Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 16

Kuungana Kuti Tinamate

Kuungana Kuti Tinamate

ZVICHAKURUKURWA MUCHITSAUKO CHINO

Kuongorora kwatabva panyaya yemisangano uye kukosha kwayo

1. Vadzidzi pavakaungana, vakagamuchira chii, uye zvaizovabatsira pakuitei?

 JESU achangobva kumutswa, vadzidzi vakaungana kuti vakurudzirane. Asi vakakiya madhoo vachitya vavengi vavo. Kutya ikoko kunofanira kunge kwakabva kwati hwaa Jesu paakangoerekana ava pavo akati: “Gamuchirai mudzimu mutsvene.” (Verenga Johani 20:19-22.) Pava paya, vadzidzi vakaungana zvekare, uye Jehovha akadurura mudzimu mutsvene pavari. Chokwadi zvakavasimbisa kuti vakwanise kuzoita basa rekuparidza raiva mberi kwavo.—Mab. 2:1-7.

2. (a) Jehovha anotipa sei simba, uye nei tichirida? (b) Nei urongwa hweKunamata Kwemhuri hwakakosha? (Ona mashoko omuzasi nebhokisi rakanzi “ Kunamata Kwemhuri.”)

2 Tinotarisanawo nematambudziko akafanana neevadzidzi vekutanga. (1 Pet. 5:9) Dzimwe nguva vamwe vedu tinogona kukanganiswa nekutya munhu. Uye tinotoda simba rinopiwa naJehovha kuti tikwanise kutsungirira mubasa rekuparidza. (VaEf. 6:10) Rakawanda resimba racho tinoripiwa naJehovha achishandisa misangano yedu. Pari zvino tine mikana yekupinda misangano miviri pavhiki inonyatsotidzidzisa inoti, Musangano Wavose neChidzidzo cheNharireyomurindi uye musangano wepakati pevhiki unonzi Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu. a Tinonakidzwawo nemisangano mina yepagore inoti, gungano remunharaunda, magungano edunhu maviri, uye Chirangaridzo cherufu rwaKristu. Nei zvichikosha kuti tipinde misangano yose iyi? Misangano yedu yatinoita mazuva ano yakavandudzika sei nekufamba kwemakore? Uye chido chedu chekuungana nevamwe chinoratidzei nezvedu?

Nei Tichifanira Kuungana?

3, 4. Jehovha anoda kuti vanhu vake vaite sei? Ipa mienzaniso.

3 Jehovha agara achida kuti vanhu vake vaungane vachimunamata. Somuenzaniso, muna 1513 B.C.E., Jehovha akapa rudzi rwaIsraeri Mutemo, uyo waitaurawo nezveSabata revhiki nevhiki raiitirwa kuti mhuri imwe neimwe imunamate uye idzidziswe Mutemo. (Dheut. 5:12; 6:4-9) VaIsraeri pavaiteerera mutemo iwoyo, mhuri dzaibva dzasimbiswa uye rudzi rwacho rwose rwaibva rwaramba rwakachena uye rwakasimba pakunamata. Pavairega kuita zvaitaurwa neMutemo, zvakadai sekugara vachiungana kuti vanamate Jehovha, vaimutsamwisa.—Revh. 10:11; 26:31-35; 2 Mak. 36:20, 21.

4 Fungawo nezvemuenzaniso wakasiyiwa naJesu. Aiva netsika yekuenda kusinagogi vhiki rega rega paSabata. (Ruka 4:16) Pashure pekufa nekumutswa kwaJesu, vadzidzi vake vakaramba vaine tsika yekuungana nguva nenguva kunyange zvazvo vakanga vasisiri pasi pemutemo weSabata. (Mab. 1:6, 12-14; 2:1-4; VaR. 14:5; VaK. 2:13, 14) Pamisangano iyoyo vaKristu vekutanga vaisangoenda kunodzidziswa nekukurudzirwa chete asi vaizopawo zvibayiro zvekurumbidza Mwari zvakadai sekunyengetera, kutaurawo zvavanofunga pane zvinenge zvichidzidzwa, uye kuimba.—VaK. 3:16; VaH. 13:15.

