Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 15

Kurwira Rusununguko Rwokunamata

Kurwira Rusununguko Rwokunamata

ZVICHAKURUKURWA MUCHITSAUKO CHINO

Kubatsira kwakaita Kristu vateveri vake kurwira kuti vazivikanwe zviri pamutemo uye kuva nekodzero yokuteerera mitemo yaMwari

1, 2. (a) Chii chinoratidza kuti uri mugari wemuUmambo hwaMwari? (b) Nei Zvapupu zvaJehovha dzimwe nguva zvanga zvichifanira kurwira rusununguko rwokunamata?

 URI mugari womuUmambo hwaMwari here? Zviri pachena kuti ndizvo zvauri sezvo uri mumwe weZvapupu zvaJehovha! Asi chii chauinacho chinoratidza kuti uri mugari womuUmambo? Haisi pasipoti, kana kuti mamwe mapepa anopiwa nehurumende. Chaunoratidza nacho kuti unotongwa noUmambo manamatiro aunoita Jehovha Mwari. Kunamata kwechokwadi hakungogumiri pane zvaunotenda chete. Kunosanganisira zvaunoita, kana kuti kuteerera kwaunoita mitemo yeUmambo hwaMwari. Kunamata kwedu kunobata-bata zvose zvatinoita muupenyu, kusanganisira nzira yatinorera nayo mhuri dzedu, kunyange marapirwo atinoitwa.

2 Zvisinei, nyika yatiri kurarama mairi haiwanzoremekedza kuva kwedu vagari vomuUmambo uko kwatinokoshesa zvikuru uye hairemekedziwo kutevedzera kwatinoita mitemo yemo. Dzimwe hurumende dzakaedza kutiomesera pakunamata kwedu kana kuti kutotitsakatisa zvachose. Dzimwe nguva vanhu vanotongwa naKristu vanga vachitofanira kurwira rusununguko rwokurarama nemitemo yaMambo Mesiya. Izvi zvingashamisa here? Kwete. Kakawanda vanhu vaJehovha vekare vaimbofanira kurwira kunamata Jehovha vakasununguka.

3. Vanhu vaMwari vaifanira kurwira chii mumazuva aMambokadzi Esteri?

3 Somuenzaniso mumazuva aMambokadzi Esteri, vanhu vaMwari vakatozorwisa kuti varambe vari vapenyu. Chii chakanga chaitika? Hamani, jinda guru raiva nemwoyo wakaipa romumuzinda waAhashivheroshi Mambo wePezhiya, rakaudza mambo kuti vaJudha vose vaiva munharaunda yaaitonga vaifanira kuurayiwa nokuti “mitemo yavo yakasiyana neyevamwe vanhu vose.” (Est. 3:8, 9, 13) Jehovha akarasa vashumiri vake here? Haana, asi akatokomborera zvakaitwa naEsteri naModhekai pavaiteterera kuna mambo wePezhiya kuti adzivirire vanhu vaMwari.—Est. 9:20-22.

4. Tichakurukurei muchitsauko chino?

4 Ko mazuva ano? Sezvatakaona muchitsauko chakapfuura, dzimwe nguva hurumende dzaipikisa Zvapupu zvaJehovha. Muchitsauko chino, tichakurukura nzira dzakashandiswa nehurumende dzakadaro kuedza kutiomesera pakunamata. Tichakurukura zvinhu zvitatu: (1) kodzero yedu yokuti tizivikanwe sesangano uye tinamate sezvatinoda, (2) rusununguko rwokusarudza nzira yokurapwa nayo inopindirana nezvinotaura Bhaibheri, uye (3) kodzero yevabereki yokurera vana vavo maererano nemitemo yaJehovha. Patichakurukura chimwe nechimwe, tichaona kuti vagari vakavimbika vomuUmambo hwaMesiya vakarwisa sei noushingi kuti vachengetedze kuva kwavo vagari voUmambo uye kukomborerwa kwavakaitwa.

Kurwira Kuti Tizivikanwe Zviri Pamutemo Uye Kuwana Kodzero Dzine Vamwe Vose

5. Kuzivikanwa zviri pamutemo kunobatsira sei vaKristu vechokwadi?

5 Tinofanira kutanga tazivikanwa zviri pamutemo nehurumende dzevanhu kuti tizonamata Jehovha here? Kwete, asi kuti kuzivikanwa zviri pamutemo kunoita kuti zvitiitire nyore kunamata, tichiita zvinhu zvakadai sokusangana takasununguka paDzimba dzoUmambo neDzimba Dzemagungano, kudhinda uye kupinza mabhuku anotsanangura Bhaibheri munyika, uye kuparidza mashoko akanaka kuvavakidzani vedu takasununguka, pasina chinotitadzisa. Munyika dzakawanda, Zvapupu zvaJehovha zvakanyoreswa zviri pamutemo uye zvakasununguka sezvakangoitawo vanhu vemamwe machechi anozivikanwa zviri pamutemo. Asi chii chaiitika kana hurumende dzikaramba kutinyoresa zviri pamutemo kana kuti dzikaedza kutinyima kodzero dzine vamwe vanhu vose?

