Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 17

Kudzidzisa Vashumiri voUmambo Kuita Basa

Kudzidzisa Vashumiri voUmambo Kuita Basa

ZVICHAKURUKURWA MUCHITSAUKO CHINO

Kubatsirwa kunoitwa vashumiri veUmambo nezvikoro zvesangano kuti vakwanise kunyatsoita basa ravo

1-3. Jesu akaita sei kuti ushumiri huwedzere, uye izvozvo zvinoita kuti tive nemibvunzo ipi?

 JESU akaparidza muGarireya yose kwemakore maviri. (Verenga Mateu 9:35-38.) Akashanyira maguta akawanda nemisha, achidzidzisa mumasinagogi nokuparidza mashoko akanaka oUmambo. Kwose kwaaiparidza vanhu vakawanda vaiuya kwaari. “Kukohwa kukuru,” akadaro, saka paidiwa vashandi vakawanda.

2 Jesu akaronga kuti basa rokuparidza rizowedzera. Akazviita sei? Nokutuma vaapostora vake 12 “kunoparidza umambo hwaMwari.” (Ruka 9:1, 2) Vaapostora vangave vakazvibvunza kuti basa racho vaizoriita sei. Nerudo Jesu akatanga avadzidzisa basa racho asati avatuma, sezvaakangoitwawo naBaba vake vokudenga.

3 Saka tinova nemibvunzo inoverengeka: Jesu akadzidziswei naBaba vake? Jesu akadzidzisei vaapostora vake? Ko mazuva ano, Mambo Mesiya ari kudzidzisawo vateveri vake kuita ushumiri here? Kana ari kudaro, ari kuzviita sei?

“Ndinotaura . . . Sokudzidziswa Kwandakaitwa Nababa”

4. Jesu akadzidziswa riini uye kupi naBaba vake?

4 Jesu akabvuma pachena kuti akadzidziswa naBaba vake. Paaiita ushumiri hwake, Jesu akati: “Ndinotaura zvinhu izvi sokudzidziswa kwandakaitwa naBaba.” (Joh. 8:28) Jesu akadzidziswa riini uyu kupi? Zviri pachena kuti Mwanakomana waMwari wedangwe akatanga kudzidziswa achangosikwa. (VaK. 1:15) Aina Baba vake kudenga, Mwanakomana akaita makore asingaverengeki achiteerera uye achicherechedza ‘Murayiridzi Mukuru.’ (Isa. 30:20) Izvi zvakaita kuti Mwanakomana awane dzidzo isingaenzaniswi nezvemaitiro aBaba vake, mabasa avo uye zvinangwa.

5. Baba vakadzidzisei Mwanakomana wavo nezveushumiri hwaaizoita pasi pano?

5 Nekufamba kwenguva, Jehovha akazodzidzisa Mwanakomana wake nezveushumiri hwaaizoita pasi pano. Funga nezveuprofita hunotsanangura ukama huri pakati peMurayiridzi Mukuru neMwanakomana wake wedangwe. (Verenga Isaya 50:4, 5.) Jehovha aimutsa Mwanakomana wake “mangwanani oga oga,” hunodaro uprofita hwacho. Mashoko aya anopa mufananidzo wakafanana newemudzidzisi anofumomutsa mudzidzi kuti amudzidzise. Rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri rinoti: “Jehovha . . . anoita seanomutora achienda naye kuchikoro sezvinoitwa mudzidzi, omudzidzisa kuti achaparidza nezvechii uye sei.” “Muchikoro” ichocho chekudenga, Jehovha akadzidzisa Mwanakomana wake ‘zvaaizozivisa nezvaaizotaura.’ (Joh. 12:49) Baba vakapawo Mwanakomana wavo mirayiridzo yekuti aizodzidzisa sei. a Ari pasi pano, Jesu haana kungoshandisa zvinhu zvaakadzidza paaiita ushumiri hwake chete asi akazvishandisawo pakudzidzisa vateveri vake kuti vaite ushumiri hwavo.

6, 7. (a) Jesu akadzidzisa vaapostora vake kuitei, uye izvi zvakazovabatsira sei? (b) Jesu akava nechokwadi chekuti vateveri vake mazuva ano vanodzidziswa kuitei?

