezekieri zviri kuzadziswa sei? Sezvatakaona muChitsauko 2 chebhuku rino, Jehovha akashandisa Kristu kuti anatse vanhu vake, kubva muna 1914 kusvika pakutanga kwa1919. Kunatswa kwacho kwakabva kwapera ipapo here? Kwete. Mumakore zana apfuura, Kristu anga achiramba achitsigira tsika dzakachena dzinodiwa naJehovha. Saka vateveri vake vanga vachifanira kuramba vachingonatswa. Nechikonzero chei? Nokuti Kristu ari kuunganidza vateveri vake vachibva munyika ino ine tsika dzakaora uye Satani anoramba achiedza kuvadzosa mumatope eunzenza. (Verenga 2 Petro 2:20-22.) Ngationgororei kuti vaKristu vechokwadi vanga vachinatswa zvishoma nezvishoma pazvinhu zvipi zvitatu. Kutanga tichaongorora kunatswa kwavakaitwa panyaya yetsika, zvadaro tichazodzidza urongwa hwakaitwa kuti ungano irambe yakachena, tozopedzisa nekuona kunatswa panyaya yemhuri.

Kunatsiridzwa Kwetsika Mumakore Apfuura

4, 5. Satani ava nemakore achishandisa nzira ipi kunyengera vanhu, achibudirira zvakadini?

4 Vanhu vaJehovha vagara vachida chaizvo kuva netsika dzakarurama. Saka vanga vachitambira mirayiridzo yose yanga ichiramba ichijekesa nyaya iyoyo. Ngatimboongororai mienzaniso mishoma.

5 Unzenza hwepabonde. Jehovha paakaronga kuti vakaroorana vasangane pabonde, zvakanga zvakanaka uye zvakachena. Asi Satani anofarira kukanganisa maonero anoita vanhu chipo ichi nokuchiita kuti chive chakasviba uye nekuchishandisa kuedza vanhu vaJehovha kuti vamugumbure. Satani akabudirira kushandisa nzira iyoyo mumazuva aBharami zvikaita kuti pave nedambudziko rakakura, uye mumazuva ano ekupedzisira ari kutoishandisa zvakanyanya.—Num. 25:1-3, 9; Zvak. 2:14.

6. Imhiko ipi yakabudiswa muWatch Tower, yakashandiswa sei, uye chii chakazoita kuti irege kushandiswa? (Onawo mashoko omuzasi.)

6 Kuitira kuti mazano aSatani ashaye basa, magazini yeWatch Tower yaJune 15, 1908, yakabudisa mhiko yaiva nemamwe mashoko okuti: “Pose pandinenge ndiri, mabatiro andichaita vanhu vandisina kuroorana navo kana ndiri paruzhinji ndiwo andichavaitawo pachivande.” b Kunyange zvazvo vanhu vakanga vasingamanikidzwi kuita mhiko iyi, vakawanda vakaiita vakatotumira mazita avo kuti azobudiswa muZion’s Watch Tower. Mhiko iyi yakabatsira vakawanda asi zvakazoonekwa pashure pemakore kuti yakanga yava kungoitwawo zvachero, saka yakaregwa. Zvisinei, nzira yekuzvibata nayo yaikurudzirwa nemhiko iyoyo haina kurova.

7. Muna 1935, Nharireyomurindi yakataura nezvedambudziko ripi, uye yakasimbisa kuti chii?

7 Satani akatowedzera mazano ake. Nharireyomurindi yeChirungu yaMarch 1, 1935 yakanyatsotaura nezverimwe dambudziko rakanga richikura pakati pevanhu vaMwari. Zvinoratidza sokuti pane vamwe vaifunga kuti kana vaparidza vanenge vati sunungukei kuita dzimwe tsika dzakaipa muupenyu hwavo. Nharireyomurindi yacho yakataura zviri pachena kuti: “Munhu anofanira kugara achiyeuka kuti kungobuda mubasa rekuparidza hakusiriko kwoga kunokosha. Zvapupu zvaJehovha zvinomiririra Mwari, saka ibasa ravo kuti vanyatsova vamiririri vakanaka vaJehovha neumambo hwake.” Nyaya yacho yakazopa zano rakajeka nezvewanano uye kuzvibata, izvo zvakabatsira vanhu vaMwari, ‘kutiza ufeve.’—1 VaK. 6:18.

