Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 20

Ushumiri Hwokuyamura

Ushumiri Hwokuyamura

ZVICHAKURUKURWA MUCHITSAUKO CHINO

Kuratidzwa kwerudo rwechiKristu kana paitika njodzi

1, 2. (a) VaKristu vokuJudhiya vakasangana nedambudziko ripi? (b) VaKristu vokuJudhiya vakaratidzwa sei rudo?

 RINENGE gore ra46 C.E., uye muJudhiya mune nzara yakaoma. Vadzidzi vaKristu vechiJudha havana mari yokutenga zvokudya nokuti mitengo yazvo yakwira zvisingaiti sezvo zvava zvishoma. Nzara iri kuvaruma zvokunge ichatovauraya. Asi vava kuda kuona kudzivirira kwaJehovha nenzira isati yamboonekwa nemudzidzi chero upi zvake waKristu. Chii chava kuda kuitika?

2 VaKristu vechiJudha neveMamwe Marudzi vekuAndiyoki, yokuSiriya pavanonzwa nezvekutambura kwevamwe vavo vari kuJerusarema neJudhiya, vanounganidza mari yokubatsira hama dzavo. Vanosarudza hama mbiri dzavanovimba nadzo, Bhanabhasi naSauro, kuti vaendese ruyamuro rwacho kuvakuru veungano yemuJerusarema. (Verenga Mabasa 11:27-30; 12:25.) Imbofunga kuti hama idzi dzaitambudzika dzomuJudhiya dzakanzwa sei padzakaratidzwa rudo rwakadaro nehama dzokuAndiyoki!

3. (a) Vanhu vaMwari mazuva ano vanotevedzera sei muenzaniso wakasiyiwa nevaKristu vokutanga vekuAndiyoki? Ipa muenzaniso. (Onawo bhokisi rakanzi “ Kuyamura Kukuru Kwokutanga Kwatakaita Mazuva Ano.”) (b) Tichakurukura mibvunzo ipi muchitsauko chino?

3 Kuyamura uku kwakaitwa nevaKristu vokutanga ndikwo kwokutanga kwakanyorwa nezvevaKristu vekune imwe nyika vachitumira ruyamuro kuvamwe vavo vekune imwewo nyika. Nhasi tinotevedzerawo muenzaniso uyu watakasiyirwa nehama dzedu dzemuAndiyoki. Patinoziva kuti hama dzedu dziri kune imwe nzvimbo dzawirwa nenjodzi kana kuti dziri pamuedzo, tinodziyamura. a Kuti tinzwisise kuti mabasa edu okuyamura anobatana papi nemamwe mabasa oushumiri hwedu, ngatikurukurei mibvunzo mitatu ine chokuita neushumiri hwekuyamura: Nei tichiona basa rokuyamura seushumiri? Chinangwa chedu patinoita basa rokuyamura ndechei? Tinobatsirwa sei neushumiri hwekuyamura?

Nei Basa Rekuyamura Riri “Basa Dzvene”?

4. Pauro akaudza vaKorinde kutii nezveushumiri hwechiKristu?

4 Mutsamba yechipiri yaakanyorera vaKorinde, Pauro akatsanangura kuti pane mhando mbiri dzeushumiri hwechiKristu. Kunyange zvazvo Pauro ainyorera vaKristu vakazodzwa, mashoko ake anoshandawo kuvaKristu ‘vemamwe makwai.’ (Joh. 10:16) Humwe ushumiri hwedu “ushumiri hwokuyananisa,” kureva basa redu rokuparidza nekudzidzisa. (2 VaK. 5:18-20; 1 Tim. 2:3-6) Humwe hwacho hune chokuita nekushumira kwatinoita vatinonamata navo. Pauro akataura zvakajeka nezveushumiri hwekuyamura achiti “kushumirwa kwaiitirwa vatsvene.” (2 VaK. 8:4) Shoko rokuti “ushumiri” riri pamashoko okuti “ushumiri hwokuyananisa” uye ushumiri hwokuyamura, rakashandurwa kubva pashoko rechiGiriki, di·a·ko·niʹa. Nei mashandisirwo arakaitwa aya achikosha?