6. Zvapupu zvaJehovha kuAustralia zvakasangana nedambudziko ripi kutanga kwema1940?

6 Australia. Kutanga kwema1940 gavhuna mukuru weAustralia aifunga kuti dzidziso dzedu “dzaikanganisa” zvaiedza kuitwa nenyika muhondo. Zvapupu zvakabva zvanzi hazvichabvumirwi. Zvakanga zvisisakwanisi kusangana kana kuparidza pachena, Bheteri rakavharwa, uye Dzimba dzoUmambo dzakatorwa. Kungoonekwa uine mabhuku edu kwairambidzwa. Pashure pemakore anoverengeka ekuita basa pachivande, Zvapupu zvemuAustralia zvakazowana zororo. Musi wa14 June, 1943, Dare Repamusoro reAustralia rakati Zvapupu zvakanga zvava kubvumirwa.

7, 8. Tsanangura kuti mumakore ose apfuura hama dzokuRussia dzakarwira zvakadini kodzero yadzo yokunamata dzakasununguka.

7 Russia. Zvapupu zvaJehovha zvakaita makumi emakore zvichirambidzwa nehurumende yaidzvinyirira asi zvakazonyoreswa muna 1991. Pakaparara Soviet Union, takatanga kuzivikanwa zviri pamutemo muRussia muna 1992. Asi pasina nguva, vamwe vavengi vedu, zvikurukuru vaidyidzana nechechi yeRussian Orthodox, vakatanga kunetseka nokukurumidza kuwedzera kwataiita. Kubva muna 1995 kusvika muna 1998 vapikisi vakaendesa Zvapupu zvaJehovha kumatare kashanu vachiti zvaiita zvinhu zvisiri pamutemo. Pose ipapo muchuchisi aishaya uchapupu hwokuti pane mhosva yakaparwa. Muna 1998 vavengi ava vakabva vachinja zvavaitipomera vakatiendesazve kudare vachiti tinokanganisa magariro evanhu. Zvapupu zvakabudirira pakutanga, asi vapikisi vakaramba mutongo wacho ndokukwidza nyaya yacho, Zvapupu zvikakundwa muna May 2001. Nyaya yacho yakatongwazve muna October gore iroro, izvo zvakazoita kuti muna 2004 sangano repamutemo rinoshandiswa neZvapupu muMoscow rivharwe uye mabasa aro arambidzwe.

8 Zvapupu zvakatanga kutambudzwa zvakasimba. (Verenga 2 Timoti 3:12.) Zvakatanga kushungurudzwa nokurohwa. Mabhuku edu akatorwa uye zvakanga zvaoma zvikuru kurenda kana kuvaka dzimba dzokunamatira. Funga kuti hama nehanzvadzi dzainzwa sei zvinhu pazvainge zvakaoma kudaro! Zvapupu zvakanga zvanyorera kudare rinoona nezvekodzero dzevanhu reEuropean Court of Human Rights (ECHR) muna 2001, ndokuzoendesa mamwe mashoko kuDare racho muna 2004. Muna 2010, ECHR yakazopa mutongo wayo. Dare racho rakaona zviri pachena kuti zvaiitwa neRussia kwaiva kuvenga Zvapupu, rikatonga kuti pakanga pasina chikonzero chokutsigira mitongo yakanga yapiwa nemamwe matare maduku, sezvo pakanga pasina uchapupu hwokuti Zvapupu zvakaita chakaipa. Dare rakatizve kurambidzwa kwaiitwa Zvapupu kwaiva kuzvitorera kodzero yazvo yepamutemo. Rakabva ratsigira kodzero yeZvapupu yokunamata zvakasununguka. Kunyange zvazvo mapazi akasiyana-siyana ehurumende yeRussia asiri kuita zvinoenderana nemutongo weECHR, vanhu vaMwari vemunyika iyoyi vakakurudzirwa zvikuru nokukunda uku.

Titos Manoussakis (Ona ndima 9)

9-11. KuGreece, vanhu vaJehovha vakarwisa sei kuti vave nerusununguko rwekunamata pamwe chete, uye vakabudirira zvakadini?

