Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 12

Takarongwa Kuti Tishumire “Mwari Worugare”

Takarongwa Kuti Tishumire “Mwari Worugare”

ZVICHAKURUKURWA MUCHITSAUKO CHINO

Jehovha anoronga vanhu vake pashoma nepashoma

1, 2. Chii chakachinja paZion’s Watch Tower muna January 1895, uye hama dzakanzwa sei?

 MUDZIDZI weBhaibheri aishingaira ainzi John A. Bohnet, paakawana magazini yake yeZion’s Watch Tower yaJanuary 1895, akafadzwa zvikuru nezvaakaona. Magazini yacho yaiva nekavha itsva yakanga iine mufananidzo weimba refu ine mwenje unobatsira vafambisi vengarava waivheneka murima, nechemuzasi mayo muchiratidza gungwa rine dutu. Mumagazini yacho maiva nechiziviso chaitaura nezvekuchinja uku chaiva nemusoro waiti “Kavha Yedu Itsva.”

2 Hama Bohnet vakafadzwa nekavha iyi zvekuti vakabva vanyorera Hama Russell tsamba. Vakanyora kuti, “Ndakafara zvikuru kuona kuti Watch Tower yava kuratidzika zvakanaka kudaro.” Mumwezve mudzidzi weBhaibheri akatendeka, John H. Brown, akanyora nezvekavha iyi achiti: “Iri kuzoyevedza. Imba yacho ine nheyo yakasimba zvechokwadi, sezvo ichiramba yakamira kunyange zvazvo iri kurohwa nemasaisai egungwa nemadutu.” Gore iroro kuchinja kwakaita kavha iyi ndiko kwaiva kwekutanga, asi pakanga pachiine zvimwe zvaizochinja musangano. Hama dzakaonazve chimwe chinhu chikuru chichichinja muna November gore racho. Sezvineiwo kuchinja kwacho kwaiva nechokuita negungwa rine dutu.

3, 4. Idambudziko ripi rakataurwa muWatch Tower yaNovember 15, 1895, uye kuchinja kupi kukuru kwakabva kwaziviswa?

3 MuWatch Tower yaNovember 15, 1895, makabuda nyaya yaiva nemapeji akawanda yakaratidza pachena dambudziko raivapo rokuti: Paiva nedutu rakanga riri kukanganisa rugare musangano reVadzidzi veBhaibheri. Hama dzairamba dzichiitisana nharo panyaya yekuti ndiani aifanira kuva mutungamiriri muungano. Kuti ibatsire hama kuona kuti chii chaidiwa kuti mafungiro iwayo anopesanisa agadziriswe, nyaya yacho yakafananidza sangano nengarava. Yakabva yanyatsobvuma kuti vaya vaitungamirira vakanga vakundikana kuita kuti sangano riite sengarava yakagadzirira kutarisana nemadutu. Chii chaifanira kuitwa?

4 Nyaya yacho yakataura kuti mufambisi wengarava anonyatsogona basa, anova nechokwadi chekuti mungarava mune zvinhu zvekuponesa vanhu kana vava kunyura uye vafambisi vayo vanofanira kunge vakagadzirira kuvhara madhoo kana kwava kuuya dutu. Saizvozvowo, vaya vaitungamirira musangano vaifanira kuva nechokwadi chekuti ungano dzakagadzirira kutarisana nemamiriro ezvinhu akaita semadutu. Nyaya yacho yakazivisa kuti pane kuchinja kukuru kwaifanira kuitwa kuti izvi zviitike. Yakataura kuti “mumakambani ose [mubve] matosarudzwa vakuru” kuti “‘vave vatariri’ veboka.”—Mab. 20:28.

5. (a) Nei tingati urongwa hwekutanga hwekuti pave nevakuru hwakauya panguva yakakodzera? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi?