8. Chii chakaita kuti Nharireyomurindi irambe ichitsanangura zvose zvinorehwa neshoko rechiGiriki rinoreva unzenza hwepabonde?

8 Mumakore achangopfuura, Nharireyomurindi yakadzokorora yadzokororazve zvinonyatsoreva shoko rinoshandiswa muMagwaro echiGiriki kureva unzenza hwepabonde rekuti por·neiʹa. Shoko racho haringorevi kurara kwemurume nemukadzi chete. Asi shoko iri rinosanganisira zvinhu zvakasiyana-siyana zvounzenza, kubatanidza zvinhu zvose zvinonyadzisira zvinowanzoitwa pabonde nepfambi. Saka vateveri vaKristu vakadzivirirwa padambudziko rine vakawanda nhasi rekupengeswa nezvinhu izvi zvinonyadzisa zvinoitwa pabonde.—Verenga VaEfeso 4:17-19.

9, 10. (a) Nharireyomurindi ya1935 yakataura nezvenyaya ipi yetsika? (b) Bhaibheri rinodzidzisei nezvekunwa doro zvine mwero?

9 Kunwa doro zvisina kukodzera. Nharireyomurindi yeChirungu yaMarch 1, 1935 yakataura nezverimwe dambudziko panyaya yetsika ichiti: “Zvakacherechedzwawo kuti vamwe vari kubuda muushumiri kana kuita mamwe mabasa musangano vambonwa. Magwaro anobvumidza munhu kunwa waini mumamiriro api ezvinhu? Zvingave zvakanaka here kuti munhu ade waini zvekuti inosvika pakumukanganisa basa rake musangano raShe?”

10 Mhinduro yacho yakatsanangura zvinotaurwa neShoko raMwari nezvekunwa doro zvakanaka. Bhaibheri hariti kunwa zvine mwero waini kana zvimwe zvinwiwa zvinodhaka kwakaipa, asi rinorambidza udhakwa. (Pis. 104:14, 15; 1 VaK. 6:9, 10) Panyaya yekuita basa dzvene munhu ambonwa, vashumiri vaMwari vave nenguva vachingoyeuchidzwa nezvenyaya yevanakomana vaAroni, vakaurayiwa naMwari vapinda nemoto wakanga usingabvumirwi nomutemo paatari yaMwari. Nyaya yacho inoratidza kuti chii chinogona kunge chakaita kuti varume ivavo vaite zvinhu zvisina kukodzera kudaro, nokuti izvi zvichangoitika, Mwari akabva apa mutemo wairambidza vapristi vose kuti vaite basa dzvene vambonwa doro. (Revh. 10:1, 2, 8-11) Vachishandisa zvatinodzidza munyaya iyi mazuva ano, vateveri vaKristu vanongwarira kuti vasanwe doro vasati vaita basa dzvene.

11. Nei chiri chikomborero kuti vanhu vaMwari vakaramba vachiwedzera kunzwisisa nyaya yeudhakwa?

11 Mumakore achangopfuura, vateveri vaKristu vakakomborerwa nekuramba vachiwedzera kunzwisisa nyaya yeudhakwa. Vachibatsirwa nezvinodzidziswa nesangano zvinouya panguva yakakodzera, vakawanda vakakurira dambudziko iri ndokubva vasununguka pakuva varanda vedoro. Vamwe vakawanda vakabatsirwa kusatombobvira vaita zvidhakwa. Hapana chikonzero chekuti munhu anwe doro kusvikira pakudhakwa sezvo richimubvisa unhu, richiparadza mhuri yake uye pamusoro pazvo richiita kuti arasikirwe neropafadzo yekunamata Jehovha zvakachena.