9 Greece. Muna 1983, Titos Manoussakis airenda imba muHeraklion, kuCrete, kuti kaboka keZvapupu zvaJehovha kaitire misangano. (VaH. 10:24, 25) Asi mumwe mupristi wechechi yeOrthodox akanyora mashoko okunyunyuta kuvakuru vehurumende pamusoro pekushandisa kwaiita Zvapupu imba iyi pakunamata. Nechikonzero chei? Nekuti zvinotendwa neZvapupu zvakasiyana nezvechechi yeOrthodox! Vakuru ava vakabva vati Titos Manoussakis nezvimwe Zvapupu zvitatu vaiva nemhosva. Vakabhadhariswa faindi vakabva vatongerwa kugara mujeri kwemwedzi miviri. Sevagari vakavimbika vemuUmambo hwaMwari, Zvapupu izvi zvakaona kuti mutongo wedare waityora kodzero yavo yekunamata, saka vakakwidza nyaya yavo mumatare emo kutozosvikira yasvika kuECHR.

10 Muna 1996, ECHR yakazopa mutongo wakanga usingatarisirwi nevanhu vaipikisa kunamata kwakachena. Dare rakataura kuti “Zvapupu zvaJehovha imwe ‘yechechi dzinozivikanwa’ mumutemo weGreece” uye mitongo yematare epasi yakanga “yatyora zviri pachena kodzero yekunamata [yeZvapupu].” Dare racho rakataurawo kuti harisi basa rehurumende yeGreece “kuudza machechi dzidziso dzainoti ndidzo dzakakodzera.” Mitongo yakanga yapiwa Zvapupu yakabva yadzimwa, uye kodzero yavo yokunamata vakasununguka yakatsigirwa!

11 Kukunda uku kwakabva kwagadzirisa zvinhu here muGreece? Zvinosuwisa kuti hazvina kudaro. Imwe nyaya yakadaro yakazopera muna 2012 kuKassandreia, Greece, pashure pekukweshana mumatare kwemakore angasvika 12. Panyaya iyi aitipikisa ndemumwe bhishopu wechechi yeOrthodox. Dare Repamusorosoro reGreece, rinonzi Council of State, rakatonga nyaya yacho richitsigira vanhu vaMwari. Mumutongo wacho, dare rakadzokorora mashoko ari mubumbiro remutemo reGreece iro rinopa vanhu rusununguko rwekunamata uye rakaramba zvinongogara zvichitaurwa zvokuti Zvapupu zvaJehovha hazvisi chitendero chinozivikanwa. Dare racho rakati: “Dzidziso ‘dzeZvapupu zvaJehovha’ hadzina kuvanzika saka chitendero chinozivikanwa.” Hama dzemuungano duku yeKassandreia dzinofara kuti iye zvino dzava kukwanisa kupinda misangano dzichinamata muImba yoUmambo yavo pachavo.

12, 13. KuFrance, vavengi vakaedza sei kuronga neunyanzvi ‘kuti pave nedambudziko vachishandisa murau,’ uye vakabudirira here?

12 France. Vamwe vavengi vevanhu vaMwari vakashandisa nzira yokuronga nounyanzvi kuti “pave nedambudziko [va]chishandisa murau.” (Verenga Pisarema 94:20.) Somuenzaniso, pakati pema1990, vanoona nezvemitero muFrance vakatanga kuongorora mamiriro akaita mari dzerimwe remasangano epamutemo anoshandiswa neZvapupu zvaJehovha muFrance rinonzi Association Les Témoins de Jéhovah (ATJ). Gurukota raiona nezvenyaya yacho rakaratidza vavariro yekuongorora kwacho richiti: “Kuongorora uku kunogona kuita kuti sangano iri rivharwe nematare, kana kuti ritongwe . . . , izvo zvinogona kuita kuti risakwanise kuita mabasa aro munyika ino.” Kunyange zvazvo pasina chakaonekwa neongororo yacho, vanoona nezvemitero vakatemera sangano reATJ mutero wakakurisa. Dai vakabudirira, nzira yavakashandisa iyi yaigona kusiya hama dzisisina chimwe chokuita kunze kwekungovhara bazi nokutengesa zvivako zvacho kuti dzibhadhare mutero iwoyo wakakurisa. Zvainge zvakaoma, asi vanhu vaMwari havana kuora mwoyo. Zvapupu zvakarwisa zvakasimba kuti zvisabatwa zvisina kunaka zvakadaro, zvikapedzisira zvasvitsa nyaya yacho kuECHR muna 2005.

