Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 18

Kutsigirwa Kunoitwa Mabasa oUmambo Nemari

Kutsigirwa Kunoitwa Mabasa oUmambo Nemari

ZVICHAKURUKURWA MUCHITSAUKO CHINO

Nei vanhu vaJehovha vachitsigira basa reUmambo nemari uye kuti vanozviita sei?

1, 2. (a) Hama Russell vakapindura sei mumwe mufundisi aida kuziva kuti Vadzidzi veBhaibheri vaiwana sei mari yokutsigira basa ravo? (b) Tichakurukurei muchitsauko chino?

 MUMWE musi mumwe mufundisi weReformed Church akauya kuna Hama Charles T. Russell achida kuvabvunza kuti Vadzidzi veBhaibheri vaiwana sei mari yokutsigira basa ravo.

“Hatifambisi ndiro yokukumbira mari,” vakatsanangura kudaro Hama Russell.

“Saka munowana sei mari yacho?” akabvunza mufundisi wacho.

“Ndikakuudza chokwadi chacho chiri pachena haungambozvibvuma,” akapindura kudaro Russell. “Kana vanhu vakauya kumisangano yedu, vanoona pasina kandiro kari kufambiswa pamberi pavo. Asi vanoona kuti pane mari iri kufanira kubhadharwa. Vanobva vazvibvunza kuti, ‘Imba ino inoda kubhadharwa . . . Ndingabatsirawo sei nekamari?’”

Mufundisi wacho akatarira Hama Russell achishamisika.

“Ndiri kukuudza chokwadi chiri pachena,” Russell akaenderera mberi achidaro. “Ivo ndivo vanotondibvunza kuti, ‘Ndingabatsirewo sei nekamari pabasa renyu?’ Kana munhu akomborerwa uye aine mari yaainayo, anoda kuishandisa mubasa raShe. Kana asina mari yacho, tingamumanikidzirei kuti abvise?” a

2 Hama Russell vaitaura “chokwadi chiri pachena.” Kugara nekugara vanhu vaMwari vanobvisa mipiro yokutsigira kunamata kwechokwadi. Muchitsauko chino, tichaongorora mimwe mienzaniso yomuMagwaro yokuita izvozvo uyewo zvakaitwa nesangano mazuva ano. Sezvatinoongorora kuti basa roUmambo riri kutsigirwa sei nemari mazuva ano, mumwe nomumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndingaratidza sei kuti ndinotsigira Umambo?’

‘Vanhu Vose Vane Mwoyo Inoda Ngavauye Nemupiro’

3, 4. (a) Jehovha anovimba kuti vanamati vake vanogona kuita sei? (b) VaIsraeri vakatsigira sei kugadzirwa kwetebhenekeri?

3 Jehovha anovimba nevanhu vake. Anoziva kuti kana vakapiwa mukana, vacharatidza kuzvipira kwavo nokupa mupiro nomufaro. Funga nezvemienzaniso miviri yevaIsraeri.

4 Pashure pokutungamirira vaIsraeri kubuda muIjipiti, Jehovha akavaudza kuti vagadzire tende inotakurika, kana kuti tebhenekeri, yokunamatira. Paizodiwa zvinhu zvakawanda kuti igadzirwe uye iiswe midziyo. Jehovha akarayira Mosesi kuti ape vanhu mukana wokutsigira basa racho, achiti: ‘Vanhu vose vane mwoyo inoda ngavauye nemupiro waJehovha.” (Eks. 35:5) Vanhu vacho vakaita sei pavakakumbirwa sezvo vakanga vasina nguva vabuda muuranda ‘hwemarudzi ose’ vachidzvinyirirwa? (Eks. 1:14) Vakatsigira zvakakwana, vachipa ndarama, sirivha, nezvimwe zvinokosha, zvizhinji zvacho zvavakanga vawana kuvaIjipiti vaimbova vanatenzi vavo. (Eks. 12:35, 36) VaIsraeri vakapa zvakawandisa kupfuura zvaidiwa zvokuti “vakadziviswa kuuya” nezvimwe.—Eks. 36:4-7.