5. Nei kudana kwakaita Pauro basa rokuyamura seushumiri kuchikosha?

5 Nokushandisa shoko rimwe chete rechiGiriki pakutsanangura mhando mbiri dzoushumiri, Pauro akaratidza kuti ushumiri hwekuyamura hwakangofanana nehumwewo ushumiri hunoitwa neungano yechiKristu. Akanga ambotaura kuti: “Kune ushumiri hwakasiyana-siyana, asi kuna Ishe mumwe chete; kune mabasa akasiyana-siyana, . . . Asi mudzimu mumwe iwoyo unoita mabasa ose aya.” (1 VaK. 12:4-6, 11) Tingatoti Pauro akaratidza kuti ushumiri hwakasiyana-siyana hunoitwa neungano ‘ibasa dzvene.’ b (VaR. 12:1, 6-8) Ndosaka aiona zvakakodzera kuti ashandise imwe nguva yake “kunoshumira vatsvene.”—VaR. 15:25, 26.

6. (a) Sekutsanangura kwakaita Pauro, nei kunamata kwedu kuchisanganisira basa rokuyamura? (b) Tsanangura kuti basa redu rokuyamura rinoitwa sei munyika yose mazuva ano. (Ona bhokisi rakanzi “ Panoitika Njodzi!”)

6 Pauro akabatsira vaKorinde kuona kuti nei aiti basa rokuyamura rimwe remabasa oushumiri hwavo uye okunamata Jehovha. Cherechedza matsananguriro aakaita: VaKristu vanopa ruyamuro vanoita izvi “nokuti [va]noteerera mashoko akanaka pamusoro paKristu.” (2 VaK. 9:13) Saka chido chokushandisa dzidziso dzaKristu ndicho chinoita kuti vaKristu vabatsire vavanonamata navo. Pauro akati zvavanoitira hama dzavo, kunenge kuchitova kuratidza “mutsa mukuru usina kukodzera kuwanwa waMwari.” (2 VaK. 9:14; 1 Pet. 4:10) Saka Nharireyomurindi yeChirungu yaDecember 1, 1975 yakanyatsotaura nezvokushumira hama dzedu dzinenge dzichitambura, izvo zvinosanganisira basa rokuyamura, ichiti: “Hatifaniri kutombova nemubvunzo nezvokuti Jehovha Mwari naJesu Kristu vanonyatsokoshesa rudzi urwu rweushumiri.” Zvechokwadi basa rokuyamura ibasa dzvene rinokosha.—VaR. 12:1, 7; 2 VaK. 8:7; VaH. 13:16.

Zvinangwa Zvakajeka Zvebasa Rokuyamura

7, 8. Ndechipi chinangwa chedu chokutanga patinoita ushumiri hwekuyamura? Tsanangura.

7 Chii chinenge chiri chinangwa chedu patinoita basa rokuyamura? Pauro akapindura mubvunzo iwoyo mutsamba yake yechipiri kuvaKorinde. (Verenga 2 VaKorinde 9:11-15.) Mundima idzi, Pauro anotaura nezvezvinangwa zvikuru zvitatu zvatinoitira “basa rinoitirwa vanhu vose iri,” kureva basa rokuyamura. Ngatikurukurei chinangwa chimwe nechimwe.

8 Chokutanga, ushumiri hwedu hwokuyamura hunokudza Jehovha. Cherechedza kuti mundima shanu dzeBhaibheri dzataurwa mundima yapfuura, Pauro anotaura kakawanda zvakadii nezvaJehovha Mwari kuhama dzake. Anovayeuchidza nezvekuti “Mwari aongwe” uye “kuonga Mwari kazhinji.” (Ndima 11, 12) Anotaura kuti kana vaKristu vachiita basa rokuyamura “vanokudza Mwari” uye vanorumbidza “mutsa mukuru usina kukodzera kuwanwa waMwari.” (Ndima 13, 14) Pauro anozopedzisa tsanangudzo yake nezveushumiri hwekuyamura nokuti: “Mwari ngaaongwe.”—Ndima 15; 1 Pet. 4:11.