Vadzidzi vaJesu vaiungana kuti vasimbisane nokukurudzirana

5. Chii chinoita kuti tipinde misangano yevhiki nevhiki nemagungano anoitwa pagore? (Onawo bhokisi rakanzi “ Kuungana Kwepagore Kunobatanidza Vanhu vaMwari.”)

5 Patinopindawo misangano yedu yevhiki nevhiki nemagungano atinoita pagore, tinoratidza kuti tiri kutsigira Umambo hwaMwari, tinowana simba remudzimu mutsvene, uye tinokurudzira vamwe nemashoko edu ekutenda. Uye zvinotonyanya kukosha ndezvekuti tinowana mukana wekunamata Jehovha patinonyengetera, patinopa mhinduro uye patinoimba. Marongerwo akaitwa misangano yedu anogona kunge akasiyana neyaipindwa nevaIsraeri kana kuti nevaKristu vekutanga, asi kukosha kwayo kumwe chete. Misangano yedu yatinoita mazuva ano yakavandudzika sei nekufamba kwemakore?

Misangano Yevhiki Nevhiki Inokurudzira “Rudo Nemabasa Akanaka”

6, 7. (a) Chinangwa chemisangano yedu ndechei? (b) Misangano yaisiyana sei zvichienderana neboka?

6 Hama Charles Taze Russell pavakatanga kutsvaka chokwadi muShoko raMwari, vakaona kuti vaifanira kuungana nevamwe vaiva nechinangwa sechavo. Muna 1879, Russell akanyora kuti “Ini, nevamwe vari muPittsburgh, takaronga uye takaramba tichiita kirasi yebhaibheri yekutsvakurudza muMagwaro, tichiungana musi weSvondo wega wega.” Vaverengi veZion’s Watch Tower vakakurudzirwa kuungana, uye pakazosvika 1881, misangano yakanga yava kuitwa muPittsburgh, Pennsylvania, musi weSvondo neweChitatu. Watch Tower yaNovember 1895 yakataura kuti chinangwa chemisangano iyoyo chaiva chekuti vanhu “vashamwaridzane sevaKristu, vachiratidzirana rudo” uye kuti vaya vaiungana vawane mukana wekukurudzirana.—Verenga VaHebheru 10:24, 25.

7 Kwemakore akawanda, marongerwo akanga akaita misangano uye kuti yaiitwa kakawanda sei, zvaisiyana paboka neboka reVadzidzi veBhaibheri. Somuenzaniso, tsamba yakabva kuboka raiva muUnited States yakabudiswa muna 1911 yakati: “Tinoita misangano kanenge kashanu vhiki nevhiki.” Vaiita misangano yacho neMuvhuro, Chitatu, Chishanu, uye kaviri neSvondo. Imwe tsamba yakabva kuboka raiva muAfrica, yakabudiswa muna 1914 yakati: “Tinoita misangano kaviri pamwedzi, tichitanga chiri Chishanu kusvika Svondo.” Asi nekufamba kwenguva, misangano yakazotanga kuitwa sezvatiri kuita mazuva ano. Ngatimboongororai zvishoma kuti musangano mumwe nemumwe wakatanga sei.

8. Hurukuro dzekutanga-tanga dzaiva nemisoro yakaita seipi?

8 Musangano Wavose. Muna 1880, pava negore Hama Russell vatanga kubudisa Zion’s Watch Tower, vakatanga kuita nzendo dzekuparidza vachitevedzera muenzaniso waJesu. (Ruka 4:43) Munzendo idzodzo Hama Russell vaisiya muenzaniso wezvatava kuita mazuva ano paMusangano Wavose. Ichitaura nezvekufamba kwavaizoita, Watch Tower yakataura kuti Russell “aizofara kuita misangano yavose achitaura ‘Nezvezvinhu zvine chokuita neumambo hwaMwari.’” Muna 1911, pashure pekunge makirasi kana kuti ungano zvatangwa munyika dzakati kuti, kirasi imwe neimwe yakakurudzirwa kutumira vakurukuri vakakodzera kunzvimbo dziri pedyo kuti vanopa hurukuro nhanhatu dzakatevedzana dzaiva nemisoro yakadai sekutongwa uye rudzikinuro. Paipera hurukuro imwe neimwe, zita remukurukuri uye musoro wehurukuro yaizopiwa vhiki rinotevera zvaibva zvaziviswa.