“Hatingafungidzire Ishe wedu achinhuhwa fodya kuti kutuu kana kuti achiisa mukanwa chero chii zvacho chinosvibisa.”—C. T. Russell

12. Vateveri vaKristu vaiona sei nyaya yekushandisa fodya mazuva ekupedzisira asati atombotanga?

12 Kushandisa fodya. Vateveri vaKristu vakatanga kushora kushandisa fodya mazuva ekupedzisira asati atombotanga. Makore akati kuti apfuura, imwe hama yechikuru, Charles Capen, yakataura zvakaitika payakaonana naCharles Taze Russell kekutanga makore ekuma1800 ava kupera. Capen, uyo aiva nemakore 13 panguva iyoyo, aiva akamira nemunin’ina wake nevakoma vake vaviri pamasitepisi epaBible House kuAllegheny, Pennsylvania. Russell paakapfuura, akabvunza kuti: “Vakomana asi muri kuputa? Ndiri kunzwa kunhuwa kwefodya.” Vakabva vamuudza kuti vakanga vasiri kuputa. Izvi zvakabva zvavabatsira kuziva kuti aiona sei nyaya yekuputa. MuWatch Tower yaAugust 1, 1895, Hama Russell vakataura nezva2 VaKorinde 7:1 vachiti: “Handione kuti zvingakudza Mwari sei kana kuti zvingabatsira sei muKristu kuti ashandise fodya. . . . Hatingafungidzire Ishe wedu achinhuhwa fodya kuti kutuu kana kuti achiisa mukanwa chero chii zvacho chinosvibisa.”

13. Muna 1973 nyaya yekushandisa fodya yakawedzera kujekeswa sei?

13 Muna 1935, Nharireyomurindi yeChirungu yakati fodya “isora rinosemesa” uye yakataurawo kuti chero munhu anosarudza kuitsenga kana kuti kuiputa haagoni kuramba ari mumhuri yeBheteri kana kuti kumiririra sangano raMwari achishumira sapiyona kana kuti semutariri anofambira. Nyaya iyi yakazowedzera kujekeswa muna 1973. Nharireyomurindi yaDecember 1 yakatsanangura kuti hapana Chapupu chaJehovha chinogona kuramba chiri muungano kana chikaramba chiine tsika iyi inouraya, inosvibisa uye isingaratidzi rudo. Kubvira ipapo, vose vairamba kusiya fodya vaifanira kudzingwa. c Kristu akanga atora rimwe danho rinokosha pakunatsa vateveri vake.

14. Mutemo waMwari unotii panyaya yeropa, uye kuwedzera ropa kwakazokurumbira sei?

14 Kushandisa ropa zvisina kukodzera. Mumazuva aNoa, Mwari akataura kuti kudya ropa kwakaipa. Akadzokorora maonero iwayo muMutemo waakapa rudzi rwaIsraeri, uye akarayirawo ungano yechiKristu kuti ‘irege ropa.’ (Mab. 15:20, 29; Gen. 9:4; Revh. 7:26) Hazvishamisi kuti mazuva ano Satani akawana imwe nzira yekuita kuti vakawanda vasateerere mutemo waMwari uyu. Kuma1800 vanachiremba vaiedza kuona kana zvichiita kurapa vachiwedzera ropa, asi marapiro aya akazokurumbira pazvakazoonekwa kuti ropa rine mhando dzakasiyana-siyana. Muna 1937, ropa rakatanga kutorwa muvanhu richichengetwa, uye Hondo Yenyika II ndiyo yakazoita kuti marapiro aya awedzere. Pasina nguva kuwedzera ropa kwakanga kwakurumbira munyika dzakawanda.

15, 16. (a) Zvapupu zvaJehovha zvakasarudza kuitei panyaya yekuwedzerwa ropa? (b) Vateveri vaKristu vakatsigirwa sei panyaya dzekurapwa vasingawedzerwi ropa, uye zvakabudirira sei?