9. Basa rokuyamura rinogona kuchinja sei mafungiro evanhu? Ipa muenzaniso.

9 Kufanana naPauro, vashumiri vaMwari nhasi vanoona basa rokuyamura somukana wokukudza Jehovha uye wekushongedza dzidziso dzake. (1 VaK. 10:31; Tito 2:10) Tingatoti basa rokuyamura rinowanzobatsira zvikuru kubvisa zvakaipa zvinofungwa nevanhu nezvaJehovha neZvapupu zvake. Somuenzaniso, mumwe mukadzi aigara munharaunda yakanga yaparadzwa nedutu akanga akaisa chikwangwani padhoo rake chakanzi: “Zvapupu zvaJehovha, Musasvike Pano.” Rimwe zuva akazoona vashandi vokuyamura vachigadzira imba yakanga yaparadzwa pamhiri pomugwagwa. Akacherechedza kwemazuva vashandi vacho vachishanda nomufaro, ndokuzoenda kwavari kuti anonzwa kuti vaive vanaani. Paakanzwa kuti vakanga vari Zvapupu zvaJehovha, zvakamushamisa akati, “Vanhu imi ndaikuonai zvisiri izvo.” Chii chakazoitika? Akabvisa chikwangwani chiya padhoo pake.

10, 11. (a) Mienzaniso ipi inoratidza kuti tiri kuzadzisa chinangwa chedu chechipiri chebasa redu rokuyamura? (b) Kabhuku kapi kanobatsira vashandi vanoyamura? (Ona bhokisi rakanzi “ Chimwe Chinhu Chinobatsira Vashandi Vanoyamura.”)

10 Chechipiri, tinenge tichipa “zvinhu zvizhinji zvinoshayikwa” nevatinonamata navo. (2 VaK. 9:12a) Tine chido chokuyamura hama dzedu nehanzvadzi dzinenge dzichida ruyamuro nokukurumidza uye kuvarerutsirawo pakutambura kwavo. Nei tichiita izvi? Nekuti vanhu vari muungano yechiKristu vanoumba “muviri mumwe chete” uye “kana nhengo imwe chete ikatambura, dzimwe nhengo dzose dzinotambura pamwe chete nayo.” (1 VaK. 12:20, 26) Saka rudo uye mutsa zvinoita kuti hama nehanzvadzi dzakawanda mazuva ano dzikande pasi zvadzinenge dzichiita padzinongoziviswa nezvenjodzi, dzorongedza zvokushandisa, dzoenda kunzvimbo dzaitika njodzi kuti dzinoyamura vadzinonamata navo. (Jak. 2:15, 16) Somuenzaniso, pakaitika tsunami kuJapan muna 2011, bazi rekuUnited States rakatumira tsamba kuMakomiti Ekuvaka Emunharaunda emuUnited States, richikumbira kana “hama shomanana dzine unyanzvi” dzaikwanisa kunobatsira kuvakazve Dzimba dzoUmambo ikoko. Vanhu vakaita sei? Pasina mavhiki, vanhu vangasvika 600 vakanyoresa kuti vaida kubatsira, vachibvuma kukwira ndege nemari yavo kuenda kuJapan! “Kuwanda kwevanhu vacho kwakatishamisa zvikuru,” inodaro hofisi yebazi reUnited States. Imwe hama yomuJapan payakabvunza mumwe aibva kune imwe nyika aibatsira kuti chii chainge chaita kuti auye, yakaudzwa kuti: “Hama dzedu dzomuJapan inhengo ‘dzomuviri wedu.’ Padzinotambura uye padzinorwadziwa, nesuwo tinonzwa saizvozvo.” Rudo rwakadzama rwevashandi vokuyamura runoita kuti dzimwe nguva vaise upenyu hwavo pangozi vachizvipira kubatsira vavanonamata navo. c1 Joh. 3:16.

11 Vamwe vasiri Zvapupu vanotendawo chaizvo basa redu rokuyamura. Somuenzaniso, pakaitika njodzi muArkansas, U.S.A., muna 2013, rimwe pepanhau rakataura nezvokukurumidza kwakaita Zvapupu kuuya kuzoyamura richiti: “Marongerwo akaitwa Zvapupu zvaJehovha avandudza maitirwo ebasa rokuyamura panoitika njodzi zvokuti vava kuzviita nounyanzvi.” Sezvakataurwa nemuapostora Pauro, zvechokwadi tinopa “zvinhu zvizhinji zvinoshayikwa” nehama dzedu.

12-14. (a) Nei kuzadzisa chinangwa chechitatu chebasa redu rokuyamura kuchikosha? (b) Mashoko api akataurwa nevamwe anoratidza kukosha kwekuramba tichiita mabasa okunamata?