5. VaIsraeri vakaita sei pavakapiwa mukana naDhavhidhi wokupa mupiro wokuvaka temberi?

5 Papfuura makore angasvika 475, Dhavhidhi akapa mupiro kubva papfuma ‘yake chaiyo,’ kuti ushandiswe pakuvaka temberi, nzvimbo yokutanga yokunamatira yaiva panzvimbo imwe chete. Akazopawo vamwe vaIsraeri mukana wokupa achiti: “Ndiani anozvipira kuzadza ruoko rwake nechipo chaJehovha nhasi?” Pavakanzwa izvozvo vanhu “vakapa Jehovha zvinhu nokuzvidira, nomwoyo wakakwana.” (1 Mak. 29:3-9) Achiziva kwakanga kwanyatsobva mipiro iyoyo, Dhavhidhi akanyengetera kuna Jehovha achiti: “Zvose zvinobva kwamuri, uye takupai zvakabva muruoko rwenyu.”—1 Mak. 29:14.

6. Mazuva ano nei pachidiwa mari yokuitisa basa roUmambo, uye mibvunzo ipi inovapo?

6 Mosesi kana Dhavhidhi havana kumanikidza vanhu vaMwari kupa. Asi vanhu vakapa vachizvidira. Ko nhasi? Tinonyatsoziva kuti basa riri kuitwa noUmambo hwaMwari rinoda mari. Panoda mari yakawanda kubudisa uye kuendesa kuvanhu maBhaibheri nemabhuku anoritsanangura, kuvaka uye kuchengeta nzvimbo dzokunamatira nezvivako zvemapazi zvakanaka, uye kuyamura nokukurumidza kana paine vatinonamata navo vanenge vawirwa nenjodzi. Saka, panova nomubvunzo unokosha: Mari yacho inoshandiswa inobvepi? Vateveri vaMambo vanofanira kuita zvokumanikidzwa here kuti vape?

“Haisi Kuzoita Zvokupemha Kana Kuti Kukumbira Vanhu Kuti Vaitsigire”

7, 8. Nei vanhu vaJehovha vasingapemhi kana kukumbira mari?

7 Hama Russell nevamwe vavo vakaramba kutevedzera zvirongwa zvokutsvaka mari zvakanga zvakazara mumachechi enhema. Mumagazini yeWatch Tower yechipiri kubuda, munyaya yaiti “Unoda ‘Zion’s Watch Tower’ Here?” Russell akati: “‘Zion’s Watch Tower’ inotsigirwa naJEHOVHA, saka haisi kuzoita zvokupemha kana kuti kukumbira vanhu kuti vaitsigire. Kana Iye anoti: ‘Ndarama yose ndeyangu nesirivha iri mumakomo ndeyangu,’ akatadza kutiwanisa mari inodiwa, tinobva taziva kuti nguva inenge yasvika yokuti tichirega kubudisa magazini yacho.” (Hag. 2:7-9) Nanhasi Nharireyomurindi ichiri kungobuda uye sangano rinoibudisa richiri kungofambira mberi kunyange papfuura makore 130!

8 Vanhu vaJehovha havapemhi mari. Havafambisi ndiro kana kunyorera vanhu matsamba okukumbira mari. Havaitewo mitambo yokubheja kuti vawane mari. Vanoramba vachiita zvakataurwa neWatch Tower kare kare kuti: “Hatina kumbobvira taona zvakarurama kuti tipemhe mari yokuitisa basa raShe, tichitevedzera zvinoitwa nechechi dzakawanda . . . Isu tinofunga kuti mari inowanikwa nenzira dzakasiyana-siyana dzokukumbira pachishandiswa zita raIshe inomugumbura, haaigamuchiri, uye haakomborere vanoipa pamwe nebasa ravanoiitisa.” b

“Mumwe Nomumwe Ngaaite Sezvaakasarudza Kuita Mumwoyo Make”

9, 10. Ndechipi chimwe chikonzero chinoita kuti tipe mipiro?

9 Sevanhu vari kutongwa noUmambo nhasi, hatiite zvokumanikidzwa kuti tipe. Panzvimbo pokudaro tinoshandisa mari yedu nezvimwe zvinhu nomufaro kuti titsigire mabasa oUmambo. Nei tiine chido chokupa zvakadaro? Funga nezvezvikonzero zvitatu.

10 Chokutanga, tinopa mipiro nokuti tinoda Jehovha uye tinoda kuita “zvinhu zvinofadza pamberi pake.” (1 Joh. 3:22) Zvechokwadi Jehovha anofadzwa nemunamati anopa zvichibva pamwoyo. Ngationgororei zvakataurwa nemuapostora Pauro nezvekupa kwechiKristu. (Verenga 2 VaKorinde 9:7.) MuKristu wechokwadi haape achiita zvokumanikidzwa kana kuti achiita seasiri kuda. Anotopa nokuti anenge “asarudza mumwoyo make” kuti adaro. c Izvi zvinoreva kuti anotanga afunga zviri kudiwa oona kuti angapawo chii. Munhu anopa saizvozvo anokosha zvikuru kuna Jehovha, nokuti “Mwari anoda munhu anopa achifara.” Imwe shanduro yeBhaibheri inoti: “Mwari anoda vanhu vanoda kupa.”