5 Urongwa ihwohwo hwekutanga hwekuti pave nevakuru raiva danho rakauya panguva yakakodzera pakuita kuti ungano irambe yakatsiga. Hwakabatsira hama dzedu kuti dzikwanise kutarisana nematambudziko akaita semafungu akatangwa neHondo Yenyika I. Mumakumi emakore akazotevera, zvimwe zvinhu zvakachinjwa musangano zvakabatsira vanhu vaMwari kuti vakwanise kunyatsoshumira Jehovha. Uprofita hupi hweBhaibheri hwakagara hwataura nezvekuchinja uku? Ko iwe wakaona zvinhu zvipi zvichichinja musangano? Zvakakubatsira sei?

“Ndichagadza Rugare Kuti Ruve Vatariri Vako”

6, 7. (a) Isaya 60:17 inorevei? (b) Mashoko okuti “vatariri” uye “vanokupa basa,” anoratidza chii?

6 Sezvatakakurukura muChitsauko 9, Isaya akagara ataura kuti Jehovha aizokomborera vanhu vake kuti vawande. (Isa. 60:22) Zvisinei, Jehovha akavimbisa kutoita zvakawanda kupfuura ipapo. Muuprofita ihwohwo akataura kuti: “Panzvimbo pemhangura ndichaunza ndarama, panzvimbo pesimbi ndichaunza sirivha, panzvimbo pematanda, mhangura, panzvimbo pematombo, simbi; uye ndichagadza rugare kuti ruve vatariri vako uye kururama kuti kuve vanokupa basa.” (Isa. 60:17) Uprofita uhwu hunorevei? Hunoshanda sei kwatiri mazuva ano?

Hapasi kutaurwa nezvekuchinja kubva pane chakaipa kuenda pane chakanaka asi kuti kubva pane chakanaka kuenda pane chiri nani

7 Uprofita hwaIsaya hunotaura kuti chinhu chimwe chaizotsiviwa nechimwe. Asi cherechedza kuti hapasi kutaurwa nezvekuchinja kubva pane chakaipa kuenda pane chakanaka asi kuti kubva pane chakanaka kuenda pane chiri nani. Kutsiva mhangura nendarama kuvandudzika uye ndizvo zvimwe chete nezvimwe zvose zvinotaurwa murugwaro urwu. Saka nemufananidzo uyu, Jehovha akataura kuti mamiriro ezvinhu evanhu vake aizovandudzika zvishoma nezvishoma. Uprofita uhwu hunotaura nezvekuvandudzika kwechii? Paanotaura nezve“vatariri” uye ‘vanopa basa,’ Jehovha akaratidza kuti zvinhu zvaizovandudzika zvishoma nezvishoma pakutungamirirwa nekurongwa kwevanhu vake.

8. (a) Ndiani anovandudza zvinhu sezvinotaurwa muuprofita hwaIsaya? (b) Tinobatsirwa sei nekuvandudzwa ikoko? (Onawo bhokisi rakanzi “ Akazvininipisa, Akabvuma Kutsiurwa.”)

8 Ndiani anoita kuti sangano rivandudzike kudaro? Jehovha anoti: “Ndichaunza ndarama, . . . ndichaunza sirivha, . . . uye “ndichagadza rugare.” Zvechokwadi kuvandudzika kwanga kuchiitika pamarongerwo ezvinhu musangano hakuna kuitwa nemunhu asi naJehovha pachake. Uye kubvira pakagadzwa Jesu saMambo, ndiye anga achishandiswa naJehovha kuti zvinhu izvi zvichinje. Tinobatsirwa sei nekuchinja uku? Rugwaro rumwe chete irworwo rwunotaura kuti kuvandudzika uku kunounza “rugare” uye “kururama.” Patinobvuma kutungamirirwa naMwari tichigadzirisa panoda kugadziriswa, rugare runowanda pakati pedu uye kuda kwatinoita zvinhu zvakarurama kuchaita kuti tide kushumira Jehovha, uyo akatsanangurwa nemuapostora Pauro achinzi “Mwari worugare.”—VaF. 4:9.