9. Musangano Wavose wakachinja sei nekufamba kwemakore, uye ungautsigira sei?

9 Muna 1945, magazini yeNharireyomurindi yeChirungu yakazivisa kuti pasi rose paizotanga kuitwa Musangano Wavose waiva nehurukuro dzemuBhaibheri sere dzakatevedzana dzaitaura “nezvematambudziko ainetsa panguva iyoyo.” Kwemakumi emakore, vakurukuri vakanga vasingashandisi misoro yakapiwa nemuranda akatendeka chete asi vaipawo hurukuro dzavainge vagadzira voga. Zvisinei, muna 1981, vakurukuri vose vakaudzwa kuti vape hurukuro dzavo kubva pamapepa ehurukuro anopiwa ungano. b Dzimwe hurukuro dzakanga dzakanyorwa zvekuti mukurukuri aimbobvunza vateereri mibvunzo kana kuti dzaigona kuva nevanhu vanoenzanisira; asi muna 1990 mirayiridzo yacho yakagadziridzwa, zvokuti kubvira ipapo hurukuro dzavose dzakanga dzava kungopiwa sehurukuro chete. Kumwe kugadziridzwa kwakaitika muna January 2008 pakanzi hurukuro dzavose dziitwe kwemaminitsi 30 panzvimbo pe45. Kunyange zvazvo maitirwo emusangano uyu akachinjwa, hurukuro dzavose dzakanyatsogadzirirwa dzichiri kuita kuti vanhu vawedzere kutenda muShoko raMwari dzichitidzidzisa nezvezvinhu zvakasiyana-siyana nezveUmambo hwaMwari. (1 Tim. 4:13, 16) Unokokawo here nemwoyo wose vanhu vaunodzokera kuti unotaura navo nezveBhaibheri kana kuti vamwe vasiri Zvapupu kuti vauye kuzonzwa hurukuro idzodzo dzeBhaibheri dzinobatsira?

10-12. (a) Chii chakachinjwa pamaitirwo eChidzidzo cheNharireyomurindi? (b) Unofanira kuzvibvunza mibvunzo ipi?

10 Chidzidzo cheNharireyomurindi. Muna 1922, vashumiri vaitumwa neWatch Tower Society kufamba vachipa hurukuro muungano nekutungamirira basa rekuparidza, vainzi mapilgrim, vakakurudzira kuti pave nemusangano unogara uchiitwa wekudzidza magazini yeThe Watch Tower. Sangano rakazvitambira, uye pakutanga chidzidzo cheWatch Tower chaiitwa pakati pevhiki kana kuti musi weSvondo.

Chidzidzo cheWatch Tower, Ghana, 1931

11 Nharireyomurindi yeChirungu yaJune 15, 1932, yakapa mimwe mirayiridzo nezvekuti musangano uyu waifanira kuitwa sei. Nyaya yacho yakaratidza kuti chidzidzo chacho chinofanira kutungamirirwa nehama sezvaiitwa nemhuri yeBheteri. Hama nhatu dzaigona kugara nechekumberi dzichiita majana ekuverenga ndima. Nyaya dzemazuva aya dzakanga dzisina mibvunzo yakadhindwa, saka muitisi akaudzwa kuti akumbire vateereri kuti vabvunze mibvunzo panyaya inenge ichidzidzwa. Zvadaro aizoti vanhu vari muvateereri vapindure mibvunzo yacho. Kana paine zvisina kujeka, muitisi akaudzwa kuti aizopa tsanangudzo “pfupi.”