12 Chechitatu, tinenge tichibatsira vawirwa nenhamo kuramba vachiita zvavagara vachiita panyaya dzokunamata. Nei izvi zvichikosha? Pauro akataura kuti vaya vaiyamurwa ‘vaizoonga Mwari kazhinji.’ (2 VaK. 9:12b) Pane here nzira yakanaka yokutenda nayo Jehovha ingaitwa nevanenge vawirwa nenhamo inopfuura kukurumidza kutangazve kuita mabasa okunamata? (VaF. 1:10) Muna 1945 imwe Nharireyomurindi yakati: “Pauro akabvumira . . . kuti mipiro iunganidzwe nekuti yaibatsira . . . hama dzechiKristu dzaishayiwa kuti dziwane zvadzaida pakurarama kuti dzinge dzakasununguka kuita basa raJehovha rokupupura dzakasimba.” Ndichowo chinangwa chedu mazuva ano. Hama dzedu padzinotangazve kuparidza, dzinenge dzichisimbisa vavakidzani zvichiita kuti idzo dzisimbewo.—Verenga 2 VaKorinde 1:3, 4.

13 Ngatimboongororai zvakataurwa nevamwe vakayamurwa panguva yavaida rubatsiro, vakatangazve kuparidza zvikavasimbisa. “Chaiva chikomborero chaicho kuti mhuri yedu ibude muushumiri,” yakadaro imwe hama. “Kunyaradza kwataiita vamwe kwaiita kuti timbobvisa pfungwa dzedu pamatambudziko edu.” Imwe hanzvadzi yakati: “Kuisa pfungwa dzangu pane zvokunamata kwakandibatsira kuti ndimbokanganwa nezveungwandangwanda hwainge hwakandikomberedza. Kwakaita kuti ndirege kutya.” Imwe hanzvadzi yakati: “Kunyange zvazvo takanga tisina simba rokuchinja zvakawanda zvainge zvaitika, ushumiri hwakabatsira mhuri yangu kuziva kwatiri kuenda. Kutaura nevamwe nezvetariro yedu yenyika itsva kwakasimbisa chivimbo chedu chokuti zvinhu zvose zvichaitwa zvitsva.”

14 Kutangazve kupinda misangano ndicho chimwe chinhu chinofanira kukurumidza kuitwa nevatinonamata navo vanenge vari mudambudziko. Chimbofunga zvakaitika kuna Kiyoko, imwe hanzvadzi yaiva nemakore angada kusvika 60. Pakaitika tsunami, akarasikirwa nezvinhu zvose kunze kwehembe nemasenduru aainge akapfeka, zvokuti aitoshaya kuti aizobatana nei. Mumwe mukuru akamuudza kuti vaizogara vachiitira musangano wechiKristu mumotokari yake. Kiyoko anoti: “Taisangana mumota iyi nemumwe mukuru nemudzimai wake, neimwe hanzvadzi. Musangano wacho wainge usina zvakawanda, asi chaiva chishamiso chaicho kuti ndakabva ndangokanganwa nezvetsunami. Ndainyatsonzwa pfungwa dzangu dzakagadzikana. Musangano iwoyo wakandiratidza kuti kuwadzana nevamwe vaKristu kune simba.” Imwe hanzvadzi ichitaura nezvemisangano yayakapinda pashure penjodzi, yakati: “Ndiyo yakandibatsira kutsungirira!”—VaRoma 1:11, 12; 12:12.

Zvikomborero Zveushumiri Hwokuyamura

15, 16. (a) VaKristu vaiva muKorinde nedzimwe nzvimbo vaizobatsirwa sei nokuita basa rokuyamura? (b) Isuwo nhasi tinobatsirwa sei nebasa rokuyamura?

15 Paaikurukura nezveushumiri hwokuyamura, Pauro akatsanangurirawo vaKorinde kubatsirwa kwavaizoitwa pamwe nevamwe vaKristu kana vakahuita. Akati: “Vachikuteterererai [kureva vaKristu vechiJudha vomuJerusarema vavakange vabatsira] vanokusuwai [kana kuti vanokudai] nokuda kwomutsa mukuru usina kukodzera kuwanwa waMwari wamakaitirwa.” (2 VaK. 9:14) Izvi zvaireva kuti kuyamura kwakanga kwaita vaKorinde kwaizoita kuti vaKristu vechiJudha vanyengeterere hama dzavo idzi, dzaisanganisira vamwe vaisava vaJudha, uye kwaizoita kuti vavade zvikuru.