9. Kurongeka uye kubatana muungano kunofanira kuvakirwa panheyo yakaita sei, uye nei tichidaro?

9 Pauro akanyorawo nezvaJehovha achiti: “Mwari haasi Mwari wenyonganyonga, asi worugare.” (1 VaK. 14:33) Cherechedza kuti paaitsanangura kuti Mwari haasi wenyonganyonga haana kuti ndiMwari akarongeka asi akati ndeworugare. Nechikonzero chei? Chimbofunga izvi: Hazvirevi kuti pose pane kurongeka panenge paine rugare. Somuenzaniso, masoja anogona kufora zvakarongeka achienda kunosangana nemuvengi, asi kurongeka kwavo kunoguma nehondo kwete rugare. Saka sevaKristu tinofanira kugara tichiyeuka pfungwa iyi inokosha: Chero chii zvacho chingave chakarongeka asi chisina kuvakirwa panheyo yerugare chinopedzisira chaparara. Asi kurongeka kunobva parugare rwaMwari kunogara nekusingaperi. Saka tinofara kuti sangano redu rinotungamirirwa uye rinonatsiridzwa ‘naMwari anopa rugare.’ (VaR. 15:33) Rugare runobva kuna Mwari ndirwo runoita kuti tive vanhu vakarongeka uye vakabatana nemwoyo wose muungano dzedu munyika yose.—Pis. 29:11.

10. (a) Zvinhu zvipi zvakavandudzwa musangano mumakore ekutanga-tanga? (Ona bhokisi rakanzi “ Kuvandudzwa Kwakaitwa Nyaya Yeutungamiriri.”) (b) Tava kuda kukurukura mibvunzo ipi?

10 Bhokisi rakanzi “ Kuvandudzwa Kwakaitwa Nyaya Yeutungamiriri” rinoratidza muchidimbu zvinhu zvinobatsira uye zvakarongeka zvakachinja musangano redu makore ekutanga-tanga. Asi zvinhu zvipi zvakachinjwa naJehovha achibvisa ‘mhangura achiunza ndarama’ mumakore achangopfuura achishandisa Mambo wedu? Kuvandudzwa ikoko kwakaitwa nzira inotungamirirwa nayo ungano munyika yose kwakasimbisa sei rugare uye kubatana kwadzo? Izvi zviri kukubatsira sei iwe pachako kuti ushumire “Mwari worugare”?

Kutungamirira Kunoita Kristu Ungano

11. (a) Kudzidza Magwaro kwakaita kuti tigadziridze manzwisisiro api ataiita? (b) Hama dzaiva mudare rinotungamirira dzaida chaizvo kuita sei?

11 Kubva muna 1964 kusvika muna 1971, dare rinotungamirira ndiro rakatungamirira chirongwa chekunyatsodzidza Bhaibheri zvakadzama, pachiongororwa nyaya dzakawanda kusanganisira kushanda kwaiita ungano yechiKristu yokutanga. a Panyaya yemarongerwo akanga akaitwa zvinhu muungano, zvakaonekwa kuti ungano dzekutanga dzaitungamirirwa nedare revakuru kwete nemukuru mumwe chete kana kuti mutariri. (Verenga VaFiripi 1:1; 1 Timoti 4:14.) Pavakanzwisisa nyaya iyi, vedare rinotungamirira vakaziva kuti Mambo wavo, Jesu, akanga achivatungamirira kuvandudza marongerwo akaitwa sangano revanhu vaMwari, uye vakanga vachida chaizvo kutevedzera kutungamirira kwaMambo. Vakabva vangotanga kugadzirisa zvinhu kuitira kuti sangano rinyatsoita zvinoenderana neurongwa hwevakuru hunotaurwa neMagwaro. Zvii zvimwe zvakagadziriswa kutanga kwema1970?

12. (a) Zvii zvakagadziriswa padare rinotungamirira? (b) Tsanangura kuti iye zvino Dare Rinotungamirira rakarongwa sei. (Ona bhokisi rakanzi “ Mashandiro Anoita Dare Rinotungamirira Pakutsigira Umambo.”)