15 Muna 1944, Nharireyomurindi yakanga yatoratidza kare kuti kuwedzerwa ropa kwakanga kwakangofanana nekuridya. Gore rakatevera racho, pfungwa iyoyo yemuMagwaro yakawedzera kusimbiswa nekutsanangurwa. Muna 1951, pakabudiswa mibvunzo nemhinduro kuti zvibatsire vanhu vaMwari pakutaura navanachiremba. Munyika yose, vateveri vaKristu vakatendeka vaiwanzosekwa, vachishorwa pamwe pacho vachitotambudzwa pamusana pekusarudza neushingi kusawedzerwa ropa. Asi Kristu akaramba achishandisa sangano rake kuvatsigira. Pakabudiswa mashoko akanyatsotsvakurudzwa mumabhurocha nedzimwewo nyaya.

16 Muna 1979, vamwe vakuru vakatanga kushanyira zvipatara kuti vabatsire vanachiremba kunyatsonzwisisa zvatinotenda, pazvinobva muMagwaro, uye dzimwe nzira dzokurapa pasina kuwedzerwa ropa. Muna 1980, vakuru vaibva mumaguta 39 emuUnited States vakadzidziswa kuita basa iri nemazvo. Nekufamba kwenguva, Dare Rinotungamirira rakapa mvumo yekuti pave neMakomiti Ekukurukura Nezvipatara pasi rose. Zvose izvi zvine zvazvakabatsira here mumakore ose aya? Mazuva ano, vanachiremba vakawanda nevavanobatsirana navo vava kubvuma kurapa sezvinodiwa neZvapupu, vachiremekedza chisarudzo chedu chekurapwa tisingawedzerwi ropa. Zvipatara zvinobvuma kurapa pasina kuwedzera ropa zviri kuwanda, uye zvimwe zvinototi ndiyo nzira yakanakisisa yekurapa. Hazvifadzi here kufunga nezvenzira dzakashandiswa naJesu kuti vateveri vaKristu vasasvibiswa nemazano aSatani?—Verenga VaEfeso 5:25-27.

Zvipatara zvinobvuma kurapa pasina kuwedzera ropa zviri kuwanda, uye zvimwe zvinototi ndiyo nzira yakanakisisa yekurapa

17. Tingaratidza sei kuti tinokoshesa nzira iri kushandiswa naKristu kunatsa vateveri vake?

17 Zvakanaka kuti tizvibvunze kuti, ‘Tinokoshesa here nzira iri kushandiswa naKristu kunatsa vateveri vake, achitidzidzisa kurarama zvinoenderana nemitemo yaJehovha yakakwirira?’ Kana tichidaro ngatirambei tichiyeuka kuti Satani ari kugara achiedza kuita kuti tisiye tsika dzakanaka kuti atiparadzanise naJehovha naJesu. Kuti izvi zvisaitika, sangano raJehovha rinoratidza kuti rinotida nekutipa zviyeuchidzo nekutichenjedza patsika dzakaipa dzenyika. Ngatirambei takangwarira uye tichiteerera mazano iwayo anotibatsira.—Zvir. 19:20.

Kudzivirira Ungano Kuti Isave Netsika Dzinozvidzisa

18. Zvakaonekwa naEzekieri zvinotiyeuchidza kuti kudii nezvevaya vanoramba zvinodiwa naMwari vachitoziva havo?

18 Nyaya yechipiri yaida kunatsiridzwa ndeyezvinoitwa kuti ungano irambe yakachena. Zvinosuruvarisa kuti pane vaya vanobvuma kutevedzera zvinodiwa naJehovha vozvitsaurira kwaari, havasi vose vanozoramba vakavimbika. Vamwe vanozochinja mwoyo vorega kuita zvinodiwa naJehovha zvacho vachitoziva havo. Vanhu vakadai vanoitwa sei? Tinogona kubatsirwa kuziva kana tikafunga nezvetemberi yekufananidzira yakaratidzwa Ezekieri inotaurwa panotangira chitsauko chino. Unoyeuka here magedhi ayo marefu refu? Pagedhi rimwe nerimwe paiva nedzimba dzevarindi. Zviri pachena kuti varindi vaichengetedza temberi kuitira kuti munhu wose “ane mwoyo usina kudzingiswa” arege kupinda. (Ezek. 44:9) Izvi zvinotiyeuchidza kuti kunamata kwakachena ndekwevaya chete vanoedza kurarama vachitevedzera tsika dzakachena dzinodiwa naJehovha. Mazuva anowo, kuwadzana nevamwe vaKristu pakunamata hakusi kwemunhu wose wose.