13 Dare racho rakapa mutongo waro musi wa30 June, 2011. Rakati kuchengetedza kodzero yevanhu yokunamata vakasununguka kunofanira kuita kuti hurumende isaongorora zvinotendwa nemachechi uye nzira yaanoratidza nayo zvaanotenda, kunze kwekunge paine chinhu chikuru chaakanganisa. Uyezve Dare racho rakati: “Mutero wacho . . . waiita kuti sangano rirasikirwe nezvinhu zvaro zvinokosha, zvoita kuti vanhu varo vasakwanisa kuratidza kutenda kwavo vakasununguka.” Vatongi vose vakatsigira Zvapupu zvaJehovha! Vanhu vaJehovha vakafara hurumende yeFrance payakadzora mari yemutero yakanga yabhadhariswa ATJ pamwe nemubereko, uye payakaita zvakataurwa nedare zvokusiya urongwa hwokuda kutengesa zvivako zvebazi.

Unogona kugara uchinyengeterera hama dzako nehanzvadzi dziri kutambura nemhaka yokushandisirwa mutemo zvisina kururama

14. Ungabatsira sei pakurwira rusununguko rwokunamata?

14 Kufanana nezvakaitwa naEsteri naModhekai, vanhu vaJehovha nhasi vanorwira rusununguko rwokumunamata nenzira yaanoda. (Est. 4:13-16) Pane zvaunogonawo kuita here? Hongu. Unogona kugara uchinyengeterera hama dzako nehanzvadzi dziri kutambura nemhaka yokushandisirwa mutemo zvisina kururama. Minyengetero yakadaro ine simba rokubatsira hama dzedu nehanzvadzi dziri kuomerwa nezvinhu uye dziri kutambudzwa. (Verenga Jakobho 5:16.) Jehovha anopindura minyengetero yakadaro here? Kukunda kwatinoita mumatare kunoratidza kuti zvechokwadi anoipindura!—VaH. 13:18, 19.

Rusununguko Rwokusarudza Marapirwo Anoenderana Nezvatinotenda

15. Zvinhu zvipi zvinofungwa nezvazvo nevanhu vaMwari panyaya yokushandiswa kweropa?

15 Sezvatakaona muChitsauko 11, vagari vomuUmambo hwaMwari vakapiwa mutemo uri muMagwaro wakajeka wokuti vasashandisa ropa zvisiri izvo, sezvinoitwa nevakawanda nhasi. (Gen. 9:5, 6; Revh. 17:11; verenga Mabasa 15:28, 29.) Kunyange zvazvo tisingabvumi kuwedzerwa ropa, isu nehama dzedu tinoda kurapwa zvakanaka chero bedzi zvisingapesani nemitemo yaMwari. Matare epamusorosoro emunyika dzakawanda ava kuziva kuti vanhu vane kodzero yokusarudza kana kuti kuramba nzira dzokurapwa nadzo maererano nehana dzavo uye zvavanotenda. Asi mudzimwe nyika, vanhu vaMwari vakasangana nematambudziko akakura panyaya iyi. Ngationei mimwe mienzaniso.

16, 17. Imwe hanzvadzi kuJapan yakarwadziwa zvikuru payakaziva chii nezvekurapwa kwayakanga yaitwa, uye minyengetero yayo yakapindurwa sei?

16 Japan. Misae Takeda, vamwe mai vemba vekuJapan vaiva nemakore 63 vaifanira kuvhiyiwa. Semugari akavimbika wemuUmambo hwaMwari, vakanyatsojekesera chiremba wavo kuti vaida kurapwa vasingawedzerwi ropa. Asi pashure pemwedzi inoverengeka, vakarwadziwa zvikuru pavakaziva kuti vakawedzerwa ropa pavaivhiyiwa. Pavakaona kuti vakanga vatadzirwa uye vanyengedzwa, Hanzvadzi Takeda vakamhan’arira vanachiremba vacho nechipatara kudare muna June 1993. Hanzvadzi iyi, yaizvininipisa ichitaura zvinyoro-nyoro yaiva nokutenda kusingazununguki. Yakapa uchapupu mudare noushingi, ichiramba iri mubhokisi revanopa uchapupu mudare kweinopfuura awa kunyange zvazvo yakanga isisagone nokurwara. Kubvira pavakazopedzisira kuuya kudare vakazongoita mwedzi mumwe chete vachiri vapenyu. Hatiyemuriwo here ushingi hwavo nokutenda? Hanzvadzi Takeda vakati vaigara vachikumbira Jehovha kuti akomborere kurwisa kwavaiita. Vaiva nechivimbo kuti minyengetero yavo yaizopindurwa. Yakapindurwa here?