12 Chakatanga kugadziriswa raiva dare rinotungamirira pacharo. Makore akanga adarika, boka iri rehama dzakazodzwa rakanga richimboumbwa nevanhu vanomwe vakanga vari vatungamiriri veWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania. Zvisinei muna 1971, nhengo dzedare rinotungamirira dzakawedzerwa kubva pavanhu vanomwe kuti vave 11 uye vakanga vasisiri kutorwa pavanhu vaitungamirira sosaiti. Nhengo dzeboka iri dzaizviona dzakaenzana uye gore negore husachigaro hwakanga hwava kuchinjanwa zvichienderana nearufabheti yemazita.

13. (a) Urongwa hupi hwakanga hwava nemakore 40 huripo? (b) Dare Rinotungamirira rakaita sei muna 1972?

13 Kugadziriswa kwakazotevera kwaiva nechokuita neungano imwe neimwe. Chii chakagadziriswa? Kubva muna 1932 kusvika muna 1972, kutungamirira ungano kwaiwanzoitwa nehama imwe chete. Hama iyi yakagadzwa yainzi mutungamiriri webasa kusvika muna 1936. Zvadaro, yakazochinjwa ikatanga kunzi muranda wekambani, ikazonzi muranda weungano uye ikazopedzisira yava kunzi mutariri weungano. Hama idzodzo dzaishingaira pakuona kuti makwai ari kunamata zvakanaka here. Mutariri weungano ndiye aiwanzoitira ungano zvisarudzo asingambobvunzi vamwe varanda vaiva muungano. Zvisinei, mugore ra1972, Dare Rinotungamirira rakatanga kugadzirira kuti pave nekuchinja kusingakanganwiki nanhasi. Chii chaizochinjwa?

14. (a) Urongwa hupi hutsva hwakatanga musi wa1 October, 1972? (b) Murongi mudare revakuru anoshandisa sei zano rinowanikwa pana VaFiripi 2:3?

14 Panzvimbo pekuva nehama imwe chete inotungamirira ungano imwe neimwe, pakanga pava kufanira kugadzwa dzimwe hama dzaishumira sevakuru vechiKristu. Vose vaizoshanda sedare revakuru vachitungamirira ungano. Urongwa uhwu hutsva hwevakuru hwakatanga musi wa1 October, 1972. Mazuva ano, murongi mudare revakuru haazvione seanokosha kupfuura vamwe vakuru asi ‘somuduku.’ (Ruka 9:48) Zvechokwadi sangano rose rehama rakakomborerwa zvikuru kuva nehama dzinozvininipisa zvakadaro!—VaF. 2:3.

Neuchenjeri hwake, Mambo wedu akapa vateveri vake vafudzi vakanga vachidiwa, panguva yakakodzera

15. (a) Urongwa hwekuti ungano dzive nedare revakuru hwakabatsira sei? (b) Chii chinoratidza kuti Mambo wedu akashandisa uchenjeri?

15 Urongwa hwekuti basa rokutungamirira muungano riitwe nedare revakuru hwakabatsira kuvandudza zvinhu zvechokwadi. Chimbofunga zvitatu zvacho: Chekutanga chinonyanya kukosha ndechekuti urongwa uhwu hunobatsira vakuru vose kuti varambe vachifunga nezvekuti Musoro weungano ndiJesu, pasinei nemabasa akakura avangave vachiita muungano. (VaEf. 5:23) Chechipiri, sezvinotaura Zvirevo 15:22: “Pane vanhu vazhinji vanopa mazano pane zvinobudirira.” Vakuru pavanoisa misoro pamwe panyaya dzine chokuita neungano vachinzwawo pfungwa dzinenge dzichitaurwa nevamwe, vanobatsirwa kuita zvisarudzo zvinonyatsoenderana nezvinotaura Bhaibheri. (Zvir. 27:17) Jehovha anokomborera zvisarudzo zvakadaro, oita kuti zvibudirire. Chechitatu, kuva nehama dzakawanda dzinoshumira sevakuru kuri kubatsira sangano sezvo pachidiwa vanhu vanotungamirira nekufudza muungano dziri kuramba dzichiwedzera. (Isa. 60:3-5) Chimbofunga kuti ungano dzaiti pfuurei 27 000 muna 1971 asi muna 2013 dzakanga dzava kusvika pa113 000! Zviri pachena kuti neuchenjeri hwake, Mambo wedu akapa vateveri vake vafudzi vakanga vachidiwa, panguva yakakodzera.—Mika 5:5.