6 Jesu akadzidzisa vaapostora vake kuitei, sezvambotaurwa mundima dzokutanga? Maererano nechitsauko 10 chaMateu, akavapa mirayiridzo yemaitirwo eushumiri, kusanganisira zvinotevera: kwavaizoparidza (ndima 5, 6), zvavaizotaura (ndima 7), kukosha kwekuvimba naJehovha (ndima 9, 10), matangiro avaizoita kutaura navanasaimba (ndima 11-13), zvavaizoita kana shoko ravo rarambwa (ndima 14, 15), uye zvavaizoita kana vakatambudzwa (ndima 16-23). b Kudzidziswa basa zvakajeka kwakaitwa vaapostora naJesu kwakaita kuti vakwanise kutungamirira basa rekuparidza mashoko akanaka pakatanga ungano yechiKristu.

7 Ko mazuva ano? Jesu, Mambo weUmambo hwaMwari, akapa vateveri vake basa rinorema rekuparidza “mashoko akanaka oumambo . . . munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose.” (Mat. 24:14) Mambo akatidzidzisa kuita basa iri rinokosha kupfuura mamwe ose here? Ndizvo chaizvo zvaakaita! Ari kudenga, Mambo akava nechokwadi chekuti vateveri vake vadzidziswa kuti vanofanira kuparidza sei kune vasiri muungano uye maitirwo emabasa anokosha muungano.

Kudzidzisa Vashumiri Kuva Vaevhangeri

8, 9. (a) Chinangwa chikuru cheChikoro chaMwari Choushumiri chaiva chei? (b) Musangano wepakati pevhiki wakakubatsira sei kuti unyatsoita ushumiri hwako?

8 Sangano raJehovha ragara richishandisa magungano, nemisangano yeungano, yakadai seMusangano Webasa, kudzidzisa vanhu vaMwari kuti vaite ushumiri. Asi kutanga kuma1940, hama dzaitungamirira dzaiva kumahofisi makuru dzakatanga kuronga kuti pave nezvikoro zvaizodzidzisa vanhu vaMwari.

9 Chikoro chaMwari Choushumiri. Sezvatakaona muchitsauko chakapfuura, chikoro ichi chakatanga muna 1943. Chinangwa chacho chaiva chekungodzidzisa vanhu kuti vape hurukuro dzakanaka pamisangano yeungano here? Aiwa. Chinangwa chikuru chechikoro ichi chaiva chekudzidzisa vanhu vaMwari kuti vashandise chipo chavainacho chekutaura kuti varumbidze Jehovha muushumiri. (Pis. 150:6) Chaibatsira hama nehanzvadzi dzakanyoresa kuti dzive vashumiri veUmambo vanonyatsogona basa. Iye zvino misangano wepakati pevhiki ndiwo wava kubatsira hama nehanzvadzi kuti dzidaro.

10, 11. Ndivanaani vava kukwanisa kupinda Chikoro cheGiriyedhi, uye chinangwa chechikoro chacho ndechei?

10 Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi. Chatava kuziva seChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi chakatanga musi weMuvhuro, 1 February, 1943. Chakatanga chiri chokudzidzisa mapiyona nevamwe vaiva munguva yakazara kuita basa reumishinari munyika yose. Asi kubvira muna October 2011, chikoro ichi chava kungopindwa nevanenge vagara vari mumabasa enguva yakazara akadai semapiyona chaiwo, vatariri vanofambira nemadzimai avo, nhengo dzeBheteri, nemamishinari asati achipinda.

11 Chinangwa chechikoro cheGiriyedhi ndechei? Mumwe ava nemakore achirayiridza muchikoro ichi anopindura kuti: “Ndechekusimbisa kutenda kwevanochipinda kuburikidza nokudzidza Shoko raMwari uye kuvabatsira kuva neunhu hwechiKristu hunodiwa kuti vakwanise kuzokunda matambudziko avanosangana nawo mubasa ravo. Uyewo chimwe chinangwa chikuru ndechokuti vadzidzi vacho vave nechido chakasimba chokuita basa reuevhangeri.”—VaEf. 4:11.

12, 13. Chikoro cheGiriyedhi chakabatsira sei pabasa rokuparidza munyika yose? Ipa muenzaniso.

12 Chikoro cheGiriyedhi chakabatsira sei pabasa rokuparidza munyika yose? Kubvira muna 1943, vanhu vanopfuura 8 500 vakadzidziswa pachikoro chacho, c uye mamishinari akadzidziswa kuGiriyedhi akashumira munyika dzinopfuura 170 pasi pose. Mamishinari anonyatsoshandisa zvaanodzidza, achiratidza muenzaniso wekushingaira muushumiri uye achidzidzisa vamwe kuita izvozvo. Kakawanda kacho mamishinari akatungamirira basa munzvimbo dzakanga dziine vaparidzi voUmambo vashoma kana kuti dzakanga dzisitorina.