16 Ichitaura nezvekubatsirwa kwatinoitwa nhasi nemashoko akataurwa naPauro pamusoro pezvakanakira kuita basa rokuyamura, Nharireyomurindi yeChirungu yaDecember 1, 1945 yakati: “Kana vanhu vaMwari vakazvitsaurira vanogara kune imwe nzvimbo, vakabatsira vamwe vavo vari kune imwe nzvimbo, fungai kuti zvinovabatanidza sei!” Izvi ndizvo chaizvo zviri kuitika kuvashandi vanoyamura. Mumwe mukuru akambobatsira kwakanga kwaitika mafashamo akati, “Kuita basa rokuyamura kwakaita kuti ndive pedyo nehama dzangu zvandisati ndamboita.” Imwe hanzvadzi yakapiwa ruyamuro inotenda ichiti, “Ukama hwatiinahwo nehama dzedu hwakafanana zvikuru nekuva muParadhiso pasi pano.”—Verenga Zvirevo 17:17.

17. (a) Mashoko ari pana Isaya 41:13 anoshanda sei panyaya yebasa rokuyamura? (b) Taura mimwe mienzaniso inoratidza kuti basa redu rokuyamura rinokudza sei Jehovha uye kuti rinosimbisa sei kubatana kwatakaita. (Onawo bhokisi rakanzi “ Vanhu Vanozvipira Vomunyika Yose Vanoita Basa Rokuyamura.”)

17 Panosvika vashandi vokuyamura panenge paitika njodzi, hama dzedu dzinenge dzichitambudzika dzinonyatsozvionera kuti vimbiso yaMwari ndeyechokwadi yokuti: “Ini, Jehovha Mwari wako, ndakabata ruoko rwako rworudyi, Ndini ndiri kuti kwauri, ‘Usatya. Ini ndichakubatsira.’” (Isa. 41:13) Imwe hanzvadzi yakanga yapona panjodzi yakanga yaitika yakati: “Ndakanga ndisisina tariro pandaiona zvinhu zvakanga zvaparadzwa, asi Jehovha akanditambanudzira ruoko. Kubatsirwa kwandakaitwa nehama kunoshamisa.” Vamwe vakuru vaviri vaigara mune imwe nzvimbo yakaparadzwa neimwe njodzi vakanyora vachimiririra ungano dzavanopinda vachiti: “Kudengenyeka kwenyika kwakatirwadzisa, asi Jehovha akatibatsira achishandisa hama dzedu. Taimboverenga nezvebasa rokuyamura, asi iye zvino tazozvionera nemaziso edu.”

Unogonawo Kuriita Here?

18. Chii chaunofanira kuita kana uchida kuitawo basa rokuyamura? (Onawo bhokisi rakanzi “ Rakachinja Upenyu Hwake.”)

18 Unoda kumbonzwawo kuti basa rokuyamura rinonakidza sei here? Kana zvakadaro, yeuka kuti vanoita basa rokuyamura vanowanzosarudzwa pakati pevaya vanoita basa rokuvaka Dzimba dzoUmambo. Saka udza vakuru veungano yako kuti unodawo kunyorera wopiwa fomu. Mumwe mukuru agara nebasa rokuyamura anopa chiyeuchidzo ichi: “Haufaniri kuenda kunenge kwaitika njodzi kana usina kunzi uende neKomiti Yekubatsira Panoitika Njodzi.” Izvi zvichaita kuti basa redu riitwe zvakarongeka.

19. Vashandi vokuyamura vanobatsira sei pakuratidza kuti tiri vadzidzi vaKristu vechokwadi?

19 Basa rokuyamura inzira yakanakisisa yokuteerera nayo murayiro waKristu wokuti ‘tidanane.’ Kana tichiratidza rudo rwakadaro, tinoratidza kuti tiri vadzidzi vaKristu vechokwadi. (Joh. 13:34, 35) Tine chikomborero chaicho kuva nevashandi vakawanda kudaro vane chido chokukudza Jehovha nokuyamura kwavanoita vaya vanotsigira Umambo hwaMwari vakavimbika!

a Chitsauko chino chinokurukura basa rokuyamura rakaitirwa vamwe vatinonamata navo. Zvisinei, basa redu rokuyamura rinowanzobatsirawo vasiri Zvapupu.—VaG. 6:10.

b Pauro akashandisa shoko riri muuzhinji rokuti di·aʹko·nos (mushumiri) achireva “vashumiri vanoshumira.”—1 Tim. 3:12.

c Ona nyaya inoti “Kuyamura Mhuri Yedu Yavatendi muBosnia,” iri muNharireyomurindi yaNovember 1, 1994, mapeji 23-27.