17 Pashure pemakore matatu Hanzvadzi Takeda vafa, Dare Repamusorosoro romuJapan rakapa mutongo richivatsigira, richibvuma kuti zvakanga zvakaipa kuvawedzera ropa ivo vakariramba zvakajeka. Mutongo uyu, uyo wakapiwa musi wa29 February, 2000, wakati “kodzero yokusarudza” panyaya dzakadaro “inofanira kuremekedzwa nokuti munhu ane kodzero yokuzvisarudzira.” Kushinga kwakaita Hanzvadzi Takeda kurwira rusununguko rwokusarudza marapirwo anoenderana nehana yavo yakadzidziswa neBhaibheri, kuri kuita kuti Zvapupu zvomuJapan zvikwanise kurapwa zvisingatyi kuti zvichawedzerwa ropa.

Pablo Albarracini (Ona ndima 18 kusvika ku20)

18-20. (a) Dare rinokwidzwa nyaya kuArgentina rakatsigira sei kodzero yemunhu yokuramba kuwedzerwa ropa achishandisa kadhi rakasainwa? (b) Tingaratidza sei kuti tinozviisa pasi poutungamiriri hwaKristu panyaya yokusashandisa ropa zvisiri izvo?

18 Argentina. Ko vagari vemuUmambo vangagadzirira sei kuti varapwe sezvavanoda kana vasisakwanisi kutaura? Tinogona kugara tiine kadhi repamutemo rinotaura richitimiririra sezvakaitwa naPablo Albarracini. Muna May 2012, akapfurwa mabara anoverengeka nemakororo aiedza kumubira. Akaendeswa kuchipatara asingazivi chinhu, saka akanga asingakwanisi kutsanangura zvaanotenda panyaya yokuwedzerwa ropa. Asi aiva nekadhi rakanyatsopupurirwa raitaura marapirwo aanoda raakanga asaina makore anopfuura mana apfuura. Kunyange zvazvo upenyu hwake hwaiva pangozi uye vamwe vanachiremba vaiona sokuti aifanira kuwedzerwa ropa kuti arege kufa, vaimurapa vakaona kuti vaifanira kuremekedza zvido zvake. Zvisinei, baba vaPablo, avo vakanga vasiri mumwe weZvapupu zvaJehovha, vakaenda kudare kuti vanopiwa mvumo yokuchinja zvido zvake.

19 Gweta raimiririra mudzimai waPablo rakabva rakurumidza kuendesa nyaya yacho kudare rinokwidzwa nyaya. Mumaawa mashomanana dare racho rakanga ratodzima mutongo wakanga wapiwa nedare repasi, ndokutonga kuti zvido zvemurwere zvaakanyora pakadhi rake zvaifanira kuremekedzwa. Baba vaPablo vakabva vakwidza nyaya yacho kuDare Repamusorosoro reArgentina. Asi Dare Repamusorosoro rakashaya “chikonzero chingaita kuti rifunge kuti zvakanyorwa [naPablo pakadhi rake achitaura kuti haabvumi kuwedzerwa ropa] akazvinyora asingazivi zvaari kuita uye asina kusununguka.” Dare racho rakati: “Munhu wese abva zera uye anozvifungira, anokwanisa kugara ataura zvaanoda kuti zviitwe nezveutano hwake, uye anogona kubvuma kana kuramba mamwe marapirwo . . . Zvaanenge akataura zvacho zvinofanira kubvumwa nachiremba anenge achimurapa.”

Wakanyora kadhi rinoratidza marapirwo aunoda here?

20 Pablo akazopora zvake zvokuti asimba. Iye nomudzimai wake vanofara kuti akanga akanyora kadhi rinotaura marapirwo aanoda. Danho iroro dukuduku, asi rinokosha, raakatora rinoratidza kuti anozviisa pasi poutongi hwaKristu, Mambo weUmambo hwaMwari. Ko iwe nemhuri yako makatora danho iroro here?

April Cadoreth (Ona ndima 21 kusvika ku24)

21-24. (a) Dare Repamusorosoro reCanada rakasvika sei pakupa mutongo unokosha panyaya yevana uye kushandiswa kweropa? (b) Nyaya iyi ingakurudzira sei vashumiri vaJehovha vechiduku?