13 Funga zvakaitika kuJapan, uko basa rekuparidza zvakarongwa rakanga ranyatsoti mbombombo panguva yeHondo Yenyika II. Pakazosvika August 1949, muJapan makanga muine vaparidzi vemo vasingasviki gumi. Asi pakazopera gore iroro, mamishinari 13 akadzidziswa kuGiriyedhi akanga ava shishi kuparidza muJapan. Kwakazouya mamwe mamishinari akawanda. Pakutanga, mamishinari ainyanya kuparidza mumaguta makuru chete, asi nokufamba kwenguva akazoenda mumaguta maduku. Mamishinari akakurudzira nemwoyo wose vaya vavaidzidzisa nevamwewo kuti vatore basa roupiyona. Kushingaira kwavo kwakava nezvibereko zvakawanda. Iye zvino muJapan mune vazivisi voUmambo vanopfuura 216 000, avo vanobatanidza mapiyona angasvika 86 400! d

14. Zvikoro zvesangano zvinopa uchapupu hwakasimba hwechii? (Onawo bhokisi rakanzi “ Zvikoro Zvinodzidzisa Vashumiri voUmambo.”)

14 Zvimwe zvikoro zvesangano. Vakapinda Chikoro Chebasa Roupiyona, Chikoro cheBhaibheri chevaKristu Vakaroorana, uye Chikoro cheBhaibheri Chehama Dzisina Kuroora, vakabatsirwa kusimbisa ukama hwavo naJehovha uye kushingaira pabasa rouevhangeri. e Zvikoro zvose izvi zvinopa uchapupu hwakasimba hwekuti Mambo akapa vateveri vake zvose zvavanoda kuti vanyatsoite ushumiri hwavo.—2 Tim. 4:5.

Kudzidzisa Hama Kuita Mabasa Anokosha Musangano

15. Varume vane basa rekutungamirira vanofanira kutevedzera sei Jesu?

15 Yeuka uprofita hwaIsaya hunotaura nezvaJesu achirayiridzwa naMwari. “Muchikoro” ichocho chekudenga, Mwanakomana akadzidza “kupindura munhu akaneta neshoko [rakakodzera].” (Isa. 50:4) Jesu akashandisa zvaakadzidza izvi; paaiva pasi pano, akazorodza vaya vakanga ‘vachishanda zvakaoma uye vakaremerwa.’ (Mat. 11:28-30) Vachitevedzera Jesu, varume vanotungamirira vanofanira kuva vanhu vanozorodza kuhama dzavo nehanzvadzi. Saka pakarongwa zvikoro zvakasiyana-siyana zvokubatsira hama dzakagadzwa kuti dzinyatsokwanisa kushumira vadzinonamata navo.

16, 17. Chinangwa cheChikoro Choushumiri hwoUmambo ndechei? (Onawo mashoko omuzasi.)

16 Chikoro Choushumiri hwoUmambo. Kirasi yekutanga yechikoro ichi yakatanga musi wa9 March 1959, kuSouth Lansing, New York. Vatariri vanofambira uye varanda veungano vakakokwa kuti vapinde chikoro ichi chaiita mwedzi wose. Kosi yechikoro ichi yakazoshandurwa kubva muChirungu ichiiswa mumimwe mitauro, uye zvishoma nezvishoma chikoro ichi chakazotanga kudzidzisa hama munyika yose. f

Hama Lloyd Barry vachidzidzisa paChikoro Choushumiri hwoUmambo kuJapan muna 1970

17 Richitaura nezvechinangwa cheChikoro Choushumiri hwoUmambo, Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra1962 reChirungu rakati: “Munyika ino yekuti vanhu vanogara vakabatikana, mutariri muungano yeZvapupu zvaJehovha anofanira kuva murume anonyatsoronga upenyu hwake kuti akwanise kuitira vose vari muungano zvose zvavanofanira kuitirwa uye ave chikomborero kwavari. Haafanirewo kuzosiya mhuri yake achingoita zveungano chete, asi anofanira kushandisa pfungwa dzakanaka. Mukana wakazonaka zvechokwadi wakapiwa vatariri veungano munyika yose kuti vaungane paChikoro Choushumiri hwoUmambo kuti vadzidziswe kuita zvinonzi neBhaibheri zvinofanira kuitwa nemutariri!”—1 Tim. 3:1-7; Tito 1:5-9.