12 Pakutanga, ungano imwe neimwe yaibvumirwa kudzidza magazini yemwedzi unenge wasarudzwa nevakawanda. Zvisinei, Nharireyomurindi yeChirungu yaApril 15, 1933, yakataura kuti ungano dzose dzidzidze magazini inenge yabuda mwedzi iwoyo. Muna 1937, pakapiwa murayiridzo wokuti musangano wacho uitwe nemusi weSvondo. Zvimwe zvakagadziridzwa pamusangano uyu kuti uzove sezvauri mazuva ano zvakabudiswa muNharireyomurindi yeChirungu yaOctober 1, 1942. Kutanga, magazini yacho yakazivisa kuti mibvunzo yaizowanikwa pazasi pepeji yenyaya inenge ichidzidzwa uye kuti ndiyo yaifanira kushandiswa. Yakazotaurawo kuti musangano wacho unofanira kuitwa kweawa. Yakakurudzirawo vaya vanenge vachizopa mhinduro kuti vataure “nemashoko avo” kwete kuita zvekuverenga mashoko ari mundima. Chidzidzo cheNharireyomurindi ndiwo musangano uchiri kunyanya kushandiswa nemuranda akatendeka pakupa zvokudya zvokunamata panguva yakakodzera. (Mat. 24:45) Mumwe nemumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndinogadzirira here chidzidzo cheNharireyomurindi vhiki yega yega? Uye ndinoedzawo here kupindura kana paine mukana?’

13, 14. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano chakabva nekupi, uye chii chinokufadza pamusangano uyu?

13 Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano. Mumakore ekuma1895, pashure pekunge mabhuku anoverengeka aMillennial Dawn abudiswa, Hama H. N. Rahn, Mudzidzi weBhaibheri wemuguta reBaltimore, Maryland, U.S.A., akapawo pfungwa dzake achiti vanhu vaungane vachidzidza Bhaibheri vari mumapoka ainzi “Dawn Circles.” Pakutanga, misangano iyi, iyo yaiwanzoitwa mudzimba dzehama, yaingova yekuedza kuona kana zvichiita. Zvisinei, pakazosvika September 1895, mapoka aya akanga achiitwa zvinobudirira mumaguta akawanda muUnited States. Saka Watch Tower yemwedzi iwoyo yakabva yakurudzira kuti vadzidzi vose vechokwadi vaite misangano iyi. Yakati munhu aiitisa musangano uyu anofanira kuva munhu anogona kuverenga. Aifanira kuverenga mutsara oita kuti vari muvateereri vataure zvavanofunga. Pashure pekuverenga mitsara yose nekuikurukura, aizovhura magwaro ari mundima yacho oaverenga. Paizopera chitsauko, mumwe nemumwe ari muvateereri aizofanira kutaura muchidimbu zvadzidzwa zvacho.

14 Zita remusangano uyu rakachinjwa kakati wandei. Wakambonzi Berean Circles for Bible Study, zita racho richibva pavaKristu vekutanga vekuBheriya vainyatsoongorora Magwaro. (Mab. 17:11) Nekufamba kwenguva wakazonzi Chidzidzo Chebhuku Cheungano. Iye zvino wava kunzi Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano, uye ungano yose inoungana paImba yeUmambo kwete mudzimba dzehama. Mumakumi emakore apfuura, mabhuku nemabhurocha akasiyana-siyana, kunyange nyaya dzemuWatch Tower zvakambodzidzwa pamusangano uyu. Kubvira pawakatanga, vose vaiupinda vaikurudzirwa kutaurawo chimwe chinhu. Musangano uyu wabatsira zvikuru pakudzamisa ruzivo rwedu rweBhaibheri. Unoitawo zvose zvaunogona pakugadzirira uye kupindura pamusangano uyu here?

15. Chikoro chaMwari Choushumiri chakanga chakarongwa kuti chibatsire sei?

15 Chikoro chaMwari Choushumiri. Carey Barber uyo aishanda pamahofisi edu makuru kuBrooklyn, New York anoyeuka kuti, “Manheru emusi weMuvhuro 16 February, 1942, hama dzose dzaiva mumhuri yeBheteri yekuBrooklyn, dzakaudzwa kuti dzinyorese pachikoro chatava kuziva iye zvino seChikoro chaMwari Choushumiri.” Hama Barber, avo vakazova nhengo yeDare Rinotungamirira, vakatsanangura chikoro chacho “sechimwe chezvinhu zvinoshamisa chakaitwa naJehovha pakushanda kwake nevanhu vake mazuva ano.” Chikoro ichi chakabudirira zvikuru pakubatsira hama kuti dzivandudze pakudzidzisa nekuparidza zvokuti kutanga muna 1943, kabhuku kainzi Course in Theocratic Ministry kakatanga kuwanikwa zvishoma nezvishoma muungano dzemunyika yose. Nharireyomurindi yeChirungu yaJune 1, 1943, yakataura kuti Chikoro chaMwari Choushumiri chakatangwa kuti chibatsire vanhu vaMwari kuti “vadzidziswe kuti vave zvapupu zvinonyatsogona kuita basa rekuzivisa Umambo.”—2 Tim. 2:15.