21 Canada. Kazhinji matare anonzwisisa kodzero dzevabereki dzokusarudza marapirwo akanakira vana vavo. Dzimwe nguva, matare akatombotonga achiti mwana ati kurei anofanira kuremekedzwa pane zvaanenge asarudza nezvokurapwa kwake. Izvi ndizvo zvakaitika kuna April Cadoreth. Paakanga ava nemakore 14, April akapiwa mubhedha muchipatara achibuda ropa rakawanda nechomukati memuviri. Mwedzi mishomanana yakanga yapfuura, akanga anyora kadhi rake reAdvance Medical Directive riine mirayiridzo yokuti asawedzerwa ropa kunyange kana zvaipa. Chiremba aimurapa akasarudza kupesana nezvido zvaApril ndokutsvaka mvumo yokumuwedzera ropa kudare. Akawedzerwa mapaindi matatu emasero matsvuku asingadi. April akazofananidza zvaakaitwa nokubatwa chibharo.

22 April nevabereki vake vakaendesa nyaya yacho kumatare. Pashure pemakore maviri, nyaya yacho yakasvika kuDare Repamusorosoro reCanada. Kunyange zvazvo April asina kubudirira pakuchinjisa bumbiro remutemo, Dare rakamuita kuti apiwe mari yaakashandisa kukwidza nyaya yake uye rakatonga richimutsigira iye nevamwe vana vati kurei kuti vave nekodzero yokuzvisarudzira marapirwo avanoda. Dare racho rakati: “Panyaya yokurapwa, vana vari pasi pemakore 16 vanofanira kubvumirwa kuti varatidze kuti zvavakasarudza panyaya yemarapirwo avanoda vakazvisarudza pasina ari kuvaudza uye vachiziva zvavari kuita.”

23 Nyaya iyi inokosha pakuti Dare Repamusorosoro rakaongorora kodzero yevana vati kurei iri mubumbiro remutemo. Mutongo uyu usati wapiwa, dare romuCanada raigona kupa mvumo yokuti mwana ari pasi pemakore 16 arapwe chero bedzi dare richifunga kuti ndizvo zvakanakira mwana wacho. Asi kubvira pakapiwa mutongo iwoyu, dare harichakwanisi kupa mvumo yokuti mwana ari pasi pemakore 16 arapwe zvaasiri kuda asina kumbopiwa mukana wokuratidza kuti akura zvokugona kuzvisarudzira zvaanoda.

“Zvinondifadza kuti ndakaitawo chimwe chinhu pakukudza zita raMwari uye kuratidza kuti Satani murevi wenhema”

24 April akarwira zviripo here mumatare kwemakore matatu ose? Anoti, “Hongu!” April, uyo ava piyona wenguva dzose uye ane utano hwakanaka, anoti: “Zvinondifadza kuti ndakaitawo chimwe chinhu pakukudza zita raMwari uye kuratidza kuti Satani murevi wenhema.” Zvakaitika kuna April zvinoratidza kuti vana vedu vanogona kuramba vakashinga, vachiratidza kuti vagari vechokwadi vomuUmambo hwaMwari.—Mat. 21:16.

Rusununguko Rwokurera Vana Maererano Nemitemo yaJehovha

25, 26. Chii chinowanzoitika kana vanhu vakarambana?

25 Jehovha anopa vabereki basa rokurera vana maererano nemitemo yake. (Dheut. 6:6-8; VaEf. 6:4) Basa iroro rakaoma, asi rinotozowedzera kuoma kana vakarambana. Mumwe nomumwe anogona kunge aine mafungiro ake pamusoro pemarererwo evana. Somuenzaniso, mubereki wechiKristu anonyatsoziva kuti mwana anofanira kurerwa maererano nemitemo yaJehovha, ukuwo mubereki asiri Chapupu angasabvumirana nazvo. Asiwo mubereki wechiKristu anofanira kuremekedza waakarambana naye achiziva kuti kunyange zvazvo vakarambana, vose vachiri vabereki vemwana.

26 Mubereki asiri Chapupu anogona kukumbira dare kuti abvumirwe kugara nemwana kana kuti vana kuitira kuti vanamate sezvaanoda iye. Vamwe vanenge vachipomera kuti kana vana vavo vakarerwa seZvapupu zvaJehovha vachakuvadzwa. Vanogona kuti vana vachazoitwa kuti vasapemberere mazuva okuzvarwa, mazororo, uye kuti kana vakazorwara, havazowedzerwa ropa ravanoti rinoponesa. Chinofadza ndechokuti matare akawanda anowanzoona kuti ndezvipi zvakanakira mwana pane kungotonga vachifunga nezvekuti chitendero chemumwe mubereki chinomukuvadza sei. Ngationei mimwe mienzaniso.

27, 28. Dare Repamusorosoro reOhio rakapa mutongo wokuti chii panyaya yokuti kana mwana akarerwa neZvapupu zvaJehovha zvinomukavadza?