Vechiduku vedu kuMozambique vanofarirawo kupa

11. Chii chinoita kuti tipe Jehovha chipo chakanakisisa chatingakwanisa?

11 Chechipiri, tinopa zvinhu zvedu senzira yokutenda makomborero akawanda atakapiwa naJehovha. Funga mashoko anoda kufungisiswa anowanika muMutemo waMosesi. (Verenga Dheuteronomio 16:16, 17.) Pavaienda kumitambo mitatu yaiitwa pagore, murume wose wechiIsraeri aifanira kupa “kuenderana nechikomborero chaJehovha” chaainge apiwa. Saka asati aenda kumutambo, murume wose aifanira kuverenga zvaakakomborerwa nazvo, oongorora mwoyo wake, achisarudza chipo chakanakisisa chaaigona kuenda nacho. Isuwo tikafungisisa nzira dzakawanda dzatakakomborerwa nadzo naJehovha, tinonzwa tichida kumupa chipo chakanakisisa chatinokwanisa. Chipo chedu chemwoyo wose, icho chinosanganisira pfuma yedu, chinoratidza kuti tinotenda sei kukomborerwa kwatakaitwa naJehovha.—2 VaK. 8:12-15.

12, 13. Mipiro yedu yatinopa inoratidza sei kuti tinoda Mambo, uye mumwe nomumwe anopa zvakadini?

12 Chechitatu, patinopa mipiro tinoratidza kuda kwatinoita Mambo Jesu Kristu. Sei? Cherechedza kuti Jesu akaudza vadzidzi vake kutii usiku hwake hwokupedzisira pasi pano. (Verenga Johani 14:23.) “Kana munhu achindida,” akadaro Jesu, “achachengeta shoko rangu.” “Shoko” raJesu rinosanganisira murayiro wake wekuparidza mashoko akanaka oUmambo munyika yose. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Tinoteerera “shoko” iroro nokuita zvose zvatinogona, kushandisa nguva yedu, simba, nezvinhu zvedu, kuti titsigire basa rokuparidza Umambo. Kana tichidaro tinenge tichiratidza kuti tinoda Mambo Mesiya.

13 Sevanhu vanotongwa noUmambo, tinoda kuratidza nemwoyo wedu wose kuti tinotsigira Umambo nokupa mari dzedu. Tinozviita sei? Munhu nemunhu anozvionera. Mumwe nomumwe anopa zvaanokwanisa. Asi vamwe vatinonamata navo, vane zvishomanana zvenyika ino. (Mat. 19:23, 24; Jak. 2:5) Asi vanhu vakadaro vanonyaradzwa nokuziva kuti Jehovha neMwanakomana wake vanokoshesa kunyange mipiro miduku inopiwa nemwoyo unoda.—Mako 12:41-44.

Mari Yacho Inobviswa Sei?

14. Kwemakore, Zvapupu zvaJehovha zvaipa sei vanhu mabhuku?

14 Kwemakore, Zvapupu zvaJehovha zvaipa vanhu mabhuku zvichipiwa mupiro. Mupiro wacho waiva muduku zvikuru zvokuti vanhu, kunyange vasina mari yakawanda, vaigona kubvisa vowana mabhuku. Asiwo kunyange kana saimba asina mari yemupiro asi achiratidza kufarira, vaparidzi voUmambo vaimusiyira bhuku racho nomufaro. Chido chavo chemwoyo wose chaiva chokuti mabhuku awanikwe nevanhu vaiva nechido chokuaverenga uye vaizobatsirwa nawo.

15, 16. (a) Mapiro atinoita vanhu mabhuku akatanga kugadziridzwa sei neDare Rinotungamirira muna 1990? (b) Mipiro inobviswa sei? (Onawo bhokisi rakanzi “ Mipiro Yedu Inoenda Kupi?”)