16, 17. Chikoro chaMwari Choushumiri chaingodzidzisa kupa hurukuro chete here? Tsanangura.

16 Pakutanga vazhinji vaiomerwa nekutaura pamberi pevanhu vakawanda. Clayton Woodworth, Jr., mwana weimwe hama yakambosungwa isina mhosva pamwe chete naHama Rutherford nevamwe muna 1918, akataura manzwiro aakaita paakatanga kunyoresa pachikoro ichi muna 1943. “Zvaindiomera zvikuru kupa hurukuro,” vakadaro Hama Woodworth. “Rurimi rwangu rwaiita kunge rwareba, mukanwa moti gwa, izwi roita kunge rakashoshoma.” Clayton akazopedzisira ava kupa hurukuro dzakawanda paruzhinji sezvaaivandudza mano ake. Chikoro hachina kungomudzidzisa unyanzvi hwokukurukura chete. Chakamudzidzisa kukosha kwekuzvininipisa uye kuvimba naJehovha. Akati, “Ndakasvika pakuziva kuti mukurukuri pachake haasiri iye anokosha. Asi kana akagadzirira zvakanaka oisa chivimbo chake chose muna Jehovha, vanhu vachamuteerera vachifara uye vachadzidza chimwe chinhu.”

17 Muna 1959, hanzvadzi dzakazonziwo dzinyorese pachikoro chacho. Hanzvadzi Edna Bauer vanoyeuka pakapiwa chiziviso chacho pagungano ravakapinda. “Ndinoyeuka kufara kwakaita hanzvadzi,” vanodaro. “Iye zvino mikana yavo yokudzidza yakanga yawanda.” Mumakore ose apfuura hama nehanzvadzi dzakashandisa mukana wokunyoresa paChikoro chaMwari Choushumiri kuti vadzidziswe naJehovha. Nanhasi tichiri kudzidziswa saizvozvo pamusangano wepakati pevhiki.​—⁠Verenga Isaya 54:⁠13.

18, 19. (a) Tava kupiwa sei mazano ekushandisa muushumiri? (b) Nei tichiimba pamisangano yedu? (Ona bhokisi rakanzi “ Kuimba Chokwadi.”)

18 Musangano Webasa. Muna 1919, misangano yokuronga basa romumunda yakanga yava kutoitwa. Panguva iyoyo yakanga isingapindwi nomunhu wose aiva muungano, asi nevaya chete vaienda kunopa vanhu mabhuku muushumiri. Muna 1923, Musangano Webasa waiwanzoitwa kamwe chete pamwedzi, uye vose vaiva mukirasi, kana kuti ungano, vaifanira kuupinda. Pakazosvika 1928, ungano dzakakurudzirwa kuva neMusangano Webasa vhiki nevhiki, uye muna 1935, Nharireyomurindi yakakurudzira kuti ungano dzose dziite Musangano Webasa dzichishandisa Director (yakazonzi Informant uye ikazonzi Ushumiri Hwedu hwoUmambo). Pasina nguva musangano uyu wakange wava kugara uchiitwa neungano.

19 Mazuva ano, pamusangano wepakati pevhiki, tinopiwa mazano anotibatsira pakuita ushumiri hwedu zvizere. (Mat. 10:​5-​13) Kana uchiwana purogiramu yeUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu, unoidzidza woshandisa mazano arimo paunobuda muushumiri here?

Musangano Unokosha Kupfuura Mimwe Yose Pagore

Kubvira pakatanga ungano yechiKristu, vaKristu vanoungana kamwe chete pagore kuti vachengete Chirangaridzo cherufu rwaKristu (Ona ndima 20)

20-22. (a) Nei tichirangarira rufu rwaJesu? (b) Kupinda Chirangaridzo gore negore kunobatsira sei?