27 United States. Muna 1992, Dare Repamusorosoro reOhio rakatonga imwe nyaya yababa vasiri Chapupu vaiti mwanakomana wavo aizokanganisika kana akarerwa semumwe weZvapupu zvaJehovha. Dare repasi rakanga rabvumirana nababa vacho, rikavapa mvumo yokuchengeta mwana. Amai vacho, Jennifer Pater, vakapiwa kodzero yokupota vachishanyira mwana, asi vakaudzwa kuti “vasamudzidzisa kana kuti kumuita kuti anzwe dzidziso dzeZvapupu zvaJehovha nenzira chero ipi zvayo.” Mutongo uyu wakapiwa nedare repasi waigona kureva zvakawanda zvokuti unogona kunzi waireva kuti Hanzvadzi Pater vaisagona kunyange kutaura nemwanakomana wavo, Bobby nezveBhaibheri kana kuti nezvetsika dzokuzvibata dzarinotaura! Imbofunga kuti vakanzwa sei! Zvakavapedza simba, asi vanoti vakadzidza kuva nemwoyo murefu uye kumirira kuti Jehovha agadzirise zvinhu. Vanoti, “Jehovha haana kumbondisiya.” Gweta ravo, richibatsirwa nesangano raJehovha, rakakwidza nyaya yacho kuDare Repamusorosoro remuOhio.

28 Dare racho rakaramba mutongo wakanga wapiwa nedare repasi, richiti “vabereki vane kodzero yokudzidzisa vana vavo, kusanganisira kuvaudza tsika dzokuzvibata uye dzokunamata.” Dare racho rakati rakanga risina kodzero yokurambidza mubereki kugara nemwana nechikonzero chechitendero kunze kwekunge raratidza kuti tsika dzinodzidziswa neZvapupu zvaJehovha dzinokuvadza mwana munyama nemupfungwa. Dare rakashaya uchapupu hwokuti zvinotendwa neZvapupu zvinokanganisa pfungwa kana kuti muviri wemwana.

Matare akawanda akatonga achitsigira kuti vabereki vechiKristu vapiwe mvumo yokuchengeta vana

29-31. Imwe hanzvadzi yokuDenmark yakanyimirwei mvumo yokuchengeta mwanasikana wayo, uye Dare Repamusorosoro reDenmark rakazopa mutongo upi panyaya yacho?

29 Denmark. Anita Hansen akasanganawo nedambudziko rakadaro pakaenda murume waakarambana naye kudare achikumbira kuti achengete mwana wavo Amanda, aiva nemakore 7. Kunyange zvazvo dare iri rakapa Hanzvadzi Hansen mvumo yokuchengeta mwana muna 2000, baba vacho vakakwidza nyaya yacho kudare repamusoro, iro rakabva radzima mutongo wainge wambopiwa nedare repasi, ndokuvapa mwana. Dare repamusoro rakataura kuti sezvo vabereki ava vaipesana pamaonero avanoita upenyu nemhaka yezvavanotenda, baba vemwana ndivo vaitozokwanisa kugadzirisa nyaya dzacho. Kureva kuti Hanzvadzi Hansen vakanyimwa kodzero yokuchengeta Amanda nokuti ivo mumwe weZvapupu zvaJehovha!

30 Pavaiona nhamo yose iyi, dzimwe nguva Hanzvadzi Hansen vainetseka zvokuti vaishaya kuti vonyengetera vachitii. Vanoti, “Asi mashoko aVaRoma 8:26 ne27 akandinyaradza zvikuru. Ndainyatsoziva kuti Jehovha anonzwisisa zviri mumwoyo mangu. Ziso rake rainge riri pandiri uye aigara akagadzirira kundibatsira.”—Verenga Pisarema 32:8; Isaya 41:10.

31 Hanzvadzi Hansen vakakwidza nyaya yavo kuDare Repamusorosoro reDenmark. Pamutongo warakapa, Dare iri rakati: “Mhinduro yokuti ndiani anofanira kuchengeta mwana ichabva paongororo yakasimba yokutsvaka kuti ndezvipi zvakanakira mwana wacho.” Uyezve, Dare racho rakataura kuti chisarudzo chichaitwa chichabva pakuti mubereki mumwe nomumwe anogadzirisa sei matambudziko, kwete kubva pane “zvinotendwa uye zvinofungwa” neZvapupu zvaJehovha. Hanzvadzi Hansen vakatura befu, Dare parakati vakakodzera kuva mubereki, rikavapazve mvumo yokuchengeta Amanda.