19, 20. (a) Kristu akabatsira sei vateveri vake zvishoma nezvishoma kunzwisisa matongerwo ezvivi zvakakura? (b) Zvikonzero zvipi zvitatu zvinoita kuti munhu asingapfidzi adzingwe?

19 Muna 1892, magazini yeWatch Tower yakataura kuti “ibasa redu kudzinga (vaKristu) vanoramba zviri pachena kana kuti zvakavanda, kuti Kristu akazvipa serudzikinuro [mubhadharo unoenderana nezvakarasika] rwevanhu vose.” (Verenga 2 Johani 10.) Muna 1904, bhuku raThe New Creation rakataura kuti zvaisazokurudzira ungano kana vaya vanoramba vachiita tsika dzakaipa vakaramba varimo. Kare ikako, ungano yose yaiita kwainzi “kutonga kwechechi” kuti iongorore nyaya dzevanhu vanenge vaita zvivi zvakakura. Zvisinei, izvi zvakanga zvisinganyanyi kuitika. Muna 1944, Nharireyomurindi yakaratidza kuti hama dzaitungamirira ndidzo chete dzaifanira kugadzirisa nyaya idzi. Muna 1952 makazobudiswa Nharireyomurindi ichijekesa nzira inofanira kubatwa nayo nyaya dzemumatare sezvinotaurwa muBhaibheri, ichiratidza chikonzero chikuru chinoita kuti vanhu vasingapfidzi vazodzingwa, chekuti ungano irambe yakachena.

20 Makumi emakore kubvira ipapo, Kristu akabatsira sangano kujekesa nekunatsiridza matongerwo anofanira kuitwa zvivi zvakakura. Vakuru vechiKristu vanonyatsodzidziswa kutonga nyaya sezvinodiwa naJehovha zvakarurama uye nengoni. Mazuva ano tava kunyatsonzwisisa zvikonzero zvinenge zvitatu zvinoita kuti munhu asingapfidze adzingwe muungano: (1) kuti zita raJehovha risashorwe, (2) kuchengetedza ungano kuti isasvibiswe nezvivi zvakakura, uye (3) kuita kuti mutadzi apfidze kana zvichibvira.

21. Urongwa hwekudzinga hunobatsira sei vanhu vaMwari?

21 Unoona here kuti urongwa hwekudzinga hwabatsira sei vateveri vaKristu mazuva ano? MuIsraeri, vatadzi vaiwanzoita kuti rudzi rwacho rupedzisire rwashata, pamwe pacho vachitowanda kupfuura vaya vaida Jehovha uye vaida kuita zvakarurama. Saka izvi zvaiwanzoita kuti rudzi rwacho ruzvidzise zita raJehovha uye rumugumbure. (Jer. 7:23-28) Asi mazuva ano Jehovha ari kunamatwa nesangano rine vanhu vanomuda. Sezvo vatadzi vakaoma mwoyo vachibviswa pakati pedu, havazokwanisi kuita sezvombo zvinoshandiswa naSatani kukuvadza ungano uye kuisvibisa. Saka izvi zvinoita kuti vasanyanye kuvhiringidza ungano. Izvi zvinoita kuti tive nechokwadi chekuti ticharamba tichifadza Jehovha sesangano. Yeuka zvakavimbiswa naJehovha kuti: “Chero chombo chipi zvacho chichagadzirirwa kukurwisa hachizobudiriri.” (Isa. 54:17) Tinonyatsotsigira vakuru here, avo vane basa rinorema rekutonga nyaya?

Kuita Kuti Uya Akatanga Mhuri Dzose Akudzwe

22, 23. Nei tichitenda vaKristu vakararama pakutanga kwema1900, asi zvii zvinotiratidza kuti pane pamwe pavaifanira kugadzirisa panyaya yemhuri?