‘Kuva Mienzaniso Kuboka’

16. (a) Vakuru vane basa rei? (b) Vadzidzi veBhaibheri vaiona sei kurudziro yaJesu ‘yekufudza makwai’?

16 Pamazuva ekutanga-tanga eVadzidzi veBhaibheri, vakuru vakanga vatonzwisisa kare kuti vane basa rekubatsira vavanonamata navo kuramba vachishumira Mwari. (Verenga VaGaratiya 6:10.) Muna 1908, nyaya yakabuda muWatch Tower yakakurukura kurudziro yaJesu yekuti: “Fudza makwai angu maduku.” (Joh. 21:15-17) Nyaya yacho yakati kuvakuru: “Zvakakosha zvikuru kuti tikoshese basa ratakapiwa naTenzi rine chokuita nemakwai, tichiriona seropafadzo yakakura kuti tifudze nekupa vateveri vaShe zvokudya.” Muna 1925, magazini yeThe Watch Tower yakasimbisawo kukosha kwekushumira semukuru ichiyeuchidza vakuru kuti: “Chechi ndeyaMwari, . . . uye mukuru wose achazvidavirira pabasa rake rekushumira hama dzake.”

17. Vatariri vakabatsirwa sei kuti vanyatsogona kuita basa rekufudza?

17 Sangano raJehovha ranga richibatsira sei vakuru kuti varodze unyanzvi hwavo hwekufudza kuti hubve pakuva ‘sesimbi huchiva sirivha’? Nekuramba richivadzidzisa. Muna 1959, Chikoro Choushumiri hwoUmambo chevatariri chokutanga chakaitwa. Chimwe chezvidzidzo chaiva nemusoro unoti “Kubatsira Munhu Mumwe Nemumwe.” Hama idzodzo dzaitungamirira dzakakurudzirwa “kuronga purogiramu yekushanyira vaparidzi mudzimba dzavo.” Chidzidzo chacho chakaratidza nzira dzakasiyana-siyana dzaigona kushandiswa nevafudzi kuti vakurudzire vavanenge vashanyira. Muna 1966, pakatangwa Chikoro Choushumiri hwoUmambo chakanga chavandudzwa. Pakakurukurwa musoro waiti: “Kukosha Kwebasa Rekufudza.” Ipfungwa ipi inokosha yakadzidzwa? Vaya vanotungamirira “vanofanira kuchengeta makwai aMwari, asi vasingazoregeri kuriritira mhuri dzavo uye kuita basa remumunda. Mumakore achangopfuura, pane zvimwe zvikoro zvevakuru zvakawanda zvakaitwa. Kudzidzisa uku kuri kuitwa nesangano raJehovha kuri kubatsira sei? Mazuva ano, ungano yechiKristu ine zviuru zvehama dzakaonekwa kuti dzakakodzera, dziri kushumira sevafudzi.

Chikoro Choushumiri hwoUmambo chakaitwa muPhilippines, muna 1966

18. (a) Vakuru vakapiwa basa ripi rinorema? (b) Nei Jehovha naJesu vachida chaizvo vakuru vanoshanda nesimba?