18. Vanhu vaMwari vose vanobatsirwa sei neChikoro Choushumiri hwoUmambo?

18 Vanhu vaMwari vose vanobatsirwa neChikoro Choushumiri hwoUmambo. Sei tichidaro? Kana vakuru nevashumiri vanoshumira vakashandisa zvavanodzidza pachikoro ichi, vanova vanhu vanozorodza kune vavanonamata navo, sezvaingoita Jesu. Haufare here kana ukaudzwa mashoko emutsa, kana ukateererwawo uchitaura zviri pamwoyo pako, kana kuti ukashanyirwa nemukuru kana kuti mushumiri anoshumira ane hanya newe achizokukurudzira? (1 VaT. 5:11) Zvechokwadi varume ava vakagadzwa chikomborero chaicho kuungano dzavo!

19. Komiti Yokudzidzisa rinotungamirira zvimwe zvikoro zvipi, uye chinangwa chezvikoro izvi ndechei?

19 Zvimwe zvikoro zvesangano. Komiti Yokudzidzisa yeDare Rinotungamirira ndiyo rinotungamirira zvimwe zvikoro zvinodzidzisa hama dzinoita basa rekutungamirira musangano. Zvikoro izvi ndezvekubatsira hama dzinotungamirira dzakadai sevakuru veungano, vatariri vanofambira uye nhengo dzeDare Rebazi kuti dzinyatsokwanisa kuita mabasa adzo akawanda. Zvinhu zvavanodzidziswa zvinobva muBhaibheri zvinokurudzira hama dzacho kuti dzirambe dzichisimbisa kunamata kwadzo uye kushandisa zvinotaurwa neMagwaro pamabatiro adzinoita makwai anokosha adzakanzi naJehovha dzifudze.—1 Pet. 5:1-3.

Kirasi yekutanga yeChikoro Chokudzidzisa Vashumiri kuMalawi muna 2007

20. Nei Jesu akazoti tose tiri “vanhu vanodzidziswa naJehovha,” uye iwe watsidza mumwoyo mako kuitei?

20 Zviri pachena kuti Mambo Mesiya akava nechokwadi chekuti vateveri vake vose vanyatsodzidziswa. Kudzidziswa kwacho kwakabva kumusoro zvichidzika: Jehovha akadzidzisa Mwanakomana wake, uye Mwanakomana wake akadzidzisa vateveri vake. Ndosaka Jesu akazotaura kuti tose tiri “vanhu vanodzidziswa naJehovha.” (Joh. 6:45; Isa. 54:13) Ngatirambei tichishandisa mikana yose yekudzidziswa kwatinoitwa naMambo wedu. Uye ngatiyeukei kuti chinangwa chikuru chekudzidziswa kwose uku ndechekutibatsira kuti tirambe takasimba pakunamata kuti tikwanise kunyatsoita ushumiri hwedu.

a Tinoziva sei kuti Baba vakadzidzisa Mwanakomana madzidzisiro aaifanira kuzoita? Chimbofunga izvi: Kushandisa kwaiita Jesu mienzaniso yakawanda paaidzidzisa kwakazadzisa uprofita hwakanga hwanyorwa mazana emakore asati azvarwa. (Pis. 78:2; Mat. 13:34, 35) Zviri pachena kuti munyori weuprofita hwacho, Jehovha, akagara aronga kuti Mwanakomana wake azodzidzisa nemienzaniso kana kuti mifananidzo.—2 Tim. 3:16, 17.

b Papera mwedzi yakati kuti, Jesu “akasarudza vamwe makumi manomwe akafanovatuma mberi kwake vari vaviri vaviri” kuti vanoparidza. Akavadzidzisawo kuti vaizozviita sei.—Ruka 10:1-16.

c Vamwe vakapinda Chikoro cheGiriyedhi kanopfuura kamwe chete.

d Kuti uwane mamwe mashoko nezvekubatsira kwakaita mamishinari akadzidziswa kuGiriyedhi pabasa rekuparidza, ona chitsauko 23 chebhuku raZvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari.

e Zvikoro zviviri zvapedzisira kutaurwa zvakatsiviwa neChikoro Chevazivisi Vemashoko oUmambo.

f Iye zvino vakuru vose vanobatsirwa nezvidzidzo zveChikoro Choushumiri hwoUmambo zvinotora nguva yakasiyana-siyana zvinoitwa pashure pemakore mashoma. Kubva muna 1984, vashumiri vanoshumira vanga vachidzidziswawo nechikoro ichi.