22 Kunatsiridza kwechitatu kwakaitwa vateveri vaKristu kukavabatsira kune chokuita newanano nemhuri. Maonero atinoita mhuri akanatsiridzwa here mumakore ose aya apfuura? Hongu. Somuenzaniso patinoverenga nezvevashumiri vaMwari vakararama ma1900 achangotanga, tinoshamiswa nokuona kuzvipira kwavaiita. Tinotenda zvikuru kuti vakakoshesa basa ravo dzvene kupfuura zvimwe zvinhu zvose muupenyu. Asiwo tinozoona kuti pane pamwe pavaifanira kugadzirisa. Sei tichidaro?

23 Zvakanga zvisingashamisi kuona hama dzichiita mamwe mabasa muushumiri kana kuita basa rokufambira kwemwedzi yakawanda dzakaparadzana nemhuri. Pamwe pacho vanhu vaikurudzirwa zvakasimba kusaroora kupfuura zvinotaurwa neMagwaro, ukuwo pasina chainyanya kutaurwa nezvokuvaka mhuri dzakasimba. Zvichakadaro here nhasi pakati pevateveri vaKristu? Kana!

Munhu haafaniri kuita mabasa ekunamata zvokumutadzisa kuita mabasa ake mumhuri

24. Kristu akabatsira sei vateveri vake kugadzirisa maonero avaiita nyaya yewanano uye mhuri?

24 Mazuva ano munhu haafaniri kuita mabasa ekunamata zvokumutadzisa kuita mabasa ake mumhuri. (Verenga 1 Timoti 5:8.) Kristu akavawo nechokwadi chokuti vateveri vake vakatendeka pasi pano vanogara vachiwana mazano anobva muMagwaro anobatsira panyaya yewanano uye upenyu hwemhuri. (VaEf. 3:14, 15) Muna 1978, bhuku rinonzi Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze rakabudiswa. Papera makore 18 pakabudiswa rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. Uyewo, Nharireyomurindi yakabudisa nyaya dzakawanda dzekubatsira vakaroorana kuti vashandise zvinotaura Magwaro muwanano.

25-27. Vana vemazera akasiyana-siyana vakaramba vachibatsirwa sei kwemakore ose apfuura?

25 Ko vechidiki? Mumakore ose aya, zvinhu zvanga zvichibudiswa kuti zvivabatsire zvanga zvichiwedzerawo. Sangano raJehovha rava nenguva richibudisa zvinhu zvinobatsira vana vemazera akasiyana-siyana, izvo zvakatanga zvichibuda zvishoma nezvishoma semadonhwe asi iye zvino zviri kuita kuyerera. Somuenzaniso, paiva nenyaya yainzi “Juvenile Bible Study” yaibudiswa muThe Golden Age kubva muna 1919 kusvika muna 1921. Muna 1920 makabudiswa bhurocha rainzi The Golden Age ABC, bhuku rainzi Children rikazobuda muna 1941. Kuma1970, pakabudiswa mabhuku anoti KuTerera kunoMudzidzisi muKuru, Upwere Hwako—kuWana zvakaNakisisa maHuri, uye Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. Muna 1982 nyaya dzinotevedzana dzekuti “Vechiduku Vanobvunza Kuti” dzakatanga kubuda muMukai! zvikazoita kuti bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda ribudiswe muna 1989.