32. Dare reEuropean Court of Human Rights rakachengetedza sei vabereki veZvapupu kuti vasatongwe nerusaruro?

32 Nyika dzakasiyana-siyana dzekuEurope. Dzimwe nguva nyaya dzokuti ndiani anofanira kuchengeta vana hadzina kugumira mumatare epamusorosoro emunyika. Dzimwe dzacho dzinombosvika kudare reEuropean Court of Human Rights (ECHR). Pane dzimwe nyaya mbiri, dare reECHR rakaona kuti matare omunyika, akatonganisa vabereki vaiva Zvapupu nevasiri Zvapupu achingotarisa zvechitendero chete. Dare reECHR rakati matongero aya ndeerusaruro, uye rakapa mutongo wokuti “hazvibvumirwi kupa mutongo zvichingobva pakuti munhu ndewechitendero chipi.” Imwe hanzvadzi yakabatsirwa nemutongo uyu wakapiwa neECHR, yakaratidza kuzorodzwa kwayakaitwa ikazoti: “Zvinorwadza kupomerwa kuti ndiri kukuvadza vana vangu, ini ndiri kuedza kuvaitira zvandinofunga kuti zvakavanakira, kunova kuvarera nenzira yechiKristu.”

33. Vabereki vechiKristu vangashandisa sei zvinotaurwa pana VaFiripi 4:5?

33 Asiwo vabereki vanenge vachirwira kodzero yavo yokudzidzisa vana vavo mitemo yemuBhaibheri kumatare vanofanira kuedza kuva vanhu vanonzwisisa. (Verenga VaFiripi 4:5.) Kana ivo vachinzwisisa kuti vane kodzero yokudzidzisa vana vavo nzira dzaMwari, vanofanira kunzwisisawo kuti mumwe mubereki asiri Chapupu, anogonawo kuita mabasa anoitwa nemubereki kana achida. Mubereki wechiKristu, anofanira kukoshesa zvakadini basa rake rokudzidzisa mwana?

34. Vabereki vechiKristu mazuva ano vanobatsirwa sei nemuenzaniso wevaJudha vemumazuva aNehemiya?

34 Muenzaniso wezvakaitika mumazuva aNehemiya unotidzidzisa chimwe chinhu. VaJudha vakashanda zvakaoma pakugadziridza nokuvakazve masvingo eJerusarema. Vaiziva kuti izvi zvaizovachengetedza nemhuri dzavo pamarudzi aivavenga ainge akavapoteredza. Izvi ndozvakaita kuti Nehemiya avakurudzire achiti: “Rwirai hama dzenyu, vanakomana venyu nevanasikana venyu, madzimai enyu nemisha yenyu.” (Neh. 4:14) VaJudha ivavo vaiziva kuti vaizorwira zviripo. Nhasiwo vabereki vechiKristu vanoshanda nesimba pakurera vana vavo muchokwadi. Vanoziva kuti vana vavo vanogara vachisangana nevanhu vanofurira kuchikoro uye kwavanogara. Kunyange vari pamba, vanogona kufurirwa nezvinhu zvinobudisa mashoko. Vabereki, musambofunga kuti muri kutambisa nguva pakuita zvose zvamunogona pakurwira vana venyu kuti muvachengetedze kuti vakure pakunamata.

Vimba naJehovha Kuti Achatsigira Kunamata Kwechokwadi

35, 36. Zvapupu zvaJehovha zvakabatsirwa sei nokurwira kwazvakaita kodzero yazvo mumatare, uye watsidza kuitei?

35 Zvechokwadi Jehovha akakomborera zvose zvakaitwa nesangano rake mazuva ano pakurwira kodzero yorusununguko rwokunamata. Kurwisa kwavaiita mumatare, kakawanda kwakaita kuti vanhu vaMwari vape uchapupu hune simba mumatare uye kuruzhinji rwevanhu. (VaR. 1:8) Kukunda kwavakaita panyaya dzakawanda mumatare kwakaitawo kuti vakawanda vasiri Zvapupu vasimbise kodzero dzavo. Zvisinei, sevanhu vaMwari, hachisi chinangwa chedu kuchinja magariro evanhu kana kuti kutsvaka kukudzwa. Chikuru chakaita kuti Zvapupu zvaJehovha zviendese nyaya kumatare ndechekuti zvipiwe kodzero yazvo nechinangwa chokusimbisa uye kufambisira mberi kunamata kwakachena.—Verenga VaFiripi 1:7.

36 Ngatisamborega kukoshesa zvidzidzo zvokutenda zvatinowana pane vaya vakarwira rusununguko rwokunamata Jehovha! Ngatirambeiwo takatendeka, tiine chivimbo chokuti Jehovha ari kutsigira basa redu uye ari kuramba achitipa simba rokuita kuda kwake.—Isa. 54:17.