18 Vakuru vechiKristu vakagadzwa naJehovha achishandisa Mambo wedu, Jesu, kuti vaite basa rinorema. Ibasa rei? Rokutungamirira makwai aMwari panguva yakaoma zvikuru munhoroondo yevanhu. (VaEf. 4:11, 12; 2 Tim. 3:1) Jehovha naJesu vanoda chaizvo vakuru vanoshanda nesimba nekuti vanoteerera kurudziro yeMagwaro yekuti: “Fudzai boka raMwari ramunotarisira, . . . nokuzvidira . . . , nomwoyo wose . . . , muchiva mienzaniso kuboka.” (1 Pet. 5:2, 3) Ngationgororei nzira mbiri pane dzakawanda dzinoshandiswa nevafudzi vechiKristu pakuva mienzaniso kuboka zvoita kuti ungano ive nerugare nemufaro mukuru.

Mafudziro Anoita Vakuru Boka raMwari Mazuva Ano

19. Tinonzwa sei nezvevakuru vanoshanda nesu muushumiri?

19 Kutanga, vakuru vanoshanda nevanhu vari muungano. Ruka, munyori weEvhangeri, akati nezvaJesu: “Akaenda muguta neguta uye mumusha nomusha, achiparidza nokuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari. Vane gumi nevaviri vakanga vainaye.” (Ruka 8:1) Sezvaingoita Jesu kushanda nevaapostora vake, mazuva ano vakuru vanoshanda nevavanonamata navo mubasa rekuparidza. Vanoziva kuti pavanoita izvi, vanoita kuti ungano igare ichifara. Vari muungano vanonzwa sei nezvevakuru vakadai? Jeannine, imwe hanzvadzi yava kuda kusvitsa makore 90 inoti: “Kushanda nemukuru mubasa remumunda kunoita kuti ndikwanise kutaura naye ndonyatsomuziva.” Steven, imwe hama ine makore anenge 35 inoti: “Kana mukuru akashanda neni mubasa repaimba neimba, ndinoona kuti anoda kundibatsira. Kubatsirwa kwakadaro kunoita kuti ndifare zvikuru.”

Sezvinoita mufudzi anotsvaka gwai rakarasika, vakuru vanoshandawo nesimba kutsvaka vaya vanenge vaparadzana neungano

20, 21. Vakuru vangatevedzera sei mufudzi wemumufananidzo waJesu? Taura muenzaniso. (Onawo bhokisi rakanzi “ Kushanya Kwevhiki Nevhiki Kwakabudirira.”)

20 Chechipiri, sangano raJehovha rakadzidzisa vakuru kuti vabatsire vaya vanenge vakasiya ungano. (VaH. 12:12) Nei vakuru vachifanira kubatsira vanhu vakadaro vakaneta pakunamata uye vanofanira kuzviita sei? Mhinduro dzacho tinodziwana mumufananidzo waJesu wemufudzi negwai rakarasika. (Verenga Ruka 15:4-7.) Mufudzi wemumufananidzo uyu paanongocherechedza kuti pane gwai riri kushayika, anoritsvaka sekuti ndiro roga raainaro. Mazuva ano vakuru vechiKristu vanotevedzera sei muenzaniso wemufudzi uyu? Sekukoshesa kunoita mufudzi gwai rinenge rarasika, vakuru vanokoshesawo vaya vanenge vaparadzana nevanhu vaMwari. Vanoona munhu anenge aneta pakunamata segwai rakarasika, vasingafungi kuti haachabatsirike. Uyewo, sezvinoitwa nemufudzi uyo anosarudza kuenda “kunotsvaka rarasika kusvikira ariwana,” vakuru ndivo vanotanga kutsvaka vakaneta vovabatsira.