Bhurocha raZvandinodzidza muBhaibheri rakafarirwa zvikuru pagungano iri rakaitwa muGermany

26 Iye zvino tava nemabhuku maviri anonyatsoenderana nezviri kuitika aVechiduku Vanobvunza Kuti asi nyaya dzakatevedzana dzine musoro uyu dzichiri kubudiswa pajw.org. Tinewo bhuku raDzidza Kumudzidzisi Mukuru. Nzvimbo yedu yepaIndaneti inewo zvakawanda zvinobatsira vechiduku, zvakadai semakadhi evanhu vomuBhaibheri, nyaya dzomuBhaibheri dzokudzidza dzevana vaduku nevati kurei, mitambo yekurodza pfungwa, mavhidhiyo, nyaya dzomuBhaibheri dzine mifananidzo uye nyaya dzinobatsira vana vane makore matatu zvichidzika dzine zvidzidzo zvavanowana muBhaibheri. Zviri pachena kuti madiro anoitwa vana naKristu haana kuchinja kubvira paya paakavagumbatira ari pasi pano. (Mako 10:13-16) Anoda kuti vechiduku vazive kuti tinovada uye vawane zvokudya zvinosimbisa pakunamata.

27 Jesu anodawo kuti vechiduku vadzivirirwe kuti vasakuvadzwe. Sezvo tsika dzenyika ino dzaora, dambudziko rekushungurudzwa kwevana riri kuwedzerawo. Saka pane mashoko akajeka akabudiswa kuti abatsire vabereki kuchengetedza vana vavo pavanhu vanoita tsika iyi inotyisa. d

28. (a) Chii chatinofanira kuita kuti titsigire kunamata kwakachena sezvinoratidzwa netemberi yakaonekwa naEzekieri? (b) Wasarudza kuitei?

28 Hazvifadzi here kufungisisa nezvekunatsa kwanga kuchiramba kuchiita Kristu vateveri vake, achivadzidzisa kuremekedza, kurarama uye kubatsirwa netsika dzinodiwa naJehovha dzakakwirira? Chimbofungazve nezvetemberi yakaratidzwa Ezekieri. Yeuka magedhi ayo marefu refu. Chokwadi ndechokuti temberi iyi hachisi chinhu chatinokwanisa kuona nemaziso edu. Asi tinotenda here kuti iriko zvechokwadi? Kupinda mairi hakungorevi kuenda kuImba yeUmambo, kuverenga Bhaibheri kana kuti kugogodza pasuo rasaimba muushumiri. Izvi zvinhu zvinooneka. Munyengeri anogona kuita zvinhu izvi asi asina kumbopinda mutemberi yaJehovha. Zvisinei, kana tikazviita tichirarama maererano netsika dzakakwirira dzinodiwa naJehovha uye tichitsigira kunamata kwakachena nemwoyo wakarurama, tinenge tapinda mutemberi iyoyo, tichishumira tiri munzvimbo iyoyo tsvene kupfuura dzose, kureva urongwa hwaJehovha Mwari hwokunamata kwakachena! Nguva dzose ngatikoshesei chikomborero ichi chatiinacho. Ngatirambeiwo tichiita zvose zvatinogona kuti tive vatsvene saJehovha nokutevedzera tsika dzakarurama dzaanoda!

a Muna 1932, bhuku raVindication Volume 2 rakatanga kuratidza kuti uprofita hweBhaibheri hune chokuita nekudzorerwa kwevanhu vaMwari kunyika yavo huri kuzadziswawo mazuva ano pana Israeri waMwari, kwete wenyama. Uprofita ihwohwo hunotaura nezvekudzorerwa kwokunamata kwakachena. Nharireyomurindi yaMarch 1, 1999 yakatsanangura kuti uprofita hwetemberi yakaonekwa naEzekieri humwe hweuprofita hwekudzorerwa kwokunamata kwakachena, saka hune chokuita nekunamata kuri kuitika mumazuva ano ekupedzisira.

b Mhiko yacho yairambidza munhurume nemunhukadzi kuva voga mumba vasina kuvhura dhoo kunze kwekunge vakaroorana kana kuti vaine ukama hwepedyo. Kwemakore akati kuti, mhiko iyi yaidzokororwa zuva nezuva papurogiramu yeKunamata Kwemangwanani paBheteri.

c Kushandisa fodya kunosanganisira kuputa yemudzanga, yemumhuno, kuitsenga, kana kuti kuirima.

d Somuenzaniso, ona chitsauko 32 chebhuku raDzidza Kumudzidzisi Mukuru; onawo nyaya iri pakavhayeMukai! yaJanuary-March 2008.