15 Muna 1990, Dare Rinotungamirira rakatanga kugadziridza nzira yatinopa nayo vanhu mabhuku. Kutanga gore iroro muUnited States, mabhuku ose akatanga kupiwa vanhu pasina kana mupiro waikumbirwa. Tsamba yaienda kuungano dzose muUnited States yakatsanangura kuti: “Magazini nemabhuku zvichange zvava kupiwa vaparidzi neveruzhinji vanofarira pasina kukumbira mupiro kana kutaura kuti pane mari inogona kubviswa kuti munhu azowana chaanenge achida. . . . Kana paine anoda kubvisa mupiro wokutsigira basa redu rekudzidzisa vanhu anogona kubvisa hake, asi anogona kuwana mabhuku pasinei nokuti abvisa mupiro here kana kuti kwete.” Urongwa ihwohwo hwakabatsira kujekesa kuti basa redu nderekuzvipira uye nderokunamata uye hwakajekesa kuti “hatisi vatengesi veshoko raMwari.” (2 VaK. 2:17) Nokufamba kwenguva urongwa uhwu hwakatanga kushanda mune mamwe mapazi munyika yose.

16 Mipiro inobviswa sei? MuImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha munenge muine mabhokisi emupiro akagadzikwa panooneka zviri nyore. Vanhu vanogona kuisa mipiro imomo kana kutumira zvipo zvavo kumasangano epamutemo anoshandiswa neZvapupu zvaJehovha. Gore negore pane nyaya inobuda muNharireyomurindi inotsanangura kuti vanoda kupa zvipo zvakadaro vangazviita sei.

Mari Yacho Inoshandiswa Sei?

17-19. Tsanangura kuti mari yemupiro inoshandiswa sei (a) pabasa renyika yose, (b) pakuvaka Dzimba dzoUmambo munyika yose, uye (c) muungano.

17 Basa remunyika yose. Iyi imari inoshandiswa pakuita basa rokuparidza munyika yose. Mari yacho inosanganisira yokubudisa mabhuku anozotumirwa nyika yose, kuvaka mahofisi emapazi nemisha yeBheteri nokuzvichengeta zvakanaka, uye inoshandiswawo pazvikoro zvesangano zvakasiyana-siyana. Uyezve imwe mari inoshandiswa kuchengeta mamishinari, vatariri vanofambira, nemapiyona chaiwo. Mipiro yedu inoshandiswawo kuyamura vatinonamata navo vanenge vawirwa nenjodzi. d

18 Kuvakwa kweDzimba dzoUmambo munyika yose. Iyi imari inoshandiswa kubatsira ungano kuti dzivake kana kuti dzigadzire Imba yoUmambo. Mipiro painogamuchirwa, mari yacho inozoshandiswa pakubatsirawo dzimwe ungano. e

19 Kubhadhara mari inoshandiswa muungano. Iyi imari inoshandiswa kubhadhara zvinhu zvinoshandiswa paImba yoUmambo. Vakuru vanogona kuronga kuti imwe mari itumirwe kubazi kuti ifambisire mberi basa renyika yose. Pakadaro vakuru vanoita kuti ungano iite chisarudzo. Kana ungano yabvuma, mari inenge yasarudzwa inobva yatumirwa. Mwedzi nemwedzi, hama inoona nezveakaunzi dzeungano inonyora pasi mamiriro akaita mari dzeungano zvozoverengerwa ungano.

20. Ungakudza sei Jehovha “nezvinhu zvako zvinokosha”?

20 Patinofunga nezvezvose zvinoitwa pakuita basa rokuparidza Umambo nokuita kuti vanhu vave vadzidzi munyika yose, tinonzwa tichida kukudza “Jehovha nezvinhu [zvedu] zvinokosha.” (Zvir. 3:9, 10) Zvinhu zvedu zvinokosha zvinosanganisira simba redu, pfungwa dzedu, uye zvatinoita pakumunamata. Zvechokwadi tinoda kunyatsoshandisa zvose izvi mubasa roUmambo. Asi yeuka kuti zvinhu zvedu zvinokosha zvinosanganisirawo pfuma yedu. Ngatitsidzei mumwoyo medu kuti tichapa zvatinogona pose patinokwanisa. Mipiro yedu inopa rukudzo kuna Jehovha uye inoratidza kutsigira kwatinoita Umambo hwaMesiya.

a The Watch Tower, yaJuly 15, 1915, mapeji 218-219.

b Watch Tower, yaAugust 1, 1899, peji 201.

c Mumwe anoongorora Bhaibheri akati shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “zvaakasarudza” “rine pfungwa yokugara waronga.” Anozowedzera kuti: “Kunyange hazvo paine mufaro unongouya wega paunopa, kupa kwacho kunoda kuitwa zvokurongwa.”—1 VaK. 16:2.

d Ona Chitsauko 20 nezvemamwe mashoko pamusoro peushumiri hwekuyamura vanenge vawirwa nenjodzi.

e Ona Chitsauko 19 nezvemamwe mashoko pamusoro pokuvakwa kweDzimba dzoUmambo.