20 Jesu akaudza vateveri vake kuti vazorangarira rufu rwake kusvikira achiuya. Sezvaingoitwa Paseka, Chirangaridzo cherufu rwaKristu chinoitwa kamwe chete pagore. (1 VaK. 11:23-26) Musangano uyu unopindwa nemamiriyoni evanhu pagore. Unoyeuchidza vakazodzwa nezvechikomborero chavainacho chekuzotonga muUmambo. (VaR. 8:17) Uye unoita kuti vemamwe makwai varemekedze zvikuru uye vavimbike kuna Mambo weUmambo hwaMwari.—Joh. 10:16.

21 Hama Russell nevamwe vavo vaiziva kukosha kwekuchengeta Kudya kwaShe Kwemanheru uye vaiziva kuti kunofanira kuitwa kamwe chete pagore. Watch Tower yaApril 1880 yakati: “Vakawanda vedu tava nemakore tiine tsika iyi muno muPittsburgh . . . yokuyeuka Paseka [Chirangaridzo] nokudya zviratidzo zvomuviri neropa raShe.” Pasina nguva magungano akanga ava kuitwa pamwe neChirangaridzo. Pakatanga kuchengetwa nhamba dzevaipinda zviitiko zvakadaro ndemuna 1889, pachakapindwa nevanhu 225, pakabhabhatidzwa vanhu 22.

22 Mazuva ano, hatichaiti Chirangaridzo chakabatana nemagungano, asi tinokoka munhu wose chero kupi zvako kwatinogara kuti vave nesu paImba yoUmambo kana kuti padzimba dzokurenda. Muna 2013, vanopfuura mamiriyoni 19 vakachengeta rufu rwaJesu. Ichi chikomborero chaicho chatiinacho chokupinda Chirangaridzo uye chokukurudzira vamwe kuva nesu pausiku uhwu hutsvene kupfuura hwose! Unokoka nomwoyo wose vakawanda sevaungakwanisa here kuChirangaridzo gore negore?

Chido Chedu Chokuungana Nevamwe Chinoratidzei?

23. Unoona sei kuungana kwedu?

23 Vashumiri vakavimbika vaJehovha havaoni murayiro wekuti vaungane nevamwe seunorema. (VaH. 10:24, 25; 1 Joh. 5:3) Somuenzaniso Mambo Dhavhidhi aida zvikuru kuenda kuimba yainamatirwa Jehovha. (Pis. 27:4) Ainyanya kufarira kuita izvi aine vamwe vaida Mwari. (Pis. 35:18) Uye funga nezvemuenzaniso waJesu. Kunyange paakanga achiri muduku, aiva nechido chakasimba chokuva muimba yainamatirwa Baba vake.—Ruka 2:41-49.

Kusimba kwechido chako chokuungana nevamwe kunoratidza kuti iwe pachako unotenda zvakadini muUmambo hwaMwari

24. Patinopinda misangano, tine mikana yei?

24 Patinopinda misangano, tinoratidza kuti tinoda Jehovha uye tine chido chokuvaka vamwe vatinonamata navo. Tinenge tichiratidzawo kuti tine shungu dzokudzidza kurarama sevanhu vanotongwa noUmambo hwaMwari, nokuti pamisangano nepamagungano ndipo patinonyanya kudzidziswa izvozvo. Uyezve, misangano yedu inotipa unyanzvi uye simba ratinoda patinoita basa rinokosha kupfuura ose riri kuitwa neUmambo hwaMwari nhasi uno, rokuita kuti vanhu vave vadzidzi vaMambo Jesu Kristu uye rokuvadzidzisa kuitawo basa. (Verenga Mateu 28:19, 20.) Zviri pachena kuti kusimba kwechido chako chokuungana nevamwe kunoratidza kuti iwe pachako unotenda zvakadini muUmambo hwaMwari. Dai tikagara tichikoshesa misangano yedu!

a Kuwedzera pamisangano yeungano yatinoita vhiki nevhiki, mhuri imwe neimwe kana munhu mumwe nomumwe anokurudzirwa kuva nenguva yokudzidza oga kana kuti nemhuri yake.

b Pakazosvika 2013, pakanga pava nehurukuro dzavose dzinopfuura 180.