21 Mufudzi wemumufananidzo anoita sei paanowana gwai racho? Anorisimudza zvinyoronyoro ‘oriisa pamapfudzi ake,’ odzoka naro kune mamwe. Saizvozvowo, mashoko emwoyo wose anotaurwa nemukuru anogona kuita seanosimudza munhu akaneta zvinyoronyoro kuti adzoke muungano. Ndizvo zvakaitika kuna Victor, imwe hama yemuAfrica yakanga yarega kuwadzana neungano. Anoti: “Pamakore masere andakanga ndakaneta, vakuru vakaramba vachiedza kundibatsira.” Chii chakanyanya kumubaya mwoyo? Anotsanangura kuti: “Rimwe zuva, John, mumwe mukuru wandakanga ndapinda naye Chikoro Chebasa Roupiyona, akandishanyira kuti andiratidze mapikicha aakanga atitora tiri pachikoro. Mifananidzo iyoyo yakandidzora ndangariro zvokuti ndakatanga kushuva mufaro wandaiwana pandaishumira Jehovha.” Achangobva kushanyirwa naJohn, Victor akabva adzoka muungano. Iye zvino ava kupayona zvekare. Zvechokwadi vakuru vechiKristu vane hanya nesu vanoita kuti tifare.—2 VaK. 1:24. b

Kuvandudzwa Kwenyaya Yeutungamiriri Kunoita Kuti Vanhu vaMwari Vawedzere Kubatana

22. Kururama nerugare zvinosimbisa sei kubatana kweungano yechiKristu? (Onawo bhokisi rakanzi “ Zvakatishamisa.”)

22 Sezvambotaurwa, Jehovha akagara ataura kuti kururama uye rugare zvaizoramba zvichiwedzera pakati pevanhu vaMwari. (Isa. 60:17) Zvose zviri zviviri zvinosimbisa kubatana kweungano. Sei? Kana kuri kururama, “Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete. (Dheut. 6:4) Zvinhu zvaanoti zvakarurama muungano dziri mune imwe nyika hazvisiyane nezvemuungano dziri mune imwe. Zvinhu zvaanoti zvakarurama kana kuti zvakaipa zvimwe chete, uye zvinoshanda “muungano dzose dzevatsvene.” (1 VaK. 14:33) Saka ungano inobudirira kana vanhu varimo vachishandisa zvinhu zvinotaurwa naMwari kuti zvakarurama. Kana rwuri rugare, Mambo wedu anoda kuti tive nerugare muungano uye tivewo vanhu “vanoita kuti pave norugare.” (Mat. 5:9) Saka tinotevera “zvinhu zvinoita kuti pave norugare.” Kana pakava nekupesana pakati pedu mumwe nemumwe wedu anotanga ndiye kuedza kugadzirisa. (VaR. 14:19) Patinodaro, tinenge tichitoitawo pedu pakuita kuti muungano muve nerugare nekubatana.—Isa. 60:18.

23. Mazuva ano mamiriro api ezvinhu anofadza ari pakati pevashumiri vaJehovha?

23 Pakaziviswa nezveurongwa hwevakuru hwekutanga muna November 1895, muWatch Tower, hama dzaitungamirira dzakataurawo zvadzaishuva nezvadzainyengeterera. Zvekuti chii? Kuti urongwa uhwu hutsva hwesangano hugobatsira vanhu vaMwari kuti “vakurumidze kuva vakabatana mukutenda.” Tichitarisa makumi emakore adarika, tinofara zvikuru kuona kuti kugadziriswa kwanga kuchiitwa nyaya yekutungamirira naJehovha zvishoma nezvishoma achishandisa Mambo wedu, kwakasimbisa kubatana kwedu pakunamata zvechokwadi. (Pis. 99:4) Izvi zvinoita kuti vanhu vaJehovha pasi rose vafare sezvavanofamba “nepfungwa dzakafanana” vachitevera “makwara akafanana” uye vachishumira “Mwari werugare” ‘vakabatana.’—2 VaK. 12:18, verenga Zefaniya 3:9.

a Zvakabuda pakutsvakurudza ikoko zvakabudiswa mubhuku rinonzi Aid to Bible Understanding.

b Ona nyaya inoti “Vakuru vechiKristu ‘Vanoshanda Pamwe Nesu Kuti Tifare’” iri muNharireyomurindi yaJanuary 